Unonyatsodavira Kuti Dhiyabhorosi Munhu Chaiye
Unonyatsodavira Kuti Dhiyabhorosi Munhu Chaiye
Here?
MAGWARO anorondedzera Dhiyabhorosi somunhu chaiye. Haaoneki nevanhu sezvinongoita Mwari asingaoneki nemaziso evanhu. “Mwari Mudzimu,” rinodaro Bhaibheri. (Johani 4:24) Dhiyabhorosi chisikwa chomudzimu. Zvisinei, kusiyana noMusiki, Dhiyabhorosi ane paakatangira.
Kare kare Jehovha Mwari asati asika vanhu, akasika zvisikwa zvomudzimu zvakawanda. (Jobho 38:4, 7) MuBhaibheri zvisikwa zvomudzimu izvi zvinonzi ngirozi. (VaHebheru 1:13, 14) Mwari akazvisika zvose zvakakwana—hapana kana chimwe chaiva dhiyabhorosi kana kuti chaiva nounhu hwakaipa. Saka, Dhiyabhorosi akazovapo sei? Shoko rokuti “dhiyabhorosi” rinoreva kuti “mucheri,” zvichireva munhu anorevera vamwe nhema dzinokuvadza. “Satani” rinoreva kuti “Mudzivisi,” kana kuti mushori. Sezvo munhu aimbove akatendeka achigona kuzviita mbavha nokuba, mumwe wevana vaMwari vomudzimu vakakwana akakudziridza chishuvo chisina kururama uye akazviita Satani Dhiyabhorosi. Bhaibheri rinotsanangura kukanganisa uku richiti: “Mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake. Ipapo kuchiva pakunenge kwakura, kunobereka chivi; chiviwo pachinenge chaitwa, chinokonzera rufu.”—Jakobho 1:14, 15.
Izvi ndizvo chaizvo zvakaitika. Jehovha Mwari paakasika vanhu vaviri vokutanga, Adhamu naEvha, ngirozi yakanga yava kuda kupandukira Mwari yaiona zvaiitika. Yaiziva kuti Jehovha akarayira Adhamu naEvha kuti vazadze nyika nevanhu vakarurama, vaizonamata Musiki. (Genesisi 1:28) Ngirozi iyi yakaona kuti yaigona kukudzwa uye kukosheswa. Ichikurudzirwa nemakaro, yakachiva chinhu chakanga chakakodzera Musiki chete—kunamatwa nevanhu. Pane kuramba chishuvo chisina kukodzera chakadaro, uyu mwanakomana waMwari womudzimu akachikudziridza kusvikira chaita kuti areve nhema uye apandukire. Chimbofunga zvaakaita.
Ngirozi yakanga yapanduka yakashandisa nyoka kuti itaure nomukadzi wokutanga, Evha. Nyoka yacho yakabvunza Evha kuti: “Ichokwadi here kuti Mwari akati hamufaniri kudya miti yose yomumunda?” Evha paakataura murayiro waMwari uye zvaizoitika kana vakasauteerera, nyoka yacho yakati: “Chokwadi hamungafi. Nokuti Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya [muti uri pakati pomunda], maziso enyu achasvinudzwa uye muchava vakafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.” (Genesisi 3:1-5) Pfungwa yaakapa Adhamu naEvha ndeyokuti Mwari aiva asina kuvaudza chokwadi. Dai aizodya muchero womuti iwoyo, Evha aizova saMwari, ova nesimba rokusarudza zvakanaka nezvakaipa. Idzodzo ndidzo dzakanga dziri nhema dzokutanga. Kureva nhema kwakaita kuti ngirozi iyoyo ive mucheri. Yakavawo mushori waMwari. Saka Bhaibheri rinoti uyu muvengi waMwari i“nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani.”—Zvakazarurwa 12:9.
“Rindai”
Nhema idzo Dhiyabhorosi akaudza Evha dzakabudirira semarongero aakanga aita. Bhaibheri rinoti: “Naizvozvo mukadzi akaona kuti muti wacho wakanga wakanakira kudya uye kuti wakanga uri chimwe chinhu chinoyevedza, chokwadi, muti wacho waifadza kutarira. Naizvozvo akatanga kutora michero yawo achidya. Akazopawo murume wake paakanga ava naye, akatanga kuudya.” (Genesisi 3:6) Evha akadavira zvakataurwa naSatani achibva arega kuteerera Mwari. Akakwanisa kuita kuti Adhamu atyorewo mutemo waMwari. Saka Dhiyabhorosi akabudirira kuita kuti vanhu vaviri vokutanga vapandukire Mwari. Kubvira ipapo, Satani ave achifurira vanhu zvisingaoneki. Chinangwa chake ndechei? Ndechokutsausa vanhu pakunamata Mwari wechokwadi uye chokuti vamunamate iye. (Mateu 4:8, 9) Saka, Magwaro anonyevera nenzira yakakodzera kuti: “Svinurirai, rindai. Mhandu yenyu Dhiyabhorosi, inofamba-famba seshumba inodzvova, ichitsvaka kudya mumwe munhu.”—1 Petro 5:8.
Bhaibheri rinoratidza zviri pachena kuti Dhiyabhorosi munhu chaiye womudzimu—ngirozi yakazova yakaipa uye ine ngozi! Danho rokutanga rinokosha pakuramba takarinda nderokuziva kuti ariko zvechokwadi. Asi kusvinurira kwedu uye kuramba kwedu takarinda kunoreva zvakawanda. Zvinokoshawo kuziva “mazano” aSatani uye nzira dzaanoshandisa kutsausa nadzo vanhu. (2 VaKorinde 2:11) Mazano ake ndeapi? Uye tingaadzivisa sei?
Dhiyabhorosi Anoshandisa Zvido Zvakasikwa Zviri Muvanhu
Dhiyabhorosi ave achicherechedza vanhu kubvira pavakasikwa. Anoziva zvakaita vanhu—zvavanoda, zvavanofarira, uye zvavanoshuva. Satani anonyatsoziva kuti munhu akasikwa achida kunamata, uye nokungwara Dhiyabhorosi akashandisa izvozvo. Sei? Nokuudza vanhu nhema dzechitendero. (Johani 8:44) Dzidziso dzakawanda dzechitendero dzinotaura nezvaMwari dzinopesana uye dzinovhiringidza. Unofunga kuti izvi zvinofadza ani? Dzidziso dzinopesana hadzigoni kuva dzechokwadi dzose. Saka hazvisizvo here kuti dzidziso dzakawanda dzechitendero dzakanyatsorongwa naSatani uye anodzishandisa kutsausa vanhu? Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinotaura nezvake richiti ndi“mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino,” uyo akapofumadza pfungwa dzevanhu.—2 VaKorinde 4:4.
Chokwadi chaMwari chinodzivirira munhu kuti asanyengedzwa nechitendero. Bhaibheri VaEfeso 6:14) Kana ukaramba uchiwana zivo yeBhaibheri uye uchiita zvinoenderana nayo, kuita sokuti wakaisunga sebhandi, Shoko raMwari richakudzivirira pakutsauswa nenhema dzechitendero uye zvikanganiso.
rinofananidza chokwadi cheShoko raMwari nebhandi raisungwa nomusoja womunguva yekare kuti adzivirire chiuno chake. (Kuda kunamata kunoita vanhu kwakaita kuti vatsvake zvinhu zvavasingazivi. Izvi zvakaita kuti Satani avanyengedze nedzimwe nzira. Achishandisa kuda kuziva kunoita vanhu zvinhu zvisina kujairika uye zvinoshamisa, Satani akashandisa kudavira midzimu kuti adzore vakawanda. Somuvhimi anoshandisa chiteyeso kuti abate mhuka yaanoda, Satani anoshandisa zvinhu zvakadai sokufembera, unyanzvi hwenyeredzi, uroyi, kududzira mitsara iri mumaoko, uye kuita zvemashiripiti kuti akwezve uye anyengedze vanhu vari munyika.—Revhitiko 19:31; Pisarema 119:110.
Ungazvidzivirira sei kuti usanyengedzwa nokudavira zvemidzimu? Dheuteronomio 18:10-12 inoti: “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu anopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto, munhu anoshopera, anoita zvemashiripiti kana munhu anotenda mashura kana muroyi, kana munhu anotsinga vamwe nezvitsinga, kana anobvunza svikiro, kana vafemberi, kana anobvunza vakafa. Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanosemesa Jehovha, uye Jehovha Mwari wako achavadzinga pamberi pako nokuda kwezvinhu izvi zvinosemesa.”
Zano riri muMagwaro rakananga: Usambobatanidzwa mune zvokudavira midzimu. Zvakadini kana wave uchiita zvimwe zvine chokuita nokudavira midzimu asi iye zvino wava kuda kurega? Unogona kutevedzera muenzaniso wevaKristu vekare vaiva muguta reEfeso. Pavakagamuchira “shoko raJehovha,” rinodaro Bhaibheri, “vazhinji vevaya vaiita zvemashiripiti vakaunganidza mabhuku avo, vakaapisa pamberi pevanhu vose.” Mabhuku iwayo aidhura. Aikosha masirivha 50 000. (Mabasa 19:19, 20) Asi, vaKristu vokuEfeso havana kuzeza kuapisa.
Satani Anoshandisa Kukanganisa Kunoita Vanhu
Ngirozi yakakwana yakava Satani Dhiyabhorosi nokuti yakabvuma chishuvo chokuzvikwidziridza. Yakaitawo kuti Evha ave munhu anodada, ane udyire hwokuda kufanana naMwari. Nhasi, Satani anodzora vakawanda nokuita kuti vanzwe vachidada. Somuenzaniso, vamwe vanofunga kuti rudzi rwavo, dzinza ravo, kana kuti nyika yavo iri nani kupfuura yevamwe. Izvi zvakasiyana chaizvo nezvinodzidziswa neBhaibheri! (Mabasa 10:34, 35) Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “[Mwari] akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe chete.”—Mabasa 17:26.
Kuzvininipisa ndihwo unhu hunoshanda hungatidzivirira kuti tisadada sezvinodiwa naSatani. Bhaibheri rinotirayira kuti ‘tirege kufunga nezvedu kupfuura zvatinofanira kufunga.’ (VaRoma 12:3) “Mwari anoshora vanozvikudza,” rinodaro, “asi anoratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa kune vanozvininipisa.” (Jakobho 4:6) Imwe nzira inoshanda yokudzivisa zvinoitwa naSatani ndeyokuzvininipisa uye kuva nohumwe unhu hunotenderwa naMwari.
Dhiyabhorosi anodawo kushandisa kukanda mapfumo pasi kunoitwa nevanhu kuti vaite zvinhu zvenyama. Jehovha Mwari aida kuti vanhu vanakidzwe noupenyu. Kana munhu akaita zvaanoshuva maererano nokuda kwaMwari, zvinoguma nomufaro wechokwadi. Asi Satani anoedza vanhu kuti vagutse zvishuvo zvavo nenzira dzounzenza. (1 VaKorinde 6:9, 10) Zviri nani chaizvo kuita kuti pfungwa dzako dzirambe dzichifunga zvinhu zvakachena uye zvakarurama. (VaFiripi 4:8) Izvi zvichakubatsira kuti udzore zvakasimba pfungwa dzako nemanzwiro aunoita.
Ramba Uchirwisa Dhiyabhorosi
Ungabudirira kurwisa Dhiyabhorosi here? Hungu unogona kudaro. Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Rwisanai naDhiyabhorosi, uye iye achakutizai.” (Jakobho 4:7) Kunyange kana ukashora Satani, haazokurumidzi kukanda mapfumo pasi orega kukukonzera matambudziko paunenge uchiwana zivo yaMwari. Dhiyabhorosi achaedzazve “pane imwe nguva yakakodzera.” (Ruka 4:13) Zvisinei, haufaniri hako kutya Dhiyabhorosi. Kana ukaramba uchimurwisa, haazokwanisi kukubvisa pana Mwari wechokwadi.
Zvisinei, kurwisa Dhiyabhorosi kunoda kuti tizive kuti iye ndiani uye kuti anotsausa sei vanhu pamwe chete nokuziva zvaungaita kuti uzvidzivirire pamazano ake. Shoko raMwari Bhaibheri ndiro chete ringakupa zivo iyoyo yakarurama. Naizvozvo ramba wakasimba pachisarudzo chako chokudzidza Magwaro akafuridzirwa, uye shandisa zvaunodzidza maari muupenyu hwako. Zvapupu zvaJehovha zviri kwaunogara zvichafara kukubatsira pasina mubhadharo kuti udzidze panguva yakakunakira. Tapota usazeza kuzvinyorera kana kuti kunyorera vanobudisa magazini ino.
Sezvaunotanga kudzidza Bhaibheri, unofanira kuziva kuti Satani angaita kuti ushorwe kana kuti utambudzwe kuitira kuti urege kudzidza chokwadi chinobva muShoko raMwari. Vamwe vadiwa vako vangakutsamwira nokuti unodzidza Bhaibheri. Izvi zvingaitika nokuti havazivi chokwadi chakanaka kwazvo chiri mariri. Vamwe vangakuseka. Asi kurega nokuti watambudzwa kana kushorwa saizvozvo kunganyatsofadza Mwari here? Dhiyabhorosi anoda kukuodza mwoyo kuitira kuti urege kudzidza nezvaMwari wechokwadi. Nei uchifanira kuita kuti Satani akunde? (Mateu 10:34-39) Haana chaakakupa. Upenyu hwako hwakabva kuna Jehovha. Naizvozvo, tsunga kurwisa Dhiyabhorosi ‘wofadza mwoyo waJehovha.’—Zvirevo 27:11.
[Mufananidzo uri papeji 6]
Vaya vakava vaKristu vakapisa mabhuku avo ezvemidzimu
[Mufananidzo uri papeji 7]
Ita chisarudzo chakasimba chokudzidza Bhaibheri