Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uprofita hwaHosiya Hunotibatsira Kufamba naMwari

Uprofita hwaHosiya Hunotibatsira Kufamba naMwari

Uprofita hwaHosiya Hunotibatsira Kufamba naMwari

“Vachatevera Jehovha.”—HOSIYA 11:10.

1. Mutambo upi wokufananidzira uri mubhuku raHosiya?

UNOFARIRA mitambo ine vatambi vanonakidza nezviitiko zvinotevedzana zvinofadza here? Bhuku reBhaibheri raHosiya rine mutambo wokufananidzira. * Mutambo iwoyo unorondedzera zvinoitika mumhuri yomuprofita waMwari Hosiya uye une chokuita nokuroorana kwokufananidzira kwakaita Jehovha naIsraeri wekare achishandisa sungano yoMutemo yaMosesi.

2. Chii chinozivikanwa nezvaHosiya?

2 Zvinoitika mumutambo uyu zvakanyorwa muchitsauko chokutanga chaHosiya. Zviri pachena kuti Hosiya aigara munharaunda youmambo hwaIsraeri hwemadzinza gumi (hunonziwo Efremu, nokuti ndiro dzinza rahwo rakakura). Akaprofita paitonga madzimambo manomwe okupedzisira aIsraeri uye paitonga Madzimambo aJudha anoti Uziya, Jotamu, Ahazi, uye Hezekiya. (Hosiya 1:1) Saka Hosiya akaprofita kwemakore anenge 59. Kunyange zvazvo bhuku rine zita rake rakapera kunyorwa 745 B.C.E. ichangokwana, rinoshanda mazuva ano, mamiriyoni evanhu paari kutevera nzira yakafanotaurwa nemashoko okuti: “Vachatevera Jehovha.”—Hosiya 11:10.

Zvatinoona Muchidimbu

3, 4. Tsanangura muchidimbu kuti zvitsauko 1 kusvikira ku5 zvaHosiya zvinotaura nezvei.

3 Kuongorora muchidimbu zvitsauko 1 kusvikira ku5 zvaHosiya kuchasimbisa kutsunga kwedu kufamba naMwari nokutenda uye kutevera nzira inoenderana nokuda kwake. Kunyange zvazvo vaigara muumambo hwaIsraeri vakava nemhosva youpombwe hwezvokunamata, Mwari aizovanzwira ngoni kana vaizopfidza. Izvi zvakaratidzwa nezvakaitwa naHosiya kumudzimai wake, Gomeri. Pashure pokunge amuberekera mwana mumwe chete, zvinoita sokuti akazova nevamwe vana vaviri vakanga vasiri vaHosiya. Asi Hosiya akamugamuchira, kufanana naJehovha aida kunzwira ngoni vaIsraeri vaipfidza.—Hosiya 1:1–3:5.

4 Jehovha aifanira kutonga Israeri nokuti munyika yacho makanga musina chokwadi, mutsa worudo, kana kuti zivo yaMwari. Aizoita kuti Israeri aiita upombwe azvidavirire uye vanhu vaitonga muumambo hwaJudha hwakanga hwatsauka vazvidavirire. Zvisinei, vanhu vaMwari pavaizo“tambudzika kwazvo,” vaizotsvaka Jehovha.—Hosiya 4:1–5:15.

Mutambo Wacho Unorondedzerwa

5, 6. (a) Ufeve hwakanga hwakaparira zvakadini muumambo hwaIsraeri hwemadzinza gumi? (b) Nei nyevero yakapiwa Israeri wekare iine zvainoreva kwatiri?

5 “Enda,” Mwari akarayira Hosiya kudaro, “uwane mudzimai woufeve nevana voufeve, nokuti chokwadi nyika iri kurega kutevera Jehovha nokuda kwoufeve.” (Hosiya 1:2) Ufeve hwakanga hwakapararira zvakadini muIsraeri? Tinoudzwa kuti: “Kuda kuita ufeve kwakavadzungairisa [vanhu voumambo hwemadzinza gumi], uye havazviisi pasi paMwari wavo nokuda kwokuita ufeve. . . . Vanasikana venyu va[no]ita ufeve uye varoora venyu va[no]ita upombwe. . . . Varume, vanoenda vari voga nemahure, uye vanobayira zvibayiro pamwe chete nepfambi dzechikadzi dzepatemberi.”—Hosiya 4:12-14.

6 Ufeve chaihwo uye hwezvokunamata hwakanga hwakaparira muIsraeri. Naizvozvo Jehovha aizoita kuti vaIsraeri “vazvidavirire.” (Hosiya 1:4; 4:9) Nyevero iyi ine zvainoreva kwatiri nokuti Jehovha achaita kuti vaya vanoita unzenza uye vanonamata nenzira isina kuchena mazuva ano vazvidavirire. Asi vaya vanofamba naMwari vanoita zvaanoda zvine chokuita nokunamata kwakachena uye vanoziva kuti ‘hapana chifeve chine nhaka chero ipi zvayo muumambo hwaKristu nohwaMwari.’—VaEfeso 5:5; Jakobho 1:27.

7. Chii chaifananidzirwa nokuroorana kwaHosiya naGomeri?

7 Hosiya paakaroora Gomeri, zviri pachena kuti Gomeri aiva mhandara, uye panguva ya“akamuberekera mwanakomana” aiva mudzimai akatendeka. (Hosiya 1:3) Sezvinoratidzwa mumutambo uyu wokufananidzira, vaIsraeri vachangosunungurwa pakuva varanda muIjipiti muna 1513 B.C.E., Mwari akaitawo sungano navo yakanga yakafanana nechibvumirano chomuchato wakachena. Israeri paakabvuma kupinda musungano yacho, akavimbisa kuti aizova akatendeka “kumurume” wake, Jehovha. (Isaya 54:5) Chokwadi, uku kuroorana kwokufananidzira kwaIsraeri naMwari kwaifananidzirwa nomuchato wakachena waHosiya naGomeri. Asi zvinhu zvakachinja chaizvo!

8. Umambo hwaIsraeri hwemadzinza gumi hwakatanga sei, uye ungatii nezvokunamata kwavaiita?

8 Mudzimai waHosiya “pane imwe nguva akava nepamuviri, akabereka mwanasikana.” Musikana iyeye nomumwe mwana akazoberekwa naGomeri pave paya vangangodaro vaiva vana voupombwe. (Hosiya 1:6, 8) Sezvo Gomeri aimiririra Israeri, ungabvunza kuti, ‘Zvakafamba sei kuti Israeri ave pfambi?’ Muna 997 B.C.E., madzinza gumi aIsraeri akaparadzana nemadzinza okumaodzanyemba aJudha naBhenjamini. Vanhu vaitonga muumambo hwaIsraeri hwokuchamhembe hwemadzinza gumi vakatanga kunamata mhuru kuitira kuti vanhu vavo vasaenda kuJudha kunonamata Jehovha patemberi yake muJerusarema. Kunamata mwari wenhema Bhaari nemitambo yake younzenza husingadzoreki kwakadzika midzi muIsraeri.

9. Sezvakafanotaurwa pana Hosiya 1:6, chii chakaitika kuna Israeri?

9 Pakaberekwa mwana wechipiri waGomeri waangangodaro akaita nomumwe murume, Mwari akaudza Hosiya kuti: “Mutumidze kuti Ro-ruhama, [zvinoreva kuti “Haana Kunzwirwa Ngoni”], nokuti handizonzwirizve imba yaIsraeri ngoni, nokuti chokwadi ndichavabvisa.” (Hosiya 1:6) Jehovha ‘akavabvisa’ vaAsiriya pavakatapa vaIsraeri muna 740 B.C.E. Zvisinei, Mwari akanzwira ngoni Umambo hwaJudha hwemadzinza maviri uye haana kuvaponesa nouta, bakatwa, kurwa, mabhiza kana kuti vatasvi vemabhiza. (Hosiya 1:7) Muusiku humwe chete muna 732 B.C.E., ngirozi imwe chete yakauraya varwi vokuAsiriya 185 000 vakanga vari kutyisidzira Jerusarema, guta guru raJudha.—2 Madzimambo 19:35.

Jehovha Unotonga Israeri

10. Upombwe hwakaitwa naGomeri hwairatidza chii?

10 Gomeri akasiya Hosiya akava “mudzimai woufeve,” achigara nomumwe murume waaiita naye upombwe. Izvi zvakaratidza kuti umambo hwaIsraeri hwakapinda sei mumubatanidzwa wezvematongerwo enyika nemarudzi aiita upombwe hukatanga kuvimba nawo. Pane kutaura kuti Jehovha ndiye akanga avakomborera nezvinhu zvavaiva nazvo, vaIsraeri vakati vanamwari vemarudzi iwayo ndivo vakanga vavakomborera uye vakakanganisa sungano yokuroorana kwavo naMwari nokunamata kwenhema. Hazvishamisi kuti Jehovha akatonga rudzi urwu rwaiita upombwe hwezvokunamata!—Hosiya 1:2; 2:2, 12, 13.

11. Jehovha paakarega Israeri naJudha vachitapwa, chii chakaitika kusungano yoMutemo?

11 Israeri akapiwa chirango chei nokuda kwokusiya Murume Wake? Mwari aka“muendesa kurenje” reBhabhironi, kunyika yakakunda Asiriya, kwakanga kwaendeswa vaIsraeri vari nhapwa muna 740 B.C.E. (Hosiya 2:14) Saka Jehovha paakagumisa umambo hwemadzinza 10, haana kuputsa sungano yake yokuroorana kwaakaita norudzi rwaIsraeri rwokutanga rwemadzinza 12. Kutaura zvazviri, Mwari paakarega Jerusarema richiparadzwa nevaBhabhironi muna 607 B.C.E., akarega vanhu veJudha vachiva nhapwa, haana kuputsa sungano yoMutemo yaMosesi yakanga yashandiswa nemadzinza 12 aIsraeri kuti aroorane naye nenzira yokufananidzira. Ukama ihwohwo hwakazoputswa pashure pokunge vatungamiriri vechiJudha varamba Jesu Kristu uye vaita kuti aurayiwe muna 33 C.E.—VaKorose 2:14.

Jehovha Anorayira vaIsraeri

12, 13. Chii chinorehwa naHosiya 2:6-8, uye mashoko iwayo akashanda sei kuna Israeri?

12 Mwari akarayira vaIsraeri kuti “vabvise ufeve hwavo,” asi ivo vaida kutevera vaya vaivada kwazvo. (Hosiya 2:2, 5) “Naizvozvo,” akadaro Jehovha, “tarira ndichasosera nzira yako neminzwa; uye ndichamuvakira rusvingo rwematombo, zvokuti haazowani migwagwa yake. Achatevera vadiwa vake, asi haazovabati; achavatsvaka, asi haazovawani. Achati, ‘Ndinoda kuenda, ndidzokere kumurume wangu, iye wokutanga, nokuti panguva iyoyo ndaiva nani kupfuura zvino.’ Asi iye haana kuziva kuti ndini ndakanga ndamupa zviyo newaini inotapira nemafuta, uye kuti ndakanga ndamuwanzira sirivha, nendarama, yavakashandisira Bhaari [kana kuti, “yavakashandisa kugadzira chifananidzo chaBhaari,” Ref., mashoko omuzasi].”—Hosiya 2:6-8.

13 Kunyange zvazvo vaIsraeri vakatsvaka kubatsirwa nemarudzi ‘aivada kwazvo,’ hapana kana rumwe chete rwakagona kuvabatsira. Zvakanga zvava kuita sokuti vakapoteredzwa noruzhowa rusingapindiki, zvokuti hapana rudzi rwaikwanisa kuvabatsira. Pashure pokukombwa nevaAsiriya kwemakore matatu, Samariya, guta rayo guru, rakatorwa muna 740 B.C.E., uye umambo hwemadzinza gumi hauna kuzombovapozve. Vamwe vanhu vaiva vamwe vevaIsraeri vakatapwa bedzi ndivo vaizoona kuti zvinhu zvakanga zvakanaka sei madzibaba avo paaishumira Jehovha. Vakasara ivavo vaizoramba kunamata Bhaari uye vaizotsvaka kumutsidzira ukama hwesungano naJehovha.

Kuongororazve Mutambo Wacho

14. Zvakafamba sei kuti Hosiya atangezve kugara naGomeri somudzimai wake?

14 Kuti unyatsonzwisisa kubatana kwakaita zvaiitika mumhuri yaHosiya noukama hwaIsraeri naJehovha, funga nezvemashoko aya: “Jehovha akati kwandiri: ‘Endazve, ude mukadzi anodiwa nomumwe wako uye anoita upombwe.’” (Hosiya 3:1) Hosiya akabvuma kuita izvi paakatengazve Gomeri kumurume waakanga ava kugara naye. Pashure paizvozvo, Hosiya akarayira mudzimai wake zvakasimba achiti: “Uchagara uri wangu kwemazuva mazhinji. Usaita ufeve uye usava womumwe murume.” (Hosiya 3:2, 3) Gomeri akabvuma kurangwa, uye Hosiya akatangazve kugara naye somudzimai wake. Izvi zvakashanda sei pane zvakaitwa naMwari kuvanhu vaIsraeri nevaJudha?

15, 16. (a) Mwari aizonzwira ngoni rudzi rwake rwakarangwa kana zvaita sei? (b) Hosiya 2:18 yave ichizadzikwa sei?

15 VaIsraeri nevaJudha pavaiva nhapwa kuBhabhironi, Mwari akashandisa vaprofita vake kuti ‘vataure zvaibaya mwoyo yavo.’ Kuti vanzwirwe ngoni naMwari, vanhu vake vaifanira kupfidza vodzokera kuMurume Wavo, sokudzokera kwakaita Gomeri kumurume wake. Zvadaro Jehovha aizoita kuti rudzi rwakanga rwakaita somudzimai wake rwakanga rwabvuma kurangwa rubude mu“renje” reBhabhironi orudzosa kuJudha neJerusarema. (Hosiya 2:14, 15) Akazadzika chipikirwa ichocho muna 537 B.C.E.

16 Mwari akazadzikawo chipikirwa ichi: ‘Muzuva iroro ndichaita sungano nemhuka dzomusango nezvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nezvinhu zvinokambaira panyika, ndichaparadza uta nebakatwa nokurwa munyika yacho, uye ndichaita kuti varare pasi vakachengeteka.’ (Hosiya 2:18) Vakasara vaJudha avo vakanga vadzokera kunyika yokumusha kwavo vakagara vakachengeteka, vasingatyi mhuka. Uprofita uhwu hwakazadzikawo muna 1919 C.E., vakasara vaIsraeri womudzimu pavakasunungurwa mu“Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika yose hwezvitendero zvenhema. Iye zvino vava kugara vakachengeteka uye vari muparadhiso yezvokunamata neshamwari dzavo, dzine tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano. VaKristu vechokwadi ava havasisina unhu hwakafanana nohwemhuka.—Zvakazarurwa 14:8; Isaya 11:6-9; VaGaratiya 6:16.

Fungisisa Zvaunodzidza

17-19. (a) Unhu hupi hwaMwari hwatinokurudzirwa kutevedzera pano? (b) Tinofanira kunzwa sei nezvengoni netsitsi dzaJehovha?

17 Mwari ane ngoni uye anonzwira tsitsi, uye ndizvo zvatinofanira kuita. Ndicho chidzidzo chimwe chete chinodzidziswa nezvitsauko zvokutanga zvaHosiya. (Hosiya 1:6, 7; 2:23) Kuda kwakaita Mwari kunzwira ngoni vaIsraeri vakanga vapfidza kunoenderana nechirevo chakafuridzirwa chinoti: “Munhu anofukidza kudarika kwake haazobudiriri, asi anoreurura nokuzvisiya achanzwirwa ngoni.” (Zvirevo 28:13) Uyewo mashoko omunyori wepisarema anonyaradza vanenge vaita zvakaipa vanopfidza: “Zvibayiro kuna Mwari ndiwo mwoyo wakaputsika; haiwa Mwari, hamuzozvidzi mwoyo wakaputsika nowakapwanyika.”—Pisarema 51:17.

18 Uprofita hwaHosiya hunosimbisa kuti Mwari watinonamata anonzwira tsitsi nengoni. Kunyange kana vamwe vakatsauka panzira dzake dzakarurama, vanogona kupfidza votendeuka. Kana vakadaro, Jehovha anovagamuchira. Akanzwira ngoni vanhu vorudzi rwaIsraeri vakanga vapfidza, vaakanga aroorana navo nenzira yokufananidzira. Kunyange zvazvo vakarega kuteerera Jehovha ‘vakarwadzisa Mutsvene waIsraeri, akavanzwira ngoni uye akaramba achiyeuka kuti vakanga vari vanhu venyama.’ (Pisarema 78:38-41) Ngoni dzakadaro dzinofanira kuita kuti isu tirambe tichifamba naMwari wedu ane tsitsi, Jehovha.

19 Kunyange zvazvo zvivi zvakaita sokuponda, kuba, uye kuita upombwe zvakanga zvakapararira muIsraeri, Jehovha ‘akaudza Israeri zvaibaya mwoyo.’ (Hosiya 2:14; 4:2) Mwoyo yedu inofanira kukurudzirwa kuita chimwe chinhu uye ukama hwedu pachedu naJehovha hunofanira kusimbiswa patinofunga nezvengoni netsitsi dzake. Naizvozvo ngatizvibvunzei kuti: ‘Ndingatevedzera sei zviri nani ngoni dzaJehovha netsitsi pakubata kwandinoita nevamwe? Kana muKristu wandinonamata naye akanditsamwisa asi akakumbira ruregerero, ndakagadzirira kukanganwira sezvinoita Mwari here?’—Pisarema 86:5.

20. Taura muenzaniso unoratidza kuti tinofanira kuva nechivimbo mutariro inopiwa naMwari.

20 Mwari anopa tariro yechokwadi. Somuenzaniso, akapikira kuti: “Ndichamupa . . . bani reAkori kuti rive suo retariro.” (Hosiya 2:15) Sangano raJehovha rekare rakaita somudzimai wake raiva netariro yechokwadi yokudzorerwa kumusha kwaro, kwaiva “nebani reAkori.” Kuzadzika kwakaitwa chipikirwa ichocho muna 537 B.C.E., kunotipa chikonzero chakanaka chokuti tifarire tariro yechokwadi yatinopiwa naJehovha.

21. Zivo inotibatsira sei pakufamba naMwari?

21 Kuti tirambe tichifamba naMwari, tinofanira kuramba tichiwana zivo yake uye tichiishandisa muupenyu hwedu. VaIsraeri vakanga vasingatombozivi Jehovha. (Hosiya 4:1, 6) Asi vamwe vaikoshesa chaizvo kudzidziswa naMwari, vaiita zvinoenderana nezvavaidzidza, uye vakakomborerwa zvikuru. Hosiya aiva mumwe wavo. Ndizvo zvaiva zvakaitawo 7 000 vomuzuva raEriya vasina kupfugamira Bhaari. (1 Madzimambo 19:18; VaRoma 11:1-4) Kutenda kwatinoita mirayiridzo yaMwari kuchatibatsira kuti tirambe tichifamba naMwari.—Pisarema 119:66; Isaya 30:20, 21.

22. Tinofanira kuona sei kuramba kutenda?

22 Jehovha anotarisira kuti varume vari kutungamirira vanhu vake vasaramba kutenda. Zvisinei, Hosiya 5:1 inoti: “Inzwai, haiwa imi vapristi, teererai, haiwa imi imba yaIsraeri, nemi, haiwa imba yamambo, teererai nokuti ndimi muchatongwa; nokuti mava chiteyeso kuMizpa uye semambure akatambanudzirwa pamusoro peTabhori.” Vatungamiriri vevakaramba kutenda vaiva musungo nemambure kuvaIsraeri, vachivanyengera kuti vanamate zvidhori. Zvinoita sokuti vainamatira vanamwari venhema ivavo muGomo reTabhori nenzvimbo yainzi Mizpa.

23. Wabatsirwa sei nokudzidza kwataita zvitsauko 1 kusvikira ku5 zvaHosiya?

23 Kusvika iye zvino, uprofita hwaHosiya hwatiratidza kuti Jehovha ndiMwari ane ngoni uyo anopa tariro uye anokomborera vaya vanoshandisa mirayiridzo yake uye vasingarambi kutenda. Naizvozvo kufanana nevaIsraeri vekare vakapfidza, ngatitsvakei Jehovha tigare tichiedza kumufadza. (Hosiya 5:15) Kana tikadaro, tichakohwa zvakanaka tova nomufaro usingaenzaniswi norugare runowanikwa nevose vanofamba naMwari vakatendeka.—Pisarema 100:2; VaFiripi 4:6, 7.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Mumwe mutambo wokufananidzira uri pana VaGaratiya 4:21-26. Nezvomutambo wacho, ona Vhoriyamu 2, mapeji 693-4 ebhuku rinonzi Insight on the Scriptures, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungapindura Sei?

• Kuroorana kwakaita Hosiya naGomeri kwaifananidzirei?

• Nei Jehovha aifanira kutonga Israeri?

• Chidzidzo chipi chakubaya mwoyo chiri muzvitsauko 1 kusvikira ku5 zvaHosiya?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Unoziva here kuti mudzimai waHosiya anomiririra ani?

[Mufananidzo uri papeji 19]

Vagari vomuSamariya vakakundwa nevaAsiriya muna 740 B.C.E.

[Mufananidzo uri papeji 20]

Vanhu vanofara vanodzokera kunyika yokumusha kwavo