Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinhu Zvinoshamisa Zvakasikwa Zvinokudza Jehovha

Zvinhu Zvinoshamisa Zvakasikwa Zvinokudza Jehovha

Zvinhu Zvinoshamisa Zvakasikwa Zvinokudza Jehovha

JEHOVHA MWARI mukuru chaizvo kupfuura zvingafungidzirwa nevanhu vasina kukwana. Zvinhu zvaakasika panyika nokumatenga zvinomurumbidza uye zvinotishamisa chaizvo.—Pisarema 19:1-4.

SoMusiki uye Changamire Wezvose, chokwadi Jehovha akakodzera kuteererwa paanotaura. Asi taizoshamiswa chaizvo kudai aizotaura nesu vanhuwo zvavo vari pano panyika! Chimbofungidzira kudai aizotaura newe achishandisa ngirozi. Chokwadi waizoteerera. Mwari paakataura naJobho makore 3 500 adarika, murume akarurama iyeye anofanira kunge akanyatsoteerera. Tingadzidzei pane zvakataurwa naMwari kuna Jobho nezvenyika nematenga?

Ndiani Akaumba Nyika, uye Ndiani Anodzora Gungwa?

Ari muchamupupuri, Mwari anobvunza Jobho nezvenyika negungwa. (Jobho 38:1-11) Hapana nyanzvi yokuvaka yakasarudza kuti nyika inofanira kunge yakakura sei ichibva yazobatsira pakuisika. Achienzanisa nyika nechivako, Mwari anobvunza Jobho kuti: “Ndiani akamisa dombo rayo repakona?” Haasi munhu! Jehovha paaisika nyika ino, ngirozi, vanakomana vaMwari, vaitarira vachifara.

Gungwa mwanana chaiye kana richienzaniswa naMwari, uyo anoita seari kuripfekedza nguo. “Rakabuda sezvarinoita parinoputika richibuda muchibereko.” Zvinoita sokuti Mwari anovharira gungwa nembariro nemasuo anokiyiwa, uye mafungu anodzorwa nomwedzi nezuva.

The World Book Encyclopedia rinoti: “Mhepo ndiyo inonyanya kukonzera masaisai omunyanza, kubvira kumasandairira maduku kusvikira kumakuru anopfuura mamita 30 kuenda mudenga. . . . Kana mhepo yamira, masaisai anoramba achifamba pamusoro penyanza uye anogona kufamba madaro marefu kubva paanenge atangira. Anenge achiti chechetere uye apararira chaizvo. Pakupedzisira, masaisai anosvika pamhenderekedzo, paanoperera achipupuma.” Gungwa rinoteerera murayiro waMwari wokuti: “Ungasvika apa, asi haungapfuuri; uye mafungu ako makuru anogumira apa.”

Ndiani Anoita Kuti Kuve Mambakwedza?

Mwari anozobvunza Jobho nezvezvinoitwa nechiedza nezvimwe zvaakasika. (Jobho 38:12-18) Hapana munhu anogona kuchinja kutevedzana kunoita usiku nemasikati. Chiedza chemangwanani chinoita sechinovhenekera panyika yose, chichiita kuti vakaipa vave pachena. Vatadzi vangaita zvisina kururama mu“rima remanheru.” (Jobho 24:15, 16) Asi mambakwedza anoita kuti vatadzi vakawanda vapararire.

Chiedza chemangwanani chakaita sechidhindo chiri muruoko rwaMwari chinodhinda nyika. Chiedza chinoita kuti mavara akawanda aoneke, zvokuti pasi rinoita serakapfeka zvipfeko zvakanaka kwazvo. Haasi Jobho aikonzera zvinhu izvi uye ainge asina kumbofamba mugungwa rakadzika kuti aone uwandu hwepfuma irimo. Chokwadi, nanhasi vaongorori vanongoziva zvishomanana chete nezvezvipenyu zviri mugungwa!

Ndiani Muridzi Wematura Echando Neechimvuramabwe?

Hapana munhu akamboperekedza chiedza kana rima kumba kwaro kana kuti akapinda mumatura echando neechimvuramabwe ayo Mwari anochengetera “zuva rokurwa nerehondo.” (Jobho 38:19-23) Jehovha paakashandisa chimvuramabwe kuti chirove vavengi vake paGibhiyoni, “vakafa nechimvuramabwe vakanga vakawanda kupfuura vaya vakaurayiwa nebakatwa nevanakomana vaIsraeri.” (Joshua 10:11) Angashandisa chimvuramabwe chakakura zvisingazivikanwi kuti aparadze vanhu vakaipa vanotungamirirwa naGogi, kana kuti naSatani.—Ezekieri 38:18, 22.

Chimvuramabwe chakaenzana nemazai ehuku chakauraya vanhu 25 chikakuvadza vamwe 200 muRuwa rweHena, kuChina, muna July 2002. Nezvedutu romuna 1545, mumwe muvezi wematombo wokuItaly anonzi Benvenuto Cellini akanyora kuti: “Takanga tasara nezuva rimwe chete kuti tisvike kuLyons . . . matenga paakatanga kutinhira zvakasimba. . . . Pashure pokutinhira matenga akaita ruzha rwakakura kwazvo uye rwaityisa zvokuti ndakafunga kuti kuguma kwenyika kwasvika; naizvozvo ndakamisa bhiza rangu kwekanguva, uye panguva iyoyo pakauya chimvuramabwe chakasimba asi kusina kana donhwe remvura. . . . Chimvuramabwe chacho zvino chakanga chakura zvokuenzana nemaremoni akakura. . . . Dutu racho rakavhuvhuta kwekanguva, asi rakazopedzisira ramira . . . Takaratidzana mavanga nokukuzvuka kwatakanga taita; asi tafamba kweinenge kiromita nehafu takasvika panzvimbo yakanga yaparadzwa zvisingarondedzereki kupfuura kukuvadzwa kwatakanga taitwa. Miti yose yakanga isisina mashizha uye yaparara; mhuka dzaiva musango dzakanga dzafa; vafudzi vakawanda vakanga vafawo; takaona chimvuramabwe chakakura zvokusakwanisa kusanganisa maoko ako ari maviri wakachitenderedza.”—Autobiography (Book II, 50), Harvard Classics, Vhoriyamu 31, mapeji 352-3.

Chii chichaitika Jehovha paanovhura matura ake echando neechimvuramabwe achirwisana nevavengi vake? Havangambopukunyuki pachashandiswa chando kana kuti chimvuramabwe kuti chiite zvaanoda.

Mvura Inonaya, Dova, Mazaya Echando Nemvura Yakaita Chando Zvakasikwa Naani?

Zvadaro Jehovha anobvunza Jobho nezvemvura inonaya, dova, mazaya echando nemvura yakaita chando. (Jobho 38:24-30) Mwari ndiye Anonayisa mvura, uye anoinayisa kunyange mu“renje risina munhu wepanyika.” Mvura inonaya, mazaya echando nemvura yakaita chando hazvina baba uye hazvina kutangwa nomunhu.

Pepanhau rinonzi Nature Bulletin rinoti: “Chinhu chinonyanya kushamisa uye zvichida chinonyanya kukosha [chinoitwa nemazaya echando] ndechokuti mvura inowanda painova chando . . . Gumbeze remazaya echando rinoumbwa uye rinoyangarara pamusoro pedziva munguva yechando rinoita kuti zvinhu zvinomera mumvura nemhuka dzinogara mumvura (dzakaita sehove nedzimwewo) dzirambe dzichirarama dziri pasi pemvura. Kudai . . . mvura yaibatana yorema painenge ichioma kuita chando, mazaya echando aizorema kupfuura mvura onyura. Mamwe mazaya echando aizoumbwa pamusoro pemvura kusvikira dziva rose raoma kuita chando. . . . Munzvimbo dzinotonhora dzenyika, nzizi, madziva, nyanza kunyange makungwa zvose zvaizooma kuita chando.”

Tinofanira kuonga chaizvo kuti madziva emvura haaomi kuita chando! Uye zvechokwadi tinotenda kuti sezvinhu zvakasikwa naJehovha, mvura nedova zvinoita kuti zvinomera panyika zvikure.

Ndiani Akaita Mirau Yokumatenga?

Mwari anozobvunza Jobho nezvematenga. (Jobho 38:31-33) Boka renyeredzi reKima rinowanzozivikanwa sePleiades iboka rine nyeredzi huru nomwe uye duku dzinoverengeka dziri kure nedaro rokuti chiedza chinobva kuzuva chaizotora makore 380 kuti chisvike ikoko. Munhu haagoni ku“sunga zvakasimba zvisungo zveboka renyeredzi reKima,” kusunganidza boka iroro kuti rive sumbu rimwe chete. Hapana munhu anogona ku“sunungura tambo dzeboka renyeredzi reKesiri,” rinowanzozivikanwa seboka renyeredzi rinonzi Orion. Kunyange zvazvo tisingazivi kuti mapoka enyeredzi aakatumidza kuti Mazaroti neAshi ava kunzi chii, munhu haagoni kuadzora uye kuatungamirira. Vanhu havagoni kuchinja “mirau yokumatenga,” mitemo inodzora zvose zvakasikwa.

Mwari ndiye akaita mitemo inotungamirira zvinhu zvakasikwa zvokumatenga, inochinja mamiriro okunze panyika, mafungu, mhepo yokufema, uye kuvapo kwezvinhu zvipenyu zviri panyika ino. Chimbofunga nezvezuva. Nezvaro, The Encyclopedia Americana (rakanyorwa muna 1996) rinoti: “Mwaranzi yezuva inoita kuti panyika padziye uye pave nechiedza, inoita kuti zvinomera zvikure, inoita kuti mvura isimuke mumakungwa uye mune mamwe madziva ichidzokera mudenga, ine zvainoitawo kuti mhepo ivepo, uye inoita zvimwe zvinhu zvakawanda zvinokosha zvinoita kuti panyika pave noupenyu.” Bhuku iroro rinoti: “Kuti unzwisise kuti zuva rine simba rakakura sei, unofanira kungofunga kuti simba rose riri mumhepo uye mumadhamu nomunzizi uye simba rose riri muzvinhu zvakasikwa zvakadai sehuni, marasha, uye mafuta rinongova simba rinobva muzuva rakachengetwa nenyika duku [pasi] iri makiromita anenge mamiriyoni 150 kubva kuzuva.”

Ndiani Akaisa Uchenjeri Mumakore?

Jehovha anoudza Jobho kuti afunge nezvemakore. (Jobho 38:34-38) Munhu haagoni kurayira gore rimwe chete kuti rivepo uye kuti rinayise mvura yaro. Asi vanhu vanotomirira urongwa hwakaitwa noMusiki hwokutenderera kwemvura!

Chii chinonzi urongwa hwokutenderera kwemvura? Rimwe bhuku rinoti: “Urongwa hwokutenderera kwemvura hune matanho mana: kuchengetwa kunoitwa mvura, kusimuka kwainoita, kuumbwa kwainoitwa, uye kuyerera kwainozoita. Mvura ingambochengetwa kwekanguva muvhu; mumakungwa, munyanza, munzizi; uye musinou nomumazaya echando. Inosimuka ichibva panyika, youmba makore, yonaya panyika semvura (mvura kana kuti sinou), uye pakupedzisira inoyerera ichipinda mumakungwa kana kuti inosimukazve. Inenge mvura yose iri panyika yakapfuura nomuurongwa uhwu hwokutenderera kwemvura kasingaverengeki.”—Microsoft Encarta Reference Library 2005.

Makore akazara mvura akaita sezvirongo zvemvura zvokudenga. Jehovha paanoadurura, anganayisa mvura yakawanda kwazvo zvokuti guruva rinova madhaka uye mavhinga anobatana. Mwari anogona kunayisa mvura kana kuti kuita kuti isanaya.—Jakobho 5:17, 18.

Kazhinji mvura inonaya iine mheni, asi hapana munhu anogona kuita kuti mheni iite zvaanoda. Mheni dzinonzi dzinotaura naMwari dzichiti, “Tiri pano!” Compton’s Encyclopedia rinoti: “Mheni inoita kuti zvimwe zvinhu zviri mumhepo zvibatane. Mheni painorova, inokonzera kupisa chaizvo kunobatanidza nitrogen neoxygen kuti iumbe fotereza nezvimwewo zvinhu. Zvinhu izvi zvinouya paNyika mvura painonaya. Nenzira iyi mamiriro okunze anogona kuramba achibatsira kuwedzera zvokudya muivhu rinofanira kumera zvinomera.” Vanhu havasati vava kunzwisisa mheni asi Mwari anoinzwisisa.

Zvinhu Zvinoshamisa Zvakasikwa Zvinorumbidza Mwari

Zvinhu zvinoshamisa zvakasikwa zvechokwadi zvinokudza Musiki wezvinhu zvose. (Zvakazarurwa 4:11) Jobho anofanira kunge akashamiswa chaizvo nemashoko aJehovha nezvepasi uye zvisikwa zvakasiyana-siyana zviri muchadenga!

Zvinhu zvinoshamisa zvakasikwa zvatakurukura handizvo zvoga zviriko pamibvunzo yakabvunzwa Jobho uye zvaakaudzwa. Asi, kunyange izvi zvatakurukura zvinoita kuti tishamisike tichiti: “Ona! Mwari akakwirira kupfuura zvatingaziva.”—Jobho 36:26.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 14]

Zaya rechando: snowcrystals.net

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 15]

Pleiades: NASA, ESA uye AURA/Caltech; hove: U.S. Fish & Wildlife Service, Washington, D.C./William W. Hartley