Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Amagedhoni—Mavambo Anofadza

Amagedhoni—Mavambo Anofadza

Amagedhoni—Mavambo Anofadza

SHOKO rokuti “Amagedhoni” rinobva pashoko rechiHebheru rokuti “Ha–Magedhoni,” kana kuti “Gomo reMegidho.” Rinowanikwa pana Zvakazarurwa 16:16, panoti: “Kwakavaunganidzira kunzvimbo inonzi Ha-Magedhoni muchiHebheru.” Ndivanaani vanounganidzirwa paAmagedhoni, uye nei? Ndima mbiri tisati tasvika apa, pana Zvakazarurwa 16:14, tinoverenga kuti: “Madzimambo enyika yose inogarwa” anounganidzirwa “kuhondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.” Zvinotarisirwa kuti mashoko iwayo anomutsa mimwe mibvunzo inonakidza zvikuru. “Madzimambo” aya anorwira kupi? Anorwira chii, uye anorwa naani? Sezvinofungwa nevazhinji, achashandisa zvombo zvinoparadza zvinhu zvakawanda here? Pane vachapona here paAmagedhoni? Regai Bhaibheri ripindure.

Kutaura nezve“Gomo reMegidho” kunoreva here kuti Amagedhoni icharwirwa pane rimwe gomo kuMiddle East? Aiwa. Kutanga, hakuna gomo rakadaro—panzvimbo yeguta rekare reMegidho panongova nomurwi wakakwirira anenge mamita 20 mubani riri pedyo. Uyezve, nzvimbo yakapoteredza Megidho haikwani kuti “madzimambo enyika nemauto avo” vose vavepo. (Zvakazarurwa 19:19) Zvisinei, Megidho yaiva nzvimbo yairwirwa hondo dzaityisa uye dzaikosha zvikuru munhoroondo yokuMiddle East. Saka, zita rokuti Amagedhoni rinoreva hondo inokosha, pachingova nomunhu mumwe anokunda zvechokwadi.—Ona bhokisi rinoti “Megidho—Chiratidzo Chakakodzera,” riri papeji 5.

Amagedhoni haigoni kungova hondowo zvayo inorwiwa nenyika dzepasi pano, sezvo Zvakazarurwa 16:14 ichiti “madzimambo enyika yose inogarwa” anobatana oumba boka rimwe rinorwisa pa“hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.” Muuprofita hwake hwakafuridzirwa, Jeremiya akati “vaya vachaurayiwa naJehovha” vachapararira “kubvira kumugumo wenyika kusvikira kune mumwe mugumo wenyika.” (Jeremiya 25:33) Saka, Amagedhoni haisi hondo yevanhu inongorwirwa chete pane imwe nzvimbo kuMiddle East. Ihondo yaJehovha, uye icharwiwa pasi pose.

Zvisinei, ona kuti pana Zvakazarurwa 16:16, Amagedhoni inonzi “nzvimbo.” MuBhaibheri “nzvimbo” inogona kureva mamiriro ezvinhu—munyaya ino, nyika yose ichabatana mukushora kwainoita Jehovha. (Zvakazarurwa 12:6, 14) PaAmagedhoni nyika dzose dzepasi pano dzichabatana kuti dzirwe ne“mauto akanga ari kudenga” achitungamirirwa na“Mambo wemadzimambo naShe wemadzishe,” Jesu Kristu.—Zvakazarurwa 19:14, 16.

Zvakadini nezvinotaurwa zvokuti Amagedhoni ichareva kuparadza kukuru kunosanganisira zvombo zvinoparadza zvinhu zvakawanda kana kuti kubonderana kwezvinhu zvokudenga? Mwari ane rudo angabvumira kuti vanhu nomusha wavo, kureva nyika, vagume nenzira inotyisa zvakadaro here? Aiwa. Anotaura zvakananga kuti haana ‘kungosikira nyika pasina’ asi “akaiumba kuti igarwe.” (Isaya 45:18; Pisarema 96:10) PaAmagedhoni, Jehovha haazoparadzi nyika yedu nomoto. Asi, ‘achaparadza vaya vanoparadza nyika.’—Zvakazarurwa 11:18.

Amagedhoni—Rini?

Kwemazana emakore, mubvunzo unoda kupindurwa nokukurumidza wave uchiita kuti vanhu vafungidzire zvisingaperi ndewokuti, Amagedhoni ichauya rini? Kuongorora bhuku raZvakazarurwa maererano nezvinotaurwa nezvimwe zvikamu zveBhaibheri kunogona kutibatsira kuziva nguva ichaitika hondo iyi inokosha kwazvo. Zvakazarurwa 16:15 inoti Amagedhoni ine chokuita nokuuya kwaJesu sembavha. Mufananidzo iwoyo unoshandiswawo naJesu paanotsanangura kuuya kwake kuzotonga mamiriro ezvinhu epanguva ino.—Mateu 24:43, 44; 1 VaTesaronika 5:2.

Sezvinoratidzwa nokuzadzika kwouprofita hweBhaibheri, kubvira muna 1914 tave tichirarama mumazuva okupedzisira emamiriro ezvinhu epanguva ino. * Kwakanzi naJesu “kutambudzika kukuru” ndiko kucharatidza chikamu chokupedzisira chemazuva okupedzisira. Bhaibheri haritauri kuti nguva iyoyo ichange yakareba zvakadini, asi njodzi dzichaitika panguva yacho dzichange dzakaipa pane dzose dzati dzamboitika munyika. Kutambudzika kukuru ikoko kuchaguma paAmagedhoni.—Mateu 24:21, 29.

Sezvo Amagedhoni iri “hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose,” vanhu havana chavangagona kuita kuti vaisundire mberi. Jehovha akaronga “nguva yakatarwa” yokuti hondo iyoyo itange. ‘Haizononoki.’—Habhakuki 2:3.

Mwari Akarurama Anorwa Hondo Yakarurama

Zvisinei, nei Mwari achirwa hondo pasi pose? Amagedhoni ine chokuita zvikuru nohumwe unhu hwake hukuru, kururamisira. Bhaibheri rinoti: “Jehovha anoda kururamisira.” (Pisarema 37:28) Akaona mabasa ose okusaruramisira aiitwa kubvira pakatangira vanhu. Zviri pachena kuti izvi zvinomutsa hasha dzake dzakarurama. Saka, akagadza Mwanakomana wake kuti arwe hondo yakarurama kuitira kuti aparadze mamiriro ezvinhu ose akaipa epanguva ino.

Jehovha chete ndiye anogona kurwa hondo yakanyatsorurama uye inongonanga vaya vakakodzera kuparadzwa pachachengetedzwa vanhu vane mwoyo yakarurama, chero kwavangava munyika ino. (Mateu 24:40, 41; Zvakazarurwa 7:9, 10, 13, 14) Uye iye chete ndiye ane kodzero yokutonga nyika yose, nokuti ndiye akaisika.—Zvakazarurwa 4:11.

Jehovha achashandisa chii kurwisa vavengi vake? Hatizivi. Tinongoziva kuti ane zvokushandisa kuti aparadze zvachose marudzi akaipa. (Jobho 38:22, 23; Zefaniya 1:15-18) Zvisinei, vanamati vaMwari vari munyika ino havasi kuzorwa muhondo yacho. Zvakaratidzwa zviri muchitsauko 19 chaZvakazarurwa zvinoratidza kuti mauto okudenga chete ndiwo achabatana naJesu Kristu muhondo yacho. Hapana mumwe wevashumiri vaJehovha vechiKristu ari munyika ino acharwa.—2 Makoronike 20:15, 17.

Mwari Akachenjera Anonyevera Zvakakwana

Zvakadini nevachapona? Chokwadi, hapana munhu anoda kuparara paAmagedhoni. Muapostora Petro akati: “Jehovha . . . hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Petro 3:9) Uye muapostora Pauro akati Mwari “anoda kuti vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.”—1 Timoti 2:4.

Kuti aite izvozvo, Jehovha nokuchenjera akava nechokwadi chokuti “mashoko akanaka oumambo” ari kuparidzwa pasi pose, mumazana emitauro. Vanhu kwose kwose vari kupiwa mukana wokupukunyuka uye wokupona. (Mateu 24:14; Pisarema 37:34; VaFiripi 2:12) Vaya vanobvuma mashoko akanaka vangapona paAmagedhoni vorarama nokusingaperi vakakwana muparadhiso munyika ino. (Ezekieri 18:23, 32; Zefaniya 2:3; VaRoma 10:13) Handizvo here zvaungatarisira kuna Mwari ari rudo?—1 Johani 4:8.

Mwari Ane Rudo Angarwa Here?

Zvisinei, vakawanda vanonetseka kuti nei Mwari ari muenzaniso chaiwo worudo angakonzera rufu uye angaparadza vanhu vakawanda. Mamiriro acho ezvinhu angaenzaniswa neimba ine tsikidzi. Haungabvumi here kuti muridzi wemba ane hanya anofanira kuchengetedza utano uye kugara zvakanaka kwemhuri yake nokuuraya tsikidzi dzacho?

Saizvozvowo, hondo yeAmagedhoni icharwiwa pamusana pokuti Jehovha anoda vanhu zvikuru. Chinangwa chaMwari ndechokuita kuti nyika ive paradhiso uye kuita kuti vanhu vave vakakwana uye vane rugare, ‘pasina angazovadederesa.’ (Mika 4:3, 4; Zvakazarurwa 21:4) Saka, chii chinofanira kuitwa kune vaya vanotyisidzira rugare nokuchengeteka zvevamwe vanhu? Mwari anofanira kubvisa “tsikidzi” dzakadaro—vanhu vakaipa zvokuti havabatsiriki—kuitira vaya vakarurama.—2 VaTesaronika 1:8, 9; Zvakazarurwa 21:8.

Kurwisana uye kuteurwa kweropa kwakawanda nhasi kunokonzerwa nokutonga kwevanhu vasina kukwana uye kuita zvoudyire zvinodiwa nenyika dzavo. (Muparidzi 8:9) Dzichiedza kuwedzera simba radzo, hurumende dzevanhu dzinozvidza zvachose Umambo hwaMwari hwakagadzwa. Hapana chinoratidza kuti dzichasiyira Mwari naKristu kutonga kwadzo. (Pisarema 2:1-9) Saka hurumende dzakadaro dzinofanira kubviswa kuti pave nokutonga kwakarurama kwoUmambo hwaJehovha achishandisa Kristu. (Dhanieri 2:44) Amagedhoni inofanira kurwiwa kuitira kupedza zvachose nyaya yokuti ndiani ane kodzero yokutonga nyika ino uye yokutonga vanhu.

Kupindira kwaJehovha nesimba paAmagedhoni kuchabatsira vanhu. Pasinei nokuipa kwemamiriro ezvinhu enyika, kutonga kwaMwari kwakakwana chete ndiko kuchanyatsogutsa zvinodiwa nevanhu. Umambo hwake bedzi ndihwo huchaita kuti pave norugare rwechokwadi nokubudirira. Mamiriro ezvinhu enyika aizova akadini kudai Mwari aisazopindira zvachose? Ruvengo, chisimba, uye hondo zvaisazoramba zvichitambudza vanhu here sezvazvave zvichiita mumazana ose emakore okutonga kwevanhu? Chokwadi hondo yeAmagedhoni ndechimwe chinhu chakanakisisa chinonyatsotibatsira!—Ruka 18:7, 8; 2 Petro 3:13.

Hondo Inogumisa Hondo Dzose

Amagedhoni ichaita chimwe chinhu chisina kumboitwa neimwe hondo chero ipi zvayo—kugumisa hondo dzose. Ndiani asingashuvi zuva apo hondo inenge yava chinhu chomunguva yakapfuura? Zvisinei, zvose zvinoedza kuitwa nevanhu zvatadza kugumisa hondo. Kuramba kwevanhu vachitadza kugumisa hondo kwakadaro kunongosimbisa chokwadi chemashoko aJeremiya okuti: “Haiwa Jehovha, ndinonyatsoziva kuti nzira yomunhu wepanyika haisi yake. Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jeremiya 10:23) Pamusoro pezvichaitwa naJehovha, Bhaibheri rinopikira kuti: “Anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika. Anotyora uta uye anogura-gura pfumo; anopisa ngoro nomoto.”—Pisarema 46:8, 9.

Sezvo nyika dzichashandisirana zvombo zvadzo zvinouraya uye dzichityisidzira kuparadza zvinhu zvakapoteredza, Musiki wenyika achaita chimwe chinhu paAmagedhoni inotaurwa muBhaibheri! (Zvakazarurwa 11:18) Saka, hondo iyi ichaita zvaigona kutarisirwa bedzi kwemakore akawanda nevanhu vanotya Mwari. Ichareverera kuti Muridzi wenyika, Jehovha Mwari, ndiye akakodzera kutonga zvisikwa zvake zvose.

Saka, Amagedhoni haifaniri kutyiwa nevanhu vanoda kururama. Asi, inopa tariro. Hondo yeAmagedhoni ichabvisa uori nouipi hwose panyika yozarura mukana wemamiriro ezvinhu matsva akarurama pasi pokutonga kwoUmambo hwaMwari hunotongwa naMesiya. (Isaya 11:4, 5) Pane kuva mugumo une njodzi unotyisa, Amagedhoni icharatidza mavambo anofadza kuvanhu vakarurama, vachagara nokusingaperi muparadhiso munyika ino.—Pisarema 37:29.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Ona bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, chitsauko 11, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 5]

MEGIDHO—CHIRATIDZO CHAKAKODZERA

Guta rekare reMegidho raiva panzvimbo yaikosha zvikuru, rakafuratira kumadokero kwoMupata weJezreeri wakaorera, nechokuchamhembe kweIsraeri. Raidzora nzira dzezvokutengeserana dzenyika dzakawanda uye dzechiuto dzaisangana imomo. Saka, guta reMegidho rakava nzvimbo yairwirwa hondo dzinokosha. Mubhuku rake rinonzi Cities of the Biblical World—Megiddo, Purofesa Graham Davies anonyora kuti: “Guta reMegidho . . . raiva nyore kuti vezvokutengeserana uye vanhu vaibva kumativi ose vasvike; asiwo kana raiva nesimba rakakwana, raigona kudzora vanhu vaisvika pariri richishandisa nzira idzi robva ratungamirira zvokutengeserana uye hondo. Saka hazvishamisi kuti raiva . . . mubayiro waiwanzorwirwa uye kana wahwinwa waidzivirirwa zvakasimba.”

Nhoorondo yekare yeguta reMegidho yakatanga mumireniyamu yechipiri B.C.E. mutongi weIjipiti Thutmose III paakakunda vatongi veKenani ikoko. Yakaenderera mberi kwemazana emakore kusvika muna 1918 apo Mukuru mukuru wokuBritain Edmund Allenby akakunda uto reTurkey zvinorwadza. Mwari akaita kuti Mutongi Bheraki arakashe Mambo weKenani Jabhini paMegidho. (Vatongi 4:12-24; 5:19, 20) Mutongi Gidhiyoni akakunda vaMidhiyani munzvimbo iyoyo. (Vatongi 7:1-22) Uyewo Mambo Ahaziya naJosiya vakaurayirwa munzvimbo iyoyo.—2 Madzimambo 9:27; 23:29, 30.

Saka zvakakodzera kutaura nezveAmagedhoni tichifunga nezvenzvimbo iyoyo, sezvo yaiva nzvimbo yairwirwa hondo dzakawanda dzinokosha. Ichi chiratidzo chakakodzera chokukunda kwaMwari kwakakwana mauto ose anorwisa.

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Pasi pose, vanhu vari kunyeverwa uye vari kupiwa mukana wokupona paAmagedhoni

[Mufananidzo uri papeji 7]

Amagedhoni icharatidza mavambo anofadza