Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuva Vashumiri Vanofambira Mberi Uye Vanochinja-chinja

Kuva Vashumiri Vanofambira Mberi Uye Vanochinja-chinja

Kuva Vashumiri Vanofambira Mberi Uye Vanochinja-chinja

“Ndakava zvinhu zvose kuvanhu vemarudzi ose, kuti ndiponese vamwe nenzira dzose.”—1 VAKORINDE 9:22.

1, 2. (a) Muapostora Pauro aiva mushumiri anobudirira munzira dzipi? (b) Pauro akarondedzera sei maonero aaiita basa rake?

AINZWA akasununguka zvake paaiva nevanhu vakangwara vane ruzivo uye nevagadziri vematende vakaderera. Ainyengetedza vanhu vairemekedzwa veRoma uye vanhuwo zvavo vokuFrijiya. Zvaainyora zvaikurudzira vaGiriki vaiva norupo uye vaJudha vaikoshesa tsika. Zvaaitaura zvaisarambika uye zvaibata pfungwa zvakasimba. Aiedza kuwana zvinhu zvaaibvumirana nevanhu vose kuitira kuti aite kuti vamwe vatende muna Kristu.—Mabasa 20:21.

2 Murume wacho aiva muapostora Pauro, pasina mubvunzo mushumiri aibudirira uye aifambira mberi. (1 Timoti 1:12) Jesu akamupa basa rokuti “aende nezita [raKristu] kune mamwe marudzi nokumadzimambo nevanakomana vaIsraeri.” (Mabasa 9:15) Aiona sei basa iri? Akazivisa kuti: “Ndakava zvinhu zvose kuvanhu vemarudzi ose, kuti ndiponese vamwe nenzira dzose. Asi ndinoita zvinhu zvose nokuda kwemashoko akanaka, kuti ndiagoverane navo.” (1 VaKorinde 9:19-23) Tingadzidzei pamuenzaniso waPauro zvingatibatsira kubudirira zvikuru mukuparidzira nokudzidzisa kwedu?

Murume Akanga Achinja Akabudirira Mubasa Rakaoma

3. Pauro aiona sei vaKristu asati atendeuka?

3 Pauro akagara ari munhu aishivirira, aiva nehanya, akakodzera basa raakapiwa here? Kwete! Kunyanyisa mune zvechitendero kwakanga kwaita kuti Sauro (sokuzivikanwa kwaimboitwa Pauro) ave munhu aitambudza noutsinye vateveri vaKristu. Paaiva jaya, akabvumira kuti Stefani apondwe. Pashure pacho, Pauro akanga ava kuvhima vaKristu zvine utsinye. (Mabasa 7:58; 8:1, 3; 1 Timoti 1:13) Akaramba aine shungu “dzokutyisidzira nokuponda vadzidzi vaShe.” Asingagutsikani nokutevera vatendi muJerusarema chete, akatanga kuita kuti ruvengo rwake rwupararire kusvika kure kuchamhembe kweDhamasiko.—Mabasa 9:1, 2.

4. Pauro aifanira kuchinja chii kuti aite basa rake?

4 Zvimwe chainyanya kuita kuti Pauro avenge chiKristu zvikuru kwaiva kufunga kuti kutenda kutsva kwaizokanganisa chiJudha nokuchivhenganisa nepfungwa dzisiri dzechiJudha, dzakanga dzisingadiwi. Chokwadi, Pauro aiva “muFarisi,” zita rinoreva kuti “akasiyana nevamwe.” (Mabasa 23:6) Fungidzira kuti Pauro anofanira kuva akashamisika sei paakaziva kuti Mwari akanga amusarudza kuti anoparidzira nezvaKristu kune Mamwe Marudzi—pavanhu vose zvavo! (Mabasa 22:14, 15; 26:16-18) Ingawani vaFarisi vairamba kunyange kudya nevaya vavaifunga kuti vatadzi! (Ruka 7:36-39) Hapana mubvunzo kuti zvaida kuti ashande nesimba zvikuru kuti achinje mafungiro ake ofunga maererano nezvinoda Mwari zvokuti vanhu vemarudzi ose vanofanira kuponeswa.—VaGaratiya 1:13-17.

5. Tingatevedzera sei Pauro muushumiri hwedu?

5 Isu tingafanira kuitawo saizvozvo. Zvatinoramba tichisangana nevanhu vakasiyana-siyana mundima yedu ine marudzi akawanda, ine mitauro yakasiyana-siyana, tinofanira kuedza nemwoyo wose kuongorora maonero edu torega kusarura chero kupi zvako. (VaEfeso 4:22-24) Tingave tichiziva kana kuti kwete, nzira yatakarerwa nayo uye dzidzo yedu zvine zvazvinoita mumararamiro edu. Izvi zvingaita kuti tive nemaonero uye mafungiro akaipa, okusarura, uye okusachinja. Tinofanira kukurira mafungiro akadaro kana tichizobudirira kuwana uye kubatsira vanhu vakaita semakwai. (VaRoma 15:7) Izvozvo ndizvo zvakaitwa naPauro. Akabvuma basa rakaoma rokuwedzera ushumiri hwake. Achikurudzirwa norudo, akakudziridza unyanzvi hwokudzidzisa hwakakodzera kutevedzera. Zvechokwadi, kuongorora ushumiri hwo“muapostora kune mamwe marudzi” kunoratidza kuti aiva nehanya, aichinja-chinja, uye aiva nounyanzvi mukuparidzira nokudzidzisa. *VaRoma 11:13.

Kuchinja-chinja Kwaiita Pauro Maererano Nemamiriro Ezvinhu

6. Pauro aiva sei nehanya nemamiriro ezvinhu evateereri vake, uye zvakaguma nei?

6 Pauro aiva nehanya nezvaitendwa nevateereri vake uye mamiriro avo ezvinhu. Paaitaura naMambo Agiripa II, Pauro akabvuma kuti mambo wacho aiva “nyanzvi patsika dzose nenharo dziri pakati pevaJudha.” Saka akashandisa nounyanzvi zvaaiziva pamusoro pezvaitendwa naAgiripa achibva akurukura naye nyaya dzainzwisiswa zvikuru namambo wacho. Kukurukura kwaPauro kwakajeka uye kune chivimbo kwakaita kuti Agiripa ati: “Nenguva pfupi ungatondinyengetedza kuva muKristu.”—Mabasa 26:2, 3, 27, 28.

7. Pauro akaratidza sei kuti aichinja-chinja paaiparidzira mhomho yevanhu vaiva muRistra?

7 Pauro aivawo munhu anochinja-chinja. Ona kuti mharidzo yake yakanga yakasiyana zvakadini paaiedza kuita kuti mhomho yevanhu yaiva muguta reRistra irege kunamata iye naBhanabhasi savanamwari. Zvave zvichinzi vanhu ava, vaitaura mutauro wokuRikaoniya, vaiva vamwe vevanhu vakanga vasina kunyanya kudzidza uye vaidavira mashura. Maererano naMabasa 14:14-18, Pauro akataura kuti zvinhu zvakasikwa uye zvimwe zvinhu zvakawanda zvaipupurira ukuru hwaMwari wechokwadi. Zvaaitaura zvaiva nyore kuteerera, uye zviri pachena kuti ‘zvaiita kuti mapoka evanhu arege kubayira zvibayiro’ kuna Pauro naBhanabhasi.

8. Pauro akaratidza munzira dzipi kuti aichinja-chinja pasinei nokuti aimbotsamwa pane dzimwe nguva?

8 Chokwadi, Pauro akanga asina kukwana, uye dzimwe nguva aitsamwa zvikuru pamusoro pezvimwe zvinhu. Somuenzaniso, pane imwe nguva paakarohwa zvinonyadzisa uye zvisina kururamisira, akatuka mumwe muJudha ainzi Ananiyasi. Asi paakaudzwa kuti akanga atuka mupristi mukuru asingazivi, akakumbira ruregerero pakarepo. (Mabasa 23:1-5) MuAtene, pakutanga ‘akashatiriswa paakaona kuti guta rakanga rakazara nezvidhori.’ Asi, pane zvaakataura ari paChikomo cheMars, Pauro akaratidza kuti akanga asina kushatirwa saizvozvo. Pane kudaro, akataura kuvanhu veAtene panzvimbo yavaiungana, achitaura nezvechinhu chavaibvumirana nokutaura nezveatari yavo kuti “Kuna Mwari Asingazivikanwi” uye kutaura mumwe wevadetembi vavo.—Mabasa 17:16-28.

9. Pauro akaratidza sei kuti aiva nounyanzvi paaitaura nevateereri vakasiyana-siyana?

9 Paaitaura nevateereri vakasiyana-siyana, Pauro akabata nemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana nenzira younyanzvi. Aifunga nezvetsika uye mamiriro ezvinhu aiita kuti vateereri vake vave nemafungiro avaiva nawo. Paakanyorera vaKristu vokuRoma, ainyatsoziva kuti vaigara muguta guru raitongwa nehurumende yaiva nesimba zvikuru yomuzuva iroro. Pfungwa huru yetsamba yaPauro yaakanyorera vaKristu vokuRoma yaiva yokuti simba rechivi chaAdhamu chouori rinokurirwa nesimba raKristu rokudzikinura. Akataura nevaKristu vokuRoma nevaya vavaigara navo mumutauro waizofadza mwoyo yavo.—VaRoma 1:4; 5:14, 15.

10, 11. Pauro aichinja sei mifananidzo yake kuti ienderane nevateereri vake? (Onawo mashoko omuzasi.)

10 Pauro akaitei paaida kutsanangurira vateereri vake chokwadi cheBhaibheri chakadzama? Muapostora wacho aiva nounyanzvi pakushandisa mifananidzo inozivikanwa, iri nyore kunzwisisa kuti ajekese pfungwa dzakaoma dzeMagwaro. Somuenzaniso, Pauro aiziva kuti vanhu vokuRoma vainyatsoziva nezvokubata vanhu sevaranda muUmambo hwose hweRoma. Chokwadi, vanhu vakawanda vaainyorera vangangodaro vaiva varanda. Saka Pauro akashandisa uranda somuenzaniso kuti asimbise kutaura kwake kwakasimba nezvechisarudzo chomunhu chokuzviisa pasi pechivi kana kuti pokururama.—VaRoma 6:16-20.

11 Rimwe bhuku rinoti, “PavaRoma, muridzi aigona kusunungura muranda pasina chaaida kwaari, kana kuti muranda aigona kutenga rusununguko rwake nokubhadhara muridzi wake. Aigonawo kusunungurwa kana aizopiwa kune mumwe mwari.” Muranda aiva asunungurwa aigona kuramba achishandira tenzi wake achibhadharwa. Zvimwe Pauro akataura nezveizvi paakanyora nezvechisarudzo chomunhu chokuti oteerera tenzi upi—chivi kana kururama. VaKristu vokuRoma vakanga vasunungurwa pachivi uye panguva ino vakanga vava vanhu vaMwari. Vaiva vasunungurwa kuti vashumire Mwari, asi vakanga vachiri kukwanisa kusarudza kushumira chivi—aimbova tenzi wavo—kana vaida havo. Mufananidzo iwoyo uri nyore asi unozivikanwa zvikuru ungaita kuti vaKristu vaya vokuRoma vazvibvunze kuti, ‘Ndiri kushumira tenzi upi?’ *

Kudzidza Pamuenzaniso waPauro

12, 13. (a) Chii chinodiwa nhasi kuti tibaye mwoyo yevateereri vedu vakasiyana-siyana? (b) Chii chawakaona kuti chinobudirira pakuparidzira vanhu vane mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana?

12 Kufanana naPauro, tinofanira kuva vane hanya, vanochinja-chinja, uye vane unyanzvi kuti tibaye mwoyo yevateereri vedu vakasiyana-siyana. Kuti tibatsire vateereri vedu kunzwisisa mashoko akanaka, hatidi kungovashanyira zvechipameso, tovaudza mashoko akagadzirirwa, kana kuti kuvasiyira mabhuku eBhaibheri. Tinoedza kunzwisisa zvavanoda uye zvinovanetsa, zvavanofarira nezvavasingafariri, uye zvavanotya uye kufungira zvinhu zvakaipa kwavanoita. Kunyange zvazvo izvi zvichida kunyanya kufunga uye kushanda nesimba, vaparidzi voUmambo pasi pose vari kuita izvi nomwoyo wose. Somuenzaniso, hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha yokuHungary inoti: “Hama dzinoremekedza tsika nemararamiro zvevanhu vemamwe marudzi uye hadzivatarisiri kuti vachinjire kutsika dzomunyika imomo.” Zvapupu zvokune dzimwe nzvimbo zvinoedza kuita saizvozvo.

13 Mune imwe nyika kuFar East, vanhu vakawanda vane hanya noutano, kurovedza vana, uye dzidzo. Vaparidzi voUmambo ikoko vanoedza kusimbisa nyaya idzi pane kukurukura nyaya dzakadai sokuderera kwemamiriro ezvinhu pasi pose kana kuti matambudziko akaoma enzanga. Saizvozvowo, vaparidzi vomune rimwe guta guru kuUnited States vakaona kuti vanhu vomune imwe nzvimbo iri mundima yavo vanonetseka nenyaya dzakadai souori, kuwandisa kwemotokari, uye utsotsi. Zvapupu zvacho zvinobudirira kushandisa nyaya idzi kutanga kukurukurirana nezveBhaibheri. Vadzidzisi veBhaibheri vanobudirira vanova nechokwadi chokuti pasinei nomusoro wavanosarudza, vanoramba vaine tariro uye vachikurudzira, vachisimbisa kubatsira kunoita kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri iye zvino uye tariro yakajeka yenguva yemberi inopiwa naMwari.—Isaya 48:17, 18; 52:7.

14. Rondedzera nzira dzatingachinjira nadzo kune zvinodiwa nevanhu zvakasiyana-siyana uye mamiriro avo ezvinhu.

14 Zvinobatsirawo kusiyanisa mharidzo dzedu muushumiri, sezvo vanhu vaine tsika dzakasiyana zvikuru, vakadzidza zvakasiyana, uye vaine zvitendero zvakasiyana. Mharidzo yedu kune vanhu vanodavira kuti kune Musiki asi vasingadaviri Bhaibheri ichasiyana neiya inoshandiswa pakutaura nevaya vanoti Mwari haako. Mharidzo yatinoshandisa kune mumwe munhu anofunga kuti mabhuku ose echitendero inongova nzira yokutendeutsa nayo vanhu, ichasiyana neyatinoshandisira munhu anobvuma zvinodzidziswa neBhaibheri. Zvinodawo kuti tichinje-chinje patinotaura nevanhu vakawanda vakadzidza zvakasiyana-siyana. Vadzidzisi vane unyanzvi vachaita kuti vanhu vafunge uye vachashandisa mifananidzo yakakodzera mamiriro ezvinhu avanosangana nawo.—1 Johani 5:20.

Kubatsira Vashumiri Vatsva

15, 16. Nei vashumiri vatsva vachifanira kurovedzwa?

15 Pauro akanga asina hanya nokungovandudza nzira dzake dzokudzidzisa. Akaona zvakakodzera kudzidzisa uye kugadzirira vaya vechiduku, vakadai saTimoti naTito, kuti vave vashumiri vanobudirira. (2 Timoti 2:2; 3:10, 14; Tito 1:4) Saizvozvowo, mazuva ano vanhu vari kufanira kukurumidza kurovedza uye kurovedzwa.

16 Muna 1914, pasi pose paiva nevaparidzi voUmambo vanenge 5 000; nhasi, vhiki imwe neimwe vanhu vatsva 5 000 vanobhabhatidzwa! (Isaya 54:2, 3; Mabasa 11:21) Vatsva pavanotanga kuwadzana neungano yechiKristu vonzwa vachida kuita ushumiri, vanofanira kurovedzwa uye kutungamirirwa. (VaGaratiya 6:6) Zvinokosha kuti tishandise nzira dzaTenzi, Jesu, pakudzidzisa uye kurovedza vadzidzi. *

17, 18. Tingabatsira sei vatsva kuti vave nechivimbo muushumiri?

17 Jesu haana kungoona boka revanhu achibva audza vaapostora vake kuti vatange kutaura. Akatanga asimbisa kukosha kwebasa rokuparidzira uye akavakurudzira kunyengetera. Zvadaro akaronga zvinhu zvitatu zvinokosha: wokuparidzira naye, ndima, uye zvavaizotaura. (Mateu 9:35-38; 10:5-7; Mako 6:7; Ruka 9:2, 6) Tinogonawo kuita saizvozvo. Tingave tichibatsira mwana wedu, mudzidzi mutsva, kana kuti mumwe munhu ave asina kuita basa rokuparidzira kwenguva yakati, zvakakodzera kuti tiedze nepatinogona napo kurovedza nenzira iyi.

18 Vatsva vanoda kubatsirwa zvikuru kuti vave nechivimbo pakuparidzira shoko roUmambo. Ungavabatsira here kugadzirira uye kudzidzira mharidzo iri nyore, uye inonakidza? Muushumiri, rega vadzidze pamuenzaniso wako paunoparidzira padzimba shomanana dzokutanga. Unogona kutevera muenzaniso waGidhiyoni, uyo akaudza vaairwa navo kuti: “Dzidzai nokunditarira, muite saizvozvo.” (Vatongi 7:17) Zvadaro ipa mutsva wacho mukana wokuti aparidze. Rumbidza noushamwari vatsva pamusoro pezvavanoedza kuita, uye kana zvakakodzera, taura mazano mashomanana okuti vavandudze.

19. Wakatsunga kuitei sezvaunoedza ‘kuita ushumiri hwako zvizere’?

19 Kuti ‘tiite ushumiri hwedu zvizere,’ takatsunga kuramba tichichinja-chinja mharidzo dzedu, uye tinoda kurovedza vashumiri vatsva kuti vaitewo saizvozvo. Patinofunga nezvokukosha kwechinangwa chedu—kupa zivo yaMwari inoita kuti vanhu vaponeswe—tine chivimbo chokuti zvakakodzera kuti tive “zvinhu zvose kuvanhu vemarudzi ose, kuti [ti]ponese vamwe nenzira dzose.”—2 Timoti 4:5; 1 VaKorinde 9:22.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Kana uchida kuona mimwe mienzaniso younhu hwakadaro muushumiri hwaPauro, verenga Mabasa 13:9, 16-42; 17:2-4; 18:1-4; 19:11-20; 20:34; VaRoma 10:11-15; 2 VaKorinde 6:11-13.

^ ndima 11 Saizvozvowo, paaitsanangura ukama hutsva huri pakati paMwari ne“vanakomana” vake vakazodzwa nomudzimu, Pauro akashandisa pfungwa yezvomutemo yakanga ichizivikanwa zvikuru nevaizoverenga tsamba dzake muUmambo hweRoma. (VaRoma 8:14-17) “Kugamuchirwa yaiva tsika yainyanya kuitwa nevaRoma, uye kwaiva nechokuita zvikuru nepfungwa dzevaRoma dzine chokuita nemhuri,” rinodaro bhuku rinonzi St. Paul at Rome.

^ ndima 16 Iye zvino, muungano dzose dzeZvapupu zvaJehovha mune purogiramu yeMapiyona Anobatsira Vamwe. Purogiramu yacho inoshandisa ruzivo uye kurovedzwa kwevashumiri venguva yakazara pakubatsira vaparidzi vasati vava noruzivo rwakawanda.

Unoyeuka Here?

• Tingatevedzera Pauro muushumiri hwedu munzira dzipi?

• Kuchinja kupi kungangodiwa mumafungiro edu?

• Tingaita sei kuti shoko redu rirambe riine tariro?

• Vashumiri vatsva vanoda chii kuti vave nechivimbo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]

Muapostora Pauro aiva nehanya, aichinja-chinja, uye aiva nounyanzvi mukuparidzira nokudzidzisa

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 31]

Jesu akarongera vadzidzi vake zvinhu zvitatu zvinokosha: wokuparidzira naye, ndima, uye zvavaizotaura

[Mifananidzo iri papeji 28]

Pauro akabudirira kuparidzira vateereri vakasiyana-siyana nokuchinja-chinja

[Mufananidzo uri papeji 30]

Vashumiri vanobudirira vanofunga tsika dzevateereri vavo

[Mufananidzo uri papeji 31]

Vashumiri vanofambira mberi vanobatsira vatsva kugadzirira ushumiri