Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raMakoronike Rechipiri

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raMakoronike Rechipiri

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raMakoronike Rechipiri

BHUKU reBhaibheri raMakoronike Rechipiri parinotanga, Soromoni ari kutonga samambo muIsraeri. Bhuku racho rinoguma nemashoko aya aMambo Koreshi wePezhiya kuvaJudha vakatapwa vari kuBhabhironi, okuti: “[Jehovha] akandirayira kuti ndimuvakire imba muJerusarema, riri muJudha. Munhu wose ari pakati penyu wevanhu vake vose, Jehovha Mwari wake ngaave naye. Naizvozvo iye ngaaende [kuJerusarema].” (2 Makoronike 36:23) Mupristi Ezra akapedza kunyora bhuku racho muna 460 B.C.E., uye rinotaura zviitiko zvemakore 500—kubvira muna 1037 B.C.E. kusvikira kuna 537 B.C.E.

Murayiro waKoreshi unoita kuti vaJudha vakwanise kudzokera kuJerusarema ndokutangazve kunamata Jehovha ikoko. Zvisinei, kuva nhapwa kwemakore akawanda kuBhabhironi kwavakanganisa zvikuru. Nhapwa dzadzoka hadzizivi nhoroondo yorudzi rwadzo. Bhuku raMakoronike Rechipiri rinodzitaurira zvakajeka muchidimbu nezvezviitiko zvemadzimambo edzinza roumambo raDhavhidhi. Nhoroondo yacho inotifadzawo nokuti inotaura zvikomborero zvokuteerera Mwari wechokwadi uye migumisiro yokusamuteerera.

MAMBO ANOVAKIRA JEHOVHA IMBA

(2 Makoronike 1:1–9:31)

Jehovha anopa Mambo Soromoni zvaanokumbira nomwoyo wose—uchenjeri nezivo—pamwe chete nepfuma nokukudzwa. Mambo wacho anovakira Jehovha imba yakanaka kwazvo muJerusarema, uye vanhu ‘vari kufara uye mwoyo yavo iri kufarira zvakanaka.’ (2 Makoronike 7:10) Soromoni anova ne“pfuma nouchenjeri kupfuura mamwe madzimambo ose epanyika.”—2 Makoronike 9:22.

Pashure pokutonga Israeri kwemakore 40, Soromoni ‘anorara nemadzitateguru ake, uye mwanakomana wake Rehobhoamu anotanga kutonga panzvimbo pake.’ (2 Makoronike 9:31) Ezra haanyori nezvokutsauka kwaSoromoni pakunamata kwechokwadi. Zvikanganiso zvakangotaurwa bedzi nezvamambo wacho ndezvokuunganidza kwaakaita mabhiza akawanda kubva kuIjipiti nenzira yokusachenjera uye kuroora kwaakaita mwanasikana waFarao. Saka munyori Ezra akataura nhoroondo yacho zvakanaka.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

2:14—Nei dzinza remhizha rinotsanangurwa pano rakasiyana neriri pana 1 Madzimambo 7:14? Bhuku raMadzimambo Rokutanga rinoti amai vemhizha vaiva “chirikadzi yokudzinza raNaftari” nokuti vakanga vakaroorwa nomurume wedzinza iroro. Zvisinei, ivo vaiva vedzinza raDhani. Murume wavo afa, vakaroorwa nomurume wokuTire, uye mwana wavakabereka nomurume iyeye aiva mhizha.

2:18; 8:10—Ndima idzi dzinoti nhamba yevatevedzeri vevatariri vaishanda sevatariri uye sevakuru vevashandi yaiva 3 600 ne250, nepo maererano na1 Madzimambo 5:16; 9:23, vaisvika 3 300 ne550. Nei nhamba dzacho dzakasiyana? Kusiyana kwacho kunoita sokuri pamapoka aiiswa vatevedzeri vevatariri. Bhuku raMakoronike Rechipiri ringadaro richisiyanisa 3 600 vasiri vaIsraeri nevatevedzeri vevatariri 250 vaiva vaIsraeri, nepo bhuku raMadzimambo Rokutanga richisiyanisa vakuru vevashandi 3 300 nevakuru vevatarisiri 550 vaiva nezvinzvimbo zvepamusoro. Chero zvazvingava, vatevedzeri vevatariri vose vaiva 3 850.

4:2-4—Nei mufananidzo wenzombe wakashandiswa pakuvaka hwaro hwedziva resimbi yakanyungudutswa? MuMagwaro, nzombe dzinomiririra simba. (Ezekieri 1:10; Zvakazarurwa 4:6, 7) Kusarudza nzombe kuti dzive mufananidzo kwakanga kwakakodzera nokuti nzombe 12 dzemhangura dzaitsigira “dziva” guru, rairema anenge matani 30. Kugadzirwa kwenzombe nokuda kwechinangwa ichi hakuna kana kumbotyora murayiro wechipiri, uyo wairambidza kugadzira zvinhu zvokushandisa pakunamata.—Eksodho 20:4, 5.

4:5—Dziva resimbi yakanyungudutswa raitakura mvura yakawanda zvakadini? Kana razara, dziva racho raigona kupinda mabhati zviuru zvitatu, kana kuti anenge marita 66 000. Zvisinei, kazhinji uwandu hwemvura yacho hwaiva zvikamu zviviri muzvitatu hwokuzara kwaro. Bhuku raMadzimambo Rokutanga 7:26 rinoti: “[Dziva racho] raipinda mabhati zviuru zviviri,” marita 44 000.

5:4, 5, 10—Midziyo ipi yomutebhenekeri yepakutanga yakazoshandiswa mutemberi yaSoromoni? Areka ndiwo chete mudziyo wokutende rokusonganira rokutanga wakachengetwa mutemberi yaSoromoni. Temberi yapera kuvakwa, tebhenekeri yakabviswa kuGhibhiyoni ndokuendeswa kuJerusarema uye zviri pachena kuti yakabva yachengetwa ikoko.—2 Makoronike 1:3, 4.

Zvatinodzidza:

1:11, 12. Chikumbiro chaSoromoni chakaratidza Jehovha kuti kuwana uchenjeri nezivo ndiko kwainyanya kudiwa namambo. Zvechokwadi kunyengetera kwatinoita kuna Mwari kunoratidza zvatinonyanya kuda mumwoyo yedu. Kuchenjera kuti tiongorore zvatinotaura muminyengetero yedu.

6:4. Kuonga nomwoyo wose mutsa worudo waJehovha uye kunaka kwake kunofanira kuita kuti tikudze Jehovha—kureva kuti, kumurumbidza norudo nokuonga.

6:18-21. Kunyange zvazvo Mwari asingagoni kuiswa muchivako chero chipi zvacho, temberi yaizoshanda somusimboti wokunamata Jehovha. Nhasi, Dzimba dzoUmambo dzeZvapupu zvaJehovha ndidzo misimboti yokunamata kwechokwadi munzanga.

6:19, 22, 32. Jehovha ainzwa minyengetero yevanhu vose—kubva kune wamambo kusvika kune womunhu akaderera zvikuru munyika yacho—kunyange womunhu wokune imwe nyika ainyengetera kwaari nomwoyo wose. *Pisarema 65:2.

KUTEVEDZANA KWEMADZIMAMBO MUDZINZA RADHAVHIDHI

(2 Makoronike 10:1–36:23)

Umambo hwakabatana hwaIsraeri hunokamurwa kuva zvikamu zviviri—umambo hwokuchamhembe hwemadzinza gumi uye umambo hwokumaodzanyemba hwemadzinza maviri hwaJudha naBhenjamini. Vapristi nevaRevhi muIsraeri yose vaiva vakavimbika kusungano yoUmambo kupfuura kuvimbika kwavaiva vakaita kurudzi rwavo uye vaitsigira Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni. Mumakore anoti pfuurei 30 temberi yapera kuvakwa, pfuma yayo inobiwa.

Nezvemadzimambo 19 anotevera Rehobhoamu, 5 akatendeka, 3 anotanga zvakanaka asi anozova asina kutendeka, uye mumwe anotendeuka panzira yake yakaipa. Vamwe vatongi vose vanoita zvakaipa mukuona kwaJehovha. * Mabasa evatongi vashanu vanovimba naJehovha anotaurwa. Nhoroondo yaHezekiya achitangazve mabasa epatemberi uye yaJosiya achironga Paseka hombe inofanira kunge yakakurudzira zvikuru vaJudha vaifarira kuti Jehovha atangezve kunamatwa muJerusarema.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

13:5—Chii chinorehwa nemashoko okuti “sungano yomunyu”? Pamusana pokuti unochengetedza, munyu wakava chiratidzo chokugara nokusingaperi uye chokusachinja. Saka “sungano yomunyu” inoreva chibvumirano chinofanira kuteererwa zvikuru.

14:2-5; 15:17—Mambo Asa akabvisa “nzvimbo dzakakwirira” dzose here? Zviri pachena kuti haana kubvisa dzose. Kunenge kuti Asa akangobvisa nzvimbo dzakakwirira dzaiva nechokuita nokunamata vanamwari venhema asi kwete dziya dzainamatirwa Jehovha nevanhu. Kungavawo kuti nzvimbo dzakakwirira dzakavakwazve pamugumo wokutonga kwaAsa. Idzi dzakabviswa nomwanakomana wake Jehoshafati. Chaizvoizvo, nzvimbo dzakakwirira hadzina kutsakatika zvachose, kunyange panguva yaitonga Jehoshafati.—2 Makoronike 17:5, 6; 20:31-33.

15:9; 34:6—Dzinza raSimiyoni raiva nenzvimbo ipi panyaya yokukamurwa kwoumambo hwaIsraeri? Simiyoni zvaakapiwa nzvimbo dzakasiyana-siyana munharaunda yaJudha kuti ive nhaka yake, dzinza raSimiyoni raiva muumambo hwaJudha naBhenjamini. (Joshua 19:1) Zvisinei, dzinza racho raitsigira umambo hwokuchamhembe mune zvechitendero uye zvematongerwo enyika. (1 Madzimambo 11:30-33; 12:20-24) Saka, Simiyoni ainzi ndewokuumambo hwemadzinza gumi.

16:13, 14—Chitunha chaAsa chakapiswa here? Aiwa, ‘kupisira zvinhu zvinonhuhwirira zvemariro zvakawanda kwazvo’ hakurevi kupiswa kwechitunha chaAsa, asi kunoreva kupiswa kwezvinonhuhwirira.—Mashoko omuzasi.

35:3—Josiya akaita kuti Areka tsvene iunzwe kutemberi ichibva kupi? Bhaibheri haritauri kuti Areka yacho yakanga yabviswa kare here nomumwe wemadzimambo akaipa kana kuti Josiya akaita kuti iiswe pane imwe nzvimbo kuti ichengeteke paiitwa basa guru rokugadzirisa temberi. Pashure paSoromoni, Areka yacho yakazongotaurwa nezvayo Josiya paakaiunza mutemberi.

Zvatinodzidza:

13:13-18; 14:11, 12; 32:9-23. Tinogona kudzidza chidzidzo chakazokura nezvokukosha kwokuvimba naJehovha!

16:1-5, 7; 18:1-3, 28-32; 21:4-6; 22:10-12; 28:16-22. Kubatana nevanhu vokune imwe nyika kana kuti vasingatendi kune migumisiro ine njodzi. Tinenge takachenjera kana tikasapindira zvisina kufanira mune zvenyika.—Johani 17:14, 16; Jakobho 4:4.

16:7-12; 26:16-21; 32:25, 26. Kuzvikudza kwakaita kuti Mambo Asa aite zvakaipa mumakore okupedzisira oupenyu hwake. Kuzvikudza kwakaita kuti Uziya arasikirwe nechinzvimbo chake. Hezekiya akaita nokusachenjera uye zvichida nokudada paakaratidza nhume dzeBhabhironi pfuma yake. (Isaya 39:1-7) Bhaibheri rinonyevera kuti, “Kudada kunotangira kuparara, uye kuzvikudza kunotangira kugumburwa.”—Zvirevo 16:18.

16:9. Jehovha anobatsira vaya vane mwoyo wakakwana kwaari, uye anoda nomwoyo wose kushandisa simba rake pavari.

18:12, 13, 23, 24, 27. Kufanana naMikaya, tinofanira kuva noushingi uye hatifaniri kutya kutaura nezvaJehovha nezvinangwa zvake.

19:1-3. Jehovha anotarira zvakanaka zviri mumwoyo yedu kunyange patinenge tamugumbura.

20:1-28. Tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achaita kuti timuwane patinoenda kwaari tichizvininipisa tichikumbira kuti atitungamirire.—Zvirevo 15:29.

20:17. Kuti ‘tione kuponeswa kwatichaitwa naJehovha,’ tinofanira ‘kumira munzvimbo dzedu’ tichishingaira kutsigira Umambo hwaMwari. Pane kuti isu pachedu tiedze kugadzirisa zvinhu, tinofanira ‘kuramba takamira,’ tichivimba zvizere naJehovha.

24:17-19; 25:14. Kunamata zvidhori kwakava musungo kuna Jehoashi nomwanakomana wake Amaziya. Nhasi, kunamata zvidhori kunganyengerawo zvakafanana, zvikurukuru pakunoratidzwa zvisingaoneki nokuchochora kana kuti urudzi.—VaKorose 3:5; Zvakazarurwa 13:4.

32:6, 7. Nesuwo tinofanira kushinga uye kusimba ‘sezvatinoshonga nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari’ uye zvatinorwa hondo yezvokunamata.—VaEfeso 6:11-18.

33:2-9, 12, 13, 15, 16. Munhu anoratidza kuti apfidza zvechokwadi nokusiya mufambiro wakaipa otsunga kuita zvakanaka. Kunyange munhu anenge aita zvakaipa sezvakaitwa naMambo Manase anogona kunzwirwa ngoni naJehovha, kana akapfidza zvechokwadi.

34:1-3. Hapana mamiriro ezvinhu akaipa ouduku anofanira kutitadzisa kuziva Mwari tomushumira. Josiya angave akakurudzirwa kuita zvakanaka achiri muduku nasekuru vake vakanga vapfidza, Manase. Chero kukurudzirwa kuita zvakanaka kungava kwakaitwa Josiya kwakazopedzisira kwabereka zvibereko zvakanaka. Izvozvo zvingaitikawo kwatiri.

36:15-17. Jehovha ane tsitsi uye anoshivirira. Zvisinei, tsitsi dzake nokushivirira zvine pazvinogumira. Vanhu vanofanira kugamuchira zvakanaka basa rokuparidza Umambo kana vachizopona Jehovha paachagumisa mamiriro ezvinhu akaipa epanguva ino.

36:17, 22, 23. Nguva dzose shoko raJehovha rinozadzika.—1 Madzimambo 9:7, 8; Jeremiya 25:9-11.

Bhuku Rakaita Kuti Aite Chimwe Chinhu

“Josiya akabvisa zvinhu zvose zvaisemesa munyika dzose dzevanakomana vaIsraeri,” inodaro 2 Makoronike 34:33, “uye akaita kuti vose vakanga vari muIsraeri vaite basa racho, kuti vashumire Jehovha Mwari wavo.” Chii chakakurudzira Josiya kuti aite izvi? Munyori Shafani paakauya kuna Mambo Josiya nebhuku rakanga richangobva kuwanika roMutemo waJehovha, mambo wacho akaita kuti riverengwe zvinonzwika. Saka Josiya akabayiwa mwoyo nezvaakanzwa zvokuti akashingaira kutsigira kunamata kwakachena kwoupenyu hwake hwose.

Kuverenga Shoko raMwari uye kufungisisa zvatinoverenga kungaita kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka chaizvo. Kufungisisa nezvenhoroondo yemadzimambo mudzinza raDhavhidhi hakutikurudziri here kuti titevedzere mienzaniso yevaya vakavimba naJehovha todzivisa mufambiro wevaya vasina kuvimba naye? Bhuku raMakoronike Rechipiri rinoita kuti tide kuzvipira zvizere kuna Mwari wechokwadi toramba takatendeka kwaari. Zvechokwadi shoko raro ibenyu uye rine simba.—VaHebheru 4:12.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Kana uine mibvunzo ine chokuita nokutsaurirwa kwetemberi uye zvimwe zvidzidzo zvinobva pamunyengetero waSoromoni panguva iyoyo, ona Nharireyomurindi yaJuly 1, 2005, mapeji 28-31.

^ ndima 1 Nezvokurongwa kwemadzimambo aJudha, ona Nharireyomurindi, yaAugust 1, 2005, peji 12.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Unoziva here chikonzero nei nzombe dzaiva pahwaro hwedziva resimba yakanyungudutswa dzakanga dziri mufananidzo wakakodzera?

[Mifananidzo iri papeji 21]

Kunyange zvazvo aisagona kubatsira zvakanyanya sezvo aiva mwana, Josiya akakura akatendeka kuna Jehovha