Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanhu “Vanobva Mumitauro Yose Yemarudzi” Vanonzwa Mashoko Akanaka

Vanhu “Vanobva Mumitauro Yose Yemarudzi” Vanonzwa Mashoko Akanaka

Vanhu “Vanobva Mumitauro Yose Yemarudzi” Vanonzwa Mashoko Akanaka

“Varume gumi vanobva mumitauro yose yemarudzi [vachati]: ‘Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari anemi.’”—Zekariya 8:23.

1. Jehovha akaita sei kuti vanhu vanotaura mitauro yakasiyana-siyana uye vari munyika dzakawanda vatange kuparidzirwa panguva yakakodzera uye mumamiriro ezvinhu akanaka chaizvo?

NGUVA yacho uye mamiriro acho ezvinhu akanga akanaka chaizvo. Waiva musi wePendekosti ya33 C.E. Vhiki shomanana dzakanga dzapfuura, vaJudha nevatendeuki vaibva kumatunhu anenge 15 oUmambo hweRoma akanga akapararira nokumwewo vakazara muJerusarema kuti vapemberere Paseka. Musi iwoyo, zviuru zvavo zvakanzwa—kwete sevanhu vakavhiringidzika, sezvakaita vaya vaiva kuBhabheri rekare, asi zvakanzwisisa—vanhuwo zvavo vakanga vazadzwa nomudzimu mutsvene vachizivisa mashoko akanaka mumitauro yakasiyana-siyana yaitaurwa muumambo hwacho. (Mabasa 2:1-12) Chiitiko ichocho chakaratidza kutangwa kweungano yechiKristu uye kutangwa kwakaitwa basa rokudzidzisa munyika dzakawanda, raiitwa nemitauro yakasiyana-siyana, rave richiitwa kusvikira nhasi.

2. Vadzidzi vaJesu ‘vakakatyamadza’ sei vateereri vavo vakasiyana-siyana paPendekosti ya33 C.E.?

2 Vadzidzi vaJesu vangangodaro vaitaura chiGiriki chinozivikanwa, mutauro waiva wakakurumbira panguva iyoyo. Vaitaurawo chiHebheru, mutauro waitaurwa patemberi. Zvisinei, pamusi iwoyo wePendekosti, ‘vakakatyamadza’ vateereri vavo vakanga vakasiyana-siyana nokutaura mitauro yevanhu ivavo. Zvakaguma nei? Vateereri vacho vakabayiwa mwoyo nechokwadi chinokosha chavakanzwa mumutauro waamai vavo. Pakazopera zuva racho, boka duku revadzidzi rakanga rakura rava nevanhu vanopfuura 3 000!—Mabasa 2:37-42.

3, 4. Basa rokuparidzira rakawedzera sei vadzidzi pavakabuda muJerusarema, Judhiya, neGarireya?

3 Chiitiko ichocho chinokosha chichangoitika, vakatanga kutambudzwa zvakasimba muJerusarema, uye “vaya vakanga vapararira vakapfuura nomunyika iyoyo vachizivisa mashoko akanaka eshoko racho.” (Mabasa 8:1-4) Somuenzaniso, tinoverenga nezvaFiripi muchitsauko 8 chaMabasa, anonzi aiva muevhangeri aitaura chiGiriki. Firipi akaparidzira vaSamariya. Akaparidzirawo mukuru mukuru wokuItiopiya uyo akagamuchira mashoko pamusoro paKristu.—Mabasa 6:1-5; 8:5-13, 26-40; 21:8, 9.

4 VaKristu pavakatama vachinotsvaka nzvimbo dzokuvakazve pokugara kunze kweJerusarema, Judhiya neGarireya, vakasangana nematambudziko matsva edzinza neomutauro. Vamwe vavo vangangove vakaparidzira vaJudha chete. Asi mudzidzi Ruka anoti: “Pakanga paine varume vokuKupro nevokuKurini vakauya kuAndiyoki vakatanga kutaura nevanhu vaitaura chiGiriki, vachizivisa mashoko akanaka aShe Jesu.”—Mabasa 11:19-21.

Mwari Asingasaruri—Shoko Revanhu Vose

5. Kusasarura kwaJehovha kunooneka sei maererano nemashoko akanaka?

5 Izvozvo zvinoenderana nenzira dzaMwari; iye haasaruri. Pashure pokunge muapostora Petro abatsirwa naJehovha kuti agadziridze maonero aaiita vanhu vemamwe marudzi, achionga akati: “Chokwadi ndinoona kuti Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35; Pisarema 145:9) Muapostora Pauro, aimbotambudza vaKristu, paakazivisa kuti Mwari “anoda kuti vanhu vemarudzi ose vaponeswe,” akasimbisazve kuti Mwari haasaruri. (1 Timoti 2:4) Kusasarura kwaMwari kunooneka pakuti varume nevakadzi, vemadzinza ose, vomunyika dzose kana kuti vemitauro yose vane tariro yoUmambo.

6, 7. Uprofita hweBhaibheri hupi hwakafanotaura kupararira kwemashoko akanaka munyika dzakawanda, mumitauro yakasiyana-siyana?

6 Uku kuwedzera kuri kuitika munyika dzakawanda kwakafanotaurwa mazana emakore apfuura. Maererano nouprofita hwaDhanieri, Jesu “akapiwa ushe nokukudzwa noumambo, kuti vanhu, mapoka emarudzi nemitauro vamushumire vose.” (Dhanieri 7:14) Kubudiswa kunoitwa magazini ino mumitauro 151 uye kuparadzirwa kwainoitwa pasi pose, zvichiita kuti ukwanise kuverenga nezvoUmambo hwaJehovha, kunoratidza kuti uprofita ihwohwo hweBhaibheri huri kuzadzika.

7 Bhaibheri rakafanotaura nezvenguva apo vanhu vane mitauro yakasiyana-siyana vaizonzwa shoko riri mariri rinopa upenyu. Achirondedzera kuti kunamata kwechokwadi kwaizokwezva sei vakawanda, Zekariya akaprofita kuti: “Mumazuva iwayo varume gumi vanobva mumitauro yose yemarudzi vachabata, chokwadi vachabata kumupendero wenguo yomuJudha [muKristu akazodzwa nomudzimu, mumwe wa“Israeri waMwari”], vachiti: ‘Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari anemi.’” (Zekariya 8:23; VaGaratiya 6:16) Uye achirondedzera zvaakaona pane zvaakaratidzwa, muapostora Johani akati: “Tarira! boka guru revanhu, vakanga vasingakwanisi kuverengwa nomunhu, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi, vamire pamberi pechigaro choumambo nepamberi peGwayana.” (Zvakazarurwa 7:9) Zvechokwadi takaona uprofita hwakadaro huchizadzika!

Kuparidzira Vanhu Vemarudzi Ose

8. Ndezvipi zviri kuitika mazuva ano zvinoda kuti tigadzirise basa redu rokuparidzira?

8 Mazuva ano, vanhu vakawanda zvikuru vari kutama. Kudyidzana kwenyika dzepasi pose kwaita kuti pave nomukana wokutama. Vanhu vazhinji vanobva munyika dzine hondo uye dzakaderera mune zvoupfumi vakatamira kunzvimbo dzakagadzikana, vachitsvaka mararamiro akanaka. Munyika dzakawanda, kuuya kwevanhu vazhinji uye kwevapoteri kwakaita kuti pave nemapoka evanhu vanotaura mutauro wokune dzimwe nyika. Somuenzaniso, muFinland munotaurwa mitauro inopfuura 120; muAustralia mitauro yacho inopfuura 200. Muguta rimwe chete bedzi muUnited States—San Diego—munotaurwa mitauro inopfuura 100!

9. Tinofanira kuva nemaonero api nezvevanhu vari mundima yedu vanotaura mitauro yakasiyana-siyana?

9 Sevashumiri vechiKristu, tinoona vanhu vakadaro vanotaura mitauro yakasiyana-siyana sechipingamupinyi kuushumiri hwedu here? Aiwa! Asi, tinozviona sokuwedzera kwakanaka kwendima yedu youshumiri—‘minda yachenera kukohwa.’ (Johani 4:35) Tinoedza kutarisira vanhu vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu, pasinei norudzi rwavo kana kuti mutauro wavo. (Mateu 5:3) Saka, gore roga roga nhamba inowedzera yevanhu ‘vendimi dzose’ vari kuva vadzidzi vaKristu. (Zvakazarurwa 14:6) Somuenzaniso, kutangira muna August 2004, basa rokuparidzira muGermany rave richiitwa mumitauro inenge 40. Panguva imwe chete, mashoko akanaka aiparidzirwa muAustralia mumitauro inoda kusvika 30, kubva pa18 mumakore gumi chete apfuura. MuGreece, Zvapupu zvaJehovha zvaiparidzira vanhu mumitauro inenge 20. Pasi pose, Zvapupu zvaJehovha zvinenge 80 muzana zvinotaura mimwe mitauro isiri Chirungu, mutauro unonyanya kutaurwa munyika dzakawanda.

10. Muparidzi mumwe nomumwe ari kuita basa rei pakuita kuti vanhu ve“marudzi ose” vave vadzidzi?

10 Chokwadi, murayiro waJesu woku“ita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi” uri kuitwa! (Mateu 28:19) Zvichigamuchira nomwoyo wose basa iroro, Zvapupu zvaJehovha zviri kushingaira munyika 235, zvichiparadzira mabhuku mumitauro inopfuura 400. Kunyange zvazvo sangano raJehovha richipa zvinhu zvinodiwa pakuparidzira vanhu, muparidzi woUmambo mumwe nomumwe anofanira iye kutanga kuzivisa shoko reBhaibheri kune “vanhu vemarudzi ose” mumutauro wavanonzwisisa zvakanaka. (Johani 1:7) Uku kushandira pamwe chete kunoita kuti mamiriyoni evanhu vanotaura mitauro yakasiyana-siyana vabatsirwe nemashoko akanaka. (VaRoma 10:14, 15) Chokwadi, mumwe nomumwe wedu ari kuita basa rinokosha chaizvo!

Kukurira Dambudziko Racho

11, 12. (a) Matambudziko api anofanira kukurirwa, uye mudzimu mutsvene unobatsira sei? (b) Nei kuparidzira vanhu tichishandisa mutauro waamai vavo kazhinji kuchibatsira?

11 Nhasi, vaparidzi voUmambo vakawanda vangada kudzidza mumwe mutauro, asi havagoni kungomirira kana kuti kutarisira zvipo zvinoshamisa zvomudzimu waMwari. (1 VaKorinde 13:8) Kudzidza mumwe mutauro ibasa rakakura. Kunyange vaya vanototaura mumwe mutauro vangafanira kuchinja mafungiro avo uye nzira yavanoshandisa kuitira kuti shoko reBhaibheri rifadze vanhu vanotaura mutauro iwoyo asi vaine mamiriro ezvinhu uye tsika dzakasiyana nedzavo. Saka vanhu vatsva vanenge vatamira mune imwe nyika vanowanzonyara uye vanowanzotya; zvakaoma kunzwisisa mafungiro avo.

12 Kunyange zvakadaro, mudzimu mutsvene uchiri kushanda pavashumiri vaJehovha pane zvavanoita kuti vabatsire vanhu vanotaura mimwe mitauro. (Ruka 11:13) Pane kuti mudzimu mutsvene uite kuti tigone kutaura mumwe mutauro nenzira inoshamisa, unogona kuwedzera chido chedu chokutaura nevanhu vasingatauri mutauro wedu. (Pisarema 143:10) Kuparidzira kana kuti kudzidzisa vanhu shoko reBhaibheri nomutauro wavasingazivi kungasvika mupfungwa dzavo. Zvisinei, kuti tibaye mwoyo yevateereri vedu, kazhinji zviri nani kuti tishandise mutauro waamai vavo—mutauro unobudisa zvavanoshuva mumwoyo yavo, zvavanovavarira, uye zvavanotarisira.—Ruka 24:32.

13, 14. (a) Chii chinoita kuti vamwe vaite ushumiri nomumwe mutauro? (b) Kuzvipira kunooneka sei?

13 Vaparidzi voUmambo vakawanda vava kuita ushumiri mundima yomumwe mutauro pavanocherechedza kuti chokwadi cheBhaibheri chiri kugamuchirwa zvakanaka. Vamwe vanonzwa vakurudzirwa basa ravo parinowedzera uye richifadza. “Vakawanda vanobva kuEastern Europe vane nyota yechokwadi,” inodaro imwe hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha iri kumaodzanyemba kweEurope. Zvinofadza zvikuru kubatsira vanhu vakadaro vanoda chokwadi!—Isaya 55:1, 2.

14 Zvisinei, kuti tibudirire mubasa iri, tinofanira kutsunga uye kuzvipira. (Pisarema 110:3) Somuenzaniso, mhuri dzinoverengeka dzeZvapupu kuJapan dzakasiya misha yomutambarakede mumaguta makuru dzichitamira kumaruwa kuti dzinobatsira mapoka evanhu vokuChina vakatamira ikoko kunzwisisa Bhaibheri. Kumhenderekedzo yokumadokero kweUnited States, nguva dzose vaparidzi vanotyaira motokari kweawa imwe chete kana kuti maviri kuti vanodzidza Bhaibheri nevanhu vari mundima yevanhu vanotaura mutauro wokuPhilippines. MuNorway, mumwe murume nomudzimai wake vanodzidza neimwe mhuri yokuAfghanistan. Murume nomudzimai ava vanoshandisa bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? * reChirungu neromutauro wokuNorway. Mhuri yacho inoverenga ndima dzacho mumutauro wokuPersia, uri mutauro unoda kuenderana nowavo weDari. Vanokurukurirana muChirungu uye mumutauro wokuNorway. Kuzvipira kwakadaro uye kukwanisa kuchinja kunokomborerwa zvikuru vanhu vokune dzimwe nyika pavanogamuchira mashoko akanaka. *

15. Tose tingaedza sei kuparidzira mumitauro yakasiyana-siyana?

15 Ungagonawo kuparidzira mumitauro yakasiyana-siyana here? Wadii kutanga nokuona kuti mitauro ipi yokumwe inonyanya kutaurwa mundima yenyu? Zvadaro ungatakura maturakiti kana kuti mabhurocha emitauro iyoyo. Kabhuku kanonzi Good News for People of All Nations, kakabudiswa muna 2004, kave kachibatsira zvikuru pakuparadzira tariro yoUmambo kuburikidza neshoko riri makari riri nyore, rinovaka mumitauro yakasiyana-siyana.—Ona nyaya inoti “Good News for People of All Nations,” iri papeji 32.

“Kuda Mutorwa”

16. Hama dzine mutoro dzingaratidza sei kuti dzinofarira kubatsira vanhu vanotaura mutauro wokune dzimwe nyika pasina udyire?

16 Kunyange tikadzidza mumwe mutauro kana kuti kwete, tose tinogona kubatsira nokudzidza Bhaibheri nevanhu vokune dzimwe nyika vari munharaunda yedu. Jehovha akarayiridza vanhu vake kuti ‘vade mutorwa.’ (Dheuteronomio 10:18, 19) Somuenzaniso, mune rimwe guta guru kuNorth America, ungano shanu dzinopindira muImba yoUmambo imwe chete. Sezvinongoitwa mudzimba dzoUmambo dzakawanda, gore roga roga nguva yemisangano inochinja, izvo zvingave zvakaita kuti misangano yevanhu vanotaura mutauro wokuChina vanopindira imomo ipindwe zuva rava kuvira musi weSvondo. Zvisinei, izvi zvaizoreva kuti vanhu vakawanda vakatamira ikoko vanoshanda mabasa akafanana neomuresitorendi vaisakwanisa kuipinda. Nomutsa, vakuru vomune dzimwe ungano dzacho vakachinja zvinhu kuitira kuti misangano yomutauro wokuChina ikurumidze kuitwa musi weSvondo.

17. Tinofanira kunzwa sei kana vamwe vakasarudza kutama kuti vanobatsira boka romumwe mutauro?

17 Vatariri vane rudo vanorumbidza hama nehanzvadzi dzinokwanisa uye dzine unyanzvi dzinoda kutama kuti dzinobatsira mamwe mapoka emimwe mitauro. Ungano dzavanenge vachisiya dzingarasikirwa nevadzidzisi veBhaibheri ivavo vava noruzivo, asi vatariri vanonzwa sezvaiita vakuru vokuRistra neIkoniyumu. Vakuru ivavo havana kurambidza Timoti kuti afambe naPauro, kunyange zvazvo Timoti aishandiswa zvikuru muungano dzavo. (Mabasa 16:1-4) Uyezve, vaya vanotungamirira mubasa rokuparidzira havaodzwi mwoyo nemafungiro akasiyana-siyana, tsika, kana kuti kuzvibata kwevanhu vokune dzimwe nyika. Pane kudaro, vanogamuchira vanhu vakasiyana-siyana uye vanotsvaka nzira dzokukudziridza nadzo ukama hwakanaka nokuda kwemashoko akanaka.—1 VaKorinde 9:22, 23.

18. Nderipi suo guru rebasa rakazarukira vanhu vose?

18 Sezvakaprofitwa, mashoko akanaka ari kuparidzwa mu“mitauro yose yemarudzi.” Pachine mikana inoshamisa yokuwedzera mundima dzemimwe mitauro. Zviuru zvevaparidzi vane unyanzvi zvakapinda muiri “suo guru rebasa.” (1 VaKorinde 16:9) Asi, pane zvakawanda zvinodiwa kuti ushande mundima dzakadaro, sezvicharatidzwa nenyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 14 Kana uchida kuona mimwe mienzaniso, ona nyaya inoti “Kuzvipira Kuduku Kwakaunza Zvikomborero Zvikuru,” iri muNharireyomurindi, yaApril 1, 2004, mapeji 24-8.

Ungatsanangura Here?

• Tingatevedzera sei Jehovha mukuratidza kusasarura vanhu vose?

• Tinofanira kuona sei vanhu vari mundima yedu vasingatauri mutauro wedu?

• Nei zvichibatsira kuparidzira vanhu mumutauro waamai vavo?

• Tingaratidza sei kuti tine hanya nevanhu vokune dzimwe nyika vatinogara navo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 23]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Roma

KRETE

EZHIYA

FRIJIYA

PAMFIRIYA

PONTASI

KAPADHOKIYA

MESOPOTAMIYA

MEDHIYA

PATIYA

ERAMU

ARABHIYA

RIBHIYA

IJIPITI

JUDHIYA

Jerusarema

[Nzvimbo Dzemvura]

Gungwa reMediterranean

Gungwa Dema

Gungwa Dzvuku

Persian Gulf

[Mufananidzo]

PaPendekosti ya33 C.E., vanhu vaibva kumatunhu 15 muUmambo hweRoma nokumwewo vakanzwa mashoko akanaka mumitauro yavo

[Mifananidzo iri papeji 24]

Vanhu vakawanda vokune dzimwe nyika vanogamuchira zvakanaka chokwadi cheBhaibheri

[Mufananidzo uri papeji 25]

Chikwangwani cheImba yoUmambo mumitauro mishanu