Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubatsira Vanhu vokuChina Vari kuMexico

Kubatsira Vanhu vokuChina Vari kuMexico

Kubatsira Vanhu vokuChina Vari kuMexico

“VARUME gumi vanobva mumitauro yose yemarudzi vachabata, chokwadi vachabata kumupendero wenguo yomuJudha, vachiti: ‘Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari anemi.’” (Zekariya 8:23) Nhasi, uhwu uprofita hunofadza huri kuzadzika mupasi rose. Vanhu “vanobva mumitauro yose yemarudzi” vari kunamatira pavaIsraeri vomudzimu kuti vanamate Jehovha Mwari. Zvapupu zvaJehovha zvinofarira nomwoyo wose kuzadzika kwouprofita uhwu. Vakawanda vavo vari kudzidza mumwe mutauro kuti vaitewo basa romunyika yose rokuparidzira.

Ndizvo zviri kuitawo Zvapupu zvaJehovha kuMexico. Vanhu vanenge 30 000 vanotaura mutauro wokuChina vanogara kuMexico. Muna 2003, 15 vavo vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu chakaitwa kuMexico City. Saka Zvapupu zviri kuMexico zvakabva zvaziva kuti zvinhu zvine chokuita nokunamata zvaigona kuzowedzera mundima ine vanhu vokuChina. Kuti pave nevaparidzi vakawanda vanotarisira vanhu ava vanotaura mutauro wokuChina, kosi yemwedzi mitatu yakatangwa kuti Zvapupu zvokuMexico zvidzidziswe mharidzo dziri nyore mumutauro wokuChina unonzi Mandarin. Pamwe chete, Zvapupu 25 zvakaita kosi yacho. Payakapera, mukuru mukuru aibva kunharaunda ine vanhu vanotaura mutauro unonzi Mandarin kuMexico City akapindawo mhemberero dzevakanga vapedza kudzidza mutauro wacho, achiratidza manzwiro evanhu vanotaura mutauro wokuChina pamusoro pekirasi yacho. Rimwe sangano rokuChina romunzvimbo iyoyo rakabhadharira vamwe vadzidzi vatatu kuti vaende kumhiri kwemakungwa kunovandudza mutauro wavo wokuChina.

Kosi yomutauro wacho yaisanganisira kurovedzwa kutaura mutauro wacho. Vadzidza mashoko anonyanya kushandiswa, vadzidzi vakabva vatanga kuparidzira nomutauro wokuChina mumuzinda wemabhizimisi kuMexico City. Vadzidzi vacho vanoshingaira vakatanga kudzidza Bhaibheri nevanhu 21. Bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? mumutauro wokuChina rine mashoko akanyorwa nearufabheti yokuRome, inonzi Pinyin, rakabatsira zvikuru.

Zvapupu zvakanga zvichangotanga kosi yokudzidza mutauro wokuChina zvakatanga sei kudzidza Bhaibheri nevanhu? Pakutanga, vaingogona kuti, “Qing Du [Ndapota verengai]” voratidza ndima uye zvadaro mubvunzo wacho. Munhu wacho paanenge averenga nokupindura nomutauro wokuChina, vaizoti, “Shei shei [Mazvita]” uye, “Hen Hao [Magona].”

Mumwe mukadzi aizviti muKristu akatanga kudzidziswa Bhaibheri saizvozvo. Pashure pokunge vadzidza chidzidzo chechitatu, Chapupu chacho chakanetseka kana mukadzi uyu akanga anyatsonzwisisa mashoko acho. Saka Chapupu chacho chakaenda neimwe hama inotaura mutauro wokuChina. Hama yacho payakabvunza mukadzi uyu kana akanga aine mibvunzo, mukadzi wacho akabvunza kuti: “Kuti ndibhabhatidzwe, ndinofanira kunge ndichigona kushambira here?”

Pasina nguva, Chidzidzo Chebhuku Cheungano chakaumbwa chine vanhu 9 paavhareji vanotaura mutauro wokuChina uye Zvapupu zvokuMexico 23. Pane vaipinda vacho paiva nachiremba wokuChina, akanga apiwa magazini eNharireyomurindi neMukai! mumutauro wokuSpain nomumwe wevarwere vake. Sezvo akanga asingagoni kuverenga mutauro wokuSpain, akaita kuti mumwe munhu amushandurire mitsetse mishomanana. Aona kuti magazini acho aitaura nezveBhaibheri, akakumbira murwere wacho kuti amutsvakire magazini acho mumutauro wokuChina. Murwere wacho akaatsvaka, uye urongwa hwakaitwa pachishandiswa hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha yokuMexico, kuti Chapupu chinotaura mutauro wokuChina chimushanyire. Amai vake vari kuChina vakanga vaine Bhaibheri, uye chiremba wacho akanga anakidzwa nokuriverenga. Paakafunga zvokuenda kuMexico, amai vake vakamuudza kuti asarega kuverenga Bhaibheri. Saka akanga ave achinyengetera kuti pave nomumwe munhu aizomubatsira kudzidza zvakawanda nezvaMwari womuBhaibheri. Akati: “Mwari anzwa munyengetero wangu!”

Uyezve vamwe vakanga vachipinda chidzidzo chebhuku yaiva mhuri yokuChina yairenda pokugara kune mumwe mukadzi wokuMexico akanga achidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo mhuri yacho yokuChina yakanga ichinzwisisa zvishomanana mutauro wokuSpain, yaiuyawo kuzonzwa pavaikurukurirana nezveBhaibheri. Gare gare, mhuri yacho yakakumbira Chapupu chakanga chichiitisa chidzidzo chacho kana chakanga chiine mabhuku chero api zvawo mumutauro wokuChina. Nenguva isipi vakanga vava kudzidziswa Bhaibheri nomutauro wokuChina. Pasina nguva, mhuri yacho yakataura kuti yaida kuparidzira vanhu vokumusha kwavo uye kutsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha.

Ichokwadi kuti mutauro wokuChina wakaoma kudzidza. Zvisinei, sezvataona muzvinoitika zviri pamusoro apa, vachibatsirwa naJehovha, vanhu vanotaura mitauro yakawanda, kusanganisira wokuChina, vari kudzidza zvinodiwa naMwari kuMexico, uyewo kune dzimwe nzvimbo pasi pano.

[Mufananidzo uri papeji 17]

Kirasi yaidzidza mutauro wokuChina kuMexico City

[Mufananidzo uri papeji 18]

Chapupu chokuMexico chiri kudzidzisa munhu Bhaibheri nomutauro wokuChina

[Mufananidzo uri papeji 18]

Ushumiri hwepaimba neimba nomutauro wokuChina, Mexico City