Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muti Wegore Idzva—Itsika yokuRussia Here? Itsika yechiKristu Here?

Muti Wegore Idzva—Itsika yokuRussia Here? Itsika yechiKristu Here?

Muti Wegore Idzva—Itsika yokuRussia Here? Itsika yechiKristu Here?

“PAKUTANGA kwema1830, muti waigara uri girini wakanga uchiri kunzi ‘pfungwa yokuGermany inokwezva.’ Pakapera makore gumi, wakanga ‘wajairika’ mudzimba dzevapfumi vokuSt. Petersburg. . . . Muzana remakore rechi19 mudzimba dzevafundisi nedzevanhuwo zvavo ndimo moga makanga musina muti waigara uri girini. . . .

“Zana remakore rechi19 risati rasvika, muti wacho . . . wakanga usinganyanyi kufarirwa. Kuonekwa kwawaiitwa sechiratidzo chorufu uye kubatanidzwa kwawaiitwa ‘nenyika yemidzimu’ maererano netsika dzokuRussia, pamwe chete netsika yokuisa muti wacho pamatenga emabhawa, kwakanga kusingaenderani nokuchinja maonero kwakaitika nechepakati pezana remakore rechi19. . . . Zvinonyatsonzwisisika kuti pavakanga vachiri kuedza kugamuchira muti wacho, vokune dzimwe nyika vaizoona muti wacho sokuonekwa kwaiitwa muti weKrisimasi nenyika dzokuMadokero, kureva kubatana kwawakaita nepfungwa yeKrisimasi. . . .

“Zvakanga zvakaoma kuita kuti muti uyu uve chiratidzo chechiKristu muRussia. Wakashorwa neChechi yeOrthodox. Vafundisi vaiona kuti pakupemberera kutsva uku paiitwa tsika yechihedheni, ‘zvechidhimoni,’ yakanga isina chokuita nokuberekwa kwoMuponesi, uyezve, yakanga iri tsika yokuMadokero.”—Purofesa Yelena V. Dushechkina, nyanzvi yezvemitauro yepaSt. Petersburg State University.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Mufananidzo: Nikolai Rakhmanov