Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndiani Waunoteerera—Mwari Kana Kuti Vanhu?

Ndiani Waunoteerera—Mwari Kana Kuti Vanhu?

Ndiani Waunoteerera—Mwari Kana Kuti Vanhu?

“Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—MABASA 5:29.

1. (a) Ndorupi rugwaro runotungamirira chidzidzo chino? (b) Vaapostora vakasungirwei?

VATONGI vedare repamusorosoro rechiJudha vanofanira kunge vakashatirwa zvikuru. Vasungwa vakanga vasimo. Vasungwa vacho vaiva vaapostora vaJesu Kristu, murume akanga atongerwa rufu nedare repamusoro vhiki shomanana dzakanga dzadarika. Iye zvino dare racho rakanga ragadzirira kutonga vateveri vake vepedyo zvikuru. Asi varindi pavakaenda kunovatora, vakawana muzvitokisi zvavo musina vanhu, kunyange zvazvo masuo aigara akakiyiwa. Nenguva isipi, varindi vakaziva kuti vaapostora vaiva kutemberi muJerusarema, vachidzidzisa vanhu nezvaJesu Kristu vasingatyi—rinova basa ravakanga vasungirwa! Varindi vakabva vangonanga kutemberi, vakasungazve vaapostora, uye vakavaendesa kudare.—Mabasa 5:17-27.

2. Ngirozi yakarayira vaapostora kuti vaitei?

2 Ngirozi ndiyo yakanga yasunungura vaapostora mujeri. Yakaitira kuti vasaramba vachitambudzwa here? Aiwa. Yakaitira kuti vaigara muJerusarema vanzwe mashoko akanaka pamusoro paJesu Kristu. Ngirozi yakarayira vaapostora kuti ‘varambe vachitaura nevanhu mashoko ose pamusoro poupenyu uhwu.’ (Mabasa 5:19, 20) Saka varindi vepatemberi pavakasvika paiva nevaapostora, vakavawana vachiteerera murayiro iwoyo.

3, 4. (a) Pavakarayirwa kuti varege kuparidza, Petro naJohani vakapindura vachiti kudini? (b) Vamwe vaapostora vakapindura vachiti kudini?

3 Mutongi mukuru, Josefa Kayafasi, akayeuchidza zvakasimba vaviri vevaparidzi ivavo vakanga vakatsunga, muapostora Petro naJohani, kuti vakanga vambotongwa nedare racho. Akati: “Takakurayirai kwazvo kuti murege kuramba muchidzidzisa nezvezita [raJesu], asi tarirai! mazadza Jerusarema nokudzidzisa kwenyu.” (Mabasa 5:28) Kayafasi aisafanira kushamisika kuona Petro naJohani vadzoka kudare. Pavakarayirwa kokutanga kuti varege kuparidza, vaapostora vacho vari vaviri vakapindura kuti: “Kana zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi panzvimbo paMwari, tongai henyu. Asi kana tiri isu, hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.” Kufanana nomuprofita wekare Jeremiya, Petro naJohani vaisagona kurega kuita basa ravo rokuparidza.—Mabasa 4:18-20; Jeremiya 20:9.

4 Iye zvino, vaapostora vose, kwete Petro naJohani chete—kusanganisira Matiyasi akanga achangobva kusarudzwa—vaiva nomukana wokuudza dare zvavaizoita. (Mabasa 1:21-26) Pavakarayirwa kuti varege kuparidza, ivo vakapindurawo vakashinga, vachiti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:29.

Mwari Somutongi Kana Kuti Munhu Somutongi

5, 6. Nei vaapostora vasina kuteerera murayiro wedare?

5 Vaapostora vaiva vanhu vaiteerera mutemo vaiwanzoteerera zvairayirwa nedare. Asi hapana munhu ane simba rokurayira mumwe munhu kuti arege kuteerera mumwe wemirayiro yaMwari, pasinei nesimba raangava naro. Jehovha ndiye “Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.” (Pisarema 83:18) Haasi “Mutongi wenyika yose” chete asiwo Mupi Wemitemo Mukuru, uyewo ndiMambo asingagumi. Semaonero aMwari, chero murayiro upi zvawo wedare unoedza kuchinja mumwe wemirayiro yaMwari haushandi.—Genesisi 18:25; Isaya 33:22.

6 Pfungwa iyi yakabvumwa nedzimwe nyanzvi dzezvemitemo. Somuenzaniso, mutongi anozivikanwa womuzana remakore rechi18 wokuEngland anonzi William Blackstone akanyora kuti hapana mutemo wevanhu unofanira kubvumirwa kuti upesane “nomutemo wezvakazarurwa” uri muBhaibheri. Saka, Sanihedrini yakanga yatopfuura mwero payakarayira vaapostora kuti varege kuparidza. Vaapostora vaisambokwanisa kuteerera murayiro iwoyo.

7. Nei basa rokuparidza rakashatirisa vapristi vakuru?

7 Kutsunga kwakanga kwakaita vaapostora kuramba vachiparidza kwakashatirisa vapristi vakuru. Vamwe vapristi vaiva vaSadhusi, kusanganisira Kayafasi pachake, vakanga vasingabvumi kuti vanhu vachamutswa. (Mabasa 4:1, 2; 5:17) Asi, vaapostora vakaramba vachitaura kuti Jesu akanga amutswa kuvakafa. Uyezve, vamwe vapristi vakuru vakanga vaita zvose zvavaigona kuti vafarirwe nevaiva nesimba vokuRoma. Jesu paaitongwa, vakapiwa mukana wokugamuchira Jesu samambo wavo, asi vapristi vakuru vakatosvika pakudanidzira kuti: “Hatina mumwe mambo kunze kwaKesari.” (Johani 19:15) * Vaapostora vakanga vasiri kungosimbisa kuti Jesu akanga amutswa asi vakanga vari kudzidzisa kuti kunze kwezita raJesu, “hapana rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu ratinofanira kuponeswa naro.” (Mabasa 2:36; 4:12) Vapristi vacho vaityira kuti, kana vanhu vakatanga kutarisira kuti Jesu akamutswa ave Mambo wavo, vaRoma vaizouya uye vatungamiriri vechiJudha vaizorasikirwa ‘nenzvimbo yavo norudzi rwavo.’—Johani 11:48.

8. Gamarieri akapa Sanihedrini zano ripi rouchenjeri?

8 Kuvaapostora vaJesu Kristu zvaiita sokuti ramangwana rakanga risina kujeka. Vatongi veSanihedrini vakanga vakatsunga kuvauraya. (Mabasa 5:33) Zvisinei, zvinhu zvakachinja nenzira yavakanga vasingafungiri. Gamarieri, nyanzvi yoMutemo, akasimuka akanyevera vamwe vake kuti vasamhanyira kuita chimwe chinhu. Akataura nouchenjeri kuti: “Kana zano iri uye kana basa iri richibva kuvanhu, richaparara; asi kana richibva kuna Mwari, hamuzokwanisi kuvaparadza.” Zvadaro, Gamarieri akawedzera zvimwe zvinokosha, achiti: “Kana zvisina kudaro, chokwadi zvimwe mungawanikwa muchirwisana naMwari.”—Mabasa 5:34, 38, 39.

9. Chii chinoratidza kuti basa revaapostora raibva kuna Mwari?

9 Zvinoshamisa kuti dare racho rakabvuma zano raGamarieri. Vedare reSanihedrini “vakashevedza vaapostora, vakavarova, vakavarayira kuti varege kutaura pamusoro pezita raJesu, vakavarega vachienda.” Asi pane kuti vatye, vaapostora vakatsunga kuramba vachiteerera murayiro wengirozi wokuti vaparidze. Saka, vasunungurwa, “mazuva ose [vaapostora] vakaramba vachidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paiye Kristu Jesu, mutemberi uye paimba neimba vasingaregi.” (Mabasa 5:40, 42) Jehovha akakomborera zvavaiita. Akavakomberera zvakadini? “Shoko raMwari rakaramba richikura, uye vadzidzi vakaramba vachiwedzera kwazvo muJerusarema.” Kutaura zvazviri, “boka guru revapristi rakatanga kuteerera kutenda.” (Mabasa 6:7) Izvozvo zvinofanira kunge zvakaodza mwoyo zvikuru vapristi vakuru! Uchapupu hwacho hwakanga huri kuramba huchiwanda: Zvechokwadi basa revaapostora raibva kuna Mwari!

Vanorwisana naMwari Havangabudiriri

10. Semaonero anoita vanhu, nei Kayafasi angave akafunga kuti akanga akachengeteka ari pachinzvimbo chake, asi nei chivimbo chake chakanga chisina kukodzera?

10 Muzana remakore rokutanga, vapristi vakuru vechiJudha vakagadzwa nevanhu vaiva nemasimba veRoma. Josefa Kayafasi aiva shoroma akagadzwa panzvimbo yake naValerius Gratus, uye akaramba ari pachinzvimbo ichocho kwenguva refu kupfuura vapristi vakuru vakawanda vaivapo iye asati avapo. Kayafasi angangodaro akati unyanzvi hwake somumiririri wenyika uye ushamwari hwake naPirato ndihwo hwakaita kuti abudirire, kwete kuti Mwari ndiye akanga amutungamirira. Chero zvazvingava, kuvimba kwaaiita nevanhu kwakanga kusina kukodzera. Kwangopera makore matatu pashure pokunge vaapostora vamira pamberi peSanihedrini, Kayafasi akanga asingachafarirwi nevaiva nemasimba vokuRoma uye akabviswa pachinzvimbo chokuva mupristi mukuru.

11. Chii chakaguma chaitika kuna Pondiyo Pirato uye kumamiriro ezvinhu evaJudha, uye unogumisa kuti chii kubva pane izvi?

11 Murayiro wokubvisa Kayafasi pachinzvimbo chake wakabva kumukuru aiva pamusoro paPirato, Lucius Vitellius, gavhuna weSiriya, uye shamwari yaKayafasi yapedyo Pirato hapana zvayaigona kuita. Kutaura zvazviri, gore rimwe chete pashure pokunge Kayafasi abviswa pachigaro, Pirato akabviswawo pachigaro uye akanzi adzokere kuRoma kuti anotongwa mhosva dzakakomba dzaakanga apara. Kana vari vatungamiriri vechiJudha vaivimba naKesari, vaRoma vakavatorera ‘nzvimbo yavo norudzi rwavo.’ Izvi zvakaitika mugore ra70 C.E., mauto eRoma paakanyatsoparadza guta reJerusarema, kusanganisira temberi neimba yeSanihedrini. Mashoko omunyori wepisarema akava echokwadi chaizvo pachiitiko ichi, anoti: “Usavimba nevanokudzwa, kana nomwanakomana womunhu wepanyika, asingagoni kuponesa”!—Johani 11:48; Pisarema 146:3.

12. Nyaya yaJesu inoratidza sei kuti kuteerera Mwari ndiyo nzira yokuchenjera?

12 Kusiyana neizvi, Mwari akagadza Jesu Kristu akamutswa kuti ave Mupristi Mukuru wetemberi huru yezvokunamata. Hapana munhu anogona kuchinja kugadzwa ikoko kwaakaitwa. Chokwadi, “upristi hwa[Jesu] hahuna kana vanotsiva.” (VaHebheru 2:9; 7:17, 24; 9:11) Mwari akagadzawo Jesu kuti ave Mutongi wevapenyu nevakafa. (1 Petro 4:5) Ari pachinzvimbo ichocho, Jesu achasarudza kana Josefa Kayafasi naPondiyo Pirato vachizowana mukana wokurarama munguva yemberi.—Mateu 23:33; Mabasa 24:15.

Vaparidzi voUmambo Vasingatyi Vemazuva Ano

13. Mazuva ano, ibasa ripi rakaratidza kuti rinobva kuvanhu, uye ibasa ripi rakaratidza kuti rinobva kuna Mwari? Unoziva sei?

13 Muzuva redu, sezvazvakanga zvakaita muzana remakore rokutanga, ‘vanorwisana naMwari’ vakawanda chaizvo. (Mabasa 5:39) Somuenzaniso, Zvapupu zvaJehovha zvokuGermany pazvakaramba kurumbidza Adolf Hitler soMutungamiriri wazvo, Hitler akapika kuti aizozviparadza. (Mateu 23:10) Zvaiita sokuti sangano rake raaishandisa kuuraya vanhu raikwanisa kuparadza Zvapupu zvose. VaNazi vakabudirira kusunga zviuru zveZvapupu uye kuzviendesa kumisasa yevasungwa. Vakatokwanisa kuuraya zvimwe Zvapupu. Asi vaNazi vakakundikana kuparadza kutsunga kweZvapupu kunamata Mwari oga, uye vakakundikana kuparadza boka rose revashumiri vaMwari. Basa revaKristu ava raibva kuna Mwari, kwete kuvanhu, uye basa raMwari harigoni kukundwa. Kwapera makore makumi matanhatu, vanhu vakatendeka vakapukunyuka misasa yevasungwa yaHitler vachiri kushumira Jehovha ‘nemwoyo yavo yose nemweya nepfungwa,’ asi Hitler nebato rake reNazi vakafa uye vava kungoyeukwa nokuda kwezvakaipa zvavakaita.—Mateu 22:37.

14. (a) Zvii zvakaitwa nevashori kuti vachere vashumiri vaMwari, uye zvakaguma nei? (b) Zvavakaita izvozvo zvingakuvadza vanhu vaMwari zvachose here? (VaHebheru 13:5, 6)

14 Kubvira mumakore ezvaiedza kuitwa nevaNazi, vamwe vakapindawo muhondo isingakundiki yokurwisana naJehovha nevanhu vake. Munyika dzakawanda kuEurope, masangano ane manomano ezvitendero uye ezvematongerwo enyika akaedza kutaura kuti Zvapupu zvaJehovha ‘kapoka kechitendero kane ngozi,’ mhosva yakangofanana neyaipomerwa vaKristu vomuzana remakore rokutanga. (Mabasa 28:22) Chokwadi ndechokuti, sangano reEuropean Court of Human Rights rava kuziva Zvapupu zvaJehovha sesangano rechitendero, kwete sekapokawo zvako. Vashori vanofanira kuziva izvozvo. Kunyange zvakadaro, vanoramba vachichera Zvapupu. Nemhaka yezvakaipa zvinotaurwa pamusoro pavo, vamwe vaKristu ava vakadzingwa mabasa. Vana veZvapupu vakanetswa kuzvikoro. Varidzi vedzimba vaitya vakachinja zvibvumirano zvezvivako zvakanga zvashandiswa neZvapupu kuitira misangano kwemakore akawanda. Muzviitiko zvishomanana, masangano ehurumende akatorambidza vanhu kuti vagare munyika iyoyo nemhaka yokungoti Zvapupu zvaJehovha! Kunyange zvakadaro, Zvapupu hazvina kuora mwoyo.

15, 16. Zvapupu zvaJehovha muFrance zvakaita sei pazvakashorwa nokuda kwebasa razvo rechiKristu, uye nei zvichiramba zvichiparidza?

15 Somuenzaniso, muFrance, vanhu vanowanzoita zvine musoro uye vanonzwisisa. Zvisinei, vashori vashomanana vakatsigira mitemo yakaitirwa kuvhiringidza basa roUmambo. Zvapupu zvaJehovha zviri ikoko zvakaita sei? Zvakatowedzera basa razvo rokuparidza zvazvisati zvamboita uye zvakava nemigumisiro inofadza kwazvo. (Jakobho 4:7) Chokwadi, munyika iyoyo mumwedzi mitanhatu chete, nhamba yevavaidzidza navo Bhaibheri yakawedzera zvinoshamisa ne33 muzana! Zvinofanira kunge zvichishatirisa Dhiyabhorosi kuona vanhu vane mwoyo yakatendeseka muFrance vachiteerera mashoko akanaka. (Zvakazarurwa 12:17) VaKristu vatinonamata navo muFrance vane chivimbo chokuti mashoko omuprofita Isaya achava echokwadi kwavari, anoti: “Chero chombo chipi zvacho chichagadzirirwa kukurwisa hachizobudiriri, uye uchapa mhosva rurimi chero rupi zvarwo ruchakurwisa pakutongwa.”—Isaya 54:17.

16 Zvapupu zvaJehovha hazvifariri kutambudzwa. Zvisinei, vachiteerera murayiro waMwari kuvaKristu vose, havagoni kurega uye havazoregi kutaura zvinhu zvavakanzwa. Vanoedza kuva vagari vomunyika vakanaka. Zvisinei, kana mutemo waMwari ukapesana nomutemo wevanhu, vanofanira kuteerera Mwari somutongi.

Musavatya

17. (a) Nei tisingafaniri kutya vavengi vedu? (b) Tinofanira kuona sei vanotitambudza?

17 Vavengi vedu vari pangozi yakakura. Vari kurwa naMwari. Saka, maererano nomurayiro waJesu, pane kuvatya, tinonyengeterera vaya vanotitambudza. (Mateu 5:44) Tinonyengeterera kuti kana paine vamwe vanoshora Mwari vasingazivi, sezvaiita Sauro wokuTaso, nenzira yenyasha Jehovha achaita kuti maziso avo aone chokwadi. (2 VaKorinde 4:4) Sauro akazova Pauro muapostora wechiKristu uye akatambudzwa chaizvo nevanhu vaiva nemasimba vomuzuva rake. Kunyange zvakadaro, akaramba achiyeuchidza vamwe vaaitenda navo “kuti vazviise pasi uye kuti vateerere hurumende nevanhu vane masimba sevatongi, kuti vave vakagadzirira kuita mabasa ose akanaka, kuti varege kutaura zvinokuvadza pamusoro pomunhu chero upi zvake, [aiwa, kunyange nezvevainyanya kuvatambudza] kuti varege kurwa, kuti vave vanonzwisisa, vachiratidza unyoro kuvanhu vose zvizere.” (Tito 3:1, 2) Zvapupu zvaJehovha zviri muFrance nokune dzimwewo nzvimbo zvinoedza kushandisa zano iri.

18. (a) Jehovha anganunura vanhu vake munzira dzipi? (b) Chii chichapedzisira chaitika?

18 Mwari akaudza muprofita Jeremiya kuti: “Ini ndinewe kuti ndikununure.” (Jeremiya 1:8) Jehovha angatinunura sei kuti tisatambudzwa nhasi? Angaita kuti pave nomutongi anotonga zvakanaka akafanana naGamarieri. Kana kuti angaita kuti mukuru mukuru ane uori kana kuti anoshora angoerekana atsiviwa nomumwe anonzwisisa. Zvisinei, pane dzimwe nguva Jehovha angabvumira kuti vanhu vake varambe vachitambudzwa. (2 Timoti 3:12) Kana Mwari akabvumira kuti titambudzwe, nguva dzose achatipa simba rokutsungirira kutambudzwa kwacho. (1 VaKorinde 10:13) Uye pasinei nezvinobvumirwa naMwari, hatina mubvunzo nezvezvichapedzisira zvaitika, zvokuti: Vaya vanorwa nevanhu vaMwari vari kurwa naMwari, uye vanorwa naMwari havazokundi.

19. Rugwaro rwegore rwa2006 ndorupi, uye nei rwakakodzera?

19 Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vatarisire kutambudzwa. (Johani 16:33) Tichifunga nezveizvi, mashoko akanyorwa pana Mabasa 5:29 hapana nguva yaakambova akakodzera kupfuura iye zvino, anoti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” Nechikonzero ichocho, mashoko aya anofadza akasarudzwa kuti ave rugwaro rwegore rwa2006 rweZvapupu zvaJehovha. Ngatitsungei kuti mugore rinouya uye nokusingagumi kwose, titeerere Mwari soMutongi pasinei nezvingaitika!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 “Kesari” akasarudzwa pachena nevapristi vakuru panguva iyoyo aiva Tibheriyo, Mambo weRoma aishorwa, munyengeri uye mhondi. Tibheriyo aizivikanwawo nenyaya dzounzenza hwake.—Dhanieri 11:15, 21.

Ungapindura Here?

• Vaapostora vakatisiyira muenzaniso upi unokurudzira nenzira yavakatarisana nayo nokushorwa?

• Nei tichifanira kugara tichiteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu?

• Vashori vedu vari kunyatsorwisana naani?

• Tingatarisira mugumisiro wei pane vaya vanotsungirira kutambudzwa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 23]

Rugwaro rwegore rwa2006 runenge ruchiti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:29.

[Mufananidzo uri papeji 19]

“Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu”

[Mufananidzo uri papeji 21]

Kayafasi aivimba nevanhu pane kuvimba naMwari