Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nguva Yezororo—Ichange Yakaita Sezvaunotarisira Here?

Nguva Yezororo—Ichange Yakaita Sezvaunotarisira Here?

Nguva Yezororo—Ichange Yakaita Sezvaunotarisira Here?

“Peter [Mukuru] akarayira kuti mumachechi ose muitwe minamato yeGore Idzva musi waJanuary 1. Uyezve, akarayira kuti mapazi anogara ari girini emhemberero ashandiswe kuti ashongedze magwatidziro omukati medzimba, uye akarayira vose vaigara muMoscow kuti vanofanira ‘kuratidza mufaro wavo nokukorokotedzana nenzwi riri pamusoro’ musi weGore Idzva.”​—Peter the Great—His Life and World.

CHII chauri kutarisira panguva inonzi nevakawanda nguva yezororo? Vanhu mupasi rose vanoti nguva iyi ndeyokufunga nezveKrisimasi, zuva ragara richizivikanwa kuti ndiro rakazvarwa Kristu, asi inosanganisirawo kupemberera Gore Idzva. Saka inguva yezororo rakati rebei. Vabereki nevana vangava pazororo panguva iyi, saka inogona kuva nguva yakanaka yokuti mhuri dzive pamwe chete. Zvisinei, vamwe vanotaura nezvomwaka uyu vachiuti “nguva yeKrisimasi,” sezvo vachida kukudza Kristu panguva iyi yegore. Zvimwe iwe unoonawo sokuti ichi chinhu chinokosha zvikuru panguva yacho.

Kungave kuri kukudza Kristu, kufara nemhuri yako, kana kuti kuita zvose, mamiriyoni evarume, madzimai, nevana mupasi rose anomirira nguva iyi nechido chikuru. Ko gore rino? Ichava nguva inokosha yemhuri, uye inokosha kuna Mwari here? Kana mhuri ichizoungana pamwe chete, zvichaita sezvaunotarisira here, kana kuti uchaodzwa mwoyo?

Vakawanda vanotarisira zvokunamata vanoona kuti kakawanda Krisimasi neGore Idzva zvinowanzopembererwa pasina kumbofunga nezvaKristu. Asi, nguva yezororo racho inongova nguva yokugamuchira zvipo, chikonzero chokuita pati ingangova nomufambiro usingakudzi Kristu, kana kuti zvimwe chikonzero chokuungana pamwe chete kwemhuri. Kakawanda kacho, kuungana kwakadaro kunokanganiswa nomunhu mumwe kana vakawanda vanenge vadyisa nokunwa doro zvakanyanya, zvichimutsa nharo dzinowanzokonzera chisimba mumhuri. Ungave wakazviona izvozvo, kana kuti zvingave zvakatomboitika kwauri.

Kana zvakadaro, kwauri zvingaita sokuti pakava nokuchinja kushomanana kubva panguva yaMambo wokuRussia Peter Mukuru, ataurwa nezvake kwatangira nyaya ino. Vavhiringidzwa nezviri kuitika iye zvino, vakawanda vanoshuva kuti nguva yacho yezororo ive yokufungisisa zvokunamata uye yokushamwaridzana kwakanaka kwemhuri. Vamwe vanotoshanda nesimba kuti zvichinje, vachinyora masirogani akadai seokuti, kuti zororo rino rivepo ndiJesu. Asi kuchinja kungabudirira here? Uye izvi zvingaita kuti Kristu akudzwe chaizvoizvo here? Pane zvikonzero here zvokuona nguva yezororo iri zvakasiyana?

Kuti tiwane mhinduro dzinogutsa, ngationei mamiriro acho ezvinhu semaonero aiita vanhu vorumwe rudzi runofanira kuva nechikonzero chinokosha chokuonga nguva iyi yegore.