Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakabatsirwa here nokuverenga magazini achangobva kubuda eNharireyomurindi? Ona kana ungakwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Nei chivi chokutanga—kusateerera kwaAdhamu—chingafananidzwa nechirwere chaunoberekwa uinacho?

Chakafanana nechirwere nokuti Adhamu akaita kuti vana vake vave nechivi. Saka takagara nhaka chivi, sezvinoita vamwe vana vanoberekwa vaine chirwere kubva kuvabereki vavo.—8/15, peji 5.

Chii chiri kuita kuti chisimba chirambe chichiwedzera mazuva ano?

Satani ari kuedza kubvisa vanhu kuna Jehovha nokudyara kuda chisimba mumwoyo yavo, achishandisa zvinhu zvakadai semabhaisikopu, mimhanzi, uye mitambo yepakombiyuta inokurudzira vatambi vacho kuti vatevedzere utsinye nokuuraya. Chisimba chinoratidzwa nezvinobudisa nhau chakakonzera kuti vanhu vaite zvinhu zvakawanda zvechisimba.—9/1, peji 29.

Pondiyo Pirato Aiva Ani?

Aiva mutongi akaderera weRoma angangodaro akambova muchiuto. Mambo weRoma Tibheriyo akagadza Pirato kuti ave gavhuna weruwa rweJudhiya muna 26 C.E. Paitongwa Jesu, Pirato akanzwa mhosva dzaaipomerwa nevatungamiriri vechiJudha. Kuti afadze boka revanhu, akabvuma kuti Jesu aurayiwe.—9/15, mapeji 10-12.

“Chiratidzo” chakataurwa pana Mateu 24:3 chii?

Chiratidzo ichi chinoumbwa nezvinhu zvakawanda, asi kana zvabatanidzwa zvinoumba chiratidzo chinooneka. Chiratidzo chacho chinosanganisira hondo, nzara, zvirwere, uye kudengenyeka kwenyika, uye chaizoita kuti vateveri vaJesu vazive “kuvapo” kwake uyewo “kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.”—10/1, mapeji 4-5.

Shoko rokuti Diaspora rairevei, uye inzvimbo dzipi dzaibatanidzwa?

Shoko racho raireva vaJudha vaigara kunze kweParestina. Muzana remakore rokutanga, vainyanya kuwanikwa muSiriya, Asia Minor, Bhabhironi, neIjipiti, uye vakanga vari vashoma muchikamu chokuEurope choUmambo hweRoma.—10/15, peji 12.

MuKristu angaramba aine hana yakanaka kana akabvuma kushanda basa rinoita kuti apakate pfuti here?

Mumwe nomumwe anofanira kuzvisarudzira kana achizopinda basa rinoita kuti apakate pfuti kana kuti chimwe chombo. Asi basa rinoita kuti munhu apakate pfuti rinogona kuzoita kuti ave nemhosva yeropa kana akashandisa chombo chacho uye ave pangozi yokukuvadzwa kana yokuurayiwa paanorwiswa kana kuti paanodenhwa nevaya vanoda kudzorera. MuKristu anotakura chombo chakadaro haangawani ropafadzo chero dzipi zvadzo dzinokosha muungano. (1 Timoti 3:3, 10)—11/1, peji 31.

Sezvo shoko rokuti “Amagedhoni” richibva pamashoko okuti “Gomo reMegidho,” hondo yeAmagedhoni icharwirwa pagomo riri kuMiddle East Here?

Aiwa. Hakuna Gomo reMegidho, chinongova churu chiri mubani riri pedyo riri muna Israeri. Nzvimbo iyoyo yaisakwana “madzimambo [ose] enyika nemauto avo.” Hondo huru yaMwari icharwiwa pasi pose, uye ichagumisa hondo dzose. (Zvakazarurwa 16:14, 16; 19:19; Pisarema 46:8, 9)—12/1, mapeji 4-7.