Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Yava Nguva Yokusarudza Pauri

Yava Nguva Yokusarudza Pauri

Yava Nguva Yokusarudza Pauri

“Mucharamba muine mwoyo miviri kusvikira rini?”—1 MADZIMAMBO 18:21.

1. Chii chinoita kuti nguva yedu isiyane chaizvo nenguva yakapfuura?

UNODAVIRA kuti Jehovha ndiye oga Mwari wechokwadi here? Unodavirawo kuti uprofita hweBhaibheri hunoti nguva yatiri “mazuva okupedzisira” emamiriro ezvinhu akaipa aSatani here? (2 Timoti 3:1) Kana zvakadaro, zvechokwadi uchabvuma kuti, iye zvino, kupfuura kare kose, tinofanira kusarudza patiri. Kubvira pakasikwa vanhu, upenyu hwevakawanda hahusati hwambova pangozi kudai.

2. Chii chaiitika muumambo hwaIsraeri hwemadzinza gumi munguva yaitonga Mambo Ahabhi?

2 Muzana remakore rechigumi B.C.E., rudzi rwaIsraeri rwaifanira kuita chisarudzo chakakomba zvikuru. Vaizoshumira ani? Mambo Ahabhi, achifurirwa nomudzimai wake wechihedheni, Jezebheri, akatsigira kunamata Bhaari muumambo hwaIsraeri hwemadzinza gumi. Bhaari aiva mwari wokubereka aifanira kunayisa mvura uye kuita kuti zvirimwa zvibereke. Vanamati vaBhaari vakawanda vangadaro vaitsvoda kana kuti vaikotamira chifananidzo chamwari wavo. Kuti vaite kuti Bhaari akomborere zvirimwa zvavo nezvipfuwo zvavo, vanamati vake vaiita mitambo younzenza nepfambi dzepatemberi. Vaivawo netsika yokuzvicheka kuti ropa riyerere.—1 Madzimambo 18:28.

3. Kunamata Bhaari kwaizoita kuti vanhu vaMwari vaite sei?

3 VaIsraeri vakasara vanenge 7 000 vakaramba kubatanidzwa mukunamata uku kwaisanganisira kunamata zvidhori, unzenza, uye chisimba. (1 Madzimambo 19:18) Vakaomerera kuukama hwesungano yavo naJehovha Mwari vakavimbika, uye vakatambudzirwa izvozvo. Somuenzaniso, Mambokadzi Jezebheri akaponda vaprofita vaJehovha vakawanda. (1 Madzimambo 18:4, 13) Nemhaka yemamiriro ezvinhu anoedza akadai, vaIsraeri vakawanda vakatanga kuvhenganisa kunamata kwavo, vachiedza kufadza Jehovha pamwe chete naBhaari. Asi kuti muIsraeri asiye Jehovha onamata mwari wenhema kwaiva kuramba kutenda. Jehovha akavimbisa kuti aizokomborera vaIsraeri kana vaizomuda uye vaizoteerera mirayiro yake. Zvisinei, akavanyevera kuti kana vaizokundikana ‘kuzvipira zvakazara’ kwaari, vaizotsakatiswa.—Dheuteronomio 5:6-10; 28:15, 63.

4. Jesu nevaapostora vake vakafanotaura kuti chii chaizoitika kuvaKristu, uye zvave zvichizadzikwa sei?

4 Ndiwo mamiriro akaita zvinhu muchiKristudhomu nhasi. Nhengo dzechechi dzinozviti vaKristu, asi mazororo avo, mufambiro wavo, uye zvavanodavira zvinopesana nedzidziso dzeBhaibheri. Kufanana naJezebheri, vafundisi vechiKristudhomu ndivo vanotungamirira pakutambudza Zvapupu zvaJehovha. Vafundisi vechiKristudhomu vave vachitsigirawo hondo uye vane chokuita nenzufu dzemamiriyoni asingaverengeki enhengo dzechechi. Kutsigirwa kwakadaro kunoitwa zvitendero nehurumende dzenyika kunotaurwa muBhaibheri soufeve hwezvokunamata. (Zvakazarurwa 18:2, 3) Kuwedzera kune izvozvo, chiKristudhomu chave chichiramba chichishivirira ufeve chaihwo, kunyange pahunoitwa nevafundisi vacho. Jesu Kristu nevaapostora vake vakafanotaura nezvokuramba kutenda uku kwakakura. (Mateu 13:36-43; Mabasa 20:29, 30; 2 Petro 2:1, 2) Chii chichapedzisira chaitika kuvateveri vechiKristudhomu vanopfuura bhiriyoni imwe chete? Uye vanamati vaJehovha vechokwadi vane mutoro wei kune ava nevamwe vakatsauswa nechitendero chenhema? Tinowana mhinduro yakajeka yemibvunzo yakadaro kana tikaongorora zviitiko zvinoshamisa zvakaita kuti ‘Bhaari atsakatiswe muna Israeri.’—2 Madzimambo 10:28.

Kuda Kunoita Mwari Vanhu Vake Vakatsauka

5. Jehovha akaratidza sei kuva nehanya nevanhu vake vakanga vatsauka?

5 Jehovha Mwari haafariri kuranga vaya vanozorega kuva vakatendeka kwaari. Sezvinoita Baba vane rudo, anoda kuti vanhu vakaipa vapfidze uye vadzoke kwaari. (Ezekieri 18:32; 2 Petro 3:9) Souchapupu hweizvi, Jehovha akashandisa vaprofita vakawanda mumazuva aAhabhi naJezebheri kuti anyevere vanhu Vake nezvemigumisiro yokunamata Bhaari. Eriya aiva mumwe wevaprofita vakadaro. Pashure pokusanaya kwemvura kwakanga kwafanoziviswa kwakaparadza nharaunda yacho, Eriya akaudza Mambo Ahabhi kuti aunganidze vaIsraeri nevaprofita vaBhaari pamwe chete paGomo reKameri.—1 Madzimambo 18:1, 19.

6, 7. (a) Eriya akafumura sei chikonzero chaiita kuti Israeri arambe kutenda? (b) Vaprofita vaBhaari vakaitei? (c) Eriya akaitei?

6 Vakaungana panzvimbo yeatari yaJehovha yakanga “yaputswa,” ingangodaro yakaputsirwa kufadza Jezebheri. (1 Madzimambo 18:30) Zvinosuruvarisa kuti vaIsraeri vaivapo vakanga vasina chokwadi kuti ndiani aizonyatsokwanisa kunayisa mvura yavaida chaizvo—Jehovha kana kuti Bhaari. Bhaari aimiririrwa nevaprofita 450, nepo Eriya ndiye oga muprofita akanga achimiririra Jehovha. Achibaya panhongonya yechinetso chavo, Eriya akabvunza vanhu vacho kuti: “Mucharamba muine mwoyo miviri kusvikira rini?” Zvadaro, nemashoko ari nyore kunzwisisa, akaita kuti vasarudze zvavaida, achiti: “Kana Jehovha ari iye Mwari wechokwadi, muteverei; asi kana ari Bhaari, muteverei.” Kuti akurudzire vaIsraeri vakanga vasiri kusarudza pavari kuti vazvipire kuna Jehovha zvakazara, Eriya akati vaite chimwe chinhu chaizoratidza kuti Mwari wechokwadi ndoupi. Nzombe mbiri dzaifanira kuurayiwa kuti dzibayirwe, imwe kuna Jehovha uye imwe yacho kuna Bhaari. Mwari wechokwadi aizoita kuti moto upise chibayiro chake. Vaprofita vaBhaari vakagadzirira chibayiro chavo, uye kwemaawa akawanda vakaramba vachishevedzera vachiti: “Haiwa Bhaari, tipindurei!” Eriya paakatanga kuvaseka, vakazvicheka kusvikira ropa rava kuyerera, uye vakashevedzera nenzwi guru chaizvo. Asi hapana akapindura.—1 Madzimambo 18:21, 26-29.

7 Zvino chakanga chava chijana chaEriya. Kutanga, akagadziridza atari yaJehovha akaisa nhengo dzenzombe yacho duku pairi. Zvadaro, akarayira kuti zvirongo zvikuru zvina zvemvura zvidirwe pamusoro pechibayiro chacho. Izvi zvakaitwa katatu kusvikira mugero waiva wakatenderera atari wazara mvura. Eriya akabva anyengetera achiti: “Haiwa Jehovha, Mwari waAbrahamu, Isaka naIsraeri, nhasi ngazvizivikanwe kuti muri Mwari pakati paIsraeri, kuti ndiri mushumiri wenyu uye kuti ndaita zvinhu zvose izvi maererano neshoko renyu. Ndipindurei, haiwa, Jehovha, ndipindurei, kuti vanhu ava vazive kuti imi, Jehovha, ndimi Mwari wechokwadi uye kuti ndimi makadzosa mwoyo yavo.”—1 Madzimambo 18:30-37.

8. Mwari akapindura sei munyengetero waEriya, uye muprofita wacho akaitei?

8 Mwari wechokwadi akapindura nokuita kuti moto waibva kudenga upise chibayiro neatari yacho. Moto iwoyo wakaomesa kunyange mvura yaiva mumugero waiva wakapoteredza atari yacho! Fungidzira kuti izvi zvakaita kuti vaIsraeri vanzwe sei. “Vakabva vawira pasi nezviso zvavo vakati: ‘Jehovha ndiye Mwari wechokwadi! Jehovha ndiye Mwari wechokwadi!’” Eriya akabva arayirazve vaIsraeri kuti: “Batai vaprofita vaBhaari! Musarega kana mumwe chete wavo achipukunyuka!” Vaprofita vaBhaari vose 450 vakabva vaurayiwa mujinga meGomo reKameri.—1 Madzimambo 18:38-40.

9. Vanamati vechokwadi vakaedzwazve sei?

9 Pazuva iroro risingakanganwiki, Jehovha akanayisa mvura panyika kokutanga mumakore matatu nehafu! (Jakobho 5:17, 18) Fungidzira zvaitaurwa nevaIsraeri pavakanga vachidzokera kumba; Jehovha akanga aratidza kuti ndiye Mwari wechokwadi. Zvisinei, vanamati vaBhaari havana kukanda mapfumo pasi. Jezebheri akaramba achitambudza vashumiri vaJehovha. (1 Madzimambo 19:1, 2; 21:11-16) Saka vanhu vaMwari vakaedzwazve kana vakanga vakavimbika. Vaizozvipira zvakazara kuna Jehovha paizosvika zuva rake rokutonga vanamati vaBhaari here?

Sarudza Pauri Iye Zvino

10. (a) Mazuva ano, chii chave chichiitwa nevaKristu vakazodzwa? (b) Zvinorevei kuteerera murayiro uri pana Zvakazarurwa 18:4?

10 Mazuva ano, vaKristu vakazodzwa vakaita basa rakafanana nerakaitwa naEriya. Vachiita zvokutaura uye vachishandisa mabhuku, vakanyevera vanhu vemarudzi ose vari muchiKristudhomu nevasiri nezvengozi yechitendero chenhema. Somugumisiro, mamiriyoni akawanda akasarudza kurega kuva nhengo dzezvitendero zvenhema. Vakatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha uye vakava vadzidzi vaJesu Kristu vakabhabhatidzwa. Chokwadi, vakateerera kuteterera kwaMwari kwokukurumidzira kune chokuita nechitendero chenhema, kwokuti: “Budai mariri, vanhu vangu, kana musingadi kugovana naro zvivi zvaro, uye kana musingadi kuwana mamwe matambudziko aro.”—Zvakazarurwa 18:4.

11. Chii chinodiwa kuti tifarirwe naJehovha?

11 Kunyange zvazvo achikwezvwa nemashoko anobva muBhaibheri anoparadzirwa neZvapupu zvaJehovha, mamwe mamiriyoni haasati ava nechokwadi kuti anofanira kuitei. Vamwe vacho vanopinda misangano yechiKristu apo neapo, yakadai sokuchengeta Kudya kwaShe Kwemanheru kana kuti purogiramu dzegungano reruwa. Tinokurudzira vose vakadaro kuti vanyatsofunga mashoko aEriya okuti: “Mucharamba makagara paruzhowa kusvikira rini?” (1 Madzimambo 18:21, New English Bible) Pane kunonoka, vanofanira kusarudza pavari iye zvino voshingairira kuti vave vanamati vaJehovha vakazvitsaurira, vakabhabhatidzwa. Upenyu husingaperi hwavanotarisira huri pangozi!—2 VaTesaronika 1:6-9.

12. Vamwe vaKristu vakabhabhatidzwa vakawira mumamiriro ezvinhu api ane ngozi, uye vanofanira kuitei?

12 Zvinosuruvarisa kuti vamwe vaKristu vakabhabhatidzwa havachanamati nguva dzose kana kuti havachashingairiri kunamata. (VaHebheru 10:23-25; 13:15, 16) Vamwe havachashingairi nokuti vanotya kutambudzwa, vanozvidya mwoyo nezvokuwana chokurarama nacho, vanoedza kupfuma, kana kuti vanotsvaka mafaro oudyire. Jesu akanyevera kuti zvinhu izvi zvaizogumbura, zvaizovhunga, kana kuti zvaizonyengera vamwe vateveri vake. (Mateu 10:28-33; 13:20-22; Ruka 12:22-31; 21:34-36) Pane kuti vaite sokuti ‘vane mwoyo miviri,’ vanhu vakadaro vanofanira ‘kushingaira vopfidza’ vosarudza pavari kuti vazvitsaurire kuna Mwari.—Zvakazarurwa 3:15-19.

Chitendero Chenhema Chichangoerekana Chaguma

13. Rondedzera mamiriro akanga akaita zvinhu muIsraeri pakazodzwa Jehu kuti ave mambo.

13 Chikonzero chokuti vanhu vakurumidze kusarudza pavari iye zvino chinoonekwa mune zvakaitika kuna Israeri makore anenge 18 pashure pokunge nyaya yokuti Mwari wechokwadi ndiani yagadziriswa paGomo reKameri. Zuva raJehovha rokutonga vainamata Bhaari rakangoerekana rasvika uye risingatarisirwi munguva youshumiri hwaErisha, uyo akatsiva Eriya. Mwanakomana waMambo Ahabhi, Jehoramu akanga achitonga Israeri, uye Jezebheri, amai vamambo, akanga achiri mupenyu. Chinyararire, Erisha akatuma murindi wake kuti azodze Jehu, mukuru weuto raIsraeri, kuti ave mambo mutsva. Panguva iyoyo, Jehu akanga ari kurutivi rwokumabvazuva kweJodhani paRamoti-giriyedhi, achitungamirira hondo yavairwa nevavengi vaIsraeri. Mambo Jehoramu aiva kuJezreeri mubani riri pedyo neMegidho, achimirira kuti maronda aakanga akuvadzwa muhondo apore.—2 Madzimambo 8:29–9:4.

14, 15. Jehu akanzi aite basa rei, uye akariita sei?

14 Izvi ndizvo zvakarayirwa Jehu naJehovha kuti aite: “Unofanira kuuraya imba yaAhabhi ishe wako, uye ndichatsiva ropa revashumiri vangu vaprofita neropa revashumiri vaJehovha vose riri muruoko rwaJezebheri. Imba yose yaAhabhi ichaparara; . . . imbwa dzichadyira Jezebheri muchikamu chomunda chiri kuJezreeri, uye hapana anozomuviga.”—2 Madzimambo 9:7-10.

15 Jehu murume aikurumidza kusarudza zvokuita. Pakarepo, akakwira mungoro yake ndokutyaira achimhanya akananga kuJezreeri. Mumwe murindi wokuJezreeri akazviona kuti Jehu ndiye aityaira uye akaudza Mambo Jehoramu, Jehoramu achibva akwira mungoro yake ndokuenda kunosangana nomukuru weuto rake. Pavakasangana, Jehoramu akabvunza kuti: “Kune rugare here nhai Jehu?” Jehu akapindura kuti: “Kungava norugare rwei kana ufeve hwaJezebheri amai vako nouroyi hwavo huzhinji zvichiripo?” Zvadaro, Mambo Jehoramu asati agona kutiza, Jehu akakunga uta hwake ndokuuraya Jehoramu nomuseve wakabaya pamwoyo pake.—2 Madzimambo 9:20-24.

16. (a) Vakuru vakuru vematare vaJezebheri vakangoerekana vatarisana nemamiriro ezvinhu api? (b) Shoko raJehovha nezvaJezebheri rakazadzikwa sei?

16 Asingapedzi nguva, Jehu akamhanya achipinda muguta ari mungoro yake. Achitarira pasi ari pahwindo, Jezebheri akanga akazora zvizoro zvakawandisa akakwazisa Jehu achimutyisidzira. Achiita seasiri kumunzwa, Jehu akakumbira vatsigiri, achiti: “Ndiani ari kurutivi rwangu? Ndiani?” Varindi vaJezebheri vaifanira kubva vangosarudza zvokuita. Vakuru vakuru vematare vaviri kana kuti vatatu vakabudisa misoro yavo nepahwindo. Pakarepo, vakaedzwa kana vakanga vakavimbika. Jehu akarayira kuti: “Mudonhedzei!” Vakuru vakuru vacho vakadonhedzera Jezebheri mumugwagwa waiva nechepasi pacho, paakatsikwa tsikwa nemabhiza aJehu nengoro yake. Saka honzeri yokunamata Bhaari muna Israeri yakasvika pamugumo wayo wakakodzera. Vasati vawana nguva yokumuviga, imbwa dzakanga dzadya dzimwe nhengo dzake dzine nyama yakawanda, sezvakanga zvafanotaurwa.—2 Madzimambo 9:30-37.

17. Kutongwa kwakaitwa Jezebheri naMwari kunofanira kusimbisa kutenda kwedu muchiitiko chipi chomunguva yemberi?

17 Hure rokufananidzira rine zita rokuti “Bhabhironi Guru” richagumawo zvinotyisa. Hure rinomiririra zvitendero zvenhema zvenyika yaSatani, zvakatangira muguta reBhabhironi rekare. Kana chitendero chenhema chaguma, Jehovha Mwari achafunga nezvevanhu vose vanoumba nyika yaSatani. Ava vachaparadzwawo, vachigadzirira kuti pave nenyika itsva yakarurama.—Zvakazarurwa 17:3-6; 19:19-21; 21:1-4.

18. Jezebheri afa, chii chakaitika kuvanamati vaBhaari vaiva muIsraeri?

18 Jezebheri afa, Mambo Jehu akabva angouraya vazukuru vaAhabhi nevaimutsigira vose. (2 Madzimambo 10:11) Asi vaIsraeri vakawanda vainamata Bhaari vakaramba vari munyika yacho. Nezveava, Jehu akakurumidza kusarudza zvokuita achiratidza ‘kusashivirira kwaaiita kukwikwidzana naJehovha.” (2 Madzimambo 10:16) Iye pachake achinyepera kuva munamati waBhaari, Jehu akaronga mutambo mukuru patemberi yaBhaari yakanga yavakwa naAhabhi muSamariya. Vanamati vose vaBhaari vaiva muIsraeri vakauya kumutambo wacho. Vaiswa parumananzombe mutemberi, vose vakaurayiwa nevarume vaJehu. Bhaibheri rinogumisa nhoroondo yacho nemashoko okuti: “Naizvozvo Jehu akatsakatisa Bhaari pakati paIsraeri.”—2 Madzimambo 10:18-28.

19. “Boka guru” revanamati vaJehovha vakavimbika rinotarisira zvinhu zvipi zvakaisvonaka?

19 Kunamata Bhaari kwakagumiswa muna Israeri. Chokwadi, zvitendero zvenhema zvomunyika ino zvichangoerekana zvaguma zvinotyisa. Musi iwoyo wokutongwa iwe uchange uri kudivi raani? Sarudza pauri iye zvino, uye uchava neropafadzo yokuva mumwe we“boka guru” revanhu vachapukunyuka “kutambudzika kukuru.” Zvadaro uchakwanisa kufunga nezvenguva yakapfuura uchifara uye ucharumbidza Mwari kuti akatonga “hure guru rakaodza nyika noufeve hwaro.” Wakabatana nevamwe vanamati vechokwadi, uchabvumirana nemashoko anofadza anoimbwa nemanzwi okumatenga okuti: “Rumbidzai Jah, nokuti Jehovha Mwari wedu, Wemasimbaose, atanga kutonga samambo.”—Zvakazarurwa 7:9, 10, 14; 19:1, 2, 6.

Mibvunzo Yokufungisisa

• VaIsraeri vekare vakava sei nemhosva yokunamata Bhaari?

• Bhaibheri rakafanotaura nezvokuramba kutenda kwakakura kupi, uye uprofita ihwohwo hwave huchizadzikwa sei?

• Jehu akabvisa sei kunamatwa kwaBhaari?

• Tinofanira kuitei kuti tipukunyuke zuva raMwari rokutonga?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mepu iri papeji 25]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Soko

Afeki

Herikati

Jokneyamu

Megidho

Taanaki

Dhotani

SAMARIYA

Endori

Shunemi

Ofra

Jezreeri

Ibreyamu (Gati-rimoni)

Tiza

Bheti-shemeshi

Bheti-sheyani (Bheti-shani)

Jabheshi-giriyedhi?

Abheri-mehora

Imba yaAribheri

Ramoti-giriyedhi

[Makomo]

Gomo reKameri

Gomo reTabhori

More

Gomo reGiribhoa

[Nzvimbo Dzemvura]

Gungwa reMediterranean

Gungwa reGarireya

[Nzizi]

Rwizi rwaJodhani

[Matsime neZvitubu

Tsime reHarodhi

[Kwazvakatorwa]

Based on maps copyrighted by Pictorial Archive (Near Eastern History) Est. and Survey of Israel

[Mifananidzo iri papeji 26]

Kuti unamate zvechokwadi zvinokosha kuti ugare uchiparidza Umambo uye uchipinda misangano yechiKristu

[Mufananidzo uri papeji 28, 29]

Kufanana naJehu, vose vanoda kupukunyuka zuva raJehovha vanofanira kusarudza pavari