Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurera Vana Vasere Munzira dzaJehovha Kwaiva Basa Rakaoma Asi Richifadza

Kurera Vana Vasere Munzira dzaJehovha Kwaiva Basa Rakaoma Asi Richifadza

Nyaya Youpenyu

Kurera Vana Vasere Munzira dzaJehovha Kwaiva Basa Rakaoma Asi Richifadza

YAKATAURWA NAJOYCELYN VALENTINE

Muna 1989 murume wangu akaenda kunoshanda kunze kwenyika. Akavimbisa kuti aizotumira mari kumusha kuitira kuti ndigone kutarisira vana vangu vasere. Pakapfuura vhiki dzakawanda, asi akanga akangoti zii. Mwedzi yakawanda yakapfuura uye handina kumbonzwa shoko kubva kumurume wangu. Ndakaramba ndichizvisimbaradza ndichiti, ‘Kana zvinhu zvikangomufambira zvakanaka chete, achadzoka kumusha.’

NDAKAPERERWA nezano rose nokuti ndakanga ndisina kana mari yokuti nditarisire mhuri yangu. Usiku hwakawanda hwandakanga ndisingarari, zvaindiremera kubvuma zvakanga zvaitika, uye ndaizvibvunza kuti, ‘Angadarirei mhuri yake?’ Pakupedzisira, ndakabvuma chokwadi ichi chinorwadza chokuti murume wangu akanga atitiza. Nhasi, pashure pemakore 16 kubva paakatitiza, haasati adzoka. Saka ndakarera vana vangu ndiri ndoga. Izvi zvave zvakaoma, asi kuona vana vangu vachigamuchira nzira dzaJehovha kwaita kuti ndifare zvikuru. Zvisinei, ndisati ndarondedzera kuti takabudirira sei semhuri, regai ndikuudzei kurerwa kwandakaitwa.

Kutsvaka Kutungamirirwa neBhaibheri

Ndakaberekwa muna 1938 pachitsuwa cheCaribbean kuJamaica. Kunyange zvazvo Baba vasina kumbova nhengo yechechi, vaizviti vaiva munhu aitya Mwari. Kana hwava usiku vaiwanzondikumbira kuti ndivaverengere bhuku reBhaibheri reMapisarema. Nenguva isipi, ndakanga ndava kugona kudzokorora mapisarema akawanda nomusoro. Amai vaiva nhengo yeimwe chechi yokwataigara, uye nguva nenguva vaienda neni kumisangano yechechi.

Pamisangano iyoyo, taiudzwa kuti Mwari anoendesa vanhu vakanaka kudenga uye anopisa vanhu vakaipa nokusingaperi mumoto wehero. Taiudzwawo kuti Jesu ndiMwari uye kuti anoda vana. Zvakaita kuti ndivhiringidzike zvikuru uye nditye Mwari. Zvaindishamisa kuti, ‘Mwari anotida angarwadzisa sei vanhu mumoto?’

Kufunga nezvemoto wehero kwaiita kuti ndirote hope dzinotyisa. Nokufamba kwenguva, ndakatanga kuita kosi yeBhaibheri yandaiita zvokutumirwa mabhuku, ichiitiswa neChechi yeSeventh-Day Adventist. Vaidzidzisa kuti vanhu vakaipa havazorambi vachirwadziswa, asi kuti vachapiswa kuita madota mumirazvo yemoto. Izvi zvaiita sezvine musoro, uye ndakatanga kupinda misangano yavo yechitendero. Asi ndakaona dzidziso dzavo dzichivhiringidza, uye zvandaidzidza hazvina kugadzirisa maonero angu etsika akanga asina kururama.

Kare ikako, vanhu vakawanda vaibvuma kuti ufeve hwakaipa. Asi, ini nevamwe vakawanda taitenda kuti vaya bedzi vanoita zvepabonde nevanhu vakasiyana-siyana ndivo vaiva zvifeve. Saka, vanhu vaviri vasina kuroorana vairara vose vakanga vasingaiti chivi. (1 VaKorinde 6:9, 10; VaHebheru 13:4) Pfungwa iyoyo yakaita kuti ndibereke vana vatanhatu ndisina kuroorwa zviri pamutemo.

Kufambira Mberi Mune Zvokunamata

Muna 1965, Vaslyn Goodison naEthel Chambers vakauya kuzogara mumusha uri pedyo weBath. Vaiva mapiyona, kana kuti vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha, uye rimwe zuva vakataura nababa vangu. Baba vakabvuma zvavakaudzwa zvokudzidza Bhaibheri. Pavaishanya ndiri pamba, vaitaurawo neni. Kunyange zvazvo ndaifungira Zvapupu zvaJehovha zvinhu zvakaipa, ndakasarudza kuti vandidzidzise Bhaibheri kuti ndivaratidze kuti vainge vakarasika.

Ndaibvunza mibvunzo yakawanda pataidzidza, uye Zvapupu zvacho zvaipindura mibvunzo yacho yose zvichishandisa Bhaibheri. Zvapupu zvakandibatsira kuziva kuti vakafa havana chavanoziva uye havatamburi muhero. (Muparidzi 9:5, 10) Ndakadzidzawo nezvetariro youpenyu husingaperi muParadhiso pasi pano. (Pisarema 37:11, 29; Zvakazarurwa 21:3, 4) Kunyange zvazvo baba vangu vakarega kudzidza kwavaiita Bhaibheri, ndakatanga kupinda misangano paungano yeZvapupu zvaJehovha yekwataigara. Kuitwa kwemisangano yacho zvine rugare uye zvakarongeka kwakaita kuti ndidzidze zvakawanda nezvaJehovha. Ndaipindawo magungano edunhu neeruwa, kuungana kukuru kwairongwa neZvapupu. Kuziva Bhaibheri kwandakanga ndava kuita kwakaita kuti ndide kwazvo kunamata Jehovha nenzira yaanoda. Zvisinei, ndaiva nedambudziko.

Panguva iyoyo, ndaigara nomurume wandakanga ndisina kuroorana naye zviri pamutemo aiva baba vevana vangu vatatu pavatanhatu vandaiva navo. MuBhaibheri, ndakadzidza kuti Mwari anoshora kuita zvepabonde kwevanhu vasina kuroorana, uye hana yangu yakatanga kundinetsa. (Zvirevo 5:15-20; VaGaratiya 5:19) Kuda kwandaiita chokwadi zvakwakawedzera, ndakashuva kuita kuti upenyu hwangu huenderane nemitemo yaMwari. Pakupedzisira, ndakasarudza zvokuita. Ndakaudza murume wandaigara naye kuti taifanira kuroorana zviri pamutemo kana kuti taifanira kurega kugara pamwe chete. Kunyange zvazvo mumwe wangu akanga asingatendi zvandaitenda, takaroorana zviri pamutemo musi waAugust 15, 1970, makore mashanu pashure pokunge Zvapupu zvatanga kutaura neni. Muna December 1970, ndakaratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura.

Nezvoushumiri, handimbofi ndakakanganwa musi wandakatanga kuita basa rokuparidza. Ndaitya uye ndakanga ndisingazivi kuti ndaizotanga sei kukurukura Bhaibheri nomumwe munhu. Chaizvoizvo, ndakazorodzwa apo saimba wandakatanga kutaura naye akakurumidza kugumisa kukurukurirana kwacho. Zvisinei, pasina nguva, ndakanga ndisingachatyi. Pakapera zuva racho, ndakanga ndichifara zvikuru, sezvo ndakanga ndataura zvishomanana nezveBhaibheri nevanhu vanoverengeka uye ndakanga ndavagovera mamwe emabhuku edu eBhaibheri.

Kuita Kuti Mhuri Irambe Yakasimba Mune Zvokunamata

Pakazosvika gore ra1977 takanga tava nevana vasere. Ndakanga ndakatsunga kuita zvose zvandaigona kuti ndibatsire mhuri yangu kushumira Jehovha. (Joshua 24:15) Saka ndaishingaira kudzidza Bhaibheri nemhuri nguva dzose. Dzimwe nguva, nemhaka yokuneta, ndaikotsira uku mumwe mwana achiverenga ndima zvinonzwika, uye vana vaindimutsa. Asi kuneta uku hakuna kumboita kuti tirege kudzidza Bhaibheri semhuri.

Ndaiwanzonyengeterawo nevana vangu. Pavakanga vati kurei, ndakavadzidzisa kuti ivo pachavo vanyengetere kuna Jehovha. Ndaiva nechokwadi chokuti mumwe nomumwe wavo anyengetera oga panguva yokurara. Ndainyengetera nomwana mumwe nomumwe aiva achiri muduku zvakanyanya kuti anyengetere.

Pakutanga murume wangu akanga asingadi kuti ndiende nevana kumisangano yeungano. Asi, pfungwa yokutarisira vana ini ndiri kumisangano yakaita kuti asavarambidza. Usiku, aifarira kuvhakachira shamwari dzake, asi pfungwa yokuvhakacha aine vana vasere yakanga isingamufadzi! Gare gare, akatotanga kundibatsira kugadzirira vana kuti vaende kuImba yoUmambo.

Vana vakakurumidza kujaira kupinda misangano yose yeungano uye kuita ushumiri hwepachena. Pamazororo avo omuchirimo, vaiwanzobuda mubasa rokuparidza nemapiyona, kana kuti vashumiri venguva yakazara, vomuungano. Izvi zvakabatsira vana vangu kuti vade nomwoyo wose ungano uye basa rokuparidza.—Mateu 24:14.

Nguva Yokuedzwa

Kuti tive nemari iri nani yokutarisira nayo mhuri, murume wangu akatanga kuenda kunoshanda kunze kwenyika. Aiparadzana nemhuri kwenguva yakareba asi aidzoka panguva nenguva. Zvisinei, muna 1989, akaenda zvachose. Sezvandambotaura, kuenda kwomurume wangu kwakandirwadza zvikuru. Usiku hwakawanda ndaichema ndonyengetera nomwoyo wose kuna Jehovha kuti andinyaradze uye kuti ndigone kutsungirira, uye ndakaona kuti aipindura minyengetero yangu. Magwaro akadai saIsaya 54:4 na1 VaKorinde 7:15 akaita kuti ndive norugare rwepfungwa uye ndive nesimba rokuramba ndichirarama. Muungano yechiKristu, voukama neshamwari vakanditsigirawo mupfungwa uye mune zvenyama. Ndinoonga zvikuru kubatsirwa kwandakaitwa naJehovha nevanhu vake.

Takasangana nemimwe miedzo. Mumwe mwanasikana wangu akambodzingwa muungano nokuti akanga aita zvisingadiwi neMagwaro. Ndinoda chaizvo vana vangu vose, asi kuvimbika kwangu kuna Jehovha kunouya panzvimbo yokutanga. Saka panguva iyoyo, ini nevamwe vana vangu takanyatsoomerera pane zvinotaurwa neBhaibheri nezvemabatiro atinofanira kuita vanhu vakadzingwa. (1 VaKorinde 5:11, 13) Vanhu vakanga vasinganzwisisi zvatinotenda vakatitsoropodza zvikuru. Zvisinei, mwanasikana wangu adzorerwa muungano, murume wake akandiudza kuti akashamiswa nokutsigira kwatinoita zvakasimba zvinodiwa neBhaibheri. Iye zvino murume uyu ava kushumira Jehovha nemhuri yake.

Kuva Nematambudziko Emari

Murume wangu paakatitiza, ndakanga ndisingawani mari yakatsarukana, uye akanga asingachatsigiri mhuri nemari yake. Mamiriro ezvinhu aya akatidzidzisa kuti tigutsikane noupenyu huri nyore uye kuti tinyanye kukoshesa pfuma yezvokunamata pane kutsvaka zvinhu zvenyama. Vana pavakadzidza kuti vanofanira kudanana uye kubatsirana, vakawedzera kuva pedyo napedyo. Vakuru vacho pavakatanga kushanda, vaitsigira vanun’una vavo nokuzvidira. Mwanasikana wangu mukuru, Marseree, akabatsira munun’una wake, Nicole, kuti apedzise dzidzo yake yokusekondari. Uyezve, ndaiva nekashopu kegirosari. Mari shomanana yandaiwana yakandibatsira kutarisira zvimwe zvinhu zvataida.

Jehovha haana kumbotisiya. Pane imwe nguva, ndakaudza imwe hanzvadzi yechiKristu kuti takanga tisina mari yokuti tipinde gungano reruwa. Yakapindura ichiti: “Hanzvadzi Val, pamunonzwa nezvegungano, tangai kugadzirira! Jehovha achakutarisirai.” Ndakaita zvayakandiudza. Jehovha akatitarisira, uye akaramba achidaro. Mhuri yedu haisati yamborovha gungano pamusana pokushayiwa mari.

Muna 1988, Dutu rinonzi Gilbert rakaparadza Jamaica, uye takabva pamba pedu tikanogara kune imwe nzvimbo yakanga yakachengeteka. Dutu racho parakanga ramboti dzikamei, ini nomwanakomana wangu takabva kwataiva tapotera tichinoona musha wedu wakanga waparara. Patairongonora ungwanda-ngwanda, ndakaona chimwe chinhu chandaida kuchengetedza. Kamwe kamwe, mhepo yaiva nesimba yakavhuvhutazve, asi ndakaramba ndakatakura chinhu chandaida kuchengetedza. “Amai, tsvetai terevhizheni iyo. Muri mudzimai waRoti here?” (Ruka 17:31, 32) Mashoko iwayo omwanakomana wangu akaita kuti ndipengenuke. Ndakakandira pasi TV yakanga yakazara mvura, uye ini nomwanakomana wangu tichibva tamhanya kuti tisakuvadzwa.

Iye zvino ndinobvunda pandinoyeuka kuti ndakanga ndava kuda kuisa upenyu hwangu pangozi nemhaka yeTV. Asi zvinondifadza pandinofunga mashoko anoratidza kungwaririra zvinhu zvine chokuita nokunamata akataurwa nomwanakomana wangu panguva iyoyo. Nemhaka yokudzidza Bhaibheri kwaakanga aita muungano yechiKristu, akakwanisa kundibatsira kuti ndisakuvara mumuviri uye zvichida mune zvokunamata.

Dutu racho rakaparadza musha wedu nezvinhu zvedu, uye rakatisiya taora mwoyo. Zvadaro hama dzedu dzechiKristu dzakauya. Dzakatikurudzira kuti tivimbe naJehovha pakurasikirwa kwatakanga taitwa nezvinhu zvedu uye kuti tirambe tichishingaira muushumiri, uye dzakatibatsira kuvakazve musha wedu. Takabayiwa mwoyo zvikuru nebasa iroro rorudo uye rokuzvipira rakaitwa neZvapupu zvakazvipira zvomuJamaica nezvokune dzimwe nyika.

Kuisa Jehovha Pakutanga

Apedza chikoro, mwanasikana wangu wechipiri, Melaine, akava piyona. Zvadaro akabvuma kukokwa kuti anoshanda sapiyona mune imwe ungano, zvaireva kuti aifanira kusiya basa rake. Kunyange zvazvo basa iroro raiita kuti akwanise kutsigira mhuri yedu nemari, taivimba kuti Jehovha aizotitarisira kana mumwe nomumwe wedu aizoisa zvinhu zvine chokuita noUmambo pakutanga. (Mateu 6:33) Gare gare, mwanakomana wangu, Ewan, akagamuchirawo tsamba yokuti ave piyona. Akanga achitsigira mhuri nemari, asi takamukurudzira kuti abvume kuita basa racho uye taishuva kuti dai Jehovha aizomukomborera. Handina kumboita kuti vana vanzwe vasingadi kuwedzera basa ravo roUmambo, uye isu takaramba tiri kumba hatina kumboshayiwa zvataida. Pane kudaro, mufaro wedu wawedzera, uye dzimwe nguva, tave tichikwanisa kubatsira vamwe vanoshayiwa.

Nhasi, ndinofara chaizvo kuona vana vangu “vachifamba muchokwadi.” (3 Johani 4) Mumwe mwanasikana wangu, Melaine, iye zvino anofamba nomurume wake ari mutariri wedunhu. Mwanasikana wangu Andrea nomurume wake mapiyona chaiwo, uye anoenda nomurume wake paanoshanyira ungano achitsiva mutariri wedunhu. Mwanakomana wangu, Ewan, nomudzimai wake mapiyona chaiwo, uye mukuru muungano. Mumwe mwanasikana, Ava-Gay, anoshanda nomurume wake pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muJamaica. Jennifer, Genieve, naNicole vanoshanda pamwe chete nevarume vavo nevana vavo senhengo dzinoshingaira muungano dzavo. Marseree ndiye wandinogara naye, uye iye zvino tiri vaviri tiri kupinda neUngano yePort Morant. Zvikomborero zvangu zvakawanda, nokuti vana vangu vose vari vasere vachiri kunamata Jehovha.

Ndava nezvinetso zvoutano sezvo ndakwegura. Ndiri kutambura nechirwere chinonzi rheumatoid arthritis, asi ndichiri kushanda sapiyona. Zvisinei, imwe nguva yakapfuura, zvakava zvakaoma zvikuru kuti ndifambe munzvimbo yandaigara ine zvikomo. Zvakava zvakaoma kuti ndirambe ndichienda kuushumiri. Ndakaedza kuchovha bhasikoro ndokuona zviri nyore pane kufamba netsoka. Saka ndakatenga bhasikoro rakamboshandiswa ndichibva ndatanga kurishandisa. Pakutanga, vana vangu vairwadziwa chaizvo kuona amai vavo vane arthritis vachichovha bhasikoro. Asi, vaifara kwazvo kundiona ndichiramba ndichiparidza sezvaidiwa nomwoyo wangu.

Ndinofara zvikuru pandinoona vanhu vandakadzidza navo Bhaibheri vachigamuchira chokwadi. Ndinogara ndichinyengetera kuti Jehovha achabatsira vose vomumhuri yangu kuti varambe vakatendeka kwaari munguva ino yomugumo uye kusvika nokusingagumi. Ndinorumbidza uye ndinoonga Jehovha, “Munzwi womunyengetero” Mukuru, nokuita kuti ndikwanise kurera vana vangu vasere munzira dzake.—Pisarema 65:2.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Ndiine vana vangu, varume nevakadzi vavo, nevazukuru vangu

[Mufananidzo uri papeji 12]

Iye zvino ndava kuita ushumiri hwangu ndichishandisa bhasikoro