Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsvaka Kururama Kuchatidzivirira

Kutsvaka Kururama Kuchatidzivirira

Kutsvaka Kururama Kuchatidzivirira

“Saka, rambai muchitanga kutsvaka . . . kururama [kwaMwari].”—MATEU 6:33.

1, 2. Mumwe muKristu wechiduku akasarudzei, uye nei akasarudza saizvozvo?

MUMWE musikana wechiKristu wokuAsia aishanda somunyori mune imwe hofisi yehurumende. Ainyatsongwarira basa rake, achikurumidza kusvika kubasa uye akanga asina usimbe pabasa. Zvisinei, sezvo basa rake rakanga riri retembarari, rakatanga kuongororwa. Mukuru wedhipatimendi racho akaudza musikana wacho kuti kana aizorara naye, iye aizomupinza basa zvachose, kunyange kutomupa chinzvimbo chepamusoro. Musikana wacho akanyatsoramba, kunyange zvazvo zvaireva kuti basa rake raizopera.

2 Musikana wechiKristu iyeye akanga asingaoni zvinhu sezvazviri here? Aiwa, akanga achinyatsotevera mashoko aJesu anoti: “Saka, rambai muchitanga kutsvaka . . . kururama [kwaMwari].” (Mateu 6:33) Kwaari, kutevera mitemo yakarurama kwainyanya kukosha zvikuru kupfuura kuwana basa nenzira younzenza.—1 VaKorinde 6:18.

Kukosha Kwokururama

3. Kururama kudini?

3 “Kururama” kunoreva kuvimbika uye kuomerera patsika dzakanaka. MuBhaibheri, mashoko acho muchiGiriki nomuchiHebheru ane pfungwa yokuva “akarurama.” Hakusi kuzviti wakarurama, kuzviona sewakarurama maererano nezvaunoda iwe pachako. (Ruka 16:15) Kuva akarurama maererano nezvinodiwa naJehovha. Kururama kwaMwari.—VaRoma 1:17; 3:21.

4. Nei kururama kuchikosha kumuKristu?

4 Nei kururama kuchikosha? Nokuti Jehovha, ‘Mwari akarurama,’ anoda vanhu vake pavanoita zvinhu zvakarurama. (Pisarema 4:1; Zvirevo 2:20-22; Habhakuki 1:13) Munhu wose asina kururama haagoni kuva noukama hwepedyo naye. (Zvirevo 15:8) Ndokusaka muapostora Pauro akakurudzira Timoti kuti: “Tiza kuchiva kwouduku, asi tevera kururama,” pamwe chete nohumwe unhu hunokosha. (2 Timoti 2:22) Ndokusaka Pauro akataurawo “chinhu chinovhariridza chipfuva, chokururama,” paaitaura zvinhu zvakasiyana-siyana zvokuzvidzivirira mune zvokunamata.—VaEfeso 6:14.

5. Zvisikwa zvisina kukwana zvingatsvaka sei kururama?

5 Chokwadi, hapana munhu akarurama zvakakwana. Tose takagara nhaka kusakwana kuna Adhamu, uye tose tinoita zvivi, hatina kururama kubvira pakuberekwa. Asi, Jesu akati tinofanira kutsvaka kururama. Izvozvo zvinobvira sei? Mukuti Jesu akapa upenyu hwake hwakakwana kuti atidzikinure, uye kana tikatenda muchibayiro ichocho, Jehovha anoda kukanganwira zvivi zvedu. (Mateu 20:28; Johani 3:16; VaRoma 5:8, 9, 12, 18) Pamusana paizvozvo, sezvatinodzidza mitemo yaJehovha yakarurama toedza nepatinogona napo kuti tiichengete—tonyengeterera kubatsirwa kuti tikurire kusava nesimba kwedu—Jehovha anogamuchira kunamata kwedu. (Pisarema 1:6; VaRoma 7:19-25; Zvakazarurwa 7:9, 14) Izvozvo zvinozorodza chaizvo!

Kururama Munyika Isina Kururama

6. Nei nyika yaiva nzvimbo ine ngozi kuvaKristu vekare?

6 Vadzidzi vaJesu pavakapiwa basa rokuti vave zvapupu zvake “kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika,” vakatarisana nemamiriro ezvinhu akaoma. (Mabasa 1:8) Ndima yavo yose yavakapiwa yaiva “musimba reakaipa,” Satani. (1 Johani 5:19) Nyika yakanga yasvibiswa nemidzimu yakaipa yaanotsigira, uye hapana chaizodzivirira vaKristu pakufurira kwayo. (VaEfeso 2:2) Kwavari, nyika yaiva nzvimbo ine ngozi. Vaingogona kutsungirira uye kuramba vakavimbika kana vaizotanga kutsvaka kururama kwaMwari. Vakawanda vakatsungirira, asi vashomanana vakatsauswa mu“gwara rokururama.”—Zvirevo 12:28; 2 Timoti 4:10.

7. Ndezvipi zvinofanira kuitwa kuti muKristu arambe zvinhu zvinofurira?

7 Nhasi vaKristu vakachengeteka here munyika? Kwete! Nyika yakatonyanya kuipa kupfuura zvayakanga yakaita muzana remakore rokutanga. Uyezve, Satani akakandirwa pasi pano uye anorwa zvine utsinye nevaKristu vakazodzwa, ‘vana vomukadzi vasara, vanochengeta mirayiro yaMwari uye vane basa rokupupurira Jesu.’ (Zvakazarurwa 12:12, 17) Satani anorwawo nomunhu wose anotsigira “vana” ivavo. Asi, vaKristu havagoni kutiza munyika. Kunyange zvazvo vasiri venyika, vanofanira kugara mairi. (Johani 17:15, 16) Uye vanofanira kuparidzira munyika kuti vatsvake vanhu vane mafungiro akanaka vovadzidzisa kuti vave vadzidzi vaKristu. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Saka, sezvo vaKristu vasingagoni kunzvenga zvachose zvinhu zvinofurira zviri munyika ino, vanofanira kuzviramba. Ngatikurukurei zvina zvezvinhu izvozvo zvinofurira.

Musungo Wounzenza

8. Nei vaIsraeri vakatanga kunamata vanaMwari vevaMoabhi?

8 Makore 40 ava kuda kupera vachifamba murenje, vaIsraeri vakawanda vakasiya gwara rakarurama. Vakanga vaona mabasa akawanda okununura akanga aitwa naJehovha, uye nokukurumidza vaizopinda muNyika Yakapikirwa. Asi panguva iyoyo inokosha, vakatanga kushumira vanamwari vevaMoabhi. Nei? Vakakundwa no“kuchiva kwenyama.” (1 Johani 2:16) Nhoroondo yacho inoti: “Vanhu vakabva vatanga kuita unzenza nevanasikana veMoabhi.”—Numeri 25:1.

9, 10. Mazuva ano, mamiriro ezvinhu api anoita kuti zvikoshe kugara tichiziva kuti kuchiva kwenyama kune simba?

9 Chiitiko ichocho chinoratidza kuti kuchiva kwenyama kungakanganisa sei vaya vasina kungwarira. Tinofanira kudzidza kubva pane izvi, sezvo vakawanda vava kunyanya kuona unzenza semararamiro anogamuchirwa. (1 VaKorinde 10:6, 8) Mamwe mashoko anobva kuUnited States anoti: “Gore ra1970 risati rasvika, kubika mapoto [varume nevakadzi vanogara vose asi vasina kuroorana] kwakanga kusingabvumirwi nomutemo muAmerica yose. Iye zvino, kwava kungoitwa navose. Inodarika hafu yevanhu vanozoroorana kokutanga vanenge vambobika mapoto vasati varoorana.” Kubika mapoto uye dzimwe tsika dzakafanana dzokusazvibata hazvingoitwi munyika imwe. Zvinoitwa pasi pose, uye zvinosuruvarisa kuti vamwe vaKristu vakaitawo saizvozvo—vachitorasikirwa nenzvimbo dzavo muungano yechiKristu.—1 VaKorinde 5:11.

10 Uyezve, unzenza hunoita sohunotsigirwa kwose kwose. Mafirimu nepurogiramu dzeterevhizheni zvinoratidza kuti chinhu chinonyatsogamuchirwa kuti vechiduku vaite zvepabonde vasati varoorana. Vanhu vanoona sokuti hapana chakaipa noungochani. Uye mafirimu akawanda anoratidza vanhu vari kuita zvepabonde pachena. Mifananidzo yokuita zvepabonde pachena inowanikwawo nyore nyore paIndaneti. Somuenzaniso, mumwe munyori wechikamu chepepanhau akataura kuti mumwe mwanakomana wake ane makore manomwe akauya kumba achibva kuchikoro ndokuudza baba vake achifara kuti shamwari yake yakanga yawana imwe nzvimbo yepaIndaneti inoratidza vakadzi vasina kupfeka vachiita zvepabonde. Baba vacho vakavhunduka, asi vana vangani vakaona nzvimbo dzakadaro vasingaudzi vabereki vavo? Uyezve, vabereki vangani vanoziva zviri mumitambo yemavhidhiyo anotambwa nevana vavo? Mitambo yakawanda yakakurumbira inoratidza unzenza hunosemesa, pamwe chete nechidhimoni uye zvechisimba.

11. Mhuri ingadzivirirwa sei paunzenza hwenyika?

11 Mhuri ingadzivisa sei “varaidzo” yakaipa kudaro? Kana ikatanga kutsvaka kururama kwaMwari, yorega kubatanidzwa mumaitiro ose ounzenza. (2 VaKorinde 6:14; VaEfeso 5:3) Vabereki vanonyatsotarisira zvinoitwa nevana vavo uye vanovadzidzisa kuti vade Jehovha nemitemo yake yakarurama, vanovadzivirira kuti vasaverenga kana kuona zvinhu zvinonyadzisira, vasatamba mitambo yemavhidhiyo inonyadzisira, vasaona mafirimu ounzenza, nemimwe miedzo yokusarurama.—Dheuteronomio 6:4-9. *

Ngozi Yokufurirwa Nevanhu Vomunzanga

12. Idambudziko ripi rakamuka muzana remakore rokutanga?

12 Pauro paaiva muRistra kuAsia Minor, akaporesa mumwe murume nenzira inoshamisa. Nhoroondo yacho inoti: “Mapoka evanhu, achiona zvakanga zvaitwa naPauro, akashevedzera, mumutauro wechiRikaoniya achiti: ‘Vanamwari vava sevanhu uye vaburukira kwatiri!’ Vakabva vatumidza Bhanabhasi kuti Zeusi, asi Pauro Hemesi, zvaari iye akanga achitungamirira pakutaura.” (Mabasa 14:11, 12) Gare gare mapoka evanhu iwayo aida kuuraya Pauro naBhanabhasi. (Mabasa 14:19) Zviri pachena kuti vanhu ivavo vaifurirwa nevanhu vomunzanga yavo. Zvinoita sokuti vamwe vanhu vomunzvimbo iyoyo pavakava vaKristu, vakaramba vakaomerera kumafungiro avo okudavira mashura. Mutsamba yake yaakanyorera vaKristu vokuKorose, Pauro akanyevera nezvo“kunamatwa kwengirozi.”—VaKorose 2:18.

13. Ndedzipi tsika dzisingafaniri kuitwa nomuKristu, uye angawana sei simba rokusadziita?

13 Nhasi, vaKristu vechokwadi vanofanirawo kudzivisa tsika dzakakurumbira dzinogamuchirwa dzakavakirwa papfungwa dzenhema dzechitendero idzo dzinotyora mitemo yechiKristu. Somuenzaniso, kune dzimwe nyika, mhemberero dzakawanda dzetsika dzinoitwa pakuberekwa uye pakufa kwomunhu dzakavakirwa panhema dzokuti tine mudzimu usingafi. (Muparidzi 9:5, 10) Dzimwe nyika dzine tsika yokucheka nhengo dzokubereka nadzo dzevasikana vaduku. * Iyi itsika ine utsinye, isina kukodzera, isingaenderani norudo urwo vabereki vechiKristu vanofanira kuratidza vana vavo. (Dheuteronomio 6:6, 7; VaEfeso 6:4) VaKristu vangarega sei kuita zvinoitwa munzanga vosiyana netsika dzakadaro? Kana vachivimba naJehovha zvakazara. (Pisarema 31:6) Mwari akarurama achasimbisa uye achatarisira vaya vanotaura naye zvichibva pamwoyo yavo, kuti: “Ndimi nzvimbo yangu yokupotera nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.”—Pisarema 91:2; Zvirevo 29:25.

Usakanganwa Jehovha

14. Jehovha akanyeverei vaIsraeri kwasara nguva shomanana kuti vapinde muNyika Yakapikirwa?

14 Kwasara nguva shomanana kuti vaIsraeri vapinde muNyika Yakapikirwa, Jehovha akavanyevera kuti vasamukanganwa. Akati: “Chenjerera kuti usakanganwa Jehovha Mwari wako kuti urege kuchengeta mirayiro yake nezvaakatonga nemirau yake yandiri kukurayira nhasi; kuti urege kudya woguta, wovaka dzimba dzakanaka, wogara madziri, mombe dzako nemakwai ako zvowedzera, sirivha nendarama zvowedzera nokuda kwako, uye zvinhu zvako zvose zvowedzera; mwoyo wako wozozvikudza, wokanganwa Jehovha Mwari wako.”—Dheuteronomio 8:11-14.

15. Tingava sei nechokwadi chokuti hatisi kukanganwa Jehovha?

15 Chimwe chinhu chakafanana chingaitika here nhasi? Hungu, kana tichikoshesa zvinhu zvisina kunaka. Zvisinei, kana tichitanga kutsvaka kururama kwaMwari, kunamata kwakachena kuchava chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwedu. Sezvatakakurudzirwa naPauro, ‘tichatenga nguva yakakodzera’ uye tichava nepfungwa yokukurumidzira muushumiri hwedu. (VaKorose 4:5; 2 Timoti 4:2) Asi kana kupinda misangano uye kuita ushumiri zvisinganyanyi kukosha kwatiri pane kuzorora kana kuti kutsvaka nguva yemafaro, tinogona kukanganwa Jehovha mukuti tichamuona seari panzvimbo yechipiri muupenyu hwedu. Pauro akati mumazuva okupedzisira, vanhu vachava “vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari.” (2 Timoti 3:4) VaKristu vechokwadi vanozviongorora nguva dzose kuti vave nechokwadi chokuti havakanganiswi nemafungiro akadaro.—2 VaKorinde 13:5.

Ngwarira Pfungwa Yokuda Kuzvimirira

16. Ipfungwa ipi yakaipa yakaratidzwa naEvha uye nevamwe vomuzuva raPauro?

16 MuEdheni, Satani akabudirira kuita kuti Evha ade kuzvimirira nenzira youdyire. Evha aida kuzvisarudzira zvakanaka nezvakaipa. (Genesisi 3:1-6) Muzana remakore rokutanga, vamwe vaiva muungano yeKorinde vaiva nepfungwa yakadaro yokuzvimirira. Vaifunga kuti vaiziva zviri nani kupfuura Pauro, uye akavatsvinyira achivati vaapostora vakanaka kwazvo.—2 VaKorinde 11:3-5; 1 Timoti 6:3-5.

17. Tingadzivisa sei kuva nepfungwa yokuzvimirira?

17 Nhasi munyika, vakawanda “vakaoma musoro, vanozvitutumadza,” uye vamwe vaKristu vakakanganiswa nemafungiro iwayo. Vamwe vakatoshora chokwadi. (2 Timoti 3:4; VaFiripi 3:18) Kana totaura nezvokunamata kwakachena, zvinokosha kuti titarisire kutungamirirwa naJehovha toshandira pamwe no“muranda akatendeka, akangwara” nevakuru veungano. Iyoyo ndiyo nzira yokutsvaka nayo kururama, uye inotidzivirira pakuva nepfungwa yokuzvimirira. (Mateu 24:45-47; Pisarema 25:9, 10; Isaya 30:21) Ungano yevakazodzwa ndiyo “mbiru nechinhu chinotsigira chokwadi.” Jehovha akaita ungano iyi kuti itidzivirire uye ititungamirire. (1 Timoti 3:15) Kuziva basa rayo rinokosha kuchatibatsira kuti ‘tisaita chinhu nokuzvikudza’ sezvatinozviisa pasi pezvinodiwa naJehovha tichizvininipisa.—VaFiripi 2:2-4; Zvirevo 3:4-6.

Ivai Vatevedzeri vaJesu

18. Tinokurudzirwa kutevedzera Jesu munzira dzipi?

18 NezvaJesu, Bhaibheri rinoti: “Iwe wakada kururama uye unovenga uipi.” (Pisarema 45:7; VaHebheru 1:9) Iwayo mafungiro akazonaka okuti titevedzere! (1 VaKorinde 11:1) Jesu akanga asingangozivi mitemo yakarurama yaJehovha; aiida. Saka Satani paakaedza Jesu murenje, haana kuzeza uye akanga akasimba pakuramba kwaaiita kutsauka “mugwara rokururama.”—Zvirevo 8:20; Mateu 4:3-11.

19, 20. Ndezvipi zvakanakira kutsvaka kururama?

19 Chokwadi, kuchiva kwenyama kusina kururama kungava kwakasimba. (VaRoma 7:19, 20) Asi kana tichikoshesa kururama, kuchatisimbisa pakurwisana nouipi. (Pisarema 119:165) Kunyatsoda kururama kuchatidzivirira patinenge tatarisana nezvakaipa. (Zvirevo 4:4-6) Yeuka kuti kana tikakundwa nomuedzo, tinoita kuti Satani akunde. Zviri nani zvikuru kuti timudzivise toita kuti Jehovha akunde!—Zvirevo 27:11; Jakobho 4:7, 8.

20 Nemhaka yokuti vanotsvaka kururama, vaKristu vechokwadi ‘vanozadzwa nechibereko chakarurama, chinouya pachishandiswa Jesu Kristu, kuti Mwari akudzwe uye arumbidzwe.’ (VaFiripi 1:10, 11) Vanopfeka “unhu hutsva hwakasikwa maererano nezvinodiwa naMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.” (VaEfeso 4:24) NdevaJehovha uye vanoraramira kumushumira, kwete kuzvifadza. (VaRoma 14:8; 1 Petro 4:2) Izvozvo ndizvo zvinoita kuti vafunge uye vaite zvavanoita. Vanoita kuti mwoyo waBaba vavo vokudenga ufare zvikuru!—Zvirevo 23:24.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Mazano anokosha kuvabereki okudzivirira mhuri kuti isafurirwa kuita unzenza anowanikwa mubhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 13 Kucheka nhengo dzokubereka nadzo dzevanhukadzi kwaimbonzi kudzingisa vanhukadzi.

Ungatsanangura Here?

• Nei kutsvaka kururama kuchikosha?

• MuKristu asina kukwana angatsvaka sei kururama?

• MuKristu anofanira kudzivisa zvimwe zvinhu zvipi zviri munyika?

• Kutsvaka kururama kunotidzivirira sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kuvateveri vaJesu, nyika yaiva nzvimbo ine ngozi

[Mufananidzo uri papeji 27]

Vana vanodzidziswa kuda Jehovha vachadzivirirwa paunzenza

[Mufananidzo uri papeji 28]

Vamwe vaIsraeri vakakanganwa Jehovha pashure pokunge vabudirira muNyika Yakapikirwa

[Mufananidzo uri papeji 29]

SaJesu, vaKristu vanovenga kusarurama