Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Pisarema 102:26 rinoti nyika nematenga “zvichaparara.” Shoko iroro rinoreva kuti Nyika ichaparadzwa here?

Achinyengetera kuna Jehovha, munyori wepisarema akati: “Imi makavaka nheyo dzenyika kare kare, uye matenga ibasa remaoko enyu. Izvo zvichaparara, asi imi mucharamba muripo; zvose zvazvo zvichasakara sezvinoita nguo. Muchazvitsiva sezvinoitwa chipfeko, uye zvichapedza jana razvo.” (Pisarema 102:25, 26) Zviri kutaurwa apa zvinoratidza kuti ndima idzi hadzisi kutaura nezvokuparadzwa kwenyika, asi nezvokuti Mwari haagumi. Mashoko acho anoratidzawo chikonzero nei chokwadi ichocho chinokosha chichinyaradza vashumiri vaMwari.

Munyori wepisarema, angangodaro aiva nhapwa kuBhabhironi, anotanga nokurondedzera matambudziko ake. Anochema-chema kuti anorarama kwenguva pfupi “sezvinongoita utsi.” Kunyanya kuzvidya mwoyo kunotambudza muviri wake, zvichiita kuti mapfupa ake ‘atsvuke kuti piriviri sechoto.’ Aneta, “aoma sezvinomera,” uye anonzwa kusurukirwa, “seshiri iri yoga iri padenga reimba.” Miedzo yake yaita kuti anzwe asingadi kudya, uye anogara achichema mazuva ake ose. (Pisarema 102:3-11) Kunyange zvakadaro, munyori wepisarema achine tariro. Nei? Nemhaka yezvakavimbiswa naJehovha kuti achaitira Ziyoni, kana kuti Jerusarema.

Kunyange zvazvo Ziyoni rakanga raparadzwa, Jehovha akavimbisa kuti raizodzorerwa. (Isaya 66:8) Saka, munyori wepisarema anotaura kuna Jehovha aine chivimbo, kuti: “Muchanzwira Ziyoni ngoni, nokuti ndiwo mwaka wokurifarira, nokuti nguva yakatarwa yasvika. Nokuti Jehovha achavaka Ziyoni.” (Pisarema 102:13, 16) Zvadaro munyori wepisarema anodzokera kunyaya yokutambura kwake. Chaizvoizvo, anotaura kuti kana Jerusarema rakaitwa dongo richigona kudzorerwa nesimba raMwari, zvechokwadi Jehovha anokwanisa kumununura mumamiriro ake ezvinhu anosiririsa. (Pisarema 102:17, 20, 23) Uye pane chimwe chinhu chinoita kuti munyori wepisarema avimbe naJehovha zvakazara. Chii ichocho? Ndechokuti Mwari haagumi.

Kuvapo kwaJehovha nokusingagumi kwakanyatsosiyana noupenyu hupfupi hwomunyori wepisarema. Anoti kuna Jehovha, “Makore enyu anosvika kuzvizvarwa zvose.” (Pisarema 102:24) Zvadaro munyori wepisarema anoti: “Imi makavaka nheyo dzenyika kare kare, uye matenga ibasa remaoko enyu.”—Pisarema 102:25.

Asi, kunyange kuvapo kwenyika nematenga kwenguva yakareba hakugoni kuenzaniswa nokuvapo kwaJehovha kusingagumi. Munyori wepisarema anowedzera kuti: “Izvo [nyika nematenga] zvichaparara, asi imi mucharamba muripo.” (Pisarema 102:26) Nyika nematenga zvatinoona zvinogona kuparara. Chokwadi, Jehovha akataura mune imwe ndima kuti zvichagara nokusingaperi. (Pisarema 119:90; Muparidzi 1:4) Asi zvaigona kuparadzwa kudai chaiva chinangwa chaMwari. Kusiyana neizvi, Mwari haafi. Zvisikwa zvinooneka zvinoramba ‘zvakamira nokusingaperi’ pamusana pokungoti Mwari anozvimisa. (Pisarema 148:6) Kana Jehovha akasavandudza zvisikwa zvinooneka, ipapo “zvose zvazvo zvichasakara sezvinoita nguo.” (Pisarema 102:26) Sezvo munhu achirarama kwenguva yakareba kudarika zvipfeko zvake, saka Jehovha aigona kurarama kwenguva yakareba kudarika zvinhu zvaakasika—kudai aizosarudza kuita izvozvo. Zvisinei, mamwe magwaro anotiudza kuti izvozvo handizvo zvaanoda. Shoko raMwari rinotivimbisa kuti Jehovha akasarudza kuti nyika nematenga zvatinoona zvicharamba zviripo nokusingaperi.—Pisarema 104:5.

Zvinonyaradza kuziva kuti nguva dzose Jehovha achazadzika zvinangwa zvake zvose. Hazvinei nokuti tingawirwa nemiedzo yakadini, kana tikadana kwaari, tinogona kuva nechivimbo chokuti “achateerera munyengetero wevaya vakapfekenurwa zvinhu zvose, haazozvidzi munyengetero wavo.” (Pisarema 102:17) Chokwadi, kuvimbisa kwaJehovha kuti achatitsigira kuri pana Pisarema 102 kune simba zvikuru kutodarika nyika yatiri.