Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nzira Iyo Zvakanaka Zvichakunda Nayo Zvakaipa

Nzira Iyo Zvakanaka Zvichakunda Nayo Zvakaipa

Nzira Iyo Zvakanaka Zvichakunda Nayo Zvakaipa

Mambo Dhavhidhi aiva munhu akanaka. Aida Mwari zvikuru, aida zvakarurama, uye aiva nehanya nevarombo. Asi, mambo iyeye akanaka akaita upombwe nomudzimai womumwe wevarume vake vaaivimba. Uye pashure pokunge Dhavhidhi aona kuti Bhatishebha, mudzimai womushandi wake akanga ava nepamuviri pake, akabva azoronga kuti murume wake aurayiwe. Akabva aroora Bhatishebha achiedza kuvanza mhosva dzake.—2 Samueri 11:1-27.

ZVIRI pachena kuti vanhu vanokwanisa kuita zvakanaka zvikuru. Saka, nei vachiita zvakaipa kudaro? Bhaibheri rinopa zvikonzero zvikuru zvinoverengeka. Rinotaurawo kuti Mwari achabvisa sei uipi zvachose achishandisa Kristu Jesu.

Kuda Zvakaipa

Mambo Dhavhidhi pachake akataura chimwe chinhu chinokonzera mabasa akaipa. Pashure pokunge mhosva dzake dzafumurwa, akabvuma mhosva dzacho dzose. Achiratidza kupfidza, akabva anyora kuti: “Tarirai! Ndakaberekwa nemarwadzo okusununguka ndiine kukanganisa, amai vangu vakandinambira muchivi.” (Pisarema 51:5) Chaisambova chinangwa chaMwari kuti vanaamai vanambe vana vaizoita chivi. Zvisinei, Evha naAdhamu pavakasarudza kupandukira Mwari, vakanga vasingachakwanisi kubereka vana vasina chivi. (VaRoma 5:12) Vanhu vasina kukwana zvavakaramba vachiwedzera, zvakava pachena kuti “zvinodiwa nomwoyo womunhu zvakaipa kubvira achiri muduku.”—Genesisi 8:21.

Kana kukasadzorwa, kuda zvakaipa uku kunoguma no“ufeve, . . . kuvengana, kupopotedzana, godo, kufufutirwa nehasha, kukakavadzana, kupesana, kuita tumapoka, shanje,” uye mumwe mufambiro unokuvadza unorondedzerwa neBhaibheri se“mabasa enyama.” (VaGaratiya 5:19-21) Kana ari Mambo Dhavhidhi, akaita zvaidiwa nenyama yake yaitadza achibva aita ufeve, zvikaguma nokurwisana. (2 Samueri 12:1-12) Angadai asina kuita unzenza. Asi, paakaramba achichiva Bhatishebha, Dhavhidhi akaita zvakazorondedzerwa nomudzidzi Jakobho kuti: “Mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake. Ipapo kuchiva pakunenge kwakura, kunobereka chivi; chiviwo pachinenge chaitwa, chinokonzera rufu.”—Jakobho 1:14, 15.

Kupondwa kwevanhu vakawanda, kubatwa chibharo, uye kupambwa kwezvinhu kwataurwa munyaya yatangira ino mienzaniso yakakomba yezvinoitika kana vanhu vakabvumira zvishuvo zvakaipa kuti zvitungamirire zvavanoita.

Dzimwe Nguva Zvakaipa Zvinokonzerwa Nokusaziva

Zvakaitika kumuapostora Pauro zvinoratidza chikonzero chechipiri nei vanhu vachiita zvinhu zvakaipa. Panguva yaakafa, Pauro akanga ava kuzivikanwa zvikuru somunhu munyoro, ane rudo. Akanga ashanda zvisina udyire achishumira hama nehanzvadzi dzake dzechiKristu. (1 VaTesaronika 2:7-9) Zvisinei, pakutanga muupenyu hwake, paaizivikanwa nezita rokuti Sauro, aiva ne“shungu dzokutyisidzira nokuponda” boka irori chairo. (Mabasa 9:1, 2) Nei Pauro akabvuma kuti vaKristu vekare vaitirwe zvinhu zvakaipa uye nei iye akavaitira zvakaipa? Anoti, “nokuti ndakanga ndisingazivi.” (1 Timoti 1:13) Chokwadi, pakutanga Pauro akanga ‘achishingairira kushumira Mwari; asi akanga asingazviiti maererano nezivo yakarurama.’—VaRoma 10:2.

SaPauro, vanhu vakawanda vane mwoyo yakatendeseka vakaita zvakaipa nokuti havana zivo yakarurama yezvinodiwa naMwari. Somuenzaniso, Jesu akanyevera vateveri vake kuti: “Awa iri kuuya apo munhu wose anokuurayai achafunga kuti aitira Mwari basa dzvene.” (Johani 16:2) Zvapupu zvaJehovha zvemazuva ano zvinoona kuti mashoko aJesu ndeechokwadi. Munyika dzakawanda, zvave zvichitambudzwa, kunyange kutourayiwa nevanhu vanoti vanoshumira Mwari. Zviri pachena kuti kushingaira kwakadaro kusina kunaka hakufadzi Mwari wechokwadi.—1 VaTesaronika 1:6.

Akatanga Nouipi

Jesu akataura chikonzero chikuru chinoita kuti pave nouipi. Achitaura nevatungamiriri vechitendero vaida kumuuraya, akati: “Munobva kuna baba venyu Dhiyabhorosi, uye munoda kuita zvinodiwa nababa venyu. Iye akanga ari muurayi paakatanga.” (Johani 8:44) Nemhaka youdyire, Satani ndiye akanyengera Adhamu naEvha kuti vapandukire Mwari. Kupanduka ikoko kwakakonzera chivi—uye rufu—kuvanhu vose.

Mafungiro aSatani oumhondi akazobuda pachena pane zvaakaitira Jobho. Jehovha paakamubvumira kuti aedze kuvimbika kwaJobho, Satani haana kugutsikana nokutorera Jobho pfuma yake. Akakonzerawo kufa kwevana vake gumi. (Jobho 1:9-19) Mumakumi emakore achangodarika, vanhu vave vachiona uipi huchiwedzera, nokuti vanhu havana kukwana uye havana zvavanoziva uyewo nemhaka yokuti Satani ari kuramba achitowedzera kupindira munhau dzevanhu. Bhaibheri rinozivisa kuti Dhiyabhorosi “akakandwa pasi, . . . uye ngirozi dzake dzakakandwa pasi pamwe chete naye.” Uprofita ihwohwo hwakafanotaura zvakarurama kuti kukandwa kwake pasi zvachose kwaizoita kuti ‘panyika pave nenhamo’ isina kumboitika. Kunyange zvazvo Satani asingagoni kumanikidza vanhu kuti vaite zvinhu zvakaipa, ndiye shasha yo“kutsausa nyika yose inogarwa.”—Zvakazarurwa 12:9, 12.

Kubvisa Chido Chokuita Zvakaipa

Kuti uipi hubviswe zvachose munzanga yevanhu, chido chevanhu chavakaberekwa vainacho chokuda kuita zvakaipa, kushayiwa kwavo zivo yakarurama, uye kufurira kwaSatani zvinofanira kubviswa. Kutanga, chido chevanhu chavakaberekwa vainacho chokuita chivi chingabviswa sei mumwoyo yavo?

Hapana chiremba kana kuti mushonga unogadzirwa nevanhu ungagona kuchibvisa. Zvisinei, Jehovha Mwari akagadzira mushonga wechivi chatakaberekwa tiinacho uye wokubvisa kusakwana nokuda kwevose vanouda. Muapostora Johani akanyora kuti: “Ropa raJesu . . . rinotichenesa pazvivi zvose.” (1 Johani 1:7) Munhu akakwana Jesu paakazvidira kupa upenyu hwake, “akatakura zvivi zvedu mumuviri wake padanda, kuti tirege zvivi uye tiraramire kururama.” (1 Petro 2:24) Rufu rwaJesu rwokuzvibayira rwaizobvisa migumisiro yemabasa akaipa aAdhamu. Pauro anoti Kristu Jesu akava “rudzikinuro runoenzanirana navose.” (1 Timoti 2:6) Chokwadi, rufu rwaKristu rwakazarura nzira yokuti vanhu vose vavezve vakakwana, kukwana kwakanga kwaraswa naAdhamu.

Zvisinei, ungabvunza kuti, ‘Kana kufa kwakaita Jesu anenge makore 2 000 akapfuura kwakaita kuti vanhu vavezve vakakwana, nei uipi norufu zvichiripo?’ Kuwana mhinduro yomubvunzo iwoyo kungabatsira kubvisa chikonzero chechipiri chouipi—kusaziva kwevanhu zvinangwa zvaMwari.

Kunaka Kunosimbiswa Nezivo Yakarurama

Kuwana zivo yakarurama yezviri kuitwa naJehovha naJesu iye zvino kuti vabvise uipi kungaita kuti munhu anoita zvinhu nomwoyo wose arege kubvumira mabasa akaipa asingazivi, kana kuti zvakatoipisisa, kuti arege ‘kurwisana naMwari.’ (Mabasa 5:38, 39) Jehovha Mwari anoda kuregerera zvikanganiso zvakaitwa kare nokusaziva. Achitaura ari muAtene, muapostora Pauro akati: “Mwari akafuratira nguva dzokusaziva kwakadaro, asi zvino ari kuudza vanhu kuti kwose kwose vose vanofanira kupfidza. Nokuti akatara zuva raanoda kutonga naro nyika inogarwa, nokururama achishandisa munhu waakagadza, uye akapa vimbiso kuvanhu vose pakuti akamumutsa kubva kuvakafa.”—Mabasa 17:30, 31.

Pauro akazvionera kuti Jesu akanga amutswa kubva kuvakafa, nokuti Jesu aiva amutswa akataura naPauro uye akamurambidza kutambudza vaKristu vekare. (Mabasa 9:3-7) Paakangowana zivo yakarurama yezvinangwa zvaMwari, Pauro akachinja ndokuva munhu akanaka zvechokwadi achitevedzera Kristu. (1 VaKorinde 11:1; VaKorose 3:9, 10) Uyezve, Pauro akashingaira kuparidza “aya mashoko akanaka oumambo.” (Mateu 24:14) Muanenge makore 2 000 kubvira pakafa Jesu uye paakamuka, Kristu akasarudza pakati pevanhu, vaya vaachatonga navo muUmambo hwake, vakaita saPauro.—Zvakazarurwa 5:9, 10.

Mumazana emakore ose akapfuura uye kusvikira iye zvino, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichishingaira kuzadzika murayiro waJesu wokuti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Vaya vanogamuchira mashoko aya vanotarisira kurarama pasi pano nokusingaperi vachitongwa nehurumende yaKristu yokudenga. Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Kubatsira mumwe munhu kuti awane zivo iyi ndicho chinhu chakanakisisa icho munhu angaitira mumwe.

Vaya vanogamuchira aya mashoko akanaka oUmambo vanoratidza unhu hwakadai so“rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora,” pasinei nezvakaipa zvose zvakavapoteredza. (VaGaratiya 5:22, 23) Vachitevedzera Jesu, ‘havadzoreri chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake.’ (VaRoma 12:17) Somunhu mumwe nomumwe, vanoedza ‘kuramba vachikunda zvakaipa nezvakanaka.’—VaRoma 12:21; Mateu 5:44.

Kukunda Zvakaipa Kokupedzisira

Vanhu pachavo havambofi vakagona kukunda honzeri yezvakaipa, Satani Dhiyabhorosi. Zvisinei, munguva pfupi iri kutevera, Jehovha achashandisa Jesu kupwanya musoro waSatani. (Genesisi 3:15; VaRoma 16:20) Jehovha achaitawo kuti Kristu Jesu ‘apwanye, ogumisa’ masangano ose ezvematongerwo enyika, mazhinji acho akakonzera uipi zvikuru munhoroondo yevanhu. (Dhanieri 2:44; Muparidzi 8:9) Pazuva rokutonga iri riri kuuya, vose “vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu . . . vachatongerwa kuparadzwa nokusingaperi.”—2 VaTesaronika 1:8, 9; Zefaniya 1:14-18.

Kana Satani nevaya vanomutsigira vangobviswa, Jesu ari kudenga achabatsira vanenge vapona kudzorera nyika kuti iite sezvayakanga yakaita pakutanga. Kristu achamutsawo vose vane kodzero yokuwana mukana wokurarama munyika inenge yadzorerwa. (Ruka 23:32, 39-43; Johani 5:26-29) Paanoita izvozvo, achabvisa mimwe migumisiro youipi huri kutambudza vanhu.

Jehovha haamanikidzi vanhu kuti vateerere mashoko akanaka pamusoro paJesu. Zvisinei, ari kupa vanhu mukana wokuti vawane zivo inopa upenyu. Zvinokosha kuti iwe ushandise mukana uyu iye zvino! (Zefaniya 2:2, 3) Kana ukadaro, uchadzidza kurarama nouipi hwose huri kukanganisa upenyu hwako iye zvino. Uchaonawo kuti Kristu achakunda sei uipi pakupedzisira.—Zvakazarurwa 19:11-16; 20:1-3, 10; 21:3, 4.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Sauro akabvumira mabasa akaipa nokuti akanga asina zivo yakarurama

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kubatsira mumwe munhu kuti awane zivo yakarurama yaMwari ndicho chinhu chakanakisisa icho munhu angaitira mumwe