Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Shoko Rinotaurwa Panguva Yakakodzera Haiwa Rakanaka Sei!”

“Shoko Rinotaurwa Panguva Yakakodzera Haiwa Rakanaka Sei!”

“Shoko Rinotaurwa Panguva Yakakodzera Haiwa Rakanaka Sei!”

PANE rimwe zuva regungano chairo reZvapupu zvaJehovha, Kim akaita zvose zvaaikwanisa kuti ateerere uye anyore pfungwa huru uku achiedza kuita kuti mwanasikana wake aiva nemakore maviri nehafu agare akanyarara. Purogiramu yacho yapera, imwe hanzvadzi yechiKristu yaiva yakagara mumutsetse mumwe chete navo yakaenda kuna Kim ndokumurumbidza nomwoyo wose nokuda kwenzira iyo iye nomurume wake vakanga vachitarisira nayo mwanasikana wavo panguva yepurogiramu. Kurumbidzwa ikoko kwakabaya mwoyo waKim zvokuti kunyange iye zvino, kwapera makore akawanda, anoti: “Pandinenge ndakaneta zvikuru pamisangano, ndinofunga zvakataurwa nehanzvadzi iyoyo. Mashoko ayo omutsa achiri kundikurudzira kuti ndirambe ndichirovedza mwanasikana wedu.” Chokwadi, mashoko anoenderana nenguva angakurudzira mumwe munhu. Bhaibheri rinoti: “Shoko rinotaurwa panguva yakakodzera, haiwa rakanaka sei!”—Zvirevo 15:23.

Zvisinei, kunesu vamwe, tingava takaomerwa nokurumbidza vamwe. Dzimwe nguva, kuziva zvatisingakwanisi kuita kungaita kuti zviome kuti tirumbidze vamwe. Mumwe muKristu anoti: “Kwandiri, zvinoita sokumira panzvimbo isina kusimba. Pandinorumbidza vamwe zvikuru ndipo pandinonyanya kunzwa sokuti ndiri kunyura.” Zvinhu zvakadai sokunyara, kusava nechivimbo, kana kuti kutya kuti vamwe havazondinzwisisi zvingaitawo kuti zviome kurumbidza vamwe. Uyezve, kana isu pachedu takanga tisinganyanyi kurumbidzwa kana kuti takanga tisingatomborumbidzwi pataikura, tingaona zvakaoma kuti tirumbidze vamwe.

Kunyange zvakadaro, tingakurudzirwa kuti tiite zvose zvatinogona kurumbidza vamwe panguva yakakodzera kana tikaziva kuti kurumbidza kunogona kubatsira anorumbidza neanorumbidzwa wacho. (Zvirevo 3:27) Saka, kurumbidza vamwe kwakanakirei? Ngatikurukurei muchidimbu zvimwe zvacho.

Zvakwakanakira

Kurumbidza kwakakodzera kungaita kuti anorumbidzwa wacho ave nechivimbo. “Vanhu pavanondirumbidza, ndinoona kuti vanovimba neni,” anodaro Elaine, mumwe mudzimai muKristu. Chokwadi, kurumbidza mumwe munhu asina chivimbo kungaita kuti munhu wacho ave noushingi hwokukurira zvipingamupinyi oguma nokuwana mufaro. Pwere dzinonyanya kubatsirwa nokurumbidzwa kwakadzikodzera. Mumwe achiri kuyaruka uyo anobvuma kuti anoodzwa mwoyo nepfungwa dzake dzisina kunaka, anoti: “Nguva dzose ndinoedza nepandinogona napo kuti ndifadze Jehovha, asi dzimwe nguva ndinonzwa sokuti chero zvandinoita, hazvina kukwana. Mumwe munhu paanondirumbidza, ndinofara zvikuru nechomumwoyo.” Chokwadi, chirevo cheBhaibheri chakarurama chinoti: “Shoko rinotaurwa panguva yaro yakakodzera rakafanana nemaapuro endarama ari mundiro dzakavezwa dzesirivha.”—Zvirevo 25:11.

Kurumbidza mumwe munhu kunogona kumukurudzira. Mumwe mushumiri wenguva yakazara anoti, “Kurumbidzwa kunondikurudzira kuti ndiwedzere kushanda nesimba uye kuti ndinatsiridze ushumiri hwangu.” Vamwe amai vane vana vaviri vanoti vana vavo pavanorumbidzwa nevamwe vari muungano pavanenge vapindura pamisangano, vanonzwa vachida kupindura kakawanda. Chokwadi, kurumbidzwa kwacho kungakurudzira vechiduku kuti vafambire mberi mumararamiro echiKristu. Kutaura zvazviri, tose zvedu tinoda kuvimbiswa kuti tinodiwa uye tinokosheswa. Nyika ino yakazara nokuzvidya mwoyo ingaita kuti tinzwe takaneta uye takaora mwoyo. Mumwe mukuru wechiKristu anoti, “Dzimwe nguva pandinenge ndakaora mwoyo, kurumbidzwa kunoita semhinduro yeminyengetero yangu.” Saizvozvowo, Elaine anoti, “Dzimwe nguva ndinonzwa sokuti Jehovha anoratidza kuti anondifarira kuburikidza nemashoko anotaurwa nevamwe.”

Kurumbidzwa kungaita kuti munhu anzwe achidiwa. Kurumbidza nomwoyo wose kunoratidza kuva nehanya uye kunoita kuti pave noushamwari, kuchengeteka, uye kudiwa. Uchapupu hwokuti tinonyatsoda vaKristu vatinonamata navo uye tinovakoshesa. Vamwe amai vanonzi Josie, vanoti: “Kare, ndaifanira kutsigira chokwadi mumhuri ine zvitendero zvakasiyana. Panguva iyoyo, kurumbidzwa nevanhu vakakura mune zvokunamata kwaisimbisa kutsunga kwangu kuti ndisakanda mapfumo pasi.” Chokwadi, “tiri nhengo yomumwe nomumwe.”—VaEfeso 4:25.

Kuda kurumbidza vamwe kunotibatsira kuti tione zvakanaka zvavanoita. Tinotarira unhu hwevamwe hwakanaka, kwete zvavanokanganisa. Mumwe mukuru wechiKristu anonzi David anoti, “Kuonga zvinoitwa nevamwe kuchatibatsira kuti tirumbidze vamwe kakawanda.” Kuyeuka kuti Jehovha noMwanakomana wake vanogara vachitaura nezvezvinhu zvakanaka zvinoitwa nevanhu vasina kukwana kuchaita kuti tirumbidze vamwe kakawanda.—Mateu 25:21-23; 1 VaKorinde 4:5.

Vakakodzera Kurumbidzwa

Pane vaya vanokodzera kurumbidzwa, Jehovha Mwari ndiye anofanira kunyanya kurumbidzwa nokuti ndiye Musiki. (Zvakazarurwa 4:11) Kunyange zvazvo asingadi kuti isu timuite kuti ave nechivimbo kana kuti timukurudzire, patinorumbidza Jehovha pamusana pokutyisa kwake uye mutsa wake worudo, anoswedera pedyo nesu uye tinova noukama naye. Kurumbidza Mwari kunotibatsirawo kuti tizvione zvakanaka uye zvine mwero uye kunoita kuti tione kuti Jehovha ndiye anoita kuti tibudirire. (Jeremiya 9:23, 24) Jehovha anoita kuti vanhu vose vakakodzera vave netariro youpenyu husingaperi, uye ichocho ndechimwezve chikonzero chinokurudzira chokuti timurumbidze. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Mambo Dhavhidhi wekare aida nomwoyo wose ku“rumbidza zita raMwari” uye ku“mukudza nokuonga.” (Pisarema 69:30) Dai isu tikavawo nechido chakadaro.

Vatinonamata navo vanofanira kurumbidzwa zvakakodzera. Patinovarumbidza, tinoita maererano nomurayiro waMwari wokuti “tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo.” (VaHebheru 10:24) Muapostora Pauro ndiye akaratidza muenzaniso mukuru mune izvi. Akanyorera ungano yokuRoma kuti: “Kutanga, ndinoonga Mwari wangu nokuna Jesu Kristu pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kuri kutaurwa nezvakwo munyika yose.” (VaRoma 1:8) Saizvozvowo, muapostora Johani akarumbidza muKristu waainamata naye Gayo pamusana pomuenzaniso waiva wakanaka kwazvo woku“famba muchokwadi.”—3 Johani 1-4.

Mazuva ano, muKristu watinonamata naye paanoratidza unhu hwakaita sohwaKristu, paanopa hurukuro yakanyatsogadzirirwa pamisangano, kana kuti paanopindura nomwoyo wose pamusangano, tine mukana wakanaka kwazvo wokuonga munhu iyeye. Kana kuti mwana paanoedza kwazvo kuverenga magwaro pamisangano yeungano, tinogona kumurumbidza. Elaine ambotaurwa, anoti: “Tine zvipo zvakasiyana. Kana tikacherechedza zvinoitwa nomumwe munhu, tinoratidza kuonga kwatinoita zvipo zvakasiyana-siyana zvine vanhu vaMwari.”

Mumhuri

Zvakadini nokurumbidza nhengo dzemhuri yedu chaiyo? Zvinoda nguva yakawanda, kushanda nesimba, uye rudo kuti murume nomudzimai vatsigire mhuri yavo mune zvokunamata, mupfungwa uye mune zvenyama. Chokwadi vanofanira kurumbidzana uye kurumbidzwa nevana vavo. (VaEfeso 5:33) Somuenzaniso, nezvomudzimai anokwanisa, Shoko raMwari rinoti: “Vanakomana vake vanosimuka vachimuti anofara; murume wake anosimuka, uye anomurumbidza.”—Zvirevo 31:10, 28.

Vana vanodawo kurumbidzwa. Zvinosuruvarisa kuti vamwe vabereki vanokurumidza kuudza vana vavo zvavanoda kuti vaite, asi havambovarumbidzi nokuedza kwavanoita kuremekedza uye kuteerera. (Ruka 3:22) Kana mwana akarumbidzwa achiri muduku, kazhinji zvinoita kuti mwana wacho anzwe kuti anodiwa uye akachengeteka zvikuru.

Ichokwadi kuti zvinoda kushandira kuti tirumbidze vamwe, asi tinowana zvikomborero zvakawanda kana tikadaro. Kutaura zvazviri, kana tikashingaira kurumbidza vaya vakakodzera, tichawana mufaro mukuru.—Mabasa 20:35.

Rumbidza uye Bvuma Kurumbidzwa Nepfungwa Dzakanaka

Zvisinei, kurumbidzwa kungava muedzo kune vamwe. (Zvirevo 27:21) Somuenzaniso, kungaita kuti vanhu vanodada vazvikudziridze. (Zvirevo 16:18) Saka, zvinoda kungwarira. Muapostora Pauro akapa zano iri rinobatsira rinoti: “Ndinoudza munhu wose ari pakati penyu kuti arege kufunga nezvake kupfuura zvaanofanira kufunga; asi kuti afunge kuitira kuti ave nepfungwa dzakanaka, mumwe nomumwe sokugoverwa kwaakaitwa chiyero chokutenda naMwari.” (VaRoma 12:3) Kuti tibatsire vamwe kuti vasawira mumusungo wokunyanya kuzvifunga, zvingava zvakanaka kuti tisanyanya kufunga unhu hwakadai sokuchenjera zvikuru kana kuti runako. Asi, tinofanira kurumbidza vamwe pamusana pemabasa avo akanaka kwazvo.

Kana mashoko okurumbidza akataurwa uye akagamuchirwa zvakanaka, angatibatsira. Tingakurudzirwa kuti tibvume kuti tinoonga Jehovha nokuda kwezvose zvakanaka zvatakaita. Kurumbidzwa kungatikurudzirawo kuti tirambe tichizvibata zvakanaka.

Kurumbidza kwakanyatsokodzera uye kwomwoyo wose chipo icho tose tinogona kupa. Patinorumbidza mumwe munhu tambofunga, zvingabaya mwoyo womunhu wacho kupfuura zvatingamboziva.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 18]

Tsamba Yakabaya Mwoyo Wake

Mumwe mutariri anofambira anonyatsoyeuka rimwe zuva apo iye nomudzimai wake vakadzokera kwavaigara pashure pokunge vatonhorwa zvikuru vari muushumiri munguva yechando. Anoti: “Mudzimai wangu akanga atonhorwa uye aora mwoyo, uye akandiudza kuti aifunga kuti akanga asingachakwanisi kuenderera mberi. Akati, ‘zvaizova nani zvikuru kuita basa renguva yakazara tiri muungano, tichigara panzvimbo imwe chete, uye tiine vanhu vatinotiwo ava tisu tinodzidza navo Bhaibheri.’ Ndakaverengera kuita chisarudzo, ndichiti taizoramba tichiparidzira vhiki yacho yose ndoona kuti aizenge ava kunzwa sei panguva iyoyo. Kana aizoramba achida kusiya basa racho, ndaizoremekedza manzwiro ake. Musi iwoyo chaiwo, takamira paposvo tichibva tawana tsamba yaibva kuhofisi yebazi yakanga yanyorerwa iye pachake. Tsamba yacho yaiva nemashoko oushamwari okurumbidza kushingaira kwake muushumiri hwomumunda uye kutsungirira kwake, uye yaibvuma kuoma kwazvakaita kurara pamubhedha wakasiyana-siyana vhiki imwe neimwe. Akabayiwa mwoyo zvikuru nemashoko iwayo okurumbidza zvokuti haana kuzombotaurazve nezvokusiya basa rokufambira. Kutaura zvazviri, aindikurudzira kakawanda kuti tirambe tiri mubasa rokufambira pandaifunga nezvokusiya basa racho.” Vaviri ava vakaramba vari mubasa rokufambira kwemakore anenge 40.

[Mufananidzo uri papeji 17]

Ndiani akakodzera kurumbidzwa muungano yenyu?

[Mufananidzo uri papeji 19]

Vana vanobudirira kana vachiratidzwa rudo uye vachirumbidzwa