Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unovimba naMwari Zvakasimba Zvakadini?

Unovimba naMwari Zvakasimba Zvakadini?

Unovimba naMwari Zvakasimba Zvakadini?

“Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo.”—MATEU 6:33.

1, 2. Mumwe murume wechiduku akatora danho ripi nezvebasa raaishanda, uye nei?

MUMWE murume wechiduku aida kushandiswa zvikuru muungano yavo. Chinetso chake chaiva chokuti basa rake rokunyika raimuvhiringidza kuti apinde misangano nguva dzose. Akagadzirisa sei mamiriro acho ezvinhu? Akaita kuti upenyu hwake huve nyore, akasiya basa rake, uye nokufamba kwenguva akawana basa rakanga risingavhiringidzi mabasa ake echiKristu. Nhasi, anotambira mari shoma zvikuru pane yaaimbotambira, asi achiri kutarisira zvinodiwa nemhuri yake uye ava kukwanisa kutsigira ungano zviri nani.

2 Unonzwisisa here chikonzero nei murume wechiduku iyeye akatora danho rakadaro? Kudai waiva mumamiriro ezvinhu akaita seake, unofunga kuti waizotora danho rakafanana here? Zvinorumbidzwa kuti vaKristu vakawanda ndozvavakaita, uye zvavakaita zvinoratidza kuvimba kwavanoita nevimbiso yaJesu yokuti: “Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateu 6:33) Vanovimba naJehovha kuti achavachengetedza pane kuvimba nenyika.—Zvirevo 3:23, 26.

3. Nei vamwe vangatadza kuziva kana nhasi zvichibatsira kuisa Umambo hwaMwari pakutanga?

3 Tichifunga nezvenguva yakaoma yatiri kurarama, vamwe vangatadza kuziva kana murume wechiduku iyeye akasarudza nokuchenjera. Nhasi, vamwe vanhu vanorarama muurombo hwakanyanya nepo vamwe vari mumutambarakede. Vakawanda vari munyika dzine urombo vangatsvaka chero mukana upi zvawo wokuita kuti upenyu hwavo huti rerukei. Asi, vakawanda vari munyika dzakapfuma vanonzwa vachida kuramba vachirarama upenyu hwakanaka pasinei nokuderera kwezvoupfumi, kuchinja kwemabasa, uye kupedzera nguva yavo yakawanda uye simba ravo vachishanda sezvinodiwa nevavanoshandira. Tichifunga kuoma kwazvakaita kuwana chokurarama nacho, vamwe vangashamisika kuti, ‘Zvichiri kubatsira here kutanga kutsvaka Umambo?’ Kuti ubatsirwe kupindura mubvunzo iwoyo, funga nezvevanhu avo Jesu akanga achitaura navo.

“Regai Kuzvidya Mwoyo”

4, 5. Jesu akaratidza sei kuti zvaiva nomusoro kuti vanhu vaMwari vasanyanya kuzvidya mwoyo pamusoro pezvinhu zvezuva nezuva?

4 Jesu aiva muGarireya, achitaura neboka guru revanhu vakanga vabva kunzvimbo dzakawanda. (Mateu 4:25) Kana paiva nevakapfuma vaiva vashomanana. Vakawanda vangangodaro vaiva varombo. Asi Jesu akavakurudzira kuti vasaisa kuwana pfuma yezvinhu zvenyama panzvimbo yokutanga, asi kuti vaunganidze chimwe chinhu chinokosha kupfuura zvose—pfuma yezvinhu zvine chokuita nokunamata. (Mateu 6:19-21, 24) Akati: “Regai kuzvidya mwoyo pamusoro pemweya yenyu pamusoro pechamuchadya kana chamuchanwa, kana pamusoro pemiviri yenyu kuti muchapfekei. Mweya haurevi zvinopfuura zvokudya uye muviri kupfuura zvipfeko here?”—Mateu 6:25.

5 Kune vakawanda ivavo vakanga vakateerera, mashoko aJesu angave aiita seasingabatsiri. Vaiziva kuti kana vaizorega kushanda nesimba, mhuri dzavo dzaizotambura. Zvisinei, Jesu akavayeuchidza nezveshiri. Zuva nezuva shiri dzinofanira kutsvaka zvokudya, asi Jehovha anodzitarisira. Jesu akataurawo nezvenzira iyo Jehovha anotarisira nayo maruva omusango, ane runako runopfuura rwaSoromoni mukubwinya kwake kwose. Kana Jehovha achitarisira shiri nemaruva, isu achatitarisira zvikuru sei? (Mateu 6:26-30) Sezvakataura Jesu, upenyu hwedu (mweya) uye miviri yedu inokosha zvikuru kudarika zvokudya zvatinotenga kuti tirambe tichirarama uye zvokupfeka zvatinowana kuti tifukidze miviri yedu. Kana tikapedzera simba redu rose pakungotsvaka zvokudya nezvokupfeka, pasina ratinosiyira kushumira Jehovha, tinenge tatadza kuziva chinangwa chaicho chokurarama.—Muparidzi 12:13.

Maonero Ari Pakati Nepakati

6. (a) VaKristu vane mutoro wei? (b) VaKristu vanoisa chivimbo chavo chakazara muna ani?

6 Chokwadi, Jesu haana kukurudzira vateereri vake kuti varege kushanda vomirira Mwari kuti atarisire zvinodiwa nemhuri dzavo. Kunyange shiri dzinofanira kutsvaka zvokudya zvadzo nezvevana vadzo. Saka, vaKristu vaifanira kushanda kana vaida kudya. Vaifanira kuriritira mhuri. Vashumiri vechiKristu uye varanda vaifanira kubishairira kushandira vanatenzi vavo. (2 VaTesaronika 3:10-12; 1 Timoti 5:8; 1 Petro 2:18) Muapostora Pauro aiwanzoita basa rokugadzira matende kuti azviriritire. (Mabasa 18:1-4; 1 VaTesaronika 2:9) Zvisinei, vaKristu ivavo vakanga vasingangovimbi kuti basa rokunyika raizovachengeta. Vaivimba naJehovha. Saka, vaiva norugare rwomumwoyo rwakanga rusina vamwe. Munyori wepisarema akati: “Vaya vanovimba naJehovha vakaita seGomo reZiyoni, risingagoni kuzununguswa, asi rinogara nokusingagumi.”—Pisarema 125:1.

7. Munhu asingavimbi naJehovha zvakasimba angava nemaonero akadini?

7 Munhu wose asingavimbi naJehovha zvakasimba angafunga zvakasiyana. Vanhu vakawanda vanoona zvinhu zvenyama sechinhu chikuru chinoita kuti vave vakachengeteka. Saka, vabereki vanokurudzira vana vavo kuti vapedze nguva yavo yokuyaruka vachiwana dzidzo yepamusoro, vachitarisira kuti dzidzo iyoyo inozoita kuti vawane mabasa anobhadhara mari yakanaka. Zvinosuruvarisa kuti dzimwe mhuri dzechiKristu dzakarasikirwa zvikuru nokuita kuti vana vapedze nguva yakawanda nesimba rakawanda vachiwana dzidzo yepamusoro, sezvo vana vavo vasingachakoshesi zvinhu zvokunamata uye vachitanga kuva nezvinangwa zvokunyanya kuda zvinhu zvenyama.

8. VaKristu vanoramba vaine maonero api ari pakati nepakati?

8 Saka, vaKristu vakachenjera vanoziva kuti zano raJesu richiri kushanda sezvaraingoita muzana remakore rokutanga, uye vanoedza kuva nemaonero ari pakati nepakati. Kunyange kana vachifanira kupedza maawa akawanda vari kubasa rokunyika kuitira kuti vaite zvavanorayirwa neMagwaro, havambobvumiri kuti mukana iwoyo wokuwana mari uvatadzise kuona zvinhu zvinonyanya kukosha mune zvokunamata.—Muparidzi 7:12.

“Musambozvidya Mwoyo”

9. Jesu anokurudzira sei vaya vanovimba naJehovha zvakazara?

9 MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akakurudzira vateereri vake kuti: “Musambozvidya mwoyo muchiti, ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti zvose izvi ndizvo zvinhu zvinotsvakwa nemamwe marudzi nomwoyo wose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi.” (Mateu 6:31, 32) Aya mashoko anokurudzira chaizvo! Kana tichivimba naJehovha zvakazara, achatitsigira nguva dzose. Zvisinei, mashoko aJesu anotokonyawo pfungwa. Anotiyeuchidza kuti kana tikatsvaka zvinhu zvenyama “nomwoyo wose,” tinenge tichifunga sezvinoita “mamwe marudzi,” vanhu vasiri vaKristu vechokwadi.

10. Rimwe jaya parakabvunza Jesu mazano, Jesu akabudisa sei pachena zvainyanya kudiwa nejaya iri?

10 Pane imwe nguva, rimwe jaya rakanga rakapfuma zvikuru rakabvunza Jesu kuti raifanira kuitei kuti riwane upenyu husingaperi. Jesu akariyeuchidza zvaidiwa noMutemo, zvakanga zvichiri kushanda panguva iyoyo. Jaya racho rakaudza Jesu kuti: “Ndakachengeta yose iyi; chii chasara kuti ndiite?” Mhinduro yaJesu ingave yakaita seisina musoro kune vakawanda. Akati: “Kana uchida kuva akakwana, enda unotengesa zvinhu zvako upe varombo uye uchava nepfuma kudenga, uuye uve muteveri wangu.” (Mateu 19:16-21) Jaya racho rakaenda rasuruvara, sezvo rakanga risingakwanisi kugamuchira pfungwa yokurasikirwa nepfuma yaro. Pasinei nokuti raida Jehovha zvakadini, jaya racho rainyanya kuda pfuma yaro.

11, 12. (a) Jesu akataura mashoko api anobaya mwoyo ane chokuita nepfuma? (b) Pfuma ingava sei chipingamupinyi pakushumira Jehovha?

11 Chiitiko ichocho chakaita kuti Jesu ataure chimwe chinhu chakanga chisingatarisirwi: “Chichava chinhu chakaoma kuti mupfumi apinde muumambo hwokumatenga. . . . Zviri nyore kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pane kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” (Mateu 19:23, 24) Jesu akanga achireva here kuti hapana munhu akapfuma achagara nhaka yoUmambo? Aiwa, nokuti akaenderera mberi achiti: “Zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.” (Mateu 19:25, 26) Chokwadi, vachibatsirwa naJehovha, vamwe vanhu vakanga vakapfuma kare ikako vakava vaKristu vakazodzwa. (1 Timoti 6:17) Kunyange zvakadaro, Jesu akataura mashoko iwayo anoshamisa aine chikonzero chakanaka. Akanga achipa nyevero.

12 Kana munhu akanyanya kuomerera papfuma yake sezvakaitwa nejaya riya rakanga rakapfuma, ingava chipingamupinyi pakushumira kwake Jehovha nomwoyo wose. Ndizvo zvingaitikawo kune munhu akatopfuma uye kune uya “akatsunga kupfuma.” (1 Timoti 6:9, 10) Kunyanya kuvimba nezvinhu zvenyama kungaita kuti munhu asanyanya ‘kuziva zvaanoda mumudzimu.’ (Mateu 5:3) Saka, angasaona paine chikonzero chokuti abatsirwe naJehovha. (Dheuteronomio 6:10-12) Angatarisira kubatwa zvakanaka muungano kudarika vamwe. (Jakobho 2:1-4) Uye angapedza nguva yake yakawanda achishandisa pfuma yake pane kushumira Jehovha.

Iva Nemaonero Akanaka

13. VaRaodhikiya vaiva nemaonero api akaipa?

13 Rimwe boka raiona pfuma nenzira yakaipa raiva ungano yomuzana remakore rokutanga yomuRaodhikiya. Jesu akati kwavari: “Unoti: ‘Ndakapfuma uye ndakawana pfuma uye hapana chandinomboshayiwa,’ asi hauzivi kuti unosiririsa, uye unonzwisa tsitsi, uri murombo, uri bofu uye hauna kupfeka.” Yakanga isiri pfuma yavo yakaita kuti vaRaodhikiya vanzwise tsitsi zvakadaro mune zvokunamata. Yaiva mhaka yokuti vaivimba nepfuma pane kuvimba naJehovha. Saka, vakanga vachidziya mune zvokunamata, zvokusvika pakuda ‘kusvipwa’ mumuromo maJesu.—Zvakazarurwa 3:14-17.

14. Nei vaKristu vechiHebheru vaiva vakakodzera kurumbidzwa naPauro?

14 Kune rimwe divi, Pauro akarumbidza vaKristu vechiHebheru pamusana pemaitiro avo panguva yavakanga vambotambudzwa. Akati: “Makanzwira tsitsi vaya vaiva mujeri uye makabvuma nomufaro kuti zvinhu zvenyu zvipambwe, muchiziva kuti imi mune zvinhu zviri nani uye zvinogara.” (VaHebheru 10:34) VaKristu ivavo havana kurwadziwa nokurasikirwa nezvinhu zvavo. Vakaramba vachifara nokuti vakaramba vakabatisisa zvinhu zvavo zvainyanya kukosha, “zvinhu [zvavo] zviri nani uye zvinogara.” Kufanana nomunhu aifamba achitengesa womumufananidzo waJesu uyo akatengesa zvinhu zvose kuti atenge parera rimwe chete rinokosha, vakanga vakatsunga kuramba vakabatisisa tariro yoUmambo, pasinei nokuzvibayira kwavaizofanira kuita. (Mateu 13:45, 46) Aiva maonero akazonaka!

15. Mumwe musikana wechiKristu wokuLiberia akaisa sei pakutanga zvinhu zvine chokuita noUmambo?

15 Vakawanda nhasi vakava nemaonero akanaka kwazvo akadaro. Somuenzaniso, kuLiberia, mumwe musikana wechiKristu akapiwa mukana wokuti adzidze payunivhesiti. Munyika iyoyo, mukana wakadaro unoonekwa senzira yokuva neramangwana rakachengeteka. Zvisinei, aiva piyona, muevhangeri wenguva yakazara, uye akanga akokwa kuti ashande sapiyona chaiye kwekanguva. Akasarudza kutanga kutsvaka Umambo ndokuramba ari mubasa renguva yakazara. Akaenda kunopayona achibva atanga kudzidza Bhaibheri nevanhu 21 mumwedzi mitatu. Hanzvadzi yechiduku iyi nezvimwe zviuru zvakaita saiyo vanotanga kutsvaka Umambo, kunyange kana vachirasikirwa nemikana yokuwana zvinhu zvenyama. Vanoramba sei vaine maonero akadaro munyika ino inonyanya kuda zvinhu zvenyama? Vakakudziridza unhu hwakawanda hwakanaka chaizvo. Ngatikurukurei humwe hwacho.

16, 17. (a) Nei kuzvininipisa kuchikosha kana tichizovimba naJehovha? (b) Nei tichifanira kukudziridza kuvimba nezvipikirwa zvaMwari?

16 Kuzvininipisa: Bhaibheri rinoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako. Usazviti wakachenjera.” (Zvirevo 3:5-7) Dzimwe nguva, mumwe mufambiro ungaita sowakanaka mukuona kwenyika. (Jeremiya 17:9) Zvisinei, muKristu anoita zvinhu nomwoyo wose anotarisira kuti Jehovha amutungamirire. (Pisarema 48:14) ‘Munzira dzake dzose’—muzvinhu zvine chokuita neungano, dzidzo kana kuti basa rokunyika, kuzorora, kana kuti zvimwe zvinhu—anotsvaka zano raJehovha achizvininipisa.—Pisarema 73:24.

17 Kuvimba nezvipikirwa zvaJehovha: Pauro akati: “Iye anosvika kuna Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Kana tisina chokwadi chokuti Jehovha achazadzika zvipikirwa zvake, zvingaita sezvine musoro kuti ‘tishandise nyika ino zvizere.’ (1 VaKorinde 7:31) Asi kana kutenda kwedu kwakasimba, tichatsunga kutanga kutsvaka Umambo. Tingava sei nokutenda kwakasimba? Kana tikaswedera pedyo naJehovha nokunyengetera nguva dzose zvichibva pamwoyo, uye nokugara tichidzidza tiri toga. (Pisarema 1:1-3; VaFiripi 4:6, 7; Jakobho 4:8) Kufanana naMambo Dhavhidhi, tinogona kunyengetera tichiti: “Ndakavimba nemi, haiwa Jehovha. Ndakati: ‘Muri Mwari wangu.’ Kunaka kwenyu kwakakura sei!”—Pisarema 31:14, 19.

18, 19. (a) Kubishaira kunosimbisa sei kuvimba kwatinoita naJehovha? (b) Nei muKristu achifanira kuda kurega zvimwe zvinhu?

18 Kubishaira mubasa raJehovha: Pauro akabatanidza kuvimba nezvipikirwa zvaJehovha nokubishaira paakanyora kuti: “Tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu aratidze kubishaira kwakafanana naikoko kuti muve nechivimbo chizere chetariro kusvikira kumugumo.” (VaHebheru 6:11) Kana tiine zvakawanda zvokuita mubasa raJehovha, achatitsigira. Nguva nenguva paanotitsigira, tinowedzera kuvimba naye, tinova ‘vakasimba, vasingazununguki.’ (1 VaKorinde 15:58) Kutenda kwedu kunovandudzwa, uye tariro yedu inosimbiswa.—VaEfeso 3:16-19.

19 Kuda kurega zvimwe zvinhu: Pauro akarega rimwe basa rakanga rakanaka chaizvo kuitira kuti atevere Jesu. Akanyatsoita chisarudzo chakanaka, kunyange zvazvo dzimwe nguva upenyu hwake hwakanga hwakaoma mune zvenyama. (1 VaKorinde 4:11-13) Jehovha haavimbisi upenyu hwomutambarakede, uye dzimwe nguva vashumiri vake vanotsungirira nhamo. Kuda kwatinoita kuti upenyu hwedu huve nyore uye kurega zvimwe zvinhu kunoratidza kusimba kwakaita chisarudzo chedu chokushumira Jehovha.—1 Timoti 6:6-8.

20. Nei kushivirira kuchikosha kune munhu anoisa pakutanga zvinhu zvine chokuita noUmambo?

20 Kushivirira: Mudzidzi Jakobho akakurudzira vaKristu vaainamata navo achiti: “Naizvozvo, hama, shivirirai kusvikira pakuvapo kwaShe.” (Jakobho 5:7) Munyika ino inoita zvinhu nechimbichimbi, zvakaoma kuva munhu anoshivirira. Tinoda kuti zvinhu zvikurumidze kuitika. Asi Pauro anotikurudzira kuti titevedzere vaya “vanogara nhaka yezvipikirwa pachishandiswa kutenda nokushivirira.” (VaHebheru 6:12) Bvuma kumirira Jehovha. Upenyu husingaperi muparadhiso pasi pano—zvechokwadi zvakakodzera kuhumirira!

21. (a) Tinoratidzei patinoisa pakutanga zvinhu zvine chokuita noUmambo? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

21 Chokwadi, zano raJesu rokutanga kutsvaka Umambo rinobatsira. Patinoita izvozvo, tinoratidza kuti tinonyatsovimba naJehovha, uye kuti tinosarudza nzira bedzi yakachengeteka yokuti muKristu ararame. Zvisinei, Jesu akatipawo zano rokuti tirambe ‘tichitanga kutsvaka kururama kwaMwari.’ Munyaya inotevera, tichaona kuti nei tichinyanya kuda kukurudzirwawo mazuva ano.

Ungatsanangura Here?

• Jesu akatikurudzira kuti tive nemaonero api ari pakati nepakati pamusoro pezvinhu zvenyama?

• Tinodzidza chii pamufananidzo waJesu wengamera neburi retsono?

• Unhu hupi hwechiKristu hunotibatsira kutanga kutsvaka Umambo hwaMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

Vakawanda vakanzwa mashoko aJesu vaiva varombo

[Mufananidzo uri papeji 23]

Jaya rakanga rakapfuma rainyanya kuda pfuma yaro kupfuura kuda Mwari

[Mufananidzo uri papeji 23]

Munhu aifamba achitengesa womumufananidzo waJesu akatengesa zvose kuti awane parera rimwe chete rinokosha

[Mufananidzo uri papeji 24]

Kana tiine zvakawanda zvokuita mubasa raJehovha, achatitsigira