Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvakanaka Zvakapoteredzwa Nezvakaipa

Zvakanaka Zvakapoteredzwa Nezvakaipa

Zvakanaka Zvakapoteredzwa Nezvakaipa

MUNYIKA yanhasi, zvingaita sokuti vanhu vashomanana ndivo vanoda kuzvipira. Zvisinei, vamwe vachiri kuda “kuita zvakasiyana”—kubatsira vamwe neimwe nzira. Gore roga roga, vanhu vasingaverengeki vanopa mabhiriyoni emadhora kumasangano avanofunga kuti anoyamura. Somuenzaniso kuBritain, mari yezvipo yakapiwa sangano rinoyamura yakasvika madhora mabhiriyoni 13 emari yokuAmerica, (mabhiriyoni 338 emari yomuZimbabwe) muna 2002. Kubvira muna 1999, shoroma gumi dzinoyamura vanhu dzakapa kana kuti dzakavimbisa kubvisa madhora anodarika mabhiriyoni 38 emari yokuAmerica (mabhiriyoni 988 emari yomuZimbabwe) kuti dzibatsire varombo.

Mamwe mabasa akanaka akaitwa nevashandi vokuyamura anosanganisira kubhadharira mhuri dzinotambira mari shoma mari yokurapwa, kudzidzisa vana vane mubereki mumwe, kubhadhara mari yezvirongwa zvokubaya vanhu majekiseni okudzivirira zvirwere munyika dziri kubudirira, kupa vana bhuku ravo rokutanga, kupa mhuka dzokupfuya kuvarimi vari munyika dzine urombo, uye kuendesa zvinhu zvokuyamura kune vanhu vanenge vawirwa nenjodzi dzinongoitika dzoga.

Zvichangobva kutaurwa izvi zvinoratidza kuti vanhu vanokwanisa kuitira vamwe zvinhu zvakanaka. Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti kunewo vamwe vanhu vanoita mabasa akaipa zvikuru.

Zvakaipa Zviri Kuwedzera

Kubvira pakaguma Hondo Yenyika II, pave paine zviitiko zvakanyorwa zvinoda kusvika 50 zvokuparadza rudzi uye kuurayiwa kwevanhu vakawanda pamusana pezvematongerwo enyika. “Zviitiko izvi,” rinodaro pepanhau rinonzi American Political Science Review, “zvakaurayisa vanhu vanenge mamiriyoni 12 uye vanhuwo zvavo vanosvika mamiriyoni 22, nhamba inodarika vanhu vose vakafa muhondo yomunyika yacho uye muhondo dzomunyika dzose kubvira muna 1945.”

Muhafu yokupedzisira yezana remakore rechi20, vanhu vanosvika mamiriyoni 2,2 vakaurayirwa zvematongerwo enyika muCambodia. Kuvengana kwemadzinza muRwanda kwakakonzera kufa kwevarume, vakadzi nevana vanodarika 800 000. Kuurayirwa zvechitendero uye zvematongerwo enyika muBosnia kwakaguma nokufa kwevanhu vanodarika 200 000.

Achitaura nezvemabasa akaipa akanga achangobva kuitika, muna 2004 munyori mukuru weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose akati: “MuIraq, takaona vanhuwo zvavo vachipondwa zvine utsinye, uku vashandi vokuyamura, vatori venhau nevamwe vasiri varwi vachitapwa uye vachiurayiwa nenzira ine utsinye husingatauriki. Panguva imwe chete, takaona vasungwa vokuIraq vachibatwa zvinopisa tsitsi zvikuru. MuDarfur, takaona vanhu vose vachimanikidzwa kusiya misha yavo, uye misha yavo ichiparadzwa, uyewo vanhu vachibata vamwe chibharo nemaune. Kuchamhembe kweUganda, takaona vana vachikuvadzwa uye vachimanikidzwa kuita utsinye hwakaipa zvisingatauriki. MuBeslan, takaona vana vachitorwa senhapwa uye vachiurayiwa nenzira youtsinye.”

Kunyange munyika dzinonzi dzakabudirira, mhosva dzinoparwa nemhaka yokuvengana kwemadzinza dzinoita sedziri kuwedzera. Somuenzaniso, pepanhau rinonzi Independent News rakati muna 2004 Britain yakaona “nhamba yakawedzera kakapetwa ka11 yevanhu vakarwiswa kana kuti vasina kubatwa zvakanaka nemhaka yorudzi rwavo mumakore gumi apfuura.”

Nei vanhu vanokwanisa kuita zvakanaka zvikuru vachiita mabasa akaipa kudaro? Tichazomborarama here pasina zvakaipa? Sezvinoratidzwa nenyaya inotevera, Bhaibheri rinopa mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo iyi inovhiringidza.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

BUTIRO: Mark Edwards/Still Pictures/Peter Arnold, Inc.