Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Muareka yesungano maingova nemahwendefa maviri ematombo here, kana kuti maivawo nezvimwe zvinhu?

Panguva yakatsaurirwa temberi yaSoromoni muna 1026 B.C.E., “muAreka macho makanga musina chinhu kunze kwemahwendefa maviri akanga aiswa imomo naMosesi kuHorebhi, Jehovha paakaita sungano nevanakomana vaIsraeri pavaibuda munyika yeIjipiti.” (2 Makoronike 5:10) Zvisinei, hazvirevi kuti ndozvamaigara makaita.

“Mumwedzi wechitatu vanakomana vaIsraeri vabuda munyika yeIjipiti,” vakapinda murenje reSinai. (Eksodho 19:1, 2) Zvadaro, Mosesi akakwira muGomo reSinai akapiwa mahwendefa maviri ematombo oMutemo. Anorondedzera kuti: “Ndakabva ndatendeuka, ndikaburuka mugomo, ndikaisa mahwendefa acho muareka yandakanga ndagadzira, kuti arambe ari imomo, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha.” (Dheuteronomio 10:5) Iyi yaiva areka kana kuti mudziyo waingoshandiswa kwenguva pfupi, wakanga warayirwa Mosesi naJehovha kuti auvake kuitira kuti ugare mahwendefa oMutemo. (Dheuteronomio 10:1) Areka yesungano yakanga isati yava kukwanisa kushandiswa kusvikira nechokunopera kwa1513 B.C.E.

VaIsraeri vachangonunurwa muIjipiti, vakatanga kugunun’una nezvezvokudya. Naizvozvo Jehovha akavapa mana. (Eksodho 12:17, 18; 16:1-5) Panguva iyoyo, Mosesi akarayira Aroni kuti: “Tora chirongo uise omeri izere mana, uiise pamberi paJehovha kuti ive chinhu chichachengetwa kwezvizvarwa zvenyu zvose.” Nhoroondo yacho inoti: “Aroni akabva aiisa pamberi peChipupuriro [nzvimbo yaichengeterwa magwaro anokosha] kuti ive chinhu chaizochengetwa, sezvakanga zvarayirwa Mosesi naJehovha.” (Eksodho 16:33, 34) Aroni paaiunganidza mana achiisa muchirongo panguva iyoyo, vaifanira kumbomira kuiisa pamberi peChipupuriro kusvikira Mosesi agadzira Areka uye aisa mahwendefa acho mairi.

Sezvatotaurwa, areka yesungano yakavakwa gore ra1513 B.C.E. rava kunopera. Tsvimbo yaAroni yakazoiswa muAreka iyoyo pava paya, pashure pokupanduka kwaKora nevamwe vake. Muapostora Pauro anotaura nezve“areka yesungano . . . maiva nechirongo chendarama chaiva nemana netsvimbo yaAroni yakanga yakatungira uye mahwendefa esungano.”—VaHebheru 9:4.

Mana yaiva zvokudya zvakapiwa vaIsraeri naMwari munguva yorwendo rwavo rwemakore 40 murenje. Havana kuzoipiwazve pa“vakatanga kudya zvimwe zvibereko zvenyika” yakapikirwa. (Joshua 5:11, 12) Tsvimbo yaAroni yakaiswa muareka yesungano paine chinangwa—kuti ive chiratidzo kana kuti uchapupu kuchizvarwa chaipandukira. Izvi zvingareva kuti tsvimbo yakaramba iri imomo kweinenge nguva yose yorwendo rwomurenje. Saka zvingaita sezvine musoro kugumisa kuti tsvimbo yaAroni nechirongo chendarama chemana zvakabudiswa muareka yesungano pane imwe nguva pashure pokunge vaIsraeri vapinda muNyika Yakapikirwa asi temberi yaSoromoni isati yatsaurirwa.