Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndima dzeMagwaro eBhaibheri Dzakare kare Dzinozivikanwa”

“Ndima dzeMagwaro eBhaibheri Dzakare kare Dzinozivikanwa”

“Ndima dzeMagwaro eBhaibheri Dzakare kare Dzinozivikanwa”

MAKORE 25 apfuura, nyanzvi dzokuchera matongo dzokuIsrael dzakawana zvinhu zvinoshamisa. Mune rimwe bako raivigwa vanhu pamawere oMupata weHinomu muJerusarema, vakawana mipumburu miduku miviri yesirivha yaiva yakanyorwa magwaro eBhaibheri. Mipumburu yacho yairatidza kuti yakanyorwa Jerusarema risati raparadzwa neBhabhironi muna 607 B.C.E. Magwaro acho aitaura nezvezvimwe zvikomborero zvakanyorwa pana Numeri 6:24-26. Zita raMwari rokuti Jehovha raioneka mumipumburu yacho yose kanoverengeka. Zvinyorwa zvacho zvakarondedzerwa se“zvicherwa zvakawanwa zvakare kare zvenyika yekare zvine ndima dzeBhaibheri rechiHebheru.”

Zvisinei, dzimwe nyanzvi dzakanga dzisina chokwadi nezvemisi yacho uye dzakati mipumburu yacho yakanyorwa muzana remakore rechipiri B.C.E. Chimwe chakaita kuti vasabvumirana ndechokuti zvakanga zvakaita mifananidzo yemipumburu iyi miduku-duku zvakaita kuti vasakwanisa kunyatsoongorora zvose zvavaida. Kuti rigadzirise chinetso chemisi yacho, rimwe boka renyanzvi rakatanga kuongorora patsva. Vakashandisa unyanzvi hwemazuva ano zvikuru hwokutora mifananidzo uye hwemakombiyuta kuitira kuti vabudise mifananidzo yakajeka yemipumburu yacho. Munguva pfupi yapfuura vakataura zvavakawana pakuongorora kwacho. Boka iri renyanzvi rakagumisa kuti chii?

Chokutanga, nyanzvi dzacho dzinotaura kuti mashoko ekwakacherwa mipumburu yacho anotsigira musi unoratidza kuti Bhabhironi rakanga risati ratapa Jerusarema. Zvakawanikwa kubva pakuongorora zvakanyorwa kare—misi yezvinyorwa zvacho ichitorerwa kubva pane zvakaita mabhii acho, manyorerwo awo, mamiriro awo, kutevedzana kwawo, uye kwaanotangira kunyorwa achienda—zvinoratidza kuti nguva yacho ndiyoyo, yokunopera kwezana remakore rechinomwe B.C.E. Uye pakupedzisira, kana boka iri richitarisa kubatanidzwa nokupatsanurwa kwemashoko, sayenzi yokuperetera, rinogumisa kuti: “Mashoko ezvokubatanidzwa nokupatsanurwa kwemashoko ari pamatombo acho [mipumburu] anoenderana nouchapupu hwokuchera matongo uye hwemanyorerwo aiitwa hune chokuita nemisi yakanyorwa manyoro acho.”

Magazini inonzi Bulletin of the American Schools of Oriental Research inopedzisa ongororo yemipumburu yacho yesirivha, inonziwo manyoro eKetef Hinnom, ichiti: “Saka tinogona kusimbisa zvakagumiswa nenyanzvi dzakawanda zvokuti zvinyorwa zvakawanikwa pamipumburu iyi zvakachengeta ndima dzemagwaro eBhaibheri dzakare kare dzinozivikanwa.”

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Bako: Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.; zvinyorwa: Photograph © Israel Museum, Jerusalem; courtesy of Israel Antiquities Authority