Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Akandibatsira Kuti Ndimuwane

Jehovha Akandibatsira Kuti Ndimuwane

Nyaya Youpenyu

Jehovha Akandibatsira Kuti Ndimuwane

YAKATAURWA NAFLORENCE CLARK

Ndakabata ruoko rwomurume wangu airwara zvikuru. Zvandaipinda chechi yeAnglican, ndakanyengetera kuna Mwari kuti aporese murume wangu, uye ndakavimbisa kuti kana aisazofa, ndaizotsvaka Mwari kusvikira ndamuwana. Zvadaro ndaizova wake.

NDAKAPIWA zita rokuti Florence Chulung pandakaberekwa musi waSeptember 18, 1937, muMusha weAboriginal Oombulgurri nzvimbo iri kure muKimberley Plateau kuWestern Australia.

Ndinoyeuka chaizvo mazuva angu ouduku aifadza, andakanga ndisina zvakawanda zvokufunga. Kuchechi, ndakadzidza zvinhu zvishomanana nezvaMwari uye nezveBhaibheri, asi amai vangu ndivo vakandidzidzisa mitemo yechiKristu. Vaigara vachindiverengera Bhaibheri, uye kubvira pazera duku, ndakatanga kuda zvokunamata. Ndaiyemurawo vamwe amaiguru vangu vaiva mumishinari muchechi yavo. Nechomumwoyo ndaiziva kuti ndaida kuvatevedzera.

Kwataigara, kwaimbozivikanwa nokuti Forrest River Mission, kwaingova nechikoro chaidzidzisa kubva pagiredhi rokutanga kusvika kugiredhi rechishanu. Ndaingoenda kuchikoro kwemaawa maviri chete mangwanani oga oga. Izvi zvaireva kuti ndakanga ndichiwana dzidzo shoma yokuchikoro, iri iyo yaikoshesa baba vangu. Vaida kuti vana vavo vawane dzidzo yakanaka, saka vakasarudza kubva muOombulgurri ndokutamisira mhuri yedu kuguta reWyndham. Zuva ratakatama ndakasuwa, asi muWyndham, ndakakwanisa kupinda chikoro zvizere kwemakore mana akatevera, kubvira muna 1949 kusvikira muna 1952. Ndinoonga chaizvo kuti baba vangu vakakwanisa kuita kuti ndidzidze.

Amai vaishandira mumwe chiremba womunzvimbo iyi yataigara, uye pandakapedza chikoro ndava nemakore 15, chiremba uyu akandipinza basa roukoti pachipatara cheWyndham. Ndakabvuma basa racho nomufaro, nokuti panguva iyoyo zvakanga zvakaoma kuwana basa.

Makore akati wandei gare gare ndakasangana naAlec, mumwe murume wechichena aitarisira zvipfuwo zvepapurazi. Takaroorana muna 1964 mutaundi reDerby, kwandakaramba ndichienda kuChechi yeAnglican. Rimwe zuva Zvapupu zvaJehovha zvakasvika pamba pangu. Ndakaudza Zvapupu zvacho kuti ndakanga ndisingatombofariri uye ndakazvikumbira kuti zvisadzokazve. Kunyange zvakadaro, zvakataura chimwe chinhu chakandibata mwoyo—Mwari aiva nezita, rokuti Jehovha.

“Haugoni Kunyengetera Woga Here?”

Muna 1965 upenyu hwakatanga kuoma zvikuru. Murume wangu akaita tsaona nhatu dzakaipisisa—mbiri nebhiza rake uye imwe chete nemotokari yake. Sezvineiwo, akapora ndokudzokera kubasa. Zvisinei, pashure peizvi akaitazve imwe tsaona nebhiza rake. Panguva ino akanga akakuvara zvakanyanya mumusoro. Pandakasvika kuchipatara, chiremba wacho akandiudza kuti murume wangu aizofa. Ndakavhiringidzika. Mumwe mukoti akakumbira mupristi wokwataigara kuti andione, asi akati: “Kwete iye zvino. Ndichauya mangwana!”

Ndaida kuva nomupristi kuti andinyengeterere uye izvi ndakazviudza mumwe aiva nani. Akati: “Chii chiri kukunetsa apa? Haugoni kunyengetera woga here?” Saka ndakatanga kunyengetera kumifananidzo yaiva muchechi kuti indibatsire—asi zvakashaya basa. Zvakanga zvava kuita sokuti murume wangu akanga ava kutofa. Ndaizvibvunza kuti, ‘Ndichaita sei kana murume wangu akafa?’ Ndaifungawo nezvevana vangu vatatu—Christine, Nanette, naGeoffrey. Vaizova noupenyu hwakaita sei vasina baba? Zvakandifadza kuti mazuva matatu gare gare murume wangu akatangazve kuziva, uye akabudiswa muchipatara musi waDecember 6, 1966.

Kunyange zvazvo akanga asati anyatsopora, murume wangu akanga akuvara uropi. Akanga ava kungokanganwa zvinhu zvakawanda uye akanga ava kuita zvechisimba uye kuva nezvinyamusi. Akanga asingachagoni kugarisana nevana uye aigumbuka chaizvo kana vakasaita sevanhu vakuru. Zvaiva zvakaoma kumutarisira. Ndaifanira kumuitira zvinhu zvose. Ndaitofanira kumudzidzisazve kuverenga nokunyora. Kunetsekana nokumutarisira uku ndichiitawo mamwe mabasa epamba zvakatanga kundirwadza, uye ndakava nechirwere chepfungwa. Makore manomwe pashure pokunge murume wangu aita tsaona iyi, takabvumirana kumboparadzana kwekanguva kuti ndivezve noutano hwakanaka.

Ndakatora vana ndokutamira kumaodzanyemba kweguta rePerth. Ndisati ndatama, munun’una wangu akanga atanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha muKununurra, taundi duku riri kuWestern Australia. Akandiratidza mufananidzo uri mubhuku rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi, * unoratidza chipikirwa cheBhaibheri chepasi rinenge riri paradhiso. Mubhuku iri, akandiratidzawo kuti Mwari ane zita rokuti Jehovha, uye izvi zvakandifadza. Sezvo ndakanga ndisati ndamboudzwa zvinhu izvi kuchechi yangu, ndakasarudza kuti ndaizoridzira Zvapupu zvaJehovha runhare kana ndangogadzikana muPerth.

Zvisinei, ndakanga ndichiri kuti zezei kutaura navo. Asi mamwe manheru, bhero repamusuo pedu rakarira. Mwanakomana wangu akaenda kumusuo ndokudzoka nokukurumidza achiti, “Amai, vanhu vaya vamakati munoda kuridzira runhare vauya.” Ndakamboti kanha nazvo ndokuzoti, “Vaudze kuti handipo!” Asi akati, “Munozviziva kuti handifaniri kunyepa, Amai.” Ndaruramiswa, ndakaenda kumusuo. Pandakakwazisa vaenzi vacho, ndakaona kuti zviso zvavo zvaishamisika. Vakanga vauya kuzoona mumwe munhu airoja paimba iyi, uyo akanga atama. Ndakavati vapinde ndokuvanaya nemibvunzo uye vakandipindura zvaigutsa vachishandisa Bhaibheri.

Vhiki yakatevera, ndakatanga kudzidza Bhaibheri nguva dzose neZvapupu, tichishandisa bhuku rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi. Kudzidza kwacho kwakaita kuti ndidezve zvinhu zvokunamata. Vhiki mbiri gare gare ndakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu Jesu. Ndakatanga kupinda misangano musi weSvondo woga woga, uye pasina nguva ndakanga ndava kupindawo mimwe misangano inoitwa pakati pevhiki zvekare. Ndakatangawo kuudza vamwe zvandaidzidza. Ndakaona kuti kubatsira vamwe kudzidza chokwadi cheBhaibheri kwaindibatsira mupfungwa. Mwedzi mitanhatu gare gare ndakabhabhatidzwa pagungano reruwa muPerth.

Zvandakafambira mberi mune zvokunamata, ndakasvika pakunzwisisa maonero aJehovha utsvene hwokuroorana, kusanganisira chokwadi cheBhaibheri chiri pana 1 VaKorinde 7:13, chinoti: “Mukadzi ane murume asingatendi, asi murume wacho achida hake kugara naye, ngaarege kusiya murume wake.” Rugwaro urwu rwakaita kuti ndidzokere kuna Alec.

Kudzokera kuDerby

Ndakasvika kuDerby musi waJune 21, muna 1979, ndava nemakore anopfuura mashanu ndisiri kumurume wangu. Chokwadi ndakanga ndisingazivi zvaizoitika uye ndichinetseka kuti aizoita sei kana ndadzoka kwaari. Zvakatondishamisa ndezvokuti akafara kuti ndakanga ndadzoka kwaari, kunyange zvazvo akaratidza kusafara nokuti ndakanga ndava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Nokukurumidza akati ndiende kuchechi yake, yandaimbopinda ndisati ndabva kuPerth. Ndakatsanangura kuti ndakanga ndisingazoendi ikoko. Ndakaedza nepandaikwanisa napo kuremekedza kuva kwake musoro uye kuita zvakanakisisa somudzimai wechiKristu. Ndakaedza kutaura naye nezvaJehovha nezvipikirwa Zvake zvenguva yemberi, asi haana zvaakaita.

Kunyange zvakadaro, nokufamba kwenguva, Alec haana kungobvuma mararamiro angu matsva asi akatangawo kundibatsira nemari kuitira kuti ndipinde magungano eruwa needunhu, uyewo misangano yevhiki nevhiki. Ndakafara chaizvo paakatenga motokari—mudziyo waibatsira chaizvo munzvimbo iyi yaiva kure yeAustralia—yokuti ndishandise muushumiri hwechiKristu. Hama nehanzvadzi, kusanganisira mutariri wedunhu, dzaiwanzorara pamba pedu kakawanda. Izvi zvakaita kuti Alec akwanise kuziva Zvapupu zvakasiyana-siyana, uye anenge aifarira kushamwaridzana nazvo.

Ndakanzwa saEzekieri

Ndaifarira kushanya kwehama nehanzvadzi, asi ndakatarisana nerimwe dambudziko. Ndini ndaingova Chapupu chete chaigara mutaundi reDerby. Ungano yaiva pedyo zvikuru yaiva kuBroome, iyo yaiva kure nemakiromita 220. Saka ndakaedza nepandaigona napo kuparadzira mashoko akanaka. Ndichibatsirwa naJehovha, ndakava akarongeka ndokutanga kupupura pasuo nesuo. Ndakaona basa iri rakaoma, asi ndaigara ndichizviyeuchidza mashoko omuapostora Pauro anoti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.”—VaFiripi 4:13.

Vafundisi vomunharaunda yedu vakanga vasingafariri basa rangu, zvikurukuru kupupura kwandaiita kuvamwe vangu vechiAborigine. Vaiedza kundityisidzira uye kundirambidza kuparidza. Kushora kwavo kwakatoita kuti nditowedzera kutsunga kuramba ndichiita basa iri, uye nguva dzose ndainyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire. Ndaiwanzoyeuka mashoko anokurudzira akaudzwa Ezekieri okuti: “Tarira! ndaomesa chiso chako sezvakangoita zviso zvavo uye ndaomesa huma yako sokuoma kwakangoita huma dzavo. Ndaomesa huma yako sedhaimani, kupfuura dombo rakaoma kwazvo. Usavatya, uye usavhundutswa nezviso zvavo.”—Ezekieri 3:8, 9.

Kakawanda zvikuru, varume vaviri veboka reimwe chechi vaiuya kwandiri pandaitenga zvinhu. Vaindiseka vachiita zvokundidadira uye zvinonzwika zvikuru, vachiedza kuti vamwe vatengi vazvione. Ndaisamboita basa navo. Kamwe chete, pandaidzokera kunoona mumwe munhu aifarira, mumwe mushumiri weimwe chechi yomunharaunda yedu akauya ndokundipomera kuti ndakanga ndisingatendi muna Jesu. Akandibvutira Bhaibheri raiva mumaoko angu, ndokurizunza pachiso changu, uye akabva aridzorera kwandiri. Ndakamutarisa zvakananga, ndakataura zvinyoronyoro asi zvine simba mashoko ari pana Johani 3:16 ndokumuudza kuti ndaitenda muna Jesu. Akashaya romuromo pandakamupindura nechivimbo achibva aenda asina kutaura shoko.

Ndainakidzwa nokuparidzira vanhu vechiAborigine vaiva muDerby. Mumwe mupristi womunharaunda yedu akaedza kuita kuti ndisataure nevanhu vaiva mune imwe nzanga, asi akabva achinjwa. Saka ndakakwanisa kuudza vanhu vacho mashoko eBhaibheri. Ndakanga ndagara ndichida kuva mumishinari saamaiguru vangu, uye iye zvino ndakanga ndava kuita basa roumishinari, ndichibatsira vamwe kudzidza nezveShoko raMwari. Vanhu vakawanda vechiAborigine vakanyatsofarira zvandaiparidza, uye ndakatanga kudzidza Bhaibheri nevanhu vakawanda.

Kuziva Zvandaida Mune Zvokunamata

Kwemakore mashanu, ndini bedzi ndaingova Chapupu chaJehovha muDerby. Ndaiona zvakaoma kuramba ndakasimba mune zvokunamata ndisingakurudzirwi nemisangano yenguva dzose nevandainamata navo. Pane imwe nguva, ndakanga ndakaora mwoyo kwazvo uye ndakasarudza zvangu kumbofamba nemotokari yangu. Pandakadzoka kumba zuva rava kudoka, ndakawana ndakatomirirwa neimwe hanzvadzi nevana vayo vanomwe. Vakanga vandiunzira mabhuku kubva kuungano yeBroome, yaiva kure nemakiromita akawanda. Kubvira ipapo, hanzvadzi iyi, Betty Butterfield, yakaronga kuuya kuDerby kamwe chete pamwedzi uye kugara neni pakupera kwevhiki. Taienda kunoparidza pamwe chete uye taidzidza tose Nharireyomurindi pamba pangu. Iniwo ndaienda kuBroome kamwe chete pamwedzi.

Hama dzokuBroome dzaibatsira chaizvo uye pano neapo dzaikwanisa kufamba rwendo rurefu kuuya kuDerby kuzondibatsira mubasa romumunda. Dzaikurudzira chero hama nehanzvadzi dzipi nedzipi dzaibva kune mamwe maguta dzaizodarika nomuDerby kuti dzipfuure dzichindiona uye kuitawo ushumiri neni. Hama idzi dzaindiunzirawo makaseti ehurukuro dzavose. Vamwe vaidzidza pamwe chete neni Nharireyomurindi. Kushanya kupfupi uku kwaikurudzira chaizvo.

Rumwe Rubatsiro Rwaiva Munzira

Kwemakore akati, ndakakurudzirwazve apo Arthur naMary Willis vokumaodzanyemba kweWestern Australia, murume nomukadzi vakanga varega basa, vaiuya pane imwe nguva kuzondibatsira kwemwedzi mitatu mumwaka waitonhorera. Hama Willis vaiitisa inenge misangano yose uye vaitungamirira muushumiri hwomumunda. Pamwe chete taienda kunzvimbo dzaiva kure zvikuru dzeKimberley Plateau, tichishanyira mapurazi aichengeterwa mombe munzvimbo idzi dzaiva kure. Nguva imwe neimwe yaienda Hama naHanzvadzi Willis, ndainzwa kusurukirwa zvikuru.

Pakupedzisira, 1983 ava kunopera, ndakagamuchira mashoko aifadza okuti imwe mhuri—Danny naDenise Sturgeon nevanakomana vavo vana—vakanga vava kuuya kuzogara muDerby. Vauya, takanga tava kukwanisa kuita misangano yevhiki nevhiki nguva dzose uye kubuda pamwe chete mubasa romumunda. Muna 2001 ungano yakaumbwa. Nhasi, muDerby mune ungano yakasimba ine vaparidzi voUmambo 24, nevakuru vaviri nomushumiri anoshumira mumwe chete vari kutitarisira zvakanaka mune zvokunamata. Dzimwe nguva vanopinda misangano yedu vanombosvika kuma30.

Pandinofunga nezvezvakaitika mumakore ose aya, zvinokurudzira mwoyo wangu kuona kubatsirwa kwandakaitwa naJehovha kuti ndimushumire. Kunyange zvazvo murume wangu asati hake ava kunamata neni, anoramba achinditsigira nedzimwewo nzira. Vashanu vemhuri yedu yepedyo vakava Zvapupu zvakabhabhatidzwa—vanasikana vangu vaviri, vazukurusikana vangu vaviri, uye mwanasikana womunun’una wangu. Uyezve, hama dzangu dzakawanda dziri kudzidza Bhaibheri nevanhu vaJehovha.

Chokwadi ndinoonga kuti Jehovha akandibatsira kuti ndimuwane. Ndakatsunga kuva wake nokusingaperi.—Pisarema 65:2.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi iye zvino harichadhindwi.

[Mepu/Mifananidzo iri papeji 15]

(For fully formatted text, see publication)

AUSTRALIA

Wyndham

Kimberley Plateau

Derby

Broome

Perth

[Kwazvakatorwa]

Kangaroo and lyrebird: Lydekker; koala: Meyers

[Mufananidzo uri papeji 14]

Ndichishanda somukoti pachipatara cheWyndham, muna 1953

[Mufananidzo uri papeji 15]

Ungano yeDerby, muna 2005