Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubudirira Kwechokwadi Munyika Itsva yaMwari

Kubudirira Kwechokwadi Munyika Itsva yaMwari

Kubudirira Kwechokwadi Munyika Itsva yaMwari

DAVID, * mumwe murume wechiKristu ane mhuri akatamira kuUnited States, achivimba kuti akanga ari kuita zvakanaka. Kunyange zvazvo akanga asingadi kusiya mudzimai wake nevana, ainzwa aine chivimbo chokuti aizonatsiridza upenyu hwavo vose kana aizova nemari yakawanda. Saka akabvuma kuenda kuNew York kwaakanga akokwa nehama dzake uye akakurumidza kuwana basa.

Zvisinei, nokupindana kwemwedzi, chivimbo chaiva naDavid chakatanga kupera. Nguva yokuita zvinhu zvine chokuita nokunamata yakanga yava shoma. Pane imwe nguva, akapotsa arega kutenda muna Mwari. Paakanga oda kupinda mumuedzo wounzenza ndipo paakazoziva mamiriro ake chaiwo ezvinhu. Kuramba kwake achifunga nezvokubudirira kuti awane zvinhu kwakanga kwava kumubvisa zvishoma nezvishoma kune zvainyatsokosha kwaari. Aifanira kuchinja.

Kufanana naDavid, vakawanda vanotama vachibva munyika dzokumusha kwavo dzine urombo gore rimwe nerimwe, vachitarisira kunatsiridza mamiriro avo ezvinhu mune zvoupfumi. Asi, vanowanzotambura kwazvo mune zvokunamata. Vamwe vakabvunza kuti, ‘MuKristu anogona kutsvaka pfuma ukuwo akapfuma kuna Mwari here?’ Vanyori nevafundisi vanozivikanwa vanoti zvinoita. Asi sezvakazoziva David nevamwe, zvingave zvakaoma kuti uwane zvose.—Ruka 18:24.

Mari Haina Kuipa

Chokwadi, mari yakagadzirwa nevanhu. Kufanana nezvimwe zvinhu zvakawanda zvakagadzirwa nevanhu, iyo pachayo haina kuipa. Zvechokwadi, mari inongova nzira yokuchinjana nayo zvinhu. Saka ikashandiswa zvakanaka, inogona kuita zvinangwa zvakanaka. Somuenzaniso, Bhaibheri rinobvuma kuti “mari inodzivirira,” zvikurukuru pazvinetso zvinokonzerwa nourombo. (Muparidzi 7:12) Zvinoita sokuti kune vamwe “mari ndiyo inogadzirisa zvinetso zvose.”—Muparidzi 10:19, New International Version.

Magwaro anoshora usimbe uye anokurudzira kushanda nesimba. Tinofanira kutarisira vemhuri yedu, uye kana tiine zvimwe zvishoma zvokuwedzera, tinenge tiine “chimwe chinhu chokupa mumwe munhu anoshayiwa.” (VaEfeso 4:28; 1 Timoti 5:8) Uyezve, pane kusimudzira kuzvinyima, Bhaibheri rinotikurudzira kuti tinakidzwe nezvinhu zvedu. Tinoudzwa kuti ‘titore mugove wedu’ uye tifarire zvibereko zvemabasa edu. (Muparidzi 5:18-20) Kutaura zvazviri, muBhaibheri mune mienzaniso yakawanda yevarume nevakadzi vakatendeka vakanga vakapfuma.

Varume Vakatendeka Vakanga Vakapfuma

Abrahamu, mumwe mushumiri waMwari akanga akatendeka, aiva nezvipfuwo zvakawanda, sirivha nendarama zhinji, uye aiva nevashandi vakawanda vaisvika mazana. (Genesisi 12:5; 13:2, 6, 7) Jobho akanga akarurama aivawo nepfuma yakawanda—zvipfuwo, vashandi, ndarama, uye sirivha. (Jobho 1:3; 42:11, 12) Varume ava vakanga vakapfuma kunyange kudai vakanga varipo nhasi, asi vakanga vakapfumawo kuna Mwari.

Muapostora Pauro anoti Abrahamu ndiye “baba vevaya vose vanotenda.” Abrahamu akanga asina kuomera uye asinganyanyi kuda zvinhu zvaaiva nazvo. (VaRoma 4:11; Genesisi 13:9; 18:1-8) Saizvozvowo, Mwari pachake akarondedzera Jobho achiti akanga “asina chaanopomerwa, akarurama.” (Jobho 1:8) Aigara akagadzirira kubatsira varombo nevanotambura. (Jobho 29:12-16) Vose Abrahamu naJobho vaivimba naMwari pane kuvimba nepfuma yavo.—Genesisi 14:22-24; Jobho 1:21, 22; VaRoma 4:9-12.

Mambo Soromoni ndomumwewo zvakare. Zvaakanga agara nhaka chigaro chaMwari muJerusarema, Soromoni akakomborerwa kwete nouchenjeri hwaMwari bedzi asiwo nepfuma yakawanda uye kukudzwa. (1 Madzimambo 3:4-14) Akanga akatendeka mumakore akawanda oupenyu hwake. Zvisinei, mumakore oukweguru hwake, “mwoyo [waSoromoni] hauna kuva wakakwana kuna Jehovha.” (1 Madzimambo 11:1-8) Chokwadi, zvinosuruvarisa zvakaitika kwaari zvinoratidza zvimwe zvipingamupinyi zvinowanzokonzerwa nokubudirira. Chimboona zvishoma zvacho.

Ngozi Dzokuva Nepfuma

Ngozi huru ndeyokusvika pakunyanya kuda mari nezvainotenga. Mune vamwe, upfumi hunoita kuti varambe vachingoda humwe upfumi vasingambogutsikani. Achangotanga kutonga, Soromoni akacherechedza kuti vamwe vaiva netsika iyi. Akanyora kuti: “Munhu anoda sirivha haazogutswi nesirivha, uyewo munhu anoda pfuma haazogutswi nemari inowanikwa. Izviwo hazvina zvazvinobatsira.” (Muparidzi 5:10) Jesu naPauro vakazoyambira vaKristu nezvokuda mari nenzira iyi inonyengera.—Mako 4:18, 19; 2 Timoti 3:2.

Kana mari ikava chinhu chatinonyanya kuda pane kuti tingoiona sechinhu chinotibatsira kuti tiite kana kuwana zvimwe zvinhu, zviri nyore kupinda mumiedzo younzenza, kusanganisira kureva nhema, kuba, uye kunyengera. Judhasi Isikariyoti, mumwe wevaapostora vaKristu, akatengesa tenzi wake nemasirivha 30 chete. (Mako 14:11; Johani 12:6) Vachinyanya kuda mari, vamwe vakatoinamata panzvimbo paMwari. (1 Timoti 6:10) Saka nguva dzose, vaKristu vanofanira kuedza kuva vakavimbika pamusoro pechinangwa chavo pakuita mari yakawanda.—VaHebheru 13:5.

Kutsvaka pfuma kunoisawo munhu pangozi dzisinganyatsooneki. Yokutanga, pfuma yakawanda inowanzoita kuti munhu azvivimbe. Jesu akazvitaurawo paakataura nezve“simba rinonyengera repfuma.” (Mateu 13:22) Munyori weBhaibheri Jakobho akanyeverawo vaKristu kuti vasakanganwa Mwari kunyange pavanenge vachiita zvirongwa zvavo zvebhizimisi. (Jakobho 4:13-16) Sezvo zvichiita sokuti mari inoita kuti tizvimirire, kune vaya vanayo, pane ngozi inogara iripo yokuvimba nemari yavo panzvimbo pokuvimba naMwari.—Zvirevo 30:7-9; Mabasa 8:18-24.

Yechipiri, David ambotaurwa akawana kuti kutsvaka pfuma kunowanzodyira munhu nguva nesimba kwazvo zvokuti zvishoma nezvishoma kunozopedzisira kwaita kuti arege kuita zvinhu zvokunamata. (Ruka 12:13-21) Kuvapfumi, pane muedzo unogara uripo wokushandisa zvinhu zvavainazvo zvikurukuru kuti vazvivafadze kana kuita zvinangwa zvavo chete.

Kurega kwakaita Soromoni kunamata kuti kungave kwakakonzerwa nokubvumira upenyu hwomutambarakede kuremedza pfungwa dzake here? (Ruka 21:34) Aiziva mutemo waMwari wairambidza zvakananga kuroorana nevanhu vemamwe marudzi. Asi, akazozviunganidzira gurusvusvu revakadzi vanenge chiuru. (Dheuteronomio 7:3) Achida kufadza vakadzi vake vemamwe marudzi, akaedza kuita kuti pave nourongwa hwokusanganisa kunamata kuti zvivanakirewo. Sezvambotaurwa, mwoyo waSoromoni wakatsauka zvishoma nezvishoma uchibva kuna Jehovha.

Zviri pachena kuti mienzaniso iyi inoratidza chokwadi chezano raJesu rokuti: “Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.” (Mateu 6:24) Saka muKristu angabudirira sei kukunda zvinetso zvemari zviri kusangana nevakawanda iye zvino? Mubvunzo unotokosha zvikuru ndewokuti itariroi iripo nokuda kwoupenyu hwakanaka huri mberi?

Kubudirira Kwechokwadi Kuri Mberi

Kusiyana nemadzitateguru akadai saAbrahamu naJobho uye rudzi rwaIsraeri, vateveri vaJesu vane basa roku“ita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” (Mateu 28:19, 20) Kuita basa iri kunoda nguva nesimba zvichida zvingave zvichishandiswa mukutsvaka zvinhu zvenyika. Saka chinokosha kuti tibudirire ndechokuita zvatakaudzwa naJesu paakati: “Rambai muchitanga kutsvaka umambo [hwaMwari] nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateu 6:33.

Apotsa arasikirwa nemhuri yake uye kutenda kwake, David akazogadzirisa upenyu hwake. Sezvakavimbiswa naJesu, David paakatanga kukoshesa kudzidza Bhaibheri muupenyu hwake, munyengetero, uye ushumiri, zvimwe zvinhu zvose zvakatanga kufamba zvakanaka. Ukama hwake nomudzimai wake nevana vake hwakazoita sezvahwakanga hwakaita pakutanga. Akatangazve kufara uye kugutsikana. Achiri kungoshanda nesimba. Upenyu hwake hahuna kuchinja kubva muurombo kuenda muupfumi. Asi, kubva kune zvakaitika kwaari zvinorwadza, akadzidza zvidzidzo zvinokosha.

David akaongororazve kana kwaiva kuchenjera kutamira kuUnited States, uye akasarudza kusazombotungamirirwa nemari pakusarudza. Iye zvino anoziva kuti zvinhu zvinokosha zvikuru muupenyu—mhuri ine rudo, shamwari dzakanaka, uye ukama naMwari—hazvigoni kuwanwa nemari. (Zvirevo 17:17; 24:27; Isaya 55:1, 2) Chokwadi, kuvimbika mutsika kunokosha kwazvo kudarika pfuma. (Zvirevo 19:1; 22:1) Pamwe chete nemhuri yake, David atsunga kuisa zvinhu zvinokosha pakutanga.—VaFiripi 1:10.

Zvakaedzwa nevanhu zvokuita kuti pave nenzanga yakabudirira zvechokwadi ine tsika dzakanaka zvakangogara zvichikundikana. Zvisinei, Mwari akavimbisa kuti Umambo hwake huchapa zvinhu zvakawanda zvokurarama nazvo uye zvinhu zvokunamata zvatinoda kuti tirarame zvakanaka. (Pisarema 72:16; Isaya 65:21-23) Jesu akadzidzisa kuti kubudirira kwechokwadi kunotanga nokuziva zvatinoda mune zvokunamata. (Mateu 5:3) Saka pasinei nokuti takapfuma kana kuti tiri varombo, kukoshesa zvinhu zvokunamata iye zvino ndiyo nzira yakanakisisa kuti mumwe nomumwe wedu agone kugadzirira nokuda kwenyika itsva yaMwari iri pamberi apa. (1 Timoti 6:17-19) Nyika iyoyo ichange yakabudirira zvechokwadi mune zvose, muzvinhu zvokurarama nazvo uye mune zvokunamata.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Zita rakachinjwa.

[Mifananidzo iri papeji 5]

Jobho aivimba naMwari, kwete nepfuma yake

[Mifananidzo iri papeji 7]

Zvinhu zvinokosha zvikuru muupenyu hazvigoni kuwanwa nemari