Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Josefa, mushumiri waJehovha akatendeka, aiva nekapu yesirivha yaaingoshandisira kududzira manenji chete here sezvinoratidzwa pana Genesisi 44:5?

Hapana chikonzero chokufunga kuti chaizvoizvo Josefa aidudzira manenji nenzira chero ipi zvayo yokushopera.

Bhaibheri rinoratidza kuti Josefa aiziva munhu chaiye aigona kududzira nguva yemberi. Kare, paakambokumbirwa kududzira zvakanga zvarotwa naFarao, Josefa akaramba achitaura kuti Mwari oga ndiye aigona ‘kuzivisa’ zvinhu zvaizoitika. Somugumisiro, Farao pachake akasvika pakudavira kuti Mwari ainamatwa naJosefa—Mwari wechokwadi, kwete masimba emashiripiti—ndiye akanga aita kuti Josefa azive zvenguva yemberi. (Genesisi 41:16, 25, 28, 32, 39) MuMutemo wakazopiwa Mosesi, Jehovha akarambidza kuita zvemashiripiti kana kushopera, zvichinyatsoratidza kuti Iye oga ndiye anogona kufanotaura zvenguva yemberi.—Dheuteronomio 18:10-12.

Saka, nei Josefa achishandisa muranda wake, akaratidza kuti aishandisa kapu yesirivha ‘kududzira manenji nounyanzvi’? * (Genesisi 44:5) Tinofanira kufunga nezvezvakanga zvichiitika panguva yakataurwa mashoko aya.

Nemhaka yenzara yakakomba kwazvo, vakoma vaJosefa vakanga vaenda kuIjipiti kunotsvaka zvokudya. Makore akanga apfuura, vakoma vaJosefa ava vakanga vamutengesa kuti ave muranda. Iye zvino vasingazvizivi, vakakumbira kubatsirwa nomunun’una wavo chaiye, akanga ava mutarisiri wezvokudya muIjipiti. Josefa haana kuzviratidza kuti aiva ani kwavari. Asi, akasarudza kuvaedza. Zvakakodzera kuti Josefa aida kuona kana vakanga vapfidza zvechokwadi. Aidawo kuona kuti vaida zvakadini munun’una wavo Bhenjamini uye baba vavo, Jakobho, avo vaida Bhenjamini zvikuru. Saka Josefa akaita seakanga asiri iye.—Genesisi 41:55–44:3.

Josefa akarayira mumwe wevashumiri vake kuti azadze masaga evakoma vake nezvokudya, adzorere mari yomumwe nomumwe musaga rake, uye kuti aise kapu yaJosefa yesirivha musaga raBhenjamini. Mune zvose izvi, Josefa aizviita somumiririri anotarisira wenyika yevahedheni. Akaita kuti iye pachake, zviito zvake, uye mutauro wake zviite sokuti mumiririri iyeye, kuitira kuti vakoma vake vakanga vasina kumbonyumwira vamuone saizvozvo.

Josefa paakazotaura nevakoma vake, akaramba achizvivanza, achivabvunza kuti: “Hamuna kuziva here kuti murume akaita seni anogona kududzira manenji zvine unyanzvi?” (Genesisi 44:15) Saka zviri pachena kuti kapu iyi akaishandisa nechinangwa chokuzvivanza. Josefa akanga asingashandisi kapu iyi kududzira manenji kungofananawo naBhenjamini akanga asina kuba kapu iyi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Richirondedzera tsika iyi yomunguva yekare, The Holy Bible, With an Explanatory and Critical Commentary, rakanyorwa naF. C. Cook, rinotsanangura kuti: “Kushopera nemakapu kwaiitwa nokukanda ndarama, sirivha, kana zvimwe zvinokosha, mumvura, uye kwava kuongorora kuti zvinenge zvava kutaridzika sei; kana kuti kwaiitwa nokungotarisa mumvura sokunge uri kutarira pagirazi.” Mumwe anotaurawo mashoko nezveBhaibheri anonzi Christopher Wordsworth anoti: “Dzimwe nguva kapu yacho yaizadzwa nemvura, uye mhinduro yaipiwa nokubuda kwomufananidzo waikonzerwa nezuva rinenge rakateya mumvura yainge iri mukapu yacho.”