Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raNehemiya

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raNehemiya

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raNehemiya

MAKORE 12 adarika kubvira pakaitika zviitiko zvokupedzisira zvakanyorwa mubhuku reBhaibheri raEzra. Iye zvino nguva yava pedyo ‘yokutaurwa kweshoko rokudzorera nokuvakazve Jerusarema’—chiitiko chinoratidza kutanga kwevhiki 70 dzemakore dzinotungamirira kuna Mesiya. (Dhanieri 9:24-27) Bhuku raNehemiya rinorondedzera nhoroondo yevanhu vaMwari inosanganisira kuvakwazve kworusvingo rweJerusarema. Rinotaura nezvenguva inokosha inoti pfuurei makore 12, kubvira muna 456 B.C.E. kusvikira pane imwe nguva gore ra443 B.C.E. radarika.

Zvarakanyorwa naGavhuna Nehemiya, bhuku racho inhoroondo inonakidza inoratidza kuti kunamata kwechokwadi kunokwidziridzwa sei kana kukaitwa nomwoyo wose nokuvimba zvakakwana naJehovha Mwari. Rinoratidza pachena kuti Jehovha anofambisa sei zvinhu kuti zvaanoda zviitwe. Rinorondedzerawo nezvomutungamiriri akasimba uye akashinga. Mashoko ari mubhuku raNehemiya anopa zvidzidzo zvinokosha kuvanamati vose vechokwadi nhasi, “nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba.”—VaHebheru 4:12.

“RUSVINGO RWAKAZOPERA”

(Nehemiya 1:1–6:19)

Nehemiya ari munhare yeShushani, achishumira Mambo Atashasta Longimanus achiita basa rinoratidza kuti anovimbwa. Paanongonzwa kuti vanhu vake ‘vari kutambudzika kwazvo uye kuti vari kuzvidzwa; uye kuti rusvingo rweJerusarema rwakaputswa, uye kuti magedhi aro akatsva nomoto,’ Nehemiya anonetseka kwazvo. Anonyengetera kuna Mwari nomwoyo wose kuti amutungamirire. (Nehemiya 1:3, 4) Nokufamba kwenguva, mambo anoona kuti Nehemiya akasuruvara, uye mukana unomuka wokuti aende kuJerusarema.

Asvika muJerusarema, Nehemiya anoongorora rusvingo munguva yousiku, uye anoudza vaJudha urongwa hwake hwokuvakazve rusvingo. Kuvaka kunotanga. Kushorawo basa racho kunotanga. Zvisinei, noutungamiriri hwaNehemiya akashinga, “rusvingo [runo]zopera.”—Nehemiya 6:15.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:1; 2:1—“Gore rechimakumi maviri” rinotaurwa mundima idzi mbiri riri kuverengwa kubva panguva yakafanana here? Hungu, gore rechi20 igore rokutonga kwamambo Atashasta. Zvisinei, maverengerwe akaitwa makore acho mundima idzi akasiyana. Uchapupu hwezvakaitika kare hunoratidza kuti Atashasta akagara pachigaro choumambo mugore ra475 B.C.E. Sezvo vanyori vomuBhabhironi vaiva netsika yokuverenga makore okutonga kwemadzimambo ePezhiya vachitangira pana Nisani (March/April) kusvika kuna Nisani, Atashasta akatanga kutonga muna Nisani wegore ra474 B.C.E. Saka, gore rokutonga rechi20 rinotaurwa pana Nehemiya 2:1 rakatanga muna Nisani wa455 B.C.E. Zvine musoro kuti mwedzi waKisrevhi (November/December) unotaurwa pana Nehemiya 1:1 waiva Kisrevhi wegore rakanga rapfuura—ra456 B.C.E. Nehemiya anotaurawo nezvomwedzi iwoyo sounoperera mugore rechi20 rokutonga kwaAtashasta. Zvichida pano, akanga achiverenga makore kubvira pazuva rakatanga kutonga umambo hwacho. Zvingavawo kuti Nehemiya aiverenga nguva maererano neizvo vaJudha nhasi vanoti gore renyika yedu, rinotangira mumwedzi waTishri, unoenderana naSeptember/October. Chero maverengerwe akaitwa, gore rakaziviswa shoko rokuvakazve Jerusarema raiva 455 B.C.E.

4:17, 18—Munhu aigona sei kuita basa rokuvakazve achingoshandisa ruoko rumwe chete? Kune vaitakura zvinhu zvinorema izvi zvaisazovanetsa. Paingoiswa mutoro wacho pamusoro wavo kana pamapfudzi, vaigona kuubata nyore nyore noruoko rumwe chete “rumwe rwacho rwakabata chombo chinoita zvokukandwa.” Vavaki vaifanira kushandisa maoko avo ose pakuvaka “vakanga vakasungira, mumwe nomumwe bakatwa rake muhudyu make.” Vakanga vakagadzirira kuzvidzivirira kudai vaizorwiswa nevavengi.

5:7—Nehemiya akatanga “kuwanira mhosva vanokudzwa nevatevedzeri vevatongi” mupfungwa ipi? Varume ava vakanga vachikumbira chimbadzo kune vamwe vavo vechiJudha vachityora Mutemo waMosesi. (Revhitiko 25:36; Dheuteronomio 23:19) Uyezve, mari yomubereko yaidiwa nevakweretesi yakanga yakawanda. Kana yaibhadharwa pamwedzi woga woga, “chikamu chimwe chete pazvikamu zana” chaizoenzana nezvikamu 12 muzana pagore. (Nehemiya 5:11) Hwaiva utsinye kuitira izvi vanhu vakanga vachitoremerwa nemitero uye vaiva nezvokudya zvishoma. Nehemiya akawanira mhosva vapfumi mukuti achishandisa Mutemo waMwari, akavatsiura nokuvapa zano uye nokuita izvi akafumura zvakaipa zvavaiita.

6:5—Sezvo tsamba dzaiva nezvaisafanira kuzivikanwa nevamwe vanhu dzaiwanzoiswa mubhegi rakanamwa, nei Sanibharati aka- zotumira “tsamba yakavhurika” kuna Nehemiya? Sanibharati angave aida kuti mashoko okupomera zvenhema aonekwe nevanhu vakawanda nokutumira tsamba yakavhurika. Pamwe aitarisira kuti izvi zvaizotsamwisa Nehemiya kwazvo zvokuti aizosiya basa rake rokuvaka kuti azvidzivirire. Kana kuti Sanibharati angave akafunga kuti mashoko aiva mutsamba yacho aizoita kuti vaJudha vatye vobva varega basa ravo rokuvaka. Nehemiya akaramba kutyisidzirwa uye akaramba achiita basa rake raakanga apiwa naMwari akanyarara.

Zvatinodzidza:

1:4; 2:4; 4:4, 5. Patinosangana nemamiriro ezvinhu akaoma kana kuti patinoita zvisarudzo zvinokosha, tinofanira ‘kuramba tichinyengetera’ uye kuita maererano nokutungamirira kwaMwari.—VaRoma 12:12.

1:11–2:8; 4:4, 5, 15, 16; 6:16. Jehovha anopindura minyengetero yomwoyo wose yevateveri vake.—Pisarema 86:6, 7.

1:4; 4:19, 20; 6:3, 15. Kunyange zvazvo Nehemiya aiva murume aiva netsitsi, akaratidza muenzaniso wakanaka wokuva murume aikurumidza kugadzirisa zvinhu, aiomerera pakuita zvakarurama.

1:11–2:3. Mufaro waNehemiya wakanga usinganyanyi kukonzerwa nebasa rake raikudzwa somudiri wamambo. Waibva pakufambisira mberi kunamata kwechokwadi. Kunamatwa kwaJehovha nezvose zvinokusimudzira hazvisiri izvo here zvatinofanira kukoshesa zvikuru uye zvinoita kuti tifare?

2:4-8. Jehovha akaita kuti Atashasta ape Nehemiya mvumo yokuenda uye yokunovakazve rusvingo rweJerusarema. “Mwoyo wamambo wakaita sehova dzemvura dziri muruoko rwaJehovha,” inodaro Zvirevo 21:1. “Anoutendeudzira kwose kwose kwaanoda.”

3:5, 27. Hatifaniri kuona basa rinoda kushandwa nemaoko rinoitirwa kunamata kwechokwadi sebasa risina kukodzera kuitwa nesu, sezvakaita “vakuru” vevaTekoa. Asi, tinogona kutevedzera ruzhinji rwevamwe vaTekoa vakashanda nechido.

3:10, 23, 28-30. Kunyange zvazvo vamwe vachikwanisa kutamira kunodiwa vazivisi voUmambo zvikuru, vakawanda vedu tinotsigira kunamata kwechokwadi tiri pedyo nemisha yedu. Tinogona kuita izvi nokuitawo basa rokuvaka Dzimba dzoUmambo uye mabasa okuyamura panenge paitika njodzi asi zvikurukuru nokuita basa rokuparidza Umambo.

4:14. Patinoshorwa, isuwo tinogona kukunda kutya nokuramba tichiyeuka “Iye mukuru neanotyisa.”

5:14-19. Kuvatariri vechiKristu, Gavhuna Nehemiya muenzaniso wakanaka chaizvo wokuzvininipisa, wokusava noudyire, uye woungwaru. Kunyange zvazvo aishingaira kusimbisa Mutemo waMwari, haana kudzora vamwe kuti zvinhu zvimunakire noudyire. Asi akaratidza kuti aiva nehanya nevaiva vakadzvinyirirwa uye nevarombo. Zvaaiva nomutsa, Nehemiya akaratidza muenzaniso wakanaka kuvashumiri vose vaMwari.

“Ndiyeukei, Haiwa Mwari Wangu, Nenzira Yakanaka”

(Nehemiya 7:1–13:31)

Rusvingo rweJerusarema ruchangopera kuvakwa, Nehemiya anogadzira magedhi uye anoita urongwa hwokuchengetedza guta racho. Anoenderera mberi nokunyora nhoroondo yemadzinza yevanhu vacho. Vanhu vose zvavanoungana “munzvimbo yaiungana vanhu yaiva pamberi peGedhi reMvura,” Ezra mupristi anoverenga bhuku roMutemo waMosesi, uye Nehemiya nevaRevhi vanotsanangurira vanhu Mutemo. (Nehemiya 8:1) Pavanoziva nezvoMutambo weMatumba vanoupemberera nomufaro.

Vanounganazve, panguva ino “vana vaIsra- eri” vanoreurura zvivi zvorudzi rwavo, vaRevhi vanodzokorora izvo Mwari akaitira vaIsraeri, uye vanhu vanopika kuti ‘vachafamba mumutemo waMwari wechokwadi.’ (Nehemiya 9:1, 2; 10:29) Sezvo Jerusarema risati rava nevanhu vakawanda, mijenya inokandwa kuti murume mumwe chete pagumi anogara kunze kweguta atamire muguta racho. Zvadaro, rusvingo runotsaurirwa nomufaro zvokuti “kufara kweJerusarema [kunogona] kunzwika kure.” (Nehemiya 12:43) Pashure pemakore gumi nemaviri asvika, Nehemiya anobva muJerusarema ombodzokera kunoita mabasa ake aAtashasta. Zvinokurumidza kuoneka kuti vaJudha havana kuchena. Adzokera kuJerusarema, Nehemiya anobva asarudza kugadzirisa mamiriro acho ezvinhu. Nezvake, anokumbira nokuzvininipisa kuti: “Ndiyeukei, haiwa Mwari wangu, nenzira yakanaka.”—Nehemiya 13:31.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

7:6-67—Nei uwandu hwemhuri imwe neimwe hwakanyorwa naNehemiya hwevakasara vakadzokera kuJerusarema naZerubhabheri hwakasiyana nehwakanyorwa naEzra? (Ezra 2:1-65) Chikonzero chokusiyana uku ndechokuti zvichida Ezra naNehemiya vangave vakawana mashoko avo pakasiyana. Somuenzaniso, nhamba yevaya vakanyoresa kuti vaizodzokera ingave yakanga yakasiyana nenhamba chaiyo yevakadzokera. Zvinyorwa zviviri izvi zvingave zvakanga zvakasiyanawo pakuti vamwe vaJudha vasina kukwanisa kuziva dzinza ravo pakutanga vakazoziva gare gare. Zvisinei, nhoroondo dzacho dzinobvumirana pachinhu chimwe chete: Vakatanga kudzoka vaiva 42 360 tisingaverengi varanda nevaimbi.

10:34—Nei vanhu vakarayirwa kupa huni? Kupa huni kwakanga kusina kurayirwa muMutemo waMosesi. Izvi zvakanyanya kukonzerwa nokuti huni dzacho dzaidiwa. Huni dzakawanda dzaidiwa kuitira kuti dzishandiswe pakupisa zvibayiro paatari. Zviri pachena kuti pakanga pasina vaNetinimi vakawanda, vanhu vakanga vasiri vaIsraeri vaishumira sevaranda patemberi. Saka pakakandwa mijenya kuti huni dzirambe dziripo.

13:6—Nehemiya akanga asiri kuJerusarema kwenguva yakareba sei? Bhaibheri rinongotaura kuti “pane imwe nguva gare gare,” kana kuti ‘pakupera kwemazuva,’ Nehemiya akakumbira kumbova pazororo rebasa ramambo kuti adzokere kuJerusarema. Saka zvakaoma kuti tizive kuti yakanga iri nguva yakareba sei asipo. Zvisinei, adzokera kuJerusarema, Nehemiya akawana kuti vapristi vakanga vasiri kutsigirwa, uye kuti mutemo weSabata wakanga usiri kuchengetwa. Vakawanda vakanga varoora vakadzi vemamwe marudzi, uye kuti vana vavo vakanga vasiri kutombotaura mutauro wevaJudha. Kuti zvinhu zvizosvika pakuipisisa zvakadaro, Nehemiya anofanira kunge akanga asipo kwenguva yakareba.

13:25, 28—Kuwedzera ‘pakuwanira mhosva’ vaJudha vakanga vasingachanamati zvakanaka, ndezvipi zvimwe zvakaitwa naNehemiya kuti avaruramise? Nehemiya ‘akavatuka’ mukuti akavataurira mashoko okutonga aiva muMutemo waMwari. ‘Akarova vamwe vavo,’ zvichida achirayira kuti vatongwe. Kuratidza kuti akanga agumburwa netsika dzavo, ‘akadzura rimwe rebvudzi ravo.’ Akadzingawo muzukuru woMupristi Mukuru Eriyashibhi, uyo akanga ari mukuwasha waSanibharati muHoroni.

Zvatinodzidza:

8:8. Sevadzidzisi veShoko raMwari, ‘tinoridudzira’ nokutaura tichibudisa mashoko zvakanaka, nokusimbisa nomuromo uye nokutsanangura Magwaro zvakarurama, tichijekesa kuti anoshanda sei.

8:10. “Mufaro waJehovha” unobva pakuziva uye pakugutsa zvatinoda mune zvokunamata uye mukutevera kutungamirira kwaMwari. Chokwadi zvinokosha kuti tidzidze Bhaibheri tichishingaira, tipinde misangano yechiKristu nguva dzose, uye kuparidza nokushingairira Umambo nokuita basa rokuita vadzidzi!

11:2. Kuti munhu asiye nhaka yake uye atamire kuJerusarema zvaigona kumudhurira uye kumuvhiringidzawo mune zvimwe. Vaya vakazvipira kutama vakaratidza mafungiro okuzvipira. Isuwo tinogona kuratidza mafungiro akadaro panomuka mikana yokuti tiitire hama dzedu mabasa pamagungano uye pane zvimwe zviitiko.

12:31, 38, 40-42. Kuimba inzira yakanaka chaizvo yokurumbidza nayo Jehovha uye yokuratidza kuti tinomuonga. Tinofanira kuimba nomwoyo wose pakuungana kwechiKristu.

13:4-31. Tinofanira kungwarira kuti kunyanya kuda zvinhu, uori, uye kuramba kutenda zvisakanganise upenyu hwedu.

13:22. Nehemiya ainyatsoziva kuti aifanira kuzvidavirira kuna Mwari. Isuwo tinofanira kuziva kuti tichazvidavirira kuna Jehovha.

Zvinokosha Kutsigirwa naJehovha!

Munyori wepisarema akaimba kuti, “Kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanoshanda zvakaoma vachishandira pasina.” (Pisarema 127:1) Zvinofadza zvikuru kuti bhuku raNehemiya rinoratidza kuti mashoko aya ndeechokwadi!

Zvatinodzidza pano zvakajeka. Kana tichida kubudirira muzvinhu chero zvipi zvatinoita, tinofanira kutsigirwa naJehovha. Tingatarisira chaizvo kuti Jehovha atikomborere here kutoti taisa kunamata kwechokwadi pakutanga muupenyu hwedu? Saka, kufanana naNehemiya, ngatikoshesei kwazvo uye ngatifambisirei mberi kunamatwa kwaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 8]

“Mwoyo wamambo wakaita sehova dzemvura dziri muruoko rwaJehovha”

[Mufananidzo uri papeji 9]

Nehemiya—murume aikurumidza kugadzirisa zvinhu uye aiva netsitsi—anosvika kuJerusarema

[Mifananidzo iri papeji 10, 11]

Unoziva nzira ‘yokududzira’ nayo Shoko raMwari here?