Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Kushivirira kwaJehovha

Tevedzera Kushivirira kwaJehovha

Tevedzera Kushivirira kwaJehovha

“Jehovha haanonoki pane zvaakapikira, . . . asi anokushivirirai.”—2 PETRO 3:9.

1. Jehovha akapa vanhu chipo chipi chisingaenzaniswi nezvimwe?

JEHOVHA akatipa chimwe chinhu chatisingagoni kupiwa nomumwe munhu upi zvake. Chinhu ichocho chakanaka kwazvo uye chinokosha, asi hachigoni kutengwa kana kushandirwa. Akatipa chipo choupenyu husingaperi—kune vakawanda vedu, upenyu husingaperi mupasi rinenge riri paradhiso. (Johani 3:16) Chokwadi huchava upenyu hunofadza kwazvo! Zvinhu zvinokonzera kusuruvara zvikuru—hondo, chisimba, urombo, kuparwa kwemhosva, zvirwere, uye kunyange rufu zvichange zvatsakatika. Vanhu vachagara norugare rwakakwana uye vakabatana vachitongwa noUmambo hwaMwari hune rudo. Chokwadi Paradhiso iyoyo tinoida kwazvo!—Isaya 9:6, 7; Zvakazarurwa 21:4, 5.

2. Nei Jehovha asati abvisa nyika yaSatani?

2 Jehovha anotarisirawo nguva yaachaita kuti pasi rino rive Paradhiso. Izvi ndezvechokwadi nokuti anoda kururama nokururamisira. (Pisarema 33:5) Hazvimufadzi kuona nyika ine vanhu vanovenga mitemo yake yakarurama kana kuti vasingaidi, nyika inoramba simba rake uye inotambudza vanhu vake. Asi, pane zvikonzero zvakanaka nei asati abvisa nyika yakaipa yaSatani. Zvikonzero zvacho zvine chokuita nemibvunzo yakamutswa pamusoro pezvakaipa nezvakanaka kusanganisira uchangamire hwake. Kuti agadzirise izvi, Jehovha anoratidza humwe unhu hwakanaka zvikuru, unhu husina vakawanda nhasi—kushivirira.

3. (a) MuchiGiriki nechiHebheru shoko rakashandurwa kuti “kushivirira” muBhaibheri rinorevei? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura iye zvino?

3 Pane rimwe shoko rechiGiriki rakashandurwa muShanduro yeNyika Itsva kanosvika kana, kuti “kushivirira.” Sezvariri rinoreva kuti “manzwiro akareba” uye nokudaro rinowanzoshandurwa kuti “mwoyo murefu.” MuchiGiriki nechiHebheru shoko rakashandurwa kuti “kushivirira” rine pfungwa yokutsungirira uye yokunonoka kutsamwa. Kushivirira kwaJehovha kunotibatsira sei? Zvii zvatingadzidza kubva mukushivirira uye kutsungirira kwaJehovha nekwevashumiri vake vakatendeka? Tinoziva sei kuti kushivirira kwaJehovha kune pakunogumira? Ngationei.

Chimbofunga Nezvokushivirira kwaJehovha

4. Nezvokushivirira kwaJehovha, muapostora Petro akanyorei?

4 Nezvokushivirira kwaJehovha, muapostora Petro akanyora kuti: “Vadiwa, musakundikana kuziva chinhu ichi chimwe chete, kuti zuva rimwe chete kuna Jehovha rakaita semakore ane chiuru uye makore ane chiuru sezuva rimwe chete. Jehovha haanonoki pane zvaakapikira, sezvinofunga vamwe vanhu kuti kunonoka, asi anokushivirirai nokuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Petro 3:8, 9) Tapota ona pfungwa mbiri dzataurwa pano dzinogona kutibatsira kunzwisisa kushivirira kwaJehovha.

5. Maonero anoita Jehovha nguva anoita kuti aite zvinhu zvake sei?

5 Pfungwa yokutanga ndeyokuti Jehovha haaoni nguva sezvatinoita. Kuna Iye anorarama nokusingaperi, makore ane chiuru akaita sezuva rimwe chete. Haadzorwi kana kuti kumanikidzwa nenguva, asi haanonoki kuita chimwe chinhu. Zvaane uchenjeri husingaperi, Jehovha anonyatsoziva nguva yakanakisisa yokuita chimwe chinhu kuti vose vanobatanidzwa vabatsirike, uye anomirira nokushivirira kuti nguva iyoyo isvike. Zvisinei, hatifaniri kugumisa kuti Jehovha haana basa nokutambura kupi nokupi kungave kuri kuita vashumiri vake munguva ino. Iye ndiMwari ane “tsitsi huru,” muenzaniso wakakwana worudo. (Ruka 1:78; 1 Johani 4:8) Anokwanisa kubvisa zvakakwana uye zvachose, kukuvadza kwose kungave kwakakonzerwa nokutambura kwakambobvumirwa kwenguva pfupi.—Pisarema 37:10.

6. Chii chatisingafaniri kugumisa nezvaMwari, uye nei?

6 Ichokwadi kuti hazvisi nyore kumirira chimwe chinhu chaunenge uchida chaizvo. (Zvirevo 13:12) Saka, vanhu pavanotadza kukurumidza kuita zvavanovimbisa, vamwe vangagumisa kuti havadi zvavo kuzviita. Kungava kusachenjera sei kufunga kuti Mwari angaita zvakadaro! Kana tikakanganisa kuona tichiti kushivirira kwaMwari kunonoka, kufamba kunoita nguva kungaita kuti titange kusava nechokwadi uye tiore mwoyo, uye tinova panjodzi yokutsumwaira mune zvokunamata. Zvakatoipisisa ndezvokuti, tingatsauswa neavo Petro akambonyevera nezvavo—vaseki, vaya vasina kutenda. Vakadaro vachiseka vanoti: “Uku kuvapo kwake kwakapikirwa kuri kupiko? Chokwadi, kubvira pazuva rakarara madzitateguru edu murufu, zvinhu zvose zviri kuramba zvakaita sezvazvakanga zvakangoita kubvira pazvakatanga kusikwa.”—2 Petro 3:4.

7. Kushivirira kwaJehovha kwakabatana sei nokuda kwaanoita kuti vanhu vapfidze?

7 Pfungwa yechipiri yatinowana mumashoko aPetro ndeyokuti Jehovha anoshivirira nokuti anoda kuti vanhu vose vasvike pakupfidza. Vaya vanoomesa musoro vachiramba kusiya nzira dzavo dzakaipa vachaparadzwa noruoko rwaJehovha. Zvisinei, Mwari haafariri rufu rwowakaipa. Asi, anoda kuona vanhu vachipfidza, vachisiya nzira dzavo dzakaipa, voramba vachirarama. (Ezekieri 33:11) Ndokusaka ari kushivirira uye ari kuita kuti mashoko akanaka aziviswe mupasi rose kuitira kuti zvichida vanhu vangawana mukana wokurarama.

8. Kushivirira kwaMwari kunooneka sei mukubata kwaakaita norudzi rwaIsraeri?

8 Kushivirira kwaMwari kunoonekawo mukubata kwake norudzi rwekare rwaIsraeri. Kwemazana emakore, aishivirira kusateerera kwavo. Achishandisa vaprofita vake, nguva dzose aivakurudzira kuti: “Tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, muchengete mirayiro yangu, mirau yangu, maererano nomutemo wose wandakarayira madzibaba enyu uye wandakakutumirai ndichishandisa vashumiri vangu vaprofita.” Zvakaguma nei? Zvinosuruvarisa kuti vanhu “havana kuteerera.”—2 Madzimambo 17:13, 14.

9. Kushivirira kwaJesu kwakaratidza sei zvakakwana kushivirira kwaBaba vake?

9 Jehovha akazotuma Mwanakomana wake, akaramba achikumbira vaJudha kuti vayanane naMwari. Kushivirira kwaJesu kwakaratidza zvakakwana kushivirira kwaBaba vake. Achinyatsoziva kuti aizokurumidza kuurayiwa, Jesu akachema achiti: “Jerusarema, Jerusarema, muurayi wevaprofita neanotema nematombo vakatumwa kwaari,—ndaiwanzoda sei kuunganidza vana vako, sokuunganidza kunoita huku nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo! Asi imi hamuna kuzvida.” (Mateu 23:37) Mashoko aya anobaya mwoyo haasi omutongi asina tsitsi anongoda kuranga mumwe munhu asi ndeeshamwari ine rudo inoshivirira vanhu. Kufanana naBaba vake vari kudenga, Jesu aida kuti vanhu vapfidze uye varege kupiwa mutongo wakaipa. Vamwe vakateerera kunyevera kwaJesu uye havana kutongwa zvinorwadza pakatongwa Jerusarema muna 70 C.E.—Ruka 21:20-22.

10. Kushivirira kwaMwari kwakatibatsira munzira dzipi?

10 Kushivirira kwaMwari hakufaniri kutishamisa here? Pasinei nokuti vanhu havateereri zvakadini, Jehovha akabvumira mumwe nomumwe wedu, pamwe chete nemamwe mamiriyoni evanhu, kuva nomukana wokusvika pakumuziva uye kuwana tariro yokuponeswa. Muapostora Petro akanyorera vaKristu vaainamata navo kuti, “Onaiwo kushivirira kwaShe wedu soruponeso.” (2 Petro 3:15) Hationgi here kuti kushivirira kwaJehovha kwakativhurira mukana wokuti tiponeswe? Hatinyengetereri here kuti Jehovha arambe achitishivirira patinomushumira zuva nezuva?—Mateu 6:12.

11. Kunzwisisa kushivirira kwaJehovha kuchatikurudzira kuitei?

11 Patinonzwisisa kuti nei Jehovha achishivirira, tinobatsirwa kumirira nokushivirira kuponesa kwaachaita, tisingambogumisi kuti anononoka kuzadzika zvipikirwa zvake. (Mariro 3:26) Zvatinoramba tichinyengeterera kuti Umambo hwaMwari huuye, tinenge tichivimba kuti Mwari anoziva nguva yakanakisisa yokupindura munyengetero uyu. Uyezve, tinokurudzirwa kutevedzera Jehovha nokuratidza kushivirira kwakaita sekwake mukubata kwedu nehama dzedu uye nevaya vatinoparidzira. Isuwo hatidi kuti vanhu vapi nevapi vaparadzwe asi tinoda kuvaona vachipfidza vovawo netariro yatinayo youpenyu husingaperi.—1 Timoti 2:3, 4.

Chimbofunga Nezvokushivirira Kwevaprofita

12, 13. Maererano naJakobho 5:10, muprofita Isaya akabudirira sei kuratidza kushivirira?

12 Nokumbofunga kushivirira kwaJehovha, tinobatsirwa kukoshesa uye kuda kuva nounhu uhwu. Hazvisi nyore kuti vanhu vasina kukwana vashivirire, asi zvinogona kuita. Tinodzidza kuvashumiri vaMwari vekare. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Hama, fungai nezvevaprofita vakataura vachishandisa zita raJehovha somuenzaniso wokutambura nezvinhu zvakaipa nokushivirira.” (Jakobho 5:10) Zvinonyaradza uye zvinokurudzira kuziva kuti vamwe vakabudirira pavakatarisana nezvinetso zvatinofanira kutarisana nazvo.

13 Somuenzaniso, muprofita Isaya, chokwadi aida kushivirira mubasa rake. Jehovha akaratidza izvozvo nokumuudza kuti: “Enda, uti kuvanhu ava, ‘Rambai muchinzwa, haiwa imi vanhu, asi musanzwisisa; rambai muchiona, asi musawana zivo chero ipi zvayo.’ Ita kuti mwoyo yevanhu ava ive mikukutu, ita kuti nzeve dzavo dzidzivire, namatidza maziso avo, kuti varege kuona nemaziso avo uye varege kunzwa nenzeve dzavo, kuti mwoyo yavo irege kunzwisisa uye kuti varege kutendeuka vazviporese.” (Isaya 6:9, 10) Pasinei nokusateerera kwevanhu vacho, Isaya akazivisa nokushivirira mashoko aJehovha okunyevera kwemakore anenge 46! Saizvozvowo, kushivirira kuchatibatsira kutsungirira mubasa redu rokuparidza mashoko akanaka, kunyange zvazvo vakawanda vasingagamuchiri.

14, 15. Chii chakabatsira Jeremiya kutsungirira matambudziko uye kuora mwoyo?

14 Chokwadi, vaprofita pavaiita ushumiri hwavo, vakanga vasingafaniri kungoshivirira kusateererwa chete; vaifanirawo kushivirira kutambudzwa. Jeremiya akasungwa mumatanda, ndokuiswa “muimba yezvisungo zvomumakumbo,” uye akakandirwa mumugodhi wemvura. (Jeremiya 20:2; 37:15; 38:6) Akatambudzwa nevanhu chaivo vaaida kubatsira. Asi Jeremiya haana kuvagumbukira, kana kuvadzorera. Akashivirira achitsungirira kwemakumi emakore.

15 Kutambudzwa nokusekwa hazvina kutadzisa Jeremiya kutaura, uyewo hazvititadzisi kutaura nhasi. Chokwadi, tingaora mwoyo pane dzimwe nguva. Jeremiya akanzwa aora mwoyo. “Kwandiri shoko raJehovha rakava chinhu chinokonzera kuzvidzwa uye kunyombwa zuva rose,” akanyora kudaro. “Ndakati: ‘Handisi kuzotaura nezvake, uye handisi kuzotaurazve nezita rake.’” Chii chakazoitika? Jeremiya akarega kuparidza here? Akaenderera mberi achiti: “Mumwoyo mangu [shoko raMwari rakava] somoto unobvira wakavharirwa mumapfupa angu; ndakaneta nokuramba ndakanyarara, uye handina kukwanisa kuzvitsungirira.” (Jeremiya 20:8, 9) Ona kuti paainyanya kufunga nezvokunyombwa kwaaiitwa nevanhu, haana kufara. Paaifunga nezvokunaka uye kukosha kwemashoko acho, aibva atangazve kufara. Uyezve, kuna Jeremiya, Jehovha akanga akaita “somunhu ane simba anotyisa kwazvo,” achimusimbisa kuti azivise shoko raMwari nokushingaira uye noushingi.—Jeremiya 20:11.

16. Tinogona sei kuramba tichifara mubasa redu rokuparidza mashoko akanaka?

16 Muprofita Jeremiya akawana mufaro mubasa rake here? Chokwadi akafara! Akati kuna Jehovha: “Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya; uye kwandiri shoko renyu rinova kupembera nomufaro uye kufara kwomwoyo wangu; nokuti ndanga ndichishevedzwa nezita renyu, haiwa Jehovha.” (Jeremiya 15:16) Jeremiya akafara neropafadzo yokumiririra Mwari wechokwadi uye yokuparidza shoko rake. Isuwo tinogona kufara. Uyezve, tinofara sezvinongoitawo ngirozi kudenga, kuti munyika yose vakawanda chaizvo vari kugamuchira shoko roUmambo, vari kupfidza, uye kuti vari kupinda munzira inoendesa kuupenyu husingaperi.—Ruka 15:10.

“Kutsungirira kwaJobho”

17, 18. Jobho akatsungirira munzira ipi, uye zvakaguma nei?

17 Apedza kutaura nezvevaprofita vekare, mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Makanzwa nezvokutsungirira kwaJobho uye makaona zvaakaitirwa pakupedzisira naJehovha, kuti Jehovha ane rudo rukuru uye ane ngoni.” (Jakobho 5:11) Shoko rechiGiriki rakashandurwa pano kuti “kutsungirira” rinoreva zvakafanana neshoko rakashandiswa naJakobho mundima 10 yapfuura rokuti “kushivirira.” Ichiratidza kusiyana kwemashoko maviri aya, imwe nyanzvi yakanyora kuti: “Rokutanga rinoreva kushivirira kana mumwe munhu akatibata zvisina kunaka, asi rimwe racho rinoreva kutsungirira wakashinga mumamiriro ezvinhu akaoma.”

18 Jobho akambova mumamiriro ezvinhu akanga akaoma zvikuru. Upfumi hwake hwakaparara, vana vake vakafa, uye akava nechirwere chairwadza. Aipikisanawo nevaimupomera nhema kuti Jehovha ndiye akanga achimuranga. Jobho haana kungoramba akanyarara paaitambura; akataura mamiriro ake ezvinhu uye akatotaura sokunge kuti akanga akarurama kudarika Mwari. (Jobho 35:2) Zvisinei, akaramba aine kutenda, uye akavimbika. Haana kutuka Mwari sezvakanga zvataura Satani. (Jobho 1:11, 21) Zvakaguma nei? Jehovha “akazokomborera makore okupedzisira aJobho kupfuura okutanga.” (Jobho 42:12) Jehovha akaita kuti Jobho avezve noutano hwakanaka, akawedzera upfumi hwake nekaviri, uye akamukomborera noupenyu hwakanaka, hwaifadza achirarama nevadiwa vake. Kutsungirira kwaJobho akatendeka kwakaita kuti anyatsonzwisisa Jehovha.

19. Tinodzidzei mukutsungirira nokushivirira kwaJobho?

19 Tinodzidzei mukutsungirira nokushivirira kwaJobho? Kufanana naJobho, tingatambura nokurwara kana nemamwe matambudziko. Tingatadza kunyatsonzwisisa kuti nei Jehovha achibvumira kuti tive mumuedzo wakati. Asi, tine chokwadi chokuti: Tikaramba takatendeka, tichakomborerwa. Jehovha haambokundikani kupa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose. (VaHebheru 11:6) Jesu akati: “Anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.”—Mateu 10:22; 24:13.

“Zuva raJehovha Richauya”

20. Nei tichigona kuva nechokwadi chokuti zuva raJehovha richauya?

20 Kunyange zvazvo Jehovha achishivirira, anoruramisirawo uye haasi kuzoshivirira uipi nokusingaperi. Kushivirira kwake kune pakunogumira. Petro akanyora kuti: “[Mwari] haanawo kurega kuranga nyika yekare.” Kunyange zvazvo Noa nemhuri yake vakachengetwa vari vapenyu, nyika iyoyo yakanga isingadi Mwari yakaparadzwa nemvura. Jehovha akatongawo maguta eSodhoma neGomora, akaasiya angova madota. Kutonga uku kunoratidza “vanhu vasingadi Mwari muenzaniso wezvinhu zvichauya.” Nezvazvo, tingava nechokwadi chokuti: “Zuva raJehovha richauya.”2 Petro 2:5, 6; 3:10.

21. Tingaratidza sei kushivirira kwedu nokutsungirira, uye chii chatichakurukura munyaya inotevera?

21 Saka, ngatitevedzerei kushivirira kwaJehovha nokubatsira vamwe kuti vasvike pakupfidza kuitira kuti zvimwe naivowo vaponeswe. Ngatitevedzereiwo vaprofita nokuzivisa mashoko akanaka nokushivirira pasinei nokusateerera kwevanhu vatinoparidzira. Uyezve, tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achatikomborera kwazvo kana tikatsungirira miedzo saJobho uye tikaramba takavimbika. Tine zvikonzero zvakawanda zvokuti tifare muushumiri hwedu patinoona kukomborera kwave kuchiita Jehovha zviri kuitwa nevanhu vake kuparidza mashoko akanaka munyika yose. Izvi tichazviona munyaya inotevera.

Unoyeuka Here?

• Nei Jehovha achishivirira?

• Tinodzidzei mukushivirira kwevaprofita?

• Jobho akaratidza sei kutsungirira, uye zvakaguma nei?

• Tinoziva sei kuti kushivirira kwaJehovha kune pakunogumira?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kushivirira kwaJesu kwakaratidza zvakakwana kushivirira kwaBaba vake

[Mifananidzo iri papeji 20]

Jehovha akakomborera sei kushivirira kwaJeremiya?

[Mifananidzo iri papeji 21]

Jehovha akakomborera sei kutsungirira kwaJobho?