Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Uchapupu Kumarudzi Ose”

“Uchapupu Kumarudzi Ose”

“Uchapupu Kumarudzi Ose”

“Muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.”—MABASA 1:8.

1. Vadzidzi vakatanga kunzwa uprofita hwakanyorwa pana Mateu 24:14 rini uye kupi?

MASHOKO aJesu akanyorwa pana Mateu 24:14 anozivikanwa chaizvo zvokuti vakawanda vedu tinoaziva nomusoro. Uye ichokwadi kuti uhwu uprofita hunoshamisa kwazvo! Chimbofungidzira kuti vadzidzi vangave vakafungei pavakatanga kunzwa mashoko aya! Raiva gore ra33 C.E. Vadzidzi vakanga vava naJesu kwemakore anenge matatu, uye iye zvino vakanga vauya naye muJerusarema. Vakanga vaona zvishamiso zvaakaita uye vateerera dzidziso dzake. Kunyange zvazvo vakafarira chokwadi chinokosha chavakanga vadzidziswa naJesu, vainyatsoziva kuti havasi vose vakanga vachifarira mashoko aya. Jesu aivengwa nevanhu vaiva nesimba kwazvo.

2. Vadzidzi vaizosangana nengozi dzipi nematambudziko api?

2 PaGomo reMiorivhi, vadzidzi vana vakagara naJesu vakanyatsoteya nzeve dzavo sezvaaitaura nezvengozi dzaizouya uye matambudziko avaizosangana nawo. Jesu akanga ambovaudza kuti aizourayiwa. (Mateu 16:21) Iye zvino akavajekesera kuti naivowo vaizotambudzwa zvine utsinye. Akati: “Vanhu vachakuendesai kuti munotambudzwa uye vachakuurayai, uye muchavengwa nemarudzi ose nokuda kwezita rangu.” Zvakanga zvisiri izvo zvoga. Vaprofita venhema vaizotsausa vakawanda. Vamwe vaigumburwa uye vaizotengesana nokuvengana. Vamwezve, kutaura zvazviri “vazhinji,” vaizorega kuda kwavanoita Mwari neShoko rake kuchitonhora.—Mateu 24:9-12.

3. Nei mashoko aJesu anowanika pana Mateu 24:14 achishamisa zvechokwadi?

3 Jesu akanga apedza kutaura mashoko anoodza mwoyo aya paakataura mamwe mashoko anofanira kunge akashamisa vadzidzi vake. Akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” (Mateu 24:14) Chokwadi, basa rakatangwa naJesu muIsraeri—‘rokupupurira chokwadi’—raizoenderera mberi uye raizoitwa munyika yose. (Johani 18:37) Uprofita uhwu hunoshamisa zvechokwadi! Zvaizova zvakaoma kuti basa iri riitwe “kumarudzi ose;” kuriita pasinei noku“vengwa nemarudzi ose” chokwadi zvaizova chishamiso. Kuitwa kwebasa guru iri kwakanga kusingazoratidzi chete kuti Jehovha ndiye changamire uye ndiye ane simba asiwo kuti ane rudo, ngoni, uye anoshivirira. Uyezve, kwaizopa vashumiri vake mukana wokuratidza kutenda nokuzvipira kwavo kwaari.

4. Ndivanaani vakaudzwa kuti vaite basa rokupupura, uye Jesu akavanyaradza nokuvaudza kuti chii?

4 Jesu akanyatsojekesera vadzidzi vake kuti vaiva nebasa rinokosha ravaifanira kuita. Asati akwira kudenga, Jesu akaenda kwavari ndokuti: “Muchagamuchira simba kana mudzimu mutsvene wasvika pamuri, uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema nomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mabasa 1:8) Chokwadi, vamwe vaizokurumidza kubatanawo navo. Kunyange zvakadaro, vadzidzi vaiva vashoma. Zvinofanira kunge zvakavanyaradza kwazvo kuziva kuti mudzimu mutsvene waMwari une simba waizovapa simba kuti vaite basa iri ravakanga vapiwa naMwari!

5. Vadzidzi vakanga vasingazivi chii nezvebasa rokupupura?

5 Vadzidzi vaiziva kuti vaifanira kuparidza mashoko akanaka uye ku“ita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” (Mateu 28:19, 20) Asi vakanga vasingazivi kuti uchapupu hwaizofanira kunzi hwanyatsopupurirwa kana zvaita sei, uye vakanga vasingazivi kuti mugumo waizouya rini. Nesuwo hatizivi. Jehovha oga ndiye anoziva izvi. (Mateu 24:36) Kana uchapupu hwaitwa zvokuti Jehovha anonzwa kugutsikana, achagumisa nyika ino yakaipa. Ipapo ndipo bedzi pachaziva vaKristu kuti basa rokuparidza raitwa maererano nokuda kwaJehovha. Zvakanga zvakaomera vadzidzi ivavo vekare kufungidzira kuti uchapupu hwaizoitwa pamwero mukuru kudai munguva ino yomugumo.

Basa Rokupupura Muzana Remakore Rokutanga

6. Chii chakaitika paPendekosti ya33 C.E. uye nguva pfupi pashure pacho?

6 Muzana remakore rokutanga, basa rokuparidza Umambo nerokuita vadzidzi rakava nemigumisiro yaishamisa kwazvo. Pazuva rePendekosti ya33 C.E., vadzidzi vanenge 120 vaiva mukamuri repamusoro muJerusarema. Vakadururirwa mudzimu mutsvene waMwari, muapostora Petro akapa hurukuro yaibaya mwoyo achitsanangura kuti chishamiso ichi chairevei, uye vanhu vanenge 3 000 vakava vatendi ndokubhabhatidzwa. Kwaingova kutanga chete. Pasinei nokutsunga kwakaita vatungamiriri vezvitendero kumisa basa rokuparidza mashoko akanaka, “Jehovha akaramba achiwedzera [kuvadzidzi] zuva nezuva vaya vakanga vachiponeswa.” Pasina nguva, “varume vacho vakava zviuru zvinenge zvishanu.” Zvadaro, “varume nevakadzi vazhinjizhinji vaitenda munaShe, vakaramba vachiwedzerwa.”—Mabasa 2:1-4, 8, 14, 41, 47; 4:4; 5:14.

7. Nei kutendeuka kwaKoneriyasi kwaiva chiitiko chaikosha?

7 Chimwe chinhu chinokosha chakaitika mugore ra36 C.E.—Koneriyasi, weMamwe Marudzi akatendeuka ndokubhabhatidzwa. Paakatungamirira muapostora Petro kuti aende kune murume uyu aitya Mwari, Jehovha akaratidza kuti murayiro waJesu woku“ita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi” wakanga usingashandi kuvaJudha chete vakanga vari munyika dzakasiyana-siyana. (Mabasa 10:44, 45) Chii chakaitwa nevaya vaitungamirira basa iri? Vaapostora nevarume vakuru vaiva muJudhiya pavakaziva kuti mashoko akanaka akanga achifanira kuudzwawo vemamwe marudzi—vakanga vasiri vaJudha—vakakudza Mwari. (Mabasa 11:1, 18) Panguva iyi, basa rokuparidza rakaramba richibereka zvibereko pavaJudha. Makore akati gare gare, zvichida muna 58 C.E., kuwedzera kune Vemamwe Marudzi vakanga vava vatendi, pakava ne“zviuru zvevatendi [vechiJudha].”—Mabasa 21:20.

8. Mashoko akanaka anochinja sei vanhu?

8 Kunyange zvazvo kuwedzera kwenhamba yevakava vatendi pavaKristu vomuzana remakore rokutanga kuchishamisa, hatimbofaniri kukanganwa kuti nhamba iyi ndeyevanhu chaivoivo. Mashoko eBhaibheri avakanzwa aiva nesimba zvikuru. (VaHebheru 4:12) Akakurumidza kuchinja upenyu hwevanhu vakaagamuchira. Vanhu vakachenesa upenyu hwavo, vakapfeka unhu hutsva, uye vakayanana naMwari. (VaEfeso 4:22, 23) Izvi ndizvo zviri kuitikawo nhasi. Uye vaya vanogamuchira mashoko akanaka vose vane tariro yakanaka chaizvo yokurarama nokusingaperi.—Johani 3:16.

Vashandi Pamwe Chete naMwari

9. Iropafadzo ipi uye basa izvo vaKristu vekare vakaziva kuti vaiva nazvo?

9 VaKristu vekare havana kuzvirumbidza nokuda kwebasa raiitwa. Vaiziva kuti basa ravo rokuparidza raitsigirwa ne“simba romudzimu mutsvene.” (VaRoma 15:13, 19) Jehovha ndiye aikonzera kuwedzera kwacho mune zvokunamata. Panguva iyoyowo, vaKristu ivavo vakaziva kuti vaiva neropafadzo uye basa rokuva “vashandi pamwe chete naMwari.” (1 VaKorinde 3:6-9) Nokudaro, vachiita maererano nomurayiro waJesu, vakashanda nesimba mubasa ravakanga vanzi vaite.—Ruka 13:24.

10. Zvii zvakaitwa nevamwe vaKristu vekare kuti vapupurire vanhu vemarudzi ose?

10 Zvaakanga ari “muapostora kune mamwe marudzi,” muapostora Pauro akafamba zviuru zvemakiromita panyika nomugungwa, achitanga ungano dzakawanda muruwa rweRoma kuEzhiya nokuGirisi. (VaRoma 11:13) Akaendawo kuRoma uye zvichida kunyange kuSpeini. Panguva iyi, muapostora Petro, uyo aiva nebasa rokuzivisa “mashoko akanaka nokuda kwevaya [vakanga] vasina kudzingiswa,” akaenda nokune rimwe divi kuti anoshumira muBhabhironi, nzvimbo yaiva nevaJudha vakawanda panguva iyoyo. (VaGaratiya 2:7-9; 1 Petro 5:13) Pakati pevamwe vakawanda vakashanda mubasa raShe paiva nevakadzi vakadai saTrifena naTrifosa. Mumwe mukadzi ainzi Pesisi, anonzi “akaita mabasa mazhinji munaShe.”—VaRoma 16:12.

11. Jehovha akakomborera sei zvaiitwa nevadzidzi?

11 Jehovha akakomborera kwazvo zvaiitwa nevashandi ivavo nevamwe vaishingaira. Pasati papera makore 30 Jesu afanotaura kuti vanhu vemarudzi ose vaizopupurirwa, Pauro akanyora kuti “mashoko akanaka” akanga a“paridzirwa zvisikwa zvose zviri pasi pedenga.” (VaKorose 1:23) Mugumo wakabva wauya ipapo here? Mupfungwa yakati wakauya. Wakauya kuvaJudha mugore ra70 C.E. mauto eRoma paakaparadza Jerusarema pamwe chete netemberi. Saizvozvowo, Jehovha akatsunga kuti uchapupu hunyatsoitwa asati aparadza nyika yose yaSatani.

Uchapupu Huri Kupiwa Nhasi

12. Vadzidzi veBhaibheri vekare vakanzwisisa sei murayiro wokuparidza?

12 Zana remakore rechi19 rava kunopera, pashure penguva yakareba yokuvapo kwevakaramba kutenda, kunamata kwakachena kwakavapozve. Vadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo, vakanyatsonzwisisa murayiro wokuita kuti vanhu vave vadzidzi munyika yose. (Mateu 28:19, 20) Pakazosvika gore ra1914, kwakanga kwava nevanenge 5 100 vaiita basa rokuparidza nokushingaira, uye mashoko akanaka akanga asvika munyika dzinenge 68. Zvisinei, Vadzidzi veBhaibheri ivavo vekare vakanga vasinganzwisisi zvainyatsoreva Mateu 24:14. Pakazopera zana remakore rechi19, Bhaibheri, rine mashoko akanaka, kana kuti evhangeri, rakanga rashandurwa uye radhindwa nemasangano eBhaibheri mumitauro yakawanda uye raparadzirwa munyika yose. Saka kwemakumi emakore, Vadzidzi veBhaibheri vaifunga kuti uchapupu kumarudzi ose hwakanga hwatoitwa.

13, 14. Imwe Nharireyomurindi yeChirungu ya1928 yakanyatsojekesa chii nezvokuda kwaMwari uye chinangwa chake?

13 Zvishoma nezvishoma, Jehovha akaita kuti vanhu vake vanzwisise zvakajeka zvaanoda uye chinangwa chake. (Zvirevo 4:18) Nharireyomurindi yeChirungu yaDecember 1, 1928, yakati: “Tingati kuparadzirwa kweBhaibheri kwazadzisa basa rakafanotaurwa rokuparidza evhangeri youmambo here? Zviri pachena kuti kwete! Pasinei nokuparadzirwa uku kweBhaibheri, zvichiri zvakakodzera kuti boka duku rezvapupu zviri munyika yose ridhinde mabhuku anotsanangura [chinangwa] chaMwari uye kuenda mumisha inenge yakasiyiwa maBhaibheri aya. Nokuti rikasadaro vanhu vacho vangatadza kuziva kugadzwa kwehurumende yaMesiya muzuva redu.”

14 Nharireyomurindi iyoyo yakatizve: “Muna 1920, . . . Vadzidzi veBhaibheri vakasvika pakunzwisisa zvakarurama uprofita hwaShe wedu huri pana Mateu 24:14. Vakazoziva kuti ‘evhangeri iyi’ yaifanira kuparidzwa munyika yose nokuda kwouchapupu kune Vemamwe Marudzi kana kuti kumarudzi ose, yakanga isiri evhangeri youmambo hwakanga huchizouya asi yokuti Mambo Mesiya akatanga kutonga pasi pano.”

15. Basa rokupupura rakawedzera sei kubvira muma1920?

15 “Boka duku [iroro] rezvapupu” muma1920 harina kuramba riri duku. Mumakumi emakore akatevera, “boka guru” re“mamwe makwai” rakaonekwa ndokutanga kuunganidzwa. (Zvakazarurwa 7:9; Johani 10:16) Nhasi, kune vazivisi vemashoko akanaka 6 613 950 munyika 235 pasi pano. Chokwadi uprofita uhwu huri kuzadzika zvinoshamisa! Hazvina kumboitika kuti “aya mashoko akanaka oumambo” aparidzwe pamwero mukuru kudai. Panyika hapana kumbova nevashumiri vaJehovha vakatendeka vakawanda sezvavari iye zvino.

16. Chii chakaitwa mugore rebasa rapfuura? (Ona chati iri pamapeji 27-30.)

16 Pamwe chete, boka guru iri reZvapupu rave richishingaira mugore rebasa ra2005. Maawa anodarika bhiriyoni akapedzerwa mukuzivisa mashoko akanaka munyika 235. Vanhu vanosvika mamiriyoni vakashanyirwa zvekare, uye mamiriyoni akadzidziswa Bhaibheri. Basa iri rakaitwa neZvapupu zvaJehovha, izvo zvakapa pachena nguva yazvo nezvinhu zvazvo kuti zviudze vamwe Shoko raMwari. (Mateu 10:8) Nomudzimu wake mutsvene une simba, Jehovha ari kuramba achipa vashumiri vake simba kuti vaite kuda kwake.—Zekariya 4:6.

Kushanda Nesimba Kuitira Kuti Uchapupu Hupiwe

17. Vanhu vaJehovha vari kuita sei kumashoko aJesu ane chokuita nokuparidza mashoko akanaka?

17 Kunyange zvazvo padarika makore anoda kusvika 2 000 kubvira pakataura Jesu kuti mashoko akanaka aizoparidzwa, kushingairira basa racho kwaiitwa nevanhu vaMwari hakuna kuderera. Tinoziva kuti nokutsungirira kwedu kuita basa zvakanaka, tinoratidza unhu hwaJehovha hworudo, ngoni, uye kushivirira. Kufanana naye, hapana watinoda kuti aparadzwe asi tinoda kuti vanhu vapfidze uye vayanane naJehovha. (2 VaKorinde 5:18-20; 2 Petro 3:9) Zvichipisa nomudzimu waMwari, Zvapupu zvaJehovha zvinoramba zvichishingaira kuzivisa mashoko akanaka kumigumo yepasi. (VaRoma 12:11) Somugumisiro, vanhu vari kwose kwose vari kugamuchira chokwadi uye vari kuita maererano nokutungamirira kune rudo kwaJehovha. Chimboona mimwe mienzaniso.

18, 19. Zvii zvaungarondedzera zvakaitika kune vamwe vakanyatsogamuchira mashoko akanaka?

18 Charles aiva murimi kumadokero kweKenya. Muna 1998 akatengesa fodya inodarika makirogiramu 8 000 uye akapiwa chitupa chairatidza kuti aiva Murimi Mukuru Wefodya. Panguva iyoyo, akatanga kudzidza Bhaibheri. Nenguva isipi, akasvika pakuziva kuti munhu anobatanidzwa mukurima fodya anenge achityora murayiro waJesu wokuda muvakidzani wake. (Mateu 22:39) Agumisa kuti ‘murimi mukuru wefodya’ chaizvoizvo aiva ‘muurayi mukuru,’ Charles akafafaidza mushonga unouraya mumunda wake wefodya. Akafambira mberi kusvika pakuzvitsaurira nokubhabhatidzwa uye iye zvino ava piyona wenguva dzose uye mushumiri anoshumira.

19 Hapana mubvunzo kuti Jehovha ari kuzunungusa marudzi nokupupura kuri kuitwa mupasi rose, uye zvinhu zvinodiwa—vanhu—vari kuuya. (Hagai 2:7) Pedro, uyo anogara muPortugal, akaenda kuchikoro chaidzidzisa zvoupristi paakanga aine makore 13. Vavariro yake yaiva yokuva mumishinari uye kuzodzidzisa Bhaibheri. Zvisinei, pashure penguva pfupi, haana kuzoramba achienda kuchikoro chacho nokuti Bhaibheri rakanga risinganyanyi kukosheswa muzvidzidzo zvake. Makore matanhatu gare gare akanga ava kudzidza zvepfungwa pane imwe yunivhesiti iri muLisbon. Aigara namainini vake vaiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, vaimukurudzira kudzidza Bhaibheri. Panguva iyoyo, Pedro akanga asina chokwadi kuti Mwari ariko, uye akanga asingazivi kuti odzidza Bhaibheri here kana kuti kwete. Akataura napurofesa wake wezvepfungwa nezvenyaya yokusaziva kuti oita sei. Purofesa wacho akamuudza kuti ruzivo rwepfungwa runodzidzisa kuti vanhu vasingagoni kusarudza zvavanofanira kuita vanowanzozvikuvadza. Audzwa izvozvo, Pedro akasarudza kudzidza Bhaibheri. Akabhabhatidzwa nguva pfupi yapfuura uye iye zvino iyewo ava kudzidzisa vamwe Bhaibheri.

20. Nei tingafara kuti uchapupu huri kupiwa kuvanhu vemarudzi ose pamwero mukuru wakadai?

20 Kunyange nazvino hatizivi kuti uchapupu hachapiwa kumarudzi pamwero wakakura sei, uyewo hatizivi zuva kana awa ichauya mugumo. Chatinongoziva ndechokuti zvichaitika nokukurumidza. Tinofara kuti kuparidzwa kwemashoko akanaka pamwero mukuru kudaro chinongova chimwe chezviratidzo pane zvakawanda zvokuti nguva yava pedyo yokuti Umambo hwaMwari hutsive hurumende dzevanhu. (Dhanieri 2:44) Gore rimwe nerimwe zvarinopfuura, mamiriyoni ari kupiwa mukana wokuti agamuchire mashoko akanaka, uye izvi zvinokudza Mwari wedu, Jehovha. Ngatitsungei kuti tirambe takatendeka uye isu pamwe chete nehama dzedu dziri munyika yose, ngatirambei tichishingaira mubasa rokupupurira marudzi ose. Tikadaro, tichazviponesa isu nevaya vanotiteerera.—1 Timoti 4:16.

Unoyeuka Here?

• Nei rugwaro rwaMateu 24:14 ruri uprofita hunoshamisa?

• VaKristu vekare vakaitei kuti vaparidze, uye zvakaguma nei?

• Vadzidzi veBhaibheri vakasvika sei pakunzwisisa kudiwa kwokupupura kumarudzi ose?

• Uchifunga nezvebasa revanhu vaJehovha mugore rebasa rapfuura, chii chakubaya mwoyo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Chati iri papeji 27-30]

MUSHUMO WEGORE REBASA RA2005 WEZVAPUPU ZVAJEHOVHA MUNYIKA YOSE

(See bound volume)

[Mepu/Mifananidzo iri papeji 25]

Pauro akafamba makiromita anosvika zviuru panyika nomugungwa kuti aparidze mashoko akanaka

[Mufananidzo uri papeji 24]

Jehovha akatungamirira Petro kuti apupurire Koneriyasi nemhuri yake