Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wakafanana Nomuti Unonzi Lagani Auna Here?

Wakafanana Nomuti Unonzi Lagani Auna Here?

Wakafanana Nomuti Unonzi Lagani Auna Here?

VAMWE vashumiri vaviri vakanga vachidzoka zvavo kumba vachibva mubasa ravo rokuparidza mune mumwe musha uri nechokunze kwePort Moresby, kuPapua New Guinea. Zvavakanga vachifamba vakaona mumwe muti wakanaka kwazvo. “Ona mulagani auna uyo!” akadaro murume wechikuru wacho. Achitaura kune jaya raaifamba naro, akaenderera mberi achiti: “Zita iroro rinoreva kuti ‘muti wegore negore.’ Kusiyana nemimwe miti yakawanda iri munzvimbo dzinopisa, gore roga roga unobva mashizha woita sewaoma. Zvisinei, panonaya mvura, unovazve munyoro, uye unotunga maruva woratidzazve runako rwawo.”

Pane zvinogona kudzidzwa pamuti uyu womulagani auna. Maererano nedzimwe nyanzvi, munyika yose unoverengwawo pakati pemiti mishanu yakanaka kwazvo inotunga maruva. Kunyange zvazvo uchibva maruva nemashizha awo mumwaka wokusanaya, muti wacho unochengetedza mvura. Midzi yawo yakasimba uye inogona kukura mumatombo anenge ari pasi pasi muvhu. Izvi zvinoita kuti ugone kumira pamhepo inovhuvhuta zvakasimba. Muchidimbu, unoramba uchirarama uchichinja maererano nemamiriro ezvinhu akaoma.

Zvichida tingazviwana tiri mumamiriro ezvinhu anoedza kunaka kwokutenda kwedu. Chii chichatibatsira kutsungirira? Kufanana nomulagani auna, tinogona kunwa uye kuchengeta mvura inopa upenyu inobva muShoko raMwari. Tinofanirawo kubatirira zvakasimba ‘kudombo redu,’ Jehovha uyewo kusangano rake. (2 Samueri 22:3) Chokwadi, muti womulagani auna chiyeuchidzo chakanaka chokuti kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma, tinogona kuramba takasimba uye tichiratidzika zvakanaka mune zvokunamata kana tikashandisa zvinhu zvatiri kupiwa naJehovha. Tikaita saizvozvo, ticha“gara nhaka yezvipikirwa” zvaakataura, kusanganisira chipikirwa choupenyu husingaperi.—VaHebheru 6:12; Zvakazarurwa 21:4.