Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kufamba Mugwara Rechiedza Chinoramba Chichiwedzera

Kufamba Mugwara Rechiedza Chinoramba Chichiwedzera

Kufamba Mugwara Rechiedza Chinoramba Chichiwedzera

“Gwara revakarurama rakaita sechiedza chinopenya chinoramba chichiwedzera kupenya kusvikira ava masikati chaiwo.”—Zvirevo 4:18.

1, 2. Vanhu vaMwari vakaziva chii nemhaka yokuwedzera kwechiedza chine chokuita nokunamata chinobva kuna Jehovha?

NDIANI angarondedzera zviri nani kuti zuva rinenge richibuda rinoitei kurima rousiku kupfuura iye Tsime rechiedza, Jehovha Mwari? (Pisarema 36:9) ‘Mambakwedza paanobata migumo yenyika,’ anodaro Mwari, ‘nyika inozvishandura sevhu riri pasi pechisimbiso, uye zvinhu zvinobuda sokunge zvakapfekedzwa.’ (Jobho 38:12-14) Chiedza chinobva kuzuva zvachinowedzera, zvinhu zviri panyika zvinotanga kuoneka uye zvinova zvakajeka, sezvinoita ivhu nyoro kana radhindwa nechidhindo.

2 Jehovha ndiyewo Tsime rechiedza chezvokunamata. (Pisarema 43:3) Kunyange zvazvo nyika ichiramba iri murima rakati ndoo, Mwari wechokwadi anoramba achijekesera vanhu vake. Zvichiguma nei? Bhaibheri rinopindura kuti: “Gwara revakarurama rakaita sechiedza chinopenya chinoramba chichiwedzera kupenya kusvikira ava masikati chaiwo.” (Zvirevo 4:18) Chiedza chinowedzera chinobva kuna Jehovha chinoramba chichijekesa gwara revanhu vake. Chinogadziridza zvinhu musangano, mune zvedzidziso, uye mutsika.

Kujekerwa Kunoita Kuti Sangano Rigadziridzwe

3. Pana Isaya 60:17 pane vimbiso yei?

3 Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akafanotaura kuti: “Panzvimbo pemhangura ndichaunza ndarama, panzvimbo pesimbi ndichaunza sirivha, panzvimbo pematanda, mhangura, panzvimbo pematombo, simbi.” (Isaya 60:17) Sezvo kutsiva chinhu chisina kusimba nechakasimba kuchireva kuchivandudza, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichigadziridza marongerwo akaitwa sangano razvo munguva ye“mamiriro ezvinhu epanguva” ino, kana kuti “mumazuva okupedzisira.”—Mateu 24:3; 2 Timoti 3:1.

4. Urongwa hupi hwakatangwa muna 1919, uye hwakabatsira sei?

4 Pakutanga kwemazuva okupedzisira, ungano dzeVadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo, dzaiita zvokusarudza vakuru nemadhikoni. Zvisinei, vamwe vakuru vakanga vasinganyanyi kufarira kuparidzira. Hakusi kuti vamwe vakanga vasingafariri kuparidzira chete, asi kuti vaitokurudzira vamwe kuti vasaparidzira. Saka muna 1919 basa idzva rakatangwa muungano imwe neimwe—romutungamiriri webasa. Mutungamiriri webasa akanga asingasarudzwi neungano, asi aigadzwa panzvimbo yake nehofisi yebazi revanhu vaMwari zvichitungamirirwa naMwari. Mabasa omutungamiriri ainge agadzwa aisanganisira kuronga basa rokuparidzira, kupa vanhu ndima, uye kukurudzira vanhu kuti vaite ushumiri. Mumakore akatevera, basa rokuparidzira Umambo rakakurudzirwa zvikuru.

5. Chii chakagadziridzwa ndokutanga kushanda muma1920?

5 Vose vaiva muungano vakakurudzirwazve pavakarayirwa kuti “Zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake,” muna 1922 pakokorodzano yeVadzidzi veBhaibheri kuCedar Point, Ohio, U.S.A. Pakazosvika 1927 basa romumunda rakanga rarongwa zvokuti zuva reSvondo raionekwa sokuti ndiro raiva rakakodzera kuita basa rokuparidzira paimba neimba. Nei vakasarudza zuva iroro? Nokuti vanhu vakawanda vakanga vasingashandi zuva reSvondo. Nhasi Zvapupu zvaJehovha zvinoratidza maonero akafanana nokuedza kushanyira vanhu panguva dzavanowanzokunge vari pamba, zvakadai sepakupera kwevhiki uye manheru.

6. Muna 1931, chisarudzo chipi chakaitwa, uye izvozvo zvakabatsira sei basa rokuzivisa Umambo?

6 Chimwe chinhu chakakurudzira chaizvo basa rokuzivisa Umambo chakaitika masikati eSvondo, July 26, 1931, pakaitwa chisarudzo pagungano reruwa rokuColumbus, Ohio, U.S.A., chichibva chazoitwawo munyika yose. Mamwe mashoko echisarudzo chacho aiti: “Tiri vashumiri vaJehovha Mwari vakapiwa basa rokuita muzita rake, uye tichiteerera murayiro wake, kuti tipe chipupuriro chaJesu Kristu, uye kuti tizivise vanhu kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi uye Wemasimbaose; naizvozvo tinogamuchira nomufaro uye tinobvuma zita rakatumidzwa nomuromo waIshe Mwari, uye tinoda kuzivikanwa uye kushevedzwa nezita iroro, rokuti Zvapupu zvaJehovha.” (Isaya 43:10) Zita racho idzva rakarondedzera basa guru revose vaizoshevedzwa nezita iroro! Chokwadi, Jehovha aiva nebasa rokuti vashumiri vake vose vaite. Vakawanda vakarifarira chaizvo!

7. Chii chakachinjwa muna 1932, uye nei?

7 Vakuru vakawanda vakazvipa vachizvininipisa kuti vaite basa rokuparidzira. Zvisinei, kune dzimwe nzvimbo vakuru vakanga vaita zvokusarudzwa vakashora pfungwa yokuti munhu wose ari muungano aifanira kuitawo ushumiri hwepachena. Asi pane zvimwe zvaizogadziridzwa munguva pfupi. Muna 1932 ungano dzakagamuchira murayiridzo waiva muNharireyomurindi wokuti dzichirega kuita zvokusarudza vakuru nemadhikoni. Pane kudaro, dzaifanira kusarudza dare rebasa raiumbwa nevarume vanoda zvokunamata vaiita basa rokuparidzira pachena. Saka vaya vaishingaira kuita ushumiri ndivo vakanzi vatarisire ungano, uye basa rakafambira mberi.

Chiedza Chakawedzerwa Chinoreva Kugadziridzazve

8. Chii chakagadziridzwa muna 1938?

8 Chiedza chaka“ramba chichiwedzera kupenya.” Muna 1938 nyaya yokusarudza vatungamiriri yakabva yaregwa zvachose. Vashumiri vose vomuungano vaifanira kugadzwa zvichitungamirirwa naMwari, “muranda akatendeka, akangwara” achitarisira. (Mateu 24:45-47) Izvi zvakagamuchirwa neungano dzinenge dzose dzeZvapupu zvaJehovha, uye basa rokupupura rakaramba richibereka zvibereko.

9. Muna 1972, urongwa hupi hwakatangwa, uye nei urongwa ihwohwo hwaiva kuvandudza?

9 Kutanga musi waOctober 1, 1972, pane chimwe chinhu chakachinja chine chokuita nokutarisirwa kweungano. Urongwa hwokutarisira kwaiitwa nedare revakuru hwakatangwa muungano dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose, huchitsiva kutarisira kwaiitwa nomushumiri weungano mumwe chete, kana kuti mutariri. Urongwa hutsva uhwu hwakakurudzira zvikuru varume vaida zvokunamata kuti vashandire kuti vazokwanisa kutungamirira muungano. (1 Timoti 3:1-7) Somugumisiro, hama dzakawanda dzakawana ruzivo rwokutarisira mabasa eungano. Dzakaratidza kuti dzinobatsira zvikuru pakufudza vatsva vakawanda vakagamuchira chokwadi cheBhaibheri!

10. Urongwa hupi hwakatangwa muna 1976?

10 Nhengo dzeDare Rinodzora dzakarongwa kuva matare matanhatu, uye kutanga musi waJanuary 1, 1976, mabasa ose esangano neeungano dziri munyika yose akanga ava kutarisirwa nematare aya. Zvave zvichibatsira zvikuru kuti zvose zvine chokuita nebasa roUmambo zvitungamirirwe ne“vanhu vazhinji vanopa mazano”!—Zvirevo 15:22; 24:6.

11. Chii chakagadziridzwa muna 1992, uye nei?

11 Muna 1992, pane chimwezve chakagadziridzwa, chingaenzaniswa nezvakaitika vaIsraeri nevamwe vadzoka kwavakanga vatapwa kuBhabhironi. Kare panguva iyoyo, vaRevhi vaivapo vakanga vari vashomanana zvokuti vakanga vasingakwani kutarisira basa repatemberi. Saka vaNetinimu vakanga vasiri vaIsraeri vakapiwa mabasa akawanda okuita kuti vabatsire vaRevhi. Naizvozvo, kuti vabatsire boka romuranda akatendeka uye akangwara kutarisira mabasa aro epasi pano airamba achiwanda, muna 1992 vamwe ve“mamwe makwai” vakapiwa mamwe mabasa okuwedzera. Vakagadzwa kuti vave vabatsiri vematare eDare Rinodzora.—Johani 10:16.

12. Jehovha akagadza sei rugare kuti ruve vatariri vedu?

12 Zvose izvi zvakaguma nei? “Ndichagadza rugare kuti ruve vatariri vako uye kururama kuti kuve vanokupa basa,” anodaro Jehovha. (Isaya 60:17) Nhasi vashumiri vaJehovha vane “rugare” uye kuda “kururama” kwave ‘kuchivapa basa’—simba rinovakurudzira kushumira Mwari. Vakanyatsorongwa kuti vaite basa rokuparidzira Umambo uye rokuita vadzidzi.—Mateu 24:14; 28:19, 20.

Jehovha Anojekesa Gwara Mune Zvedzidziso

13. Jehovha akajekesa sei gwara revanhu vake mune zvedzidziso kuma1920?

13 Zvishoma nezvishoma Jehovha ari kujekesawo gwara revanhu vake mune zvedzidziso. Zvakazarurwa 12:1-9 ine muenzaniso weizvi. Nhoroondo yacho inotaura nezvezvinhu zvitatu zvokufananidzira—“mukadzi” ane pamuviri obereka, “dhiragoni,” uye “mwanakomana, munhurume.” Unoziva here kuti chimwe nechimwe chinomirirei? Zvakatsanangurwa mune imwe nyaya yaiva nomusoro waiti “Kuberekwa Kworudzi,” yakabuda muNharireyomurindi yeChirungu yaMarch 1, 1925. Nyaya yacho yakaita kuti vanhu vaMwari vanzwisise zviri nani uprofita hwokuberekwa kwoUmambo, kunzwisisa kwakaita kuti zvijeke kuti pane masangano maviri akasiyana—raJehovha neraSatani. Zvadaro muna 1927/28, vanhu vaMwari vakaziva kuti Krisimasi nokupemberera mazuva okuzvarwa hazvisi mumagwaro, uye vakarega kuzvichengeta.

14. Ichokwadi chipi chine chokuita nedzidziso chakajekeswa kuma1930?

14 Muma1930 dzidziso nhatu dzakajekeswa. Kwemakore akawanda, Vadzidzi veBhaibheri vakanga vaziva kuti vanhu vazhinjizhinji, kana kuti “boka guru,” rinotaurwa nezvaro pana Zvakazarurwa 7:9-17 rakanga rakasiyana nevane 144-000, vaizotonga naKristu semadzimambo nevapristi. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1-5) Zvisinei, zvakaramba zvisingazivikanwi kuti vanhu vazhinjizhinji ndivanaani. Sezvinoita chiedza chemangwanani chinoramba chichiwedzera chichiita kuti zvinhu zvisina kujeka zvive pachena uye zvioneke ruvara rwazvo, muna 1935 zvakanzi vanhu vazhinjizhinji ndevaya vachapukunyuka “kutambudzika kukuru,” vane tarisiro yokurarama nokusingaperi pasi pano. Kwapera nguva yakati mugore iroro, pane zvimwe zvakajekeswa zvaizoda kuti vana veZvapupu zvaJehovha vakanga vachiri kuenda kuchikoro munyika dzakawanda varatidze pavari. Kunyange zvazvo vanhu munyika dzose vairatidza kuti vainyanya kuda zvenyika, Zvapupu zvakaziva kuti kusaruta mureza hakusi kungouremekedzawo zvako. Mugore rakatevera racho, imwe dzidziso yechokwadi, yokuti Kristu akafira padanda, kwete pamuchinjikwa, yakatsanangurwa.—Mabasa 10:39.

15. Utsvene hweropa hwakaziviswa rini uye sei?

15 Hondo Yenyika II ichangopera, panguva apo zvakanga zvajairika kuti varwi vakanga vakuvara varapwe nokuwedzerwa ropa, chiedza chakawedzera panyaya yokuti ropa chinhu chitsvene. Nharireyomurindi yeChirungu yaJuly 1, 1945, yakakurudzira “vanamati vaJehovha vose vanoda upenyu husingaperi munyika yake itsva yokururama kuti varemekedze utsvene hweropa uye kuti vaite zvinoenderana nokutonga kwaMwari kwakarurama panyaya iyi inokosha.”

16. Shanduro Yenyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakabudiswa rini, uye zvinhu zvipi zviviri zvinoita kuti ipfuure dzimwe shanduro?

16 Muna 1946 zvakava pachena kuti paifanira kushandurwa rimwe Bhaibheri raizoshandisa ruzivo rwakanga ruchangobva kuwanwa uye rakanga risina dzidziso dzaivakirwa patsika dzechiKristudhomu. Shanduro iyoyo yakatangwa muna December 1947. Muna 1950 Shanduro Yenyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki yakabudiswa muChirungu. Magwaro echiHebheru muChirungu akadhindwa ari mavhoriyamu mashanu, ayo akabudiswa zvishoma nezvishoma kutanga muna 1953. Vhoriyamu yokupedzisira yakabudiswa muna 1960, makore anoti pfuurei 12 kubva pakatangwa basa rokushandura. Shanduro Yenyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakakwana yakabudiswa iri vhoriyamu imwe chete muna 1961. Iye zvino yava mumitauro yakawanda uye ine zvinhu zvakanaka chaizvo zvinoita kuti ipfuure dzimwe shanduro. Yakadzorera zita raMwari, rokuti Jehovha. Uyezve, kushandura kwainoita sezvazviri manyoro okutanga kwakaita kuti vanhu varambe vachinzwisisa shoko raMwari.

17. Chiedza chipi chakawedzera kujeka muna 1962?

17 Muna 1962 zvakajekeswa kuti “vane masimba makuru” vanotaurwa pana VaRoma 13:1 ndivanaani uye kuti muKristu angazviisa pasi pavo kusvika pamwero upi. Kunyatsoongorora VaRoma chitsauko 13 uye Magwaro akaita saTito 3:1, 2; uye 1 Petro 2:13, 17 kwakajekesa kuti mashoko okuti “vane masimba makuru” haarevi Jehovha Mwari naJesu Kristu, asi anoreva vanhu vane zviremera muhurumende.

18. Ndechipi chimwe chokwadi chakajekeswa kuma1980?

18 Mumakore akatevera, gwara revakarurama rakaramba richipenya. Muna 1985 zvakajekeswa kuti zvinorevei kunzi wakarurama “nokuda kwoupenyu” uye wakarurama seshamwari yaMwari. (VaRoma 5:18; Jakobho 2:23) Muna 1987 zvinorehwa neJubheri rechiKristu zvakanyatsotsanangurwa.

19. Jehovha akawedzera sei kujekesera vanhu vake zvokunamata mumakore achangopfuura?

19 Muna 1995 nyaya yokuparadzanisa “makwai nembudzi” yakanzwisiswa zvakajeka. Mugore ra1998 zvakaratidzwa Ezekieri nezvetemberi zvakanyatsotsanangurwa, izvo zvichiri kutozadzika. Muna 1999 zvakajekeswa kuti ‘chinhu chinonyangadza chaizomira munzvimbo tsvene’ rini uye sei. (Mateu 24:15, 16; 25:32) Muna 2002 zvakanzwisiswazve kuti zvinorevei kunamata Mwari “nomudzimu nechokwadi.”—Johani 4:24.

20. Vanhu vaMwari vakagadziridzwa mune zvimwe zvinhu zvipi?

20 Kuwedzera pakugadziridzwa kwedzidziso uye kwezvinhu zvesangano, mufambiro wechiKristu wakagadziridzwa. Somuenzaniso, muna 1973 zvakanzwisiswa kuti kusvuta fodya kwaiva ku“svibisa nyama,” uye kwaifanira kuonekwa sechinhu chakaipa zvikuru. (2 VaKorinde 7:1) Kwapera makore gumi, Nharireyomurindi yaJuly 15, 1983, yakajekesa maonero atinoita kushandisa zvombo. Iyi ndemimwe mienzaniso yokuwedzera kwave kuchiita chiedza munguva yedu.

Rambai Muchifamba Mugwara Rechiedza Chiri Kuwedzera

21. Maonero api achatibatsira kuramba tichifamba mugwara rechiedza chiri kuwedzera?

21 Mumwe ava nenguva yakareba ari mukuru anobvuma kuti, “Kugamuchira zvinenge zvachinjwa uye kuzvishandisa kunogona kuva kwakaoma.” Chii chakamubatsira kugamuchira kugadziridza kwakawanda kwaakaona mumakore 48 aave ari muzivisi woUmambo? Anopindura kuti: “Zvinokosha kuva nemaonero akanaka. Ukaramba zvinenge zvagadziridzwa zvinoreva kuti unosaririra sangano richifambira mberi. Kana ndikaona zvichiita sezvakandiomera kuchinja, ndinofunga nezvemashoko aPetro kuna Jesu, okuti: ‘Ishe, tichaenda kuna ani? Ndimi mune mashoko oupenyu husingaperi.’ Zvadaro ndinozvibvunza kuti, ‘Ndichaendepi—ndoenda kunze kurima renyika ino here?’ Izvi zvinondibatsira kunamatira kusangano raMwari.”—Johani 6:68.

22. Tinobatsirwa sei nokufamba muchiedza?

22 Zvechokwadi nyika yakatipota iri murima rakati ndo. Jehovha zvaanoramba achijekesera vanhu vake, musiyano uri pakati pavo nevaya vari munyika uri kuramba uchikura. Chiedza ichi chinotibatsirei? Chokwadi, sezvo kuvheneka gomba riri mumugwagwa une rima kusingabvisi gomba racho, chiedza chinobva muShoko raMwari hachibvisi ngozi. Zvisinei, chiedza chinobva kuna Mwari chinotibatsira zvechokwadi kuti tinzvenge ngozi dzacho kuitira kuti tirambe tichifamba mugwara rechiedza chinoramba chichiwedzera. Saka, ngatirambei tichifungisisa nezveshoko raJehovha rouprofita, “serambi rinopenya munzvimbo ine rima.”—2 Petro 1:19.

Unoyeuka Here?

• Zvinhu zvipi zvakagadziridzwa naJehovha musangano nokuda kwevanhu vake?

• Chiedza chairamba chichiwedzera chakagadziridza dzidziso dzipi?

• Ndezvipi zvawakaona zvichigadziridzwa, uye chii chakakubatsira kuzvigamuchira?

• Nei uchida kuramba uchifamba mugwara rechiedza chiri kuramba chichiwedzera?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 27]

Gungano reruwa romuna 1922 kuCedar Point, Ohio, rakakurudzira Vadzidzi veBhaibheri kuti vaite basa raMwari

[Mufananidzo uri papeji 29]

“Shanduro Yenyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki” yakabudiswa muna 1950, naN. H. Knorr

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 26]

© 2003 BiblePlaces.com