Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutarisira Kunoita Kuti Chinangwa chaMwari Chizadzike

Kutarisira Kunoita Kuti Chinangwa chaMwari Chizadzike

Kutarisira Kunoita Kuti Chinangwa chaMwari Chizadzike

“[Mwari] anoita zvinhu zvose maererano nezvaakasarudza zvaanoda.”—VAEFESO 1:11.

1. Ungano dzose dzeZvapupu zvaJehovha dzichaunganirei musi waApril 12, 2006?

MANHERU eChitatu, April 12, 2006, vanhu vanenge mamiriyoni 16 vachaungana kuti vachengete Kudya kwaShe Kwemanheru. Munzvimbo dzose dzavachaungana, pachava netafura ichange yakaiswa chingwa chisina kuviriswa, chinomiririra muviri waKristu, newaini tsvuku, inomiririra ropa rake rakateurwa. Hurukuro inotsanangura zvinorehwa neChirangaridzo chorufu rwaJesu yava kuda kunopera, zviratidzo zvacho—kutanga, chingwa, kwotevera waini—zvichafambiswa pane vose vanenge varipo. Muungano shomanana dzeZvapupu zvaJehovha, mumwe chete kana kuti kupfuura pane vanenge varipo achadya zviratidzo zvacho. Zvisinei, kakawanda hapana achadya pane vanenge varipo. Nei vaKristu vashomanana chete, vaya vanotarisira kunogara kudenga, vari ivo vanodya, nepo vakawanda vavo, vaya vanotarisira kurarama nokusingaperi pasi pano, vasingadyi?

2, 3. (a) Jehovha akasika zvinhu maererano nechinangwa chake sei? (b) Jehovha akasikirei nyika nevanhu?

2 Jehovha ndiMwari ane chinangwa. Kuti azadzise chinangwa chake, “anoita zvinhu zvose maererano nezvaakasarudza zvaanoda.” (VaEfeso 1:11) Akatanga nokusika Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga. (Johani 1:1, 14; Zvakazarurwa 3:14) Zvadaro, Jehovha akashandisa Mwanakomana uyu kuti asike mhuri yevanakomana vomudzimu, uye pakupedzisira kuti asike zvimwe zvinhu zvose, kusanganisira nyika nevanhu vari mairi.—Jobho 38:4, 7; Pisarema 103:19-21; Johani 1:2, 3; VaKorose 1:15, 16.

3 Jehovha haana kusika nyika kuti ive nzvimbo yokuedza vanhu kana vakakodzera kuzova vanakomana vake vomudzimu kudenga, sezvinodzidziswa nemachechi akawanda echiKristudhomu. Akaisika aine chinangwa chaicho, cho“kuti igarwe.” (Isaya 45:18) Mwari akasika nyika kuti igarwe nevanhu uye akasika vanhu kuti vagare panyika. (Pisarema 115:16) Nyika yose yaifanira kuzova paradhiso, yakazara nevanhu vakarurama, vaizoirima voitarisira. Vanhu vaviri vokutanga havana kumboudzwa nezvetarisiro yokuzoenda kudenga.—Genesisi 1:26-28; 2:7, 8, 15.

Chinangwa chaJehovha Chinopikiswa

4. Mashandisiro anoita Jehovha simba rake rokuva changamire akapikiswa sei, vanhu vachangotanga kuvapo?

4 Mwanakomana waMwari womudzimu akapanduka uye akanga akatsunga kuvhiringidza chinangwa chaJehovha, achishandisa zvisina kufanira chipo chokuzvisarudzira chaakapiwa naMwari. Akakanganisa rugare rune vose vanoda kuzviisa pasi pouchangamire hwaJehovha. Satani akaita kuti vanhu vaviri vokutanga varambe kutungamirirwa naMwari. (Genesisi 3:1-6) Haana kuramba kuti Jehovha ane simba, asi akapikisa mashandisiro aanoita simba rake rokuva changamire, zvichireva kuti akapikisa kodzero Yake yokutonga. Saka, nyaya inokosha yokuva changamire kwaJehovha yakatangwa pasi pano, vanhu vachangotanga kuvapo.

5. Inyaya ipi yechipiri yakatangwa, uye yaisanganisira ani?

5 Pane imwe nyaya yechipiri yakatangwa naSatani mumazuva aJobho yakada kufanana chaizvo nenyaya yekodzero yaJehovha yokutonga. Satani akanga asina chokwadi kuti chii chaiita kuti zvisikwa zvaJehovha zvizviise pasi paMwari uye zvimushumire. Satani akapa pfungwa yokuti vaiitira zvikonzero zvoudyire uye kuti, kana vakaedzwa, vaizopandukira Mwari. (Jobho 1:7-11; 2:4, 5) Kunyange hazvo mashoko aya akataurwa achireva munhu aishumira Jehovha, airevawo vanakomana vaMwari vomudzimu, kusanganisirawo Mwanakomana waJehovha akaberekwa ari mumwe oga.

6. Jehovha akaratidza sei kuti akatendeka kuzvinangwa zvake uye kuzita rake?

6 Achiratidza kuti akavimbika kuchinangwa chake uye kune zvinorehwa nezita rake, Jehovha akazviita Muprofita uye Muponesi. * Akaudza Satani kuti: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi nepakati pevana vako nomwana wake. Iye achakupwanya musoro uye iwe uchamupwanya chitsitsinho.” (Genesisi 3:15) Achishandisa Mwana wo“mukadzi” wake, kana kuti sangano rake rokudenga, Jehovha aizopindura zvaiva zvataurwa naSatani uye aizopa vana vaAdhamu tariro yokununurwa uye youpenyu.—VaRoma 5:21; VaGaratiya 4:26, 31.

“Chakavanzika Chitsvene Chezvaanoda”

7. Jehovha akazivisa chinangwa chipi achishandisa muapostora Pauro?

7 Mutsamba yaakanyorera vaKristu vokuEfeso, muapostora Pauro anonyatsotsanangura kuti Jehovha anotarisira sei zvinhu kuti azadzise chinangwa chake. Pauro akanyora kuti: “Akatizivisa chakavanzika chitsvene chezvaanoda. Icho chinoenderana nezvakamufadza zvaakafunga mumwoyo make kuti atarisire zvinhu panonyatsokwana nguva yakatarwa, kureva kuti aunganidzezve zvinhu zvose muna Kristu, zvinhu zviri kumatenga nezvinhu zviri panyika.” (VaEfeso 1:9, 10) Chinangwa chaMwari chinokudzwa ndechokuita kuti pave nenyika yakabatana inogarwa nezvisikwa zvinoda kuzviisa pasi pouchangamire hwake. (Zvakazarurwa 4:11) Saka zita rake raizotsveneswa, Satani oratidzwa kuti murevi wenhema, kuda kwaMwari kwoitwa “panyika, sezvakunoitwa kudenga.”—Mateu 6:10.

8. Shoko rinoshandurwa kuti ‘kutarisira’ rinorevei?

8 “Zvinomufadza,” kana kuti chinangwa chaJehovha, zvaizozadziswa ‘nokutarisira.’ Pauro akashandisa shoko rinoreva “kutarisirwa kweimba” chaikoiko. Harirevi hurumende yakaita soUmambo hwaMesiya, asi rinoreva nzira yokutarisira nayo zvinhu. * Nzira inoshamisa yaizotarisirwa nayo zvinhu naJehovha kuti azadzise zvinangwa zvake yaisanganisira “chakavanzika chitsvene” chaizoziviswa zvishoma nezvishoma nokufamba kwenguva.—VaEfeso 1:10; 3:9.

9. Jehovha akazivisa sei zvishoma nezvishoma chakavanzika chitsvene chezvaanoda?

9 Achishandisa sungano dzakatevedzana, zvishoma nezvishoma Jehovha akaratidza kuti chinangwa chake chine chokuita noMwana akavimbiswa muEdheni chaizozadziswa sei. Chipikirwa chake chesungano yaakaita naAbrahamu chakaratidza kuti Mwana akapikirwa aizouya pasi pano ari mudzinza raAbrahamu uye aizova nzira yaizoshandiswa ne“marudzi ose enyika” kuti azvikomborere. Sungano iyoyo yakaratidzawo kuti vamwe vaizova pamwe chete nomwana wacho iyeye. (Genesisi 22:17, 18) Sungano yoMutemo yakaitwa nevaIsraeri venyama yakabudisa pachena chinangwa chaJehovha chokuva no“umambo hwevapristi.” (Eksodho 19:5, 6) Sungano yaakaita naDhavhidhi yakaratidza kuti Mwana wacho aizova Mukuru woUmambo nokusingagumi. (2 Samueri 7:12, 13; Pisarema 89:3, 4) Sungano yoMutemo payakanga yatungamirira vaJudha kuna Mesiya, Jehovha akabva azivisa zvimwe zvine chokuita nokuzadziswa kwechinangwa chake. (VaGaratiya 3:19, 24) Vanhu vaya vaizobatana nomwana wacho ndivo vaizoumba “umambo hwevapristi” hwakanga hwafanotaurwa uye vaizopinzwa mu“sungano itsva” sa“Israeri” mutsva, womudzimu.—Jeremiya 31:31-34; VaHebheru 8:7-9. *

10, 11. (a) Jehovha akazivisa sei Mwana akafanotaurwa nezvake? (b) Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga akauyirei panyika?

10 Kuti chinangwa chaMwari chitarisirwe, nguva yakasvika yokuti Mwana akanga afanotaurwa nezvake auye panyika. Jehovha akatuma ngirozi Gabrieri kunoudza Mariya kuti aizobereka mwanakomana aizotumidzwa kuti Jesu. Ngirozi yacho yakati kwaari: “Uyu achava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; uye Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi, iye achava mambo paimba yaJakobho nokusingaperi, uye hapazovi nomugumo woumambo hwake.” (Ruka 1:32, 33) Saka zvakava pachena kuti Mwana akapikirwa aiva ani.—VaGaratiya 3:16; 4:4.

11 Mwanakomana waJehovha akaberekwa ari mumwe oga aifanira kuuya panyika oedzwa kusvikira pokupedzisira. Zvaizoita Jesu ndizvo zvaizopindura zvakanga zvataurwa naSatani. Aizoramba akatendeka kuna Baba vake here? Izvi zvaibatanidza chakavanzika chitsvene. Muapostora Pauro akazotsanangura basa raJesu achiti: “Chakavanzika chitsvene chokuzvipira kuna Mwari uku, zvechokwadi chikuru, chokuti: ‘Iye akaratidzwa pachena panyama, akanzi akarurama mumudzimu, akazviratidza kungirozi, akaparidzwa pakati pemamwe marudzi, akatendwa munyika, akagamuchirwa kudenga mukubwinya.’” (1 Timoti 3:16) Chokwadi, paakaramba akatendeka kusvikira afa, Jesu akapindura zvakajeka zvakanga zvataurwa naSatani. Asi mamwe mashoko ane chokuita nechakavanzika chitsvene akanga achiri kufanira kuziviswa.

“Chakavanzika Chitsvene choUmambo hwaMwari”

12, 13. (a) Ndechipi chimwe chezvinhu zve“chakavanzika chitsvene choumambo hwaMwari”? (b) Kusarudza kwakaita Jehovha vanhu vashomanana kuti vaende kudenga kwaisanganisirei?

12 Pane rumwe rwendo rwake rwokuparidzira rwokuGarireya, Jesu akaratidza kuti chakavanzika chitsvene chaiva nechokuita chaizvo nehurumende yake yoUmambo hwaMesiya. Akaudza vadzidzi vake kuti: “Imi makapiwa kunzwisisa zvakavanzika zvitsvene zvoumambo hwokumatenga [“umambo hwaMwari,” Mako 4:11].” (Mateu 13:11) Chimwe chezvinhu zvechakavanzika ichocho chaisanganisira kuti Jehovha aizosarudza “boka duku” revanhu 144 000 vaizobatana noMwanakomana wake seboka romwana, kuti vatonge naye kudenga.—Ruka 12:32; Zvakazarurwa 14:1, 4.

13 Vanhu zvavakanga vasikirwa kuti vagare panyika, paidiwa “chisikwa chitsva” chaizosikwa naJehovha kuti vamwe vanhu vazoenda kudenga. (2 VaKorinde 5:17) Muapostora Petro, mumwe wevaya vakasarudzwa kuti vave netariro iyi inoshamisa yokudenga, akanyora kuti: “Mwari, Baba vaShe wedu Jesu Kristu ngaarumbidzwe, nokuti maererano nengoni dzake huru akatibereka patsva kuti tive netariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa, kuti tive nenhaka isingaori isina kusvibiswa uye isingasvavi. Makaichengeterwa kudenga.”—1 Petro 1:3, 4.

14. (a) Vasiri vaJudha vakava sei nechokuita ne“chakavanzika chitsvene choumambo hwaMwari? (b) Nei tichikwanisa kunzwisisa izvi “zvinhu zvakadzama zvaMwari”?

14 Chimwe chezvinhu zvechakavanzika chitsvene chine chokuita nehurumende yoUmambo yeramangwana chaiva kuda kwaMwari kwokuti vanhu vasiri vaJudha vave pavashomanana vaizodanwa kuti vatonge naKristu kudenga. Pauro akatsanangura ‘kutarisira’ uku kunoitwa naJehovha, kana kuti nzira yaanozadzisa nayo zvinangwa zvake achiti: “Muzvizvarwa zvakapfuura, chakavanzika ichi hachina kuziviswa vanakomana vevanhu sokuzarurwa kwachakaitwa iye zvino kuvaapostora vake vatsvene nevaprofita pachishandiswa mudzimu, kuti, vanhu vemamwe marudzi vanofanira kuva vagari venhaka pamwe chete nesu uye nhengo dzomuviri pamwe chete nesu uye kuti vagoverane pamwe chete nesu chipikirwa vari pamwe naKristu Jesu nemashoko akanaka.” (VaEfeso 3:5, 6) ‘Vaapostora vatsvene’ vakaitwa kuti vanzwisise chimwe chezvinhu izvi zvechakavanzika chitsvene. Saizvozvowo nhasi, kudai tisingabatsirwi nomudzimu mutsvene, taisazonzwisisa “zvinhu zvakadzama zvaMwari.”—1 VaKorinde 2:10; 4:1; VaKorose 1:26, 27.

15, 16. Nei Jehovha akasarudza vachanotonga naKristu pakati pevanhu?

15 Vanhu “zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina” vanoonekwa vakamira ne“Gwayana” paGomo reZiyoni rokudenga vanonzi “vakatengwa vachibva panyika,” “vakatengwa pakati pevanhu sezvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana,” Kristu Jesu. (Zvakazarurwa 14:1-4) Jehovha akasarudza wokutanga pavanakomana vake vokudenga kuti ave mwana akapikirwa muEdheni, asi nei akasarudza shamwari dzaKristu pakati pevanhu? Muapostora Pauro anotsanangura kuti nhamba iyi duku yaka“danwa maererano nechinangwa cha[Jehovha],” “maererano nezvaanoda zvinomufadza.”—VaRoma 8:17, 28-30; VaEfeso 1:5, 11; 2 Timoti 1:9.

16 Chinangwa chaJehovha ndechokutsvenesa zita rake guru uye dzvene uye kuratidza kuti ndiye changamire wezvose zvakasikwa. ‘Nokutarisira’ kwake kwouchenjeri husina hunoenzana nahwo, Jehovha akatuma Mwanakomana wake wedangwe panyika, paakaedzwa kusvikira aurayiwa. Uyezve, Jehovha akasarudza kuti hurumende yoMwanakomana wake yoUmambo hwaMesiya yaizosanganisira vanhu vainge varatidzawo kuti vanotsigira uchangamire Hwake kusvikira pakufa.—VaEfeso 1:8-12; Zvakazarurwa 2:10, 11.

17. Nei tingafara kuti Kristu nevaachatonga navo vakamborarama vari vanhu?

17 Jehovha akaratidza kuti aida vana vaAdhamu zvikuru nokuita kuti Mwanakomana wake auye panyika uye nokusarudza pakati pevanhu vaya vaizogara nhaka hurumende yoUmambo pamwe chete noMwanakomana wake. Izvozvo zvaizobatsira sei vamwe vairatidza kuti vakatendeka kuna Jehovha, kutangira pana Abheri zvichienda mberi? Sezvo vakaberekwa vari varanda vechivi uye vorufu, vanhu vasina kukwana vaizofanira kurapwa mune zvokunamata uye munyama, voitwa kuti vave vakakwana, maererano nechinangwa chaJehovha chokutanga nokuda kwevanhu. (VaRoma 5:12) Zvinonyaradza zvikuru vose vanotarisira kurarama nokusingaperi pasi pano kuziva kuti Mambo wavo achavaratidza rudo uye acharatidza kuvanzwisisa sezvaakaita vadzidzi vake paaiita ushumiri hwake pasi pano! (Mateu 11:28, 29; VaHebheru 2:17, 18; 4:15; 7:25, 26) Uye zvinovakurudzira zvikuru kuziva kuti vapristi vachatonga naKristu kudenga vaimbova varume nevakadzi vokutenda vakarwisana nokusakwana kwavo uye vakambotambudzika sezvatinoita!—VaRoma 7:21-25.

Chinangwa chaJehovha Chisingakundikani

18, 19. Nei tava kunzwisisa mashoko aPauro ari pana VaEfeso 1:8-11, uye tichakurukura nezvei munyaya inotevera?

18 Iye zvino tava kunzwisisa zviri nani zvinorehwa nemashoko aPauro aakataurira vaKristu vakazodzwa, anowanikwa pana VaEfeso 1:8-11. Akati Jehovha akanga avazivisa “chakavanzika chitsvene chezvaanoda,” kuti vakanga va“goverwa sevagari venhaka” pamwe chete naKristu, uye kuti vakanga va“fanogadzwa maererano nechinangwa chaiye anoita zvinhu zvose maererano nezvaakasarudza zvaanoda.” Tinonzwisisa kuti izvi zvinoenderana ‘nokutarisira’ zvinhu kunoshamisa kunoitwa naJehovha kuti azadzise chinangwa chake. Izvi zvinotibatsirawo kunzwisisa kuti nei vaKristu vashomanana chete pane vaya vanouya paKudya kwaShe Kwemanheru vachidya zviratidzo.

19 Munyaya inotevera, tichaona zvinorehwa neChirangaridzo Chorufu rwaKristu kuvaKristu vaya vane tariro yokuenda kudenga. Tichadzidzawo kuti nei mamiriyoni ane tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano achifanira kunyatsofarira zvinomiririrwa neChirangaridzo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Zita raMwari rinoreva kuti “Anoita Kuti Zvinhu Zvive Sezvaanoda.” Jehovha anogona kuva chero zvinenge zvakakodzera kuti azadzise zvinangwa zvake.—Eksodho 3:14.

^ ndima 8 Mashoko aPauro anoratidza kuti ‘kutarisira’ kwaiitwa muzuva rake, asi Magwaro anoratidza kuti Umambo hwaMesiya hwakagadzwa muna 1914.

^ ndima 9 Kana uchida mashoko akadzama nezvesungano idzi dzine chokuita nokuitwa kwechinangwa chaMwari, ona Nharireyomurindi yaFebruary 1, 1989, mapeji 10-15.

Kudzokorora

• Nei Jehovha akasika nyika ndokuisa vanhu mairi?

• Nei Mwanakomana waJehovha akaberekwa ari mumwe oga aifanira kuedzwa panyika?

• Nei Jehovha akasarudza vaizotonga naKristu pakati pevanhu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]