Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuunganidza Zvinhu Zviri Kudenga uye Zvinhu Zviri Panyika

Kuunganidza Zvinhu Zviri Kudenga uye Zvinhu Zviri Panyika

Kuunganidza Zvinhu Zviri Kudenga uye Zvinhu Zviri Panyika

“Icho chinoenderana nezvakamufadza . . . kuti aunganidzezve zvinhu zvose muna Kristu, zvinhu zviri kumatenga nezvinhu zviri panyika.”—VAEFESO 1:9, 10.

1. Chii ‘chinofadza’ Jehovha nokuda kwedenga nenyika?

RUGARE MUNYIKA YOSE! Ichocho ndicho chinangwa chinokudzwa chaJehovha, “Mwari worugare.” (VaHebheru 13:20) Akafuridzira muapostora Pauro kunyora kuti ‘zvinomufadza’ ndezvo“kuti aunganidzezve zvinhu zvose muna Kristu, zvinhu zviri kumatenga nezvinhu zviri panyika.” (VaEfeso 1:9, 10) Chii chinomborehwa neshoko rinoshandurwa kuti ‘kuunganidzazve’ riri mundima iyi? Nyanzvi yeBhaibheri inonzi J. B. Lightfoot inoti: “Mashoko acho anoreva kuwirirana kunoita zvose zvakasikwa, pasisina mhandu nezvinovhiringidza, asi zvinhu zvose zvinenge zvabatana muna Kristu. Chivi norufu, kusuruvara nokukundikana uye kutambura zvinenge zvapera.”

“Zvinhu Zviri Kumatenga”

2. “Zvinhu zviri kumatenga” zvinofanira kuunganidzwa ndivanaani?

2 Muapostora Petro akataura nezvetariro inoshamisa ine vaKristu vechokwadi paakanyora kuti:“Kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvaakapikira, uye kururama kuchagara mazviri.” (2 Petro 3:13) “Matenga matsva” anovimbiswa pano anoreva hurumende itsva, Umambo hwaMesiya. “Zvinhu zviri kumatenga” zvinotaurwa naPauro mutsamba yake yaakanyorera vaEfeso zvinofanira kuunganidzwa “muna Kristu.” Ivo vanhu vashomanana vakasarudzwa kunotonga naKristu kumatenga. (1 Petro 1:3, 4) Ava vaKristu vakazodzwa 144 000 “vakatengwa vachibva panyika,” “vakatengwa pakati pevanhu,” kuti vave vagari venhaka pamwe chete naKristu muUmambo hwake hwokudenga.—Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:3, 4; 2 VaKorinde 1:21; VaEfeso 1:11; 3:6.

3. Sei zvinganzi vakazodzwa ‘vakagara munzvimbo dzokumatenga’ kunyange pavanenge vari panyika?

3 VaKristu vakazodzwa vanounzwa, kana kuti kuberekwazve, nomudzimu mutsvene kuti vave vanakomana vomudzimu vaJehovha. (Johani 1:12, 13; 3:5-7) Sezvo vachigamuchirwa naJehovha “sevanakomana,” vanova hama dzaKristu. (VaRoma 8:15; VaEfeso 1:5) Saka, kunyange pavanenge vari pasi pano, vanonzi ‘vanomutswa vogariswa pamwe chete munzvimbo dzokudenga vari pamwe chete naKristu Jesu.’ (VaEfeso 1:3; 2:6) Vanogara pachinzvimbo ichi chakakwirira chomudzimu nokuti va“kaiswa chisimbiso nomudzimu mutsvene uya wakapikirwa, uyo uri chokumbofanobata chinotangira nhaka” yavo yavakachengeterwa kumatenga. (VaEfeso 1:13, 14; VaKorose 1:5) Saka, ava ndivo “zvinhu zviri kumatenga,” uye nhamba yavo yose yakanga yafanosarudzwa naJehovha yaifanira kuunganidzwa.

Kuunganidza Kunotanga

4. Kuunganidza “zvinhu zviri kumatenga” kwakatanga rini uye sei?

4 Maererano ‘nokutarisira’ kwaJehovha, kuunganidza “zvinhu zviri kumatenga” kwaifanira kutanga “panonyatsokwana nguva yakatarwa.” (VaEfeso 1:10) Nguva iyoyo yakakwana paPendekosti ya33 C.E. Musi iwoyo, mudzimu mutsvene wakadururwa pavaapostora neboka revadzidzi, varume nevakadzi. (Mabasa 1:13-15; 2:1-4) Izvi zvakapa uchapupu hwokuti sungano itsva yakanga yava kushanda, zvichiratidza kutanga kwakaita ungano yechiKristu uye rudzi rutsva rwaIsraeri womudzimu, “Israeri waMwari.”—VaGaratiya 6:16; VaHebheru 9:15; 12:23, 24.

5. Nei Jehovha akasika “rudzi” rutsva kuti atsive vaIsraeri venyama?

5 Sungano yoMutemo yakaitwa naIsraeri wenyama haina kuita kuti pave no“umambo hwevapristi norudzi rutsvene” rwaizoshumira ruri kudenga nokusingaperi. (Eksodho 19:5, 6) Jesu akaudza vatungamiriri vechitendero chechiJudha kuti: “Muchatorerwa umambo hwaMwari hwopiwa rudzi runobereka zvibereko zvahwo.” (Mateu 21:43) Rudzi irworwo, Israeri womudzimu, runoumbwa nevaKristu vakazodzwa vari musungano itsva. Muapostora Petro akanyorera ivava achiti: “Imi muri ‘dzinza rakasarudzwa, upristi hwoumambo, rudzi rutsvene, vanhu vake chaivo, kuti muzivise kwose kwose kunaka’ kwouya akakudanai kuti mubve murima mupinde muchiedza chake chinoshamisa. Nokuti maimbova musiri rudzi, asi zvino mava rudzi rwaMwari.” (1 Petro 2:9, 10) VaIsraeri venyama vakanga vasisiri vanhu vesungano yaJehovha. (VaHebheru 8:7-13) Sezvakanga zvafanotaurwa naJesu, vakatorerwa mukana wokuva muUmambo hwaMesiya ukapiwa nhengo dzaIsraeri womudzimu dzine 144 000.—Zvakazarurwa 7:4-8.

Kupinzwa Musungano yoUmambo

6, 7. Jesu akaita sungano ipi chaiyo nehama dzake dzakazodzwa nomudzimu, uye izvi zvinorevei kwadziri?

6 Usiku uhwo Jesu akatanga Chirangaridzo chorufu rwake, akaudza vaapostora vake vakatendeka kuti: “Imi ndimi makaramba muneni mumiedzo yangu; uye ndinoita sungano nemi, sokuita sungano youmambo neni kwakaita Baba vangu, kuti mudye nokunwa patafura yangu muumambo hwangu, mugare pazvigaro zvoumambo kuti mutonge madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri.” (Ruka 22:28-30) Pano Jesu aitaura nezvesungano chaiyo yaakaita nehama dzake dzakazodzwa nomudzimu dzine 144 000, dzaizoramba dza“katendeka kunyange kusvikira kurufu” dzoratidza kuti ‘dzakunda.’—Zvakazarurwa 2:10; 3:21.

7 Vaya veboka iri duku vanosiya tariro yose yokuzorarama nokusingaperi pasi pano sevanhu venyama neropa. Vachatonga naKristu kudenga, vakagara pazvigaro zvoumambo kuti vatonge vanhu. (Zvakazarurwa 20:4, 6) Iye zvino ngationgororei mamwe magwaro anongoshanda kune ava vakazodzwa uye anoratidza kuti nei “mamwe makwai” asingadyi zviratidzo zveChirangaridzo.—Johani 10:16.

8. Vakazodzwa vanoratidzei pavanodya chingwa? (Ona bhokisi riri papeji 23.)

8 Vakazodzwa vanotambura sezvakaita Kristu uye vakagadzirira kufa semafiro aakaita. Somumwe weboka iroro, Pauro akati akanga akagadzirira kurega chero chinhu chipi zvacho kuitira ‘kuti awane Kristu kuti amuzive nesimba rokumuka kwake nokugoverana naye mukutambura kwake kuzhinji.’ Chokwadi, Pauro akanga akagadzirira kufa “rufu rwakafanana norwake.” (VaFiripi 3:8, 10) VaKristu vakazodzwa vakawanda vakatsungirira mumiviri yavo yenyama “zvinhu zvinouraya zvakaitirwa Jesu.”—2 VaKorinde 4:10.

9. Muviri upi unomirirwa nechingwa cheChirangaridzo?

9 Paakatanga Kudya kwaShe Kwemanheru, Jesu akati: “Ichi chinomirira muviri wangu.” (Mako 14:22) Akanga achireva muviri wake chaiwo, waizorohwa wozara ropa munguva pfupi yaitevera. Chingwa chisina mbiriso chaiva chiratidzo chakakodzera chomuviri iwoyo. Nei? Nokuti muBhaibheri, mbiriso inogona kureva chivi kana kuti uipi. (Mateu 16:4, 11, 12; 1 VaKorinde 5:6-8) Jesu akanga akakwana, uye muviri wake wakanga usina chivi. Aizopa muviri iwoyo wakakwana sechibayiro chokuyananisa. (VaHebheru 7:26; 1 Johani 2:2) Kuita izvozvo kwaizobatsira vaKristu vose vakatendeka, vangava vaitarisira upenyu hwokudenga kana kuti upenyu husingaperi mupasi riri paradhiso.—Johani 6:51.

10. Vaya vanonwa waini yeChirangaridzo ‘vanogoverana muropa raKristu’ sei?

10 Achinyora nezvewaini inonwiwa nevaKristu vakazodzwa paChirangaridzo, Pauro akati: “Kapu yokukomborera yatinokomborera, hairevi kugoverana muropa raKristu here?” (1 VaKorinde 10:16) Vaya vanonwa waini ‘vanogoverana muropa raKristu’ sei? Chokwadi havapiwo chibayiro chorudzikinuro, sezvo ivo vachida kutonunurwawo. Zvivi zvavo zvinokanganwirwa uye vanonzi vakarurama kuti vawane upenyu hwokudenga kana vakatenda musimba rinodzikinura reropa raKristu. (VaRoma 5:8, 9; Tito 3:4-7) Vagari venhaka pamwe chete naKristu vane 144 000 vano“tsveneswa,” kutsaurwa, uye kucheneswa pachivi kuti vave “vatsvene” neropa raKristu rakateurwa. (VaHebheru 10:29; Dhanieri 7:18, 27; VaEfeso 2:19) Chokwadi, neropa rake rakateurwa, Kristu “akatengera Mwari vanhu kubva mumadzinza ose nendimi nevanhu norudzi, uye . . . akaita kuti vave umambo nevapristi kuna Mwari wedu, uye vachatonga semadzimambo pamusoro penyika.”—Zvakazarurwa 5:9, 10.

11. Vakazodzwa vanoratidzei nokunwa waini yeChirangaridzo?

11 Jesu paakatanga Chirangaridzo chorufu rwake, akapa vaapostora vake vakatendeka kapu yewaini uye akati:“Inwai, imi mose; nokuti iyi inomirira ‘ropa rangu resungano,’ richadururirwa vazhinji nokuda kwokukanganwirwa zvivi.” (Mateu 26:27, 28) Sezvo ropa renzombe nerembudzi raiita kuti sungano yoMutemo pakati paMwari norudzi rwaIsraeri ishande, ropa raJesu rakaitawo kuti sungano itsva izoshanda iyo Jehovha aizoita naIsraeri womudzimu, kutanga paPendekosti ya33 C.E. (Eksodho 24:5-8; Ruka 22:20; VaHebheru 9:14, 15) Vakazodzwa vanoratidza kuti vakapinzwa musungano itsva uye kuti vari kubatsirwa nayo nokunwa waini inomirira “ropa resungano.”

12. Vakazodzwa vanobhabhatidzwa sei murufu rwaKristu?

12 Vakazodzwa vanoyeuchidzwawo nezvechimwe chinhu. Jesu akaudza vadzidzi vake vakatendeka kuti: “Muchanwira henyu mukapu yandiri kunwira, uye muchabhabhatidzwa henyu norubhabhatidzo rwandiri kubhabhatidzwa narwo.” (Mako 10:38, 39) Muapostora Pauro akazotaura nezvokuti vaKristu vaizo“bhabhatidzwa murufu” rwaKristu. (VaRoma 6:3) Vakazodzwa vanorarama upenyu hwokuzvibayira. Rufu rwavo nderwokuzvibayira pakuti vanosiya tariro chero ipi zvayo yokurarama nokusingaperi pasi pano. Kubhabhatidzwa kwevaKristu ava vakazodzwa murufu rwaKristu kunopera pavanomutswa sezvisikwa zvomudzimu pashure pokunge vafa, kuti ‘vatonge semadzimambo’ naKristu kudenga.—2 Timoti 2:10-12; VaRoma 6:5; 1 VaKorinde 15:42-44, 50.

Kudya Zviratidzo

13. Nei vaya vane tariro yokurarama pasi pano vasingadyi zviratidzo zveChirangaridzo, asi nei vachipinda Chirangaridzo chacho?

13 Sezvo kudya nokunwa waini inopfuudzwa paChirangaridzo kuchisanganisira zvose izvi, zviri pachena kuti zvingava zvisina kukodzera kuti vaya vane tariro yokurarama pasi pano vadye. Vaya vane tariro yokurarama pasi pano vanoziva kuti ivo havasi nhengo dzakazodzwa dzomuviri waKristu, uyewo havasi musungano itsva yakaitwa naJehovha nevaya vachatonga naJesu Kristu. Sezvo “kapu” ichimirira sungano itsva, vaya bedzi vari musungano itsva ndivo vanodya zviratidzo. Vaya vanotarisira kurarama nokusingaperi sevanhu vakakwana pasi pano vari muUmambo havabhabhatidzwi murufu rwaKristu uyewo havashevedzwi kuti vanotonga naye kudenga. Kudai vaizodya zviratidzo, zvaizoratidza kuti pane chimwe chinhu chisiri chechokwadi pavari. Saka, havadyi, kunyange zvazvo vachipinda Chirangaridzo sevacherechedzi vanoremekedza. Vanoonga zvose zvavakaitirwa naJehovha achishandisa Mwanakomana wake, kusanganisira kuvakanganwira nemhaka yeropa raKristu rakateurwa.

14. Vakazodzwa vanosimbiswa sei mune zvokunamata nokudya chingwa uye kunwa waini?

14 Kuiswa chisimbiso kwokupedzisira kweboka duku revaKristu vanoshevedzwa kuti vazotonga naKristu kudenga kwava kuda kuzopera. Kusvikira pakuguma kwoupenyu hwavo hwepasi pano, hwavachasiya, vakazodzwa vanosimbiswa mune zvokunamata nokudya zviratidzo zveChirangaridzo. Vanonzwa kuti vakabatana nehama dzavo nehanzvadzi dziriwo nhengo dzomuviri waKristu. Kudya kwavanoita zviratidzo zvechingwa newaini kunovayeuchidza kuti vanofanira kuramba vakatendeka kusvikira vafa.—2 Petro 1:10, 11.

Kuunganidza “Zvinhu Zviri Panyika”

15. Ndivanaani vakaunganidzirwa kudivi revaKristu vakazodzwa?

15 Kubvira pakati pema1930, “mamwe makwai” ari kuramba achiwedzera asiri e“boka duku” uye ane tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano, akatsigira vakazodzwa. (Johani 10:16; Ruka 12:32; Zekariya 8:23) Vakava shamwari dzakavimbika dzehama dzaKristu, vachipa rubatsiro runokosha pakuparidza “aya mashoko akanaka oumambo” kuti ave uchapupu kumarudzi ose. (Mateu 24:14; 25:40) Pavakaita izvi, vakazvipa mukana wokuti vanzi naKristu “makwai” ake, anenge ari “kuruoko rwake rworudyi” rwenyasha paanouya kuzotonga marudzi. (Mateu 25:33-36, 46) Nokutenda muropa raKristu, vachaumba “boka guru” richapukunyuka “kutambudzika kukuru.”—Zvakazarurwa 7:9-14.

16. “Zvinhu zviri panyika” zvinosanganisira vanaani, uye vose ava vachava sei nomukana wokuva “vana vaMwari”?

16 Kuiswa chisimbiso kwokupedzisira kwevane 144 000 kuchaita kuti “mhepo” dzokuparadza mamiriro ezvinhu epanguva ino aSatani ari panyika dziregedzwe. (Zvakazarurwa 7:1-4) MuKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru, nemadzimambo uye vapristi vaachange achitonga navo, vanhu vazhinjizhinji vasingazivikanwi kuti vangani vachamutswa vachabatana neboka guru. (Zvakazarurwa 20:12, 13) Ava vachava zvachose nomukana wokuva nhengo dzepasi pano dzoUmambo hwaMesiya, Kristu Jesu. Panopera Kutonga Kwemakore Ane Chiuru, “zvinhu [zvose] zviri panyika” zvichaedzwa kokupedzisira. Vaya vanoratidza kuti vakatendeka vachagamuchirwa se“vana vaMwari” vepasi pano.—VaEfeso 1:10; VaRoma 8:21; Zvakazarurwa 20:7, 8.

17. Chinangwa chaJehovha chichazadzikiswa sei?

17 Saka, achishandisa ‘kutarisira’ kwake kwokuchenjera, Jehovha achange azadzikisa chinangwa chake chokuunganidzazve “zvinhu zvose muna Kristu, zvinhu zviri kumatenga nezvinhu zviri panyika.” Zvisikwa zvose zvakangwara zviri kudenga nezviri panyika zvichange zvaunganidzwa zvose murugare, zvichizviisa nomufaro pasi pouchangamire hwakarurama hwoMuzadzisi Wezvinangwa Mukuru, Jehovha.

18. Vakazodzwa neshamwari dzavo vachabatsirwa sei nokuva paChirangaridzo?

18 Kuungana kuchaita vashomanana vakazodzwa nemamiriyoni eshamwari dzavo mamwe makwai musi waApril 12, 2006, kuchasimbisa kutenda kwavo zvikuru! Vachachengeta Chirangaridzo chorufu rwaKristu, sokurayira kwakaita Jesu kuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” (Ruka 22:19) Vose vanenge varipo vanofanira kuyeuka zvavakaitirwa naJehovha achishandisa Mwanakomana wake anodiwa, Kristu Jesu.

Kudzokorora

• Chinangwa chaJehovha nokuda kwezvinhu zviri kudenga nezviri panyika ndechei?

• “Zvinhu zviri kumatenga” ndivanaani, uye vave vachiunganidzwa sei?

• “Zvinhu zviri panyika” ndivanaani, uye vane tariro yei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 23]

“Muviri waKristu”

Pana 1 VaKorinde 10:16, 17, Pauro paaitaura nezvezvinorehwa nechingwa kuhama dzaKristu dzakazodzwa nomudzimu, akataura nezvo“muviri” mupfungwa yokuti dzinzwisise. Akati: “Chingwa chatinomedura, hachirevi kugoverana mumuviri waKristu here? Zvapaine chingwa chimwe chete, kunyange zvazvo isu tiri vazhinji, tiri muviri mumwe chete, nokuti tose tiri kudya chingwa chimwe chete ichocho.” VaKristu vakazodzwa pavanodya chingwa cheChirangaridzo, vanozivisa kubatana kwavakaita neungano yevakazodzwa, yakaita somuviri, Kristu ari iye Musoro wacho.—Mateu 23:10; 1 VaKorinde 12:12, 13, 18.

[Mifananidzo iri papeji 23]

Nei vakazodzwa vari ivo vanongodya chingwa newaini?

[Mufananidzo uri papeji 25]

Nokutarisira kwaJehovha, zvisikwa zvose zviri kudenga nepanyika zvichabatanidzwa