Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mataundi okuBolivia Ari Kure Nemamwe Anonzwa Mashoko Akanaka

Mataundi okuBolivia Ari Kure Nemamwe Anonzwa Mashoko Akanaka

Mataundi okuBolivia Ari Kure Nemamwe Anonzwa Mashoko Akanaka

TINOUNGANA pamhenderekedzo tiri vanhu vanenge 20, tichitarisira nechido rwendo rwezuva rimwe chete rwokushanyira misha iri kumusoro kworwizi rwacho. Tiri mujinga meAndes, rwizi rwaBeni parunosvika munzvimbo yakati sandara mubani reAmazon. Inzvimbo yakanaka zvinonwisa mvura.

Asi isu hatisi hedu vashanyi. Vamwe vedu zvizvarwa zvomuno; vamwe takabva kumaguta ari kure kuti tizogara muno muRurrenabaque, taundi duku rakanaka rine miti ine maruva, dzimba dzakapfirirwa nouswa, uye migwagwa inongowanzofambwa nechimudhudhudhu chinotakura vanhu pano neapo. Nei tiri kuita rwendo urwu?

Zvatiri kuita kuno ndizvo zviri kuitikawo mune dzimwe nzvimbo dzomuBolivia. Zvapupu zvaJehovha zvinobva kumaguta nokune dzimwe nyika zviri kuendesa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kumataundi maduku.—Mateu 24:14.

Bolivia inyika iri pakati peSouth America. Nyika yacho yakakura kudarika France kakapetwa kaviri, asi vanhu vanogaramo vanoti darikei 10 muzana yevanogara muFrance. Vanhu vakawanda vomuBolivia vanogara mumaguta nomumataundi emigodhi akanaka chaizvo kana kuti mumapurazi ari mumapani acho. Zvisinei, munzvimbo dzakati sandara, pakati pemataundi pane masango akakura kwazvo.

Muma1950 nomuma1960, mamishinari akashinga, akadai saBetty Jackson, Elsie Meynberg, Pamela Moseley, naCharlotte Tomaschafsky, akafambisira mberi basa mumataundi akawanda ari kure nemamwe. Vakadzidzisa vanhu vaida nomwoyo wose chokwadi cheBhaibheri uye vakabatsira kutanga ungano duku. Muma1980 nomuma1990, nhamba yeZvapupu zvaJehovha yakawedzera kakapetwa katanhatu, kunyanya mumaguta. Iye zvino munharaunda imwe neimwe mava neungano. Unogona kudziwana mumaruwa akabudirira, uko vanhu vanoshanda muzvivako zvirefu zvemahofisi zvakaturikidzana, vanogara mudzimba dzemaoresa dzakanaka kwazvo, uye vanotenga mumasupamaketi. Asiwo kune ungano dziri munharaunda dziri kure nemataundi, kune vanhu vanogara mudzimba dzedhaka, vanotenga pamisika, uye vanopfeka zvipfeko zvorudzi rwavo zvine mavara. Asi chii chingaitwa kubatsira vanhu vakawanda vari munzvimbo dziri kure nedzimwe kuti vasvike pakuziva Jehovha?

Kuzvipira Kusiya Upenyu Hwakanaka Hwomuguta

Mumakumi maviri emakore apfuura, vanhu vomuBolivia vave vachitama kubva mumataundi emigodhi uye mumaruwa vachienda kumaguta. Kashoma kuti vanhu vatame kubva muguta vachienda kumaruwa. Misha yakawanda inongova nefoni imwe chete uye inenge iine magetsi kwemaawa mashomanana pazuva. Zvapupu zvinogara mumataundi aya maduku zvinongoona vazvinonamata navo kumagungano eruwa anoitwa gore negore, uye kuenda kumagungano aya kungava kuchidhura, kuine ngozi, uye kuchinetesa. Zvikoro zvomumisha yacho zvinongodzidzisa dzidzo shomanana. Saka chii chinokurudzira Zvapupu zvaJehovha zvakati wandei kuti zvitame kubva kumaguta zvichienda kumaruwa?

“Ndaiva nomukana wokushanda muguta reLa Paz,” akadaro Luis munguva pfupi yapfuura. “Asi vabereki vangu vaigara vachitaura kuti basa rokuita vadzidzi ndiro basa rakanaka kupfuura mamwe ose. Saka ndakaita kosi yokuvaka yenguva pfupi. Pandaiva pazororo muRurrenabaque, ndakaona kuti vanhu vaiva nechido chaizvo chokuteerera mashoko akanaka. Pandakaona kuti kuno hama dzaiva shomanana zvakadini, ndakafunga kuti ndaifanira kuuya kuzobatsira. Iye zvino ndinodzidza Bhaibheri nevanhu 12. Somuenzaniso, ndinodzidza nomumwe murume wechiduku nomudzimai wake avo vane vana vana. Murume wacho aimbodhakwa chaizvo uye aibhejera, asi akarega zvose izvozvo uye akatanga kuudza shamwari dzake zvaari kudzidza nezvaJehovha. Nguva dzose anogadzirira chidzidzo chake. Paanenge amboenda musango kunotema miti kwemazuva matatu kana kuti mana, anonetseka nokuti haadi kurovha pazvinhu zvose zvine chokuita nokunamata. Pandinovaona vari vose pamisangano yechiKristu, ndinoona kuti kuzvipira kwandakaita kuuya kuno kwakakodzera chaizvo.”

Juana mubereki ari oga. “Ndaimboshanda mumba muguta reLa Paz,” anodaro. “Mwanakomana wangu paaiva muduku, ndakatanga kuita ushumiri hwenguva yakazara muguta racho. Pandakamboshanyira kuRurrenabaque, ndakaona kuti ndaigona kuita zvakawanda chaizvo kana ndaizotamira kuno. Saka takauya, uye ndakawana basa rokushanda mumba. Pakutanga, zvakanga zvakaoma kutsungirira kupisa uye zvipembenene. Asi tava nemakore manomwe tiri kuno. Ndinokwanisa kudzidza Bhaibheri nevanhu vakawanda vhiki yoga yoga, uye vakawanda vanodzidza vanoratidza kuti vanoonga nokuuya kumisangano.” Juana nomwanakomana wake ndevamwe vari kukwira chikepe kuti vaende kumusoro kworwizi rwacho. Kana uchida unogona kuendawo navo.

Rwendo Rwokukwidza Norwizi

Injini inotanga kurira sezvatinofamba takananga kumupata. Boka reshiri rinorira, richiratidza kusafarira kutiona. Mvura ine madhaka inobva mumakomo inoyerera zvinotyisa yakananga kwatiri mutyairi wechikepe sezvaanotyaira nounyanzvi achikwidza. Panguva yorudziyakamwe tinosvika pamusha muduku. Ikoko tinoona mutariri weUngano yeRurrenabaque, uye anotiratidza kuti toparidzira kupi.

Vanhu vomumusha wacho vanotigamuchira nomutsa, pangava pasi pomumvuri womuti kana kuti kutipinza muimba yakavakwa nemiti yemishenjere ikapfirirwa nemashizha emichindwe. Munguva pfupi tinoona vakaroorana vechiduku vachikuya nzimbe nomuchina wematanda wakagadzirwa munharaunda iyoyo. Muto wacho unoyerera uchipinda mumudziyo wemhangura. Pave paya, vachazovidza muto wacho kusvikira waita semanyuchi wozonotengeswa kuguta. Vanotipinza mumba mavo uye vanobvunza mibvunzo yakawanda nezveBhaibheri.

Tinoramba tichikwidza norwizi, tichiparidzira misha nemisha. Vakawanda vanofara kunzwa zvinotaurwa neBhaibheri nezvokuti kurwara norufu zvichapera. (Isaya 25:8; 33:24) Kuno, kusina zvipatara zvakawanda, zvinorwadza kuti mhuri dzakawanda dzakatombofirwa nomwana. Zvakaoma kurarama nokurima uye kubata hove uye hazvisi zvinhu zvaungavimba nazvo. Saka, vakawanda vanofarira chaizvo chipikirwa chaMwari chakanyorwa pana Pisarema 72 nezvehurumende ichabvisa urombo. Asi unofunga kuti vanhu vanofarira vanogara munzvimbo dziri kure kudaro vangaedza kupinda misangano yechiKristu here? Mubvunzo iwoyo wakanetsa Eric naVicky, vashumiri venguva yakazara kuSanta Rosa, nzvimbo inotora maawa matatu nemotokari uchienda mubani reAmazon.

Vanofarira Vachauya Here?

Eric naVicky vakauya kuBolivia vachibva kuCalifornia, U.S.A., makore 12 adarika. Mumwe mutariri anofambira ndiye akavapa zano rokuti vatamire kuSanta Rosa. “Mutaundi racho munongova nenhare mbiri uye haukwanisi kushandisa Indaneti,” anodaro Vicky. “Mhuka dzomusango dzakawanda. Tinowanzoona makarwe, mhou, uye nyoka huru patinenge tichishanyira nzvimbo dziri kure nezvimidhudhudhu zvedu. Zvisinei, vanhu ndivo vanonyanya kunakidza pane mhuka. Tinodzidza Bhaibheri navanaVaca, imwe mhuri yechiduku ine vana vaduku vana. Vanogara kure netaundi racho nemakiromita 26. Baba vacho vaimbova chidhakwa, asi iye zvino vachinja. Vhiki yoga yoga, vanouya nemhuri yavo yose uye nehanzvadzi yavo duku kuImba yoUmambo. Vanotakura mudzimai wavo nekacheche pakeriya yebhasikoro ravo rakakura. Mumwe ane makore mapfumbamwe anotakura kahanzvadzi kake pane rimwe bhasikoro, uye ane makore masere anochova rake oga. Zvinovatorera maawa matatu kuti vasvike.” Mhuri yacho inoda Jehovha chaizvo uye inoedza nepainogona napo kuwadzana neungano.

Mumwedzi 18 chete, vatatu vakabhabhatidzwa, uye vanenge 25 vanouya kuImba yoUmambo itsva iri kuSanta Rosa. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vachida kudzidza Bhaibheri, vakawanda vane zvipingamupinyi zvikuru zvavanofanira kukunda kuti vashumire Jehovha.

Dambudziko Rokunyoresa Michato

Marina naOsni, mamishinari anoshanda kutaundi riri kure nemamwe riri pedyo nomuganhu weBolivia neBrazil, vanotsanangura kuti kuno vanhu havaoni kuroorana somubatanidzwa woupenyu hwose. Vanoita zvokuchinjanisa varume nevakadzi. “Idambudziko rinoita kuti vanhu vasafambira mberi mune zvokunamata,” anodaro Osni. “Kana vanhu vachida kuva vaKristu vechokwadi, zvavanofanira kuita zvacho zvinonetsa uye zvinodhura. Vamwe vanofanira kugadzirisana nevavakambenge vachigara navo vochizoroora kana kuroorwa zviri pamutemo. Kunyange zvakadaro, vachiziva kuti Magwaro anoti vanyorese muchato, vamwe vakashanda nesimba zvikuru kuti vawane mari yokuti vanyorese.”—VaRoma 13:1, 2; VaHebheru 13:4.

Marina anorondedzera zvakaitika kuna Norberto. “Aigara nevakadzi vakawanda asati azotanga kugara nomumwe mukadzi aiita zvokubika chingwa. Mukadzi uyu aiva muduku kwaari nemakore anenge 35 uye aiva nomwanakomana akanga ava kurerwa naNorberto. Mukomana wacho zvaaikura, Norberto aida kumusiyira gwara rakanaka rokuzotevedzera. Saka chimwe Chapupu pachakashanyira kubheka, chichitaura kuti chaigona kudzidza Bhaibheri nevanhu chisingavabhadharisi, Norberto akabvuma, kunyange zvazvo akanga asingagoni kuverenga uye akanga atova nemakore anopfuura 70. Norberto nomumwe wake pavakaziva nezvezvinodiwa naJehovha, vakachata vachibva vazobhabhatidzwa. Mukomana wacho ava pwere yechiKristu ine muenzaniso wakanaka—sezvaitarisirwa chaizvo nababa vake vokurera. Norberto akadzidza kuverenga, uye akatopa hurukuro pamisangano yeungano. Pasinei nokuti haasisina simba nemhaka yezera rake, iye mushumiri anoshingaira wemashoko akanaka.”

Kupiwa Simba Nomudzimu waJehovha

Jesu akaudza vateveri vake vekare kuti: “Muchagamuchira simba kana mudzimu mutsvene wasvika pamuri, uye muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mabasa 1:8) Zvinokurudzira zvikuru kuona mudzimu waMwari uchikurudzira varume nevakadzi kuti vatamire kunzvimbo dziri kure! Somuenzaniso, muna 2004 vaKristu vanoshingaira vanosvika 30 vakabvuma kuenda kundima dziri kure kwenguva pfupi vari mapiyona chaiwo. Vanoonga muenzaniso wevokune dzimwe nyika vanokwana 180 vakauya kuBolivia kuzoshanda semapiyona, vatariri vematunhu, vakazvipira kushanda paBheteri, kana kuti mamishinari. Vaparidzi voUmambo 17 000 vari muBolivia vanodzidza Bhaibheri nevanhu vanofarira 22 000 mumisha yavo.

Hama dzose idzi dzinofara zvikuru kuziva kuti dziri kutungamirirwa nomudzimu waJehovha. Somuenzaniso, Robert naKathy vakabvuma kunoshanda kuCamiri vari mamishinari. Camiri ragara riri taundi riri kure nemamwe, riri pakati pemakomo akasvibira anongoita zienda nakuenda. “Zvinoita sokuti takauya panguva chaiyo,” anodaro Robert. “Mumakore maviri, vanhu vanenge 40 vava vaparidzi vemashoko akanaka.”

Chidhakwa Chinobhejera Chinoteerera

Vanhu vakawanda vomumataundi vanoshamisika nokuona vaya vanodzidza Bhaibheri vachichinja. Somuenzaniso, rimwe zuva makore anenge mana apfuura, mumwe murume aidhakwa anonzi Ariel ainge akarara aine bhabharasi. Kunyange zvazvo kubhejera kwaiita kuti akurumbire, aigara achifunga nezvezvikwereti zvake zvairamba zvichiwedzera, mhuri yakanga ine zvinetso, uye vanasikana vaakanga asingatarisiri. Zvaaifunga zvakavhiringidzwa nomumwe weZvapupu zvaJehovha aishanya paimba neimba. Ariel akanyatsoteerera hama yacho payaitsanangura Magwaro. Munguva pfupi Ariel akanga arara zvakare, achiverenga nezvoupenyu hwemhuri hunofadza, Paradhiso, uye kushumira Mwari. Pave paya akabvuma kudzidza Bhaibheri.

Pakazosvika mamishinari kuCamiri, Arminda, mudzimai waAriel, akanga ava kudzidzawo—asi akanga asinganyanyi kufarira. “Ndichaedza chero chii zvacho kuti arege kunwa,” akadaro. “Asi handina chokwadi kuti zvichabudirira. Hapasisina tariro.” Zvisinei, kudzidza Bhaibheri kwakamunakidza kupfuura zvaakanga achitarisira. Mugore rimwe chete, mudzimai wacho akabhabhatidzwa uye akanga ava kuparidzira mhuri yake. Munguva pfupi, hama dzake dzinoverengeka dzakatsaurira upenyu hwadzo kuna Jehovha.

Kana ari Ariel, zvakamutorera nguva kuti arege kunwa, kusvuta, uye kubhejera. Akatanga kuchinja paakakoka shamwari dzake dzose kuChirangaridzo chorufu rwaJesu. Akanga asarudza kuti: “Ndicharega kushamwaridzana nevaya vasingauyi. Ndichadzidza Bhaibheri nevaya vachauya.” Akabva angotanga kudzidza Bhaibheri nevanhu vatatu. Kunyange asati ava nhengo yeungano, Ariel aidzidza Bhaibheri nehama yake yakafambira mberi ikabhabhatidzwa musi mumwe chete naye. Arminda anoti: “Zvinoita sokuti Ariel wandaiziva haasisipo.”

Robert anoti: “Patakapedzisira kuverenga, nhengo 24 dzemhuri iyi dzakanga dzava kupinda misangano nguva dzose. Gumi vakabhabhatidzwa, uye vamwe vasere vaparidzi vasina kubhabhatidzwa. Vamwe vakaona kuchinja kwavakaita mufambiro wavo vakatangawo kudzidza Bhaibheri uye vari kuuya kumisangano yeungano. Vanopinda misangano vakawedzera kubva pa100 kusvika pa190. Ini naKathy tine 30 vatiri kudzidza navo Bhaibheri, uye vose vari kupinda misangano. Tinofara kuti tiri kuno.”

Zviri kuitika kumataundi ari kure eBolivia chinongova chikamu chiduku chebasa rokuunganidza riri kuitwa munyika yose rakafanotaurwa muna Zvakazarurwa chitsauko 7, chinotaura nezvokuunganidzwa kwevaya vachapukunyuka dambudziko guru “muzuva raShe.” (Zvakazarurwa 1:10; 7:9-14) Mamiriyoni anobva mumarudzi ose haasati ambobatanidzwa mukunamata Mwari wechokwadi bedzi seizvi. Uchapupu hunofadza zvakadini hwokuti kuzadzikiswa kwezvipikirwa zvaMwari kwava pedyo!

[Mufananidzo uri papeji 9]

Betty Jackson

[Mufananidzo uri papeji 9]

Elsie Meynberg

[Mufananidzo uri papeji 9]

Pamela Moseley

[Mufananidzo uri papeji 9]

Charlotte Tomaschafsky ari kwekupedzisira kurudyi

[Mufananidzo uri papeji 10]

Vhiki imwe neimwe mhuri yokwaVaca inochovha mabhasikoro kwemaawa matatu ichienda kuImba yoUmambo

[Mufananidzo uri papeji 10]

Eric naVicky vakauya kuzoshanda kunodiwa vaparidzi voUmambo vakawanda

[Mufananidzo uri papeji 11]

Vanhu vomumisha iri pedyo norwizi rwaBeni vanonyatsoteerera mashoko akanaka

[Mufananidzo uri papeji 12]

Robert naKathy mamishinari kuCamiri