Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Pana Mateu 5:22, Jesu akanga achinyevera nezvengozi dzipi nhatu?

MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu Kristu akanyevera vateveri vake kuti: “Ndinoti kwamuri munhu wose anoramba akatsamwira hama yake achazvidavirira kudare rinotonga; asi munhu wose anoshevedza hama yake neshoko risingatauriki rokuzvidza achazvidavirira kuDare Repamusorosoro; uye munhu wose anoti, ‘Iwe zibenzi!’ achava akafanirwa neGehena romoto.”—Mateu 5:22.

Jesu akashandisa zvinhu zvaizivikanwa nevaJudha—dare rinotonga, Dare Repamusorosoro, uye Gehena romoto—kuti avaratidze kuti zvirango zvezvivi zvakadai zvinoramba zvichiwedzera maererano noukuru hwechivi chacho.

Kutanga, Jesu akataura kuti chero upi zvake anoramba akatsamwira hama yake achazvidavirira ku“dare rinotonga,” romunzvimbo imomo. Zvinonzi matare aya aiwanikwa mumaguta aiva nevanhurume vakura vanokwana 120 kana kudarika. (Mateu 10:17; Mako 13:9) Vatongi vedare rakadaro vaiva nesimba rokutonga, kunyange mhosva dzokuponda. (Dheuteronomio 16:18; 19:12; 21:1, 2) Saka, Jesu akanga achiratidza kuti munhu anoramba akatsamwira hama yake ari kuita chivi chakakomba.

Jesu akazotaurawo kuti munhu “anoshevedza hama yake neshoko risingatauriki rokuzvidza achazvidavirira kuDare Repamusorosoro.” Shoko rechiGiriki rokuti rha·kaʹ (Ref., mashoko omuzasi) rinoshandurwa kuti “shoko risingatauriki rokuzvidza” rinoreva kuti “fuza” kana kuti “kusava nomusoro.” Maererano neThe New Thayer’s Greek-English Lexicon of the New Testament, shoko iroro raiva “shoko rokutuka raishandiswa nevaJudha munguva yaKristu.” Saka Jesu akanga achinyevera nezvokukomba kwokuratidza ruvengo nokutuka hama yako. Jesu akanga ari kutotaura kuti munhu anoshandisa shoko rakadaro aizotongwa kwete nedare romunzvimbo imomo chete asi neDare Repamusorosoro, reSanihedrini yose—dare rokutonga raiva muJerusarema raiumbwa nomupristi mukuru uye varume vakuru 70 nevanyori.—Mako 15:1.

Pakupedzisira, Jesu akatsanangura kuti kana munhu akashevedza mumwe, kuti “Iwe zibenzi!” aizova akafanirwa neGehena romoto. Shoko rokuti “Gehena” rinobva mumashoko echiHebheru okuti geh hin·nomʹ, anoreva “mupata waHinomi,” waiva kumavirira nokumaodzanyemba kweJerusarema rekare. Muzuva raJesu, mupata wacho waiva nzvimbo yokupisira marara, kusanganisira mitumbi yematsotsi akaipa ayo aionekwa seasina kukodzera kuvigwa zvakanaka. Naizvozvo shoko rokuti “Gehena” raiva chiratidzo chakakodzera chokuparadzwa zvachose.

Saka, kutaura kwokuti “zibenzi” kwairevei? Shoko rakashandiswa pano raiita serakafanana neshoko rechiHebheru iro rinoreva kuti “kupandukira” kana kuti “kumukira.” Iro rinoreva munhu asingambobatsiri zvachose, anoramba kutenda uye anopandukira Mwari. Saka munhu anoshevedza hama yake kuti “zibenzi” zvakangofanana nokutaura kuti hama yake inofanira kugamuchira chirango chakafanira munhu anopandukira Mwari, kuparadzwa nokusingaperi. Mukuona kwaMwari, munhu ari kutonga mumwe zvakadaro—iye ndiye aizokodzerwa nomutongo iwoyo wakaomarara—kuparadzwa nokusingaperi.—Dheuteronomio 19:17-19.

Naizvozvo, Jesu akanga ari kupa vateveri vake murayiro unopfuura uya uri muMutemo waMosesi. Kunyange zvazvo vanhu vaifunga kuti mhondi yaizo“zvidavirira kudare rinotonga,” Jesu akataura zvinopfuura izvozvo. Akadzidzisa kuti vateveri vake vaisatombofanira kuramba vachivenga hama dzavo.—Mateu 5:21, 22.