Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Tawana Mesiya”

“Tawana Mesiya”

“Tawana Mesiya”

“TAWANA MESIYA.” “Tawana uya akanyorwa nezvake naMosesi, muMutemo, uye akanyorwa nezvake neVaprofita.” VaJudha vaviri vakanga vakazvipira vomuzana rokutanga remakore vakazivisa mashoko iwayo anoshamisa. Pakupedzisira, Mesiya aitarisirwa akanga asvika. Vaiva nechokwadi nazvo!—Johani 1:35-45.

Kana ukafunga nezvemamiriro akanga akaita zvinhu munyika uye mune zvechitendero panguva iyoyo, zvaikosha kuti vave nechokwadi chokuti ndiye. Vaizviti vadzikinuri vakati wandei vakanga vambouya vachifarirwa chaizvo uye vanhu vaine zvizhinji zvavaitarisira, asi pasina nguva vakaora mwoyo vanhu ivavo pavakatadza kununura vaJudha pajoko revaRoma.—Mabasa 5:34-37.

Zvisinei, vaJudha vaviri ivavo—Andreya naFiripi—vaiva nechokwadi kuti vakanga vawana Mesiya wechokwadi. Pane kusava nechokwadi, mumakore akatevera chivimbo chavo chakatowedzera sezvavakazvionera mabasa esimba aiitwa nomurume uyu achizadzikisa zvakanga zvafanotaurwa kuti zvaizoitwa naMesiya.

Nei vaviri ava nevamwe vakatenda maari, vaiva nechokwadi chokuti akanga asiriwo zvake Mesiya wenhema kana kuti mumwe munyengeri anoodza vanhu mwoyo? Zvii zvakaita kuti vagutsikane kuti akanga ari Mesiya wechokwadi?

Maererano nenhoroondo yacho, Andreya naFiripi vakaziva kuti Jesu wokuNazareta, aimbova muvezi, ndiye aiva Mesiya akavimbiswa akanga akamirirwa kwenguva refu. (Johani 1:45) Munyori wenhau ainyatsotsvakurudza wepanguva iyoyo, Ruka, anoti Mesiya uyu akauya “mugore rechigumi nemashanu rokutonga kwaTibheriyo Kesari.” (Ruka 3:1-3) Gore iroro rechi15 rokutonga kwaTibheriyo rakatanga muna September 28 C.E. rikapera muna September 29 C.E. Ruka anotizve panguva iyi vaJudha “vakanga vachitarisira” kuti Mesiya aizosvika. (Ruka 3:15) Nei aitarisirwa panguva iyoyo? Tichaona.

Uchapupu Hwokuti Aiva Mesiya

Uchifunga nezvebasa rinokosha raMesiya, unogona kunzwisisa kuti zvine musoro kutarisira kuti Musiki, Jehovha, aizotaura zvinhu zvakajeka zvaizobatsira vakangwara uye vakatendeka kuti vazive Mesiya akanga apikirwa. Nei? Nokuti nenzira iyoyo, vanhu vaiva vakangwaririra vaisazonyengedzwa nevanyengeri, sezvakaitwa vanhu vakawanda.

Kana achienda kunoshanda neimwe hurumende, mumiririri wenyika anotarisirwa kuti aratidze hurumende yacho uchapupu hwokuti akatumwa nenyika yake. Saizvozvowo, Jehovha akanga afanonyora zvinhu zvaizofanira kuzadzikiswa naMesiya. Saka, “Mumiririri Mukuru” paaizooneka, zvaizoita sokuti auya nemagwaro, kana kuti uchapupu hunoratidza kuti aiva ani.—VaHebheru 12:2.

Uchapupu hwaidiwa hwaifanira kupindirana nouprofita hwakawanda hweBhaibheri hwakanga hwanyorwa pachine mazana emakore. Hwakadonongodza mauyiro aizoita Mesiya, zvaizenge zvakaita ushumiri hwake, kutambudzwa kwaaizoitwa nevamwe, uye mafiro aaizoita. Ungafara kuziva kuti uprofita ihwohwo hwakavimbika hwakafanotaurawo nezvokumutswa kwake, kukwidziridzwa kwake kuruoko rworudyi rwaMwari, uye pakupedzisira zvikomborero zvaizounzwa nokutonga kwoUmambo hwake hwomunguva yemberi. Nenzira iyi, uprofita hweBhaibheri hwakapa chiratidzo chezvinhu zvakafanana zvingatorwa sechidhindo chomunwe womunhu mumwe chete.

Chokwadi, Jesu paakaoneka pasi pano muna 29 C.E., hahusi uprofita hwose hune chokuita naMesiya hwakabva hwangozadzika panguva iyoyo. Somuenzaniso, akanga asati aurayiwa uye amutswa. Kunyange zvakadaro, Andreya, Firipi, nevamwe vakawanda vakatenda muna Jesu nokuda kwezvaaidzidzisa uye zvaaiita. Vakaona uchapupu hwakawanda hwairatidza kuti zvechokwadi ndiye aiva Mesiya. Kudai wakanga wararama kare ikako uye waverenga nezvouchapupu hwacho uine pfungwa dzokuda kuziva, iwewo ungangodaro wakabvuma kuti Jesu ndiye aiva Mesiya.

Uchapupu Hwezvinhu Zvakasiyana-siyana

Chii chingadai chakakubatsira kugumisa izvozvo? Kwemazana emakore, vaprofita veBhaibheri vakataura zvakananga zvinhu zvaizofanira kuitwa naMesiya, zvichiita kuti azivikanwe pasina mubvunzo. Sezvo vaprofita vaitaura mashoko aya kwemazana emakore, uchapupu hwezvaizenge zvakaita Mesiya hwakatanga kuvapo. Henry H. Halley akati: “Ngatimboti varume vakati wandei vanobva kunyika dzakasiyana-siyana, vasati vamboonana kana kutaura vose nenzira chero ipi zvayo vanopinda mune imwe imba, mumwe nomumwe obudisa dombo rakavezwa, uye kana matombo acho akabatanidzwa, oumba chifananidzo chakanaka kwazvo—ungazvitsanangura sei kunze kwokugumisa kuti pane mumwe munhu akanga anyora mufananidzo uyu, achibva atumira murume mumwe nomumwe chikamu chake?” Anobva azobvunza kuti: “Uhwu uchapupu hunoshamisa hwoupenyu hwaJesu nebasa raaizoita, hwakanyorwa nevanhu vakasiyana-siyana vomumazana emakore akasiyana-siyana, pachine mazana emakore Jesu asati auya, hungatsanangurwa sei kunze kwokuti MUNHU ANE SIMBA RINOPFUURA REVANHU ndiye akatungamirira kunyora kwacho?” Halley akagumisa kuti chaiva “Chishamiso Chaicho!”

“Chishamiso” ichi chakatangira mubhuku rokutanga reBhaibheri. Ataura uprofita hweBhaibheri hwokutanga hunoratidza basa raMesiya, munhu akanyora Genesisi akawedzera kuti Mesiya aizouya nomudzinza raAbrahamu. (Genesisi 3:15; 22:15-18) Chimwe chiratidzo chacho chakataura kuti Mesiya aizova wedzinza raJudha. (Genesisi 49:10) Mwari akashandisa Mosesi kuti audze vaIsraeri kuti Mesiya aizova mutauriri mukuru uye mununuri mukuru kupfuura kunyange Mosesi.—Dheuteronomio 18:18.

Munguva yaMambo Dhavhidhi, uprofita hwakaratidza kuti Mesiya aizogara nhaka Dhavhidhi pachigaro uye kuti umambo Hwake hwaizova hwa“kasimba kwazvo nokusingagumi.” (2 Samueri 7:13-16) Bhuku raMika rakazivisa kuti Mesiya aizoberekerwa mutaundi raDhavhidhi, Bheterehema. (Mika 5:2) Isaya akafanotaura kuti Mesiya aizoberekwa nemhandara. (Isaya 7:14) Muprofita Maraki akafanotaura kuti kuuya Kwake kwaizoziviswa nomunhu akaita saEriya.—Maraki 4:5, 6.

Mamwe mashoko ane chokuita naMesiya akanyorwa mubhuku raDhanieri. Huchitaura nezvegore chairo raizooneka Mesiya, uprofita hwacho hunoti: “Ziva, unzwisise kuti kubvira pachataurwa shoko rokudzorera nokuvakazve Jerusarema kusvikira kuna Mesiya Mutungamiriri, pachava nevhiki nomwe, uye vhiki dzine makumi matanhatu nembiri. Richadzorerwa rovakwazve, riine nzvimbo dzinoungana vanhu nomugero wemvura, asi muri munguva dzokutambudzika.”—Dhanieri 9:25.

Mambo Atashasta wePersia akataura “shoko” rokuti vadzorere uye vavakezve Jerusarema mugore rechi20 rokutonga kwake. Akatanga kutonga muna 474 B.C.E., nokudaro gore rake rechi20 raizova 455 B.C.E. (Nehemiya 2:1-8) Saka, murayiro wokudzorera uye wokuvakazve Jerusarema wapiwa, paizopera vhiki dzouprofita 69 (7 kuwedzera 62) kusvikira panguva yaizooneka Mesiya. Chokwadi, vhiki chaidzoidzo 69 dzakangoenzana nemazuva 483, kana kuti makore asingasviki maviri. Asi kana tikashandisa mutemo wouprofita wokuti “zuva rimwe chete richava gore,” zvinoratidza kuti Mesiya aizooneka kwapera makore 483, muna 29 C.E.—Ezekieri 4:6. *

Kunyange zvazvo vakawanda vaizviti ndivanaMesiya vakaoneka panguva dzakasiyana-siyana, Jesu weNazareta ndiye chete akaoneka panyika muna 29 C.E. (Ruka 3:1, 2) Mugore racho iroro, Jesu akaenda kuna Johani Mubhabhatidzi uye akabhabhatidzwa mumvura. Jesu akabva azodzwa nomudzimu mutsvene kuti ave Mesiya. Kwapera nguva yakati, Johani, Eriya akanga afanotaurwa kuti aizooneka Kristu asati auya, akasuma Jesu kuna Andreya nomumwe mudzidzi, achimuti “Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika.”—Johani 1:29; Ruka 1:13-17; 3:21-23.

Dzinza raMesiya Nokuzivikanwa Kwake

Uprofita hwakafuridzirwa hunoti Mesiya aiva wemhuri dzechiJudha. Saka zvine musoro kuti Musiki wezvinhu zvose aizoronga kuti Mesiya auye panguva iyo zvinyorwa zvenhoroondo dzemadzinza zvakanga zvavapo kuitira kuti dzipupurire dzinza rake.

Cyclopedia yaMcClintock naStrong inoti: “Hapangavi nomubvunzo kuti zvinyorwa zvenhoroondo dzemadzinza uye zvemhuri dzechiJudha hazvina kunge zvaparara 70 C.E. asati asvika, asi zvakazoparara pakaparadzwa Jerusarema mugore iroro.” Pane zviratidzo zvakajeka zvokuti Mateu naRuka vakanyora Evhangeri dzavo gore ra70 C.E. risati rasvika. Nokudaro, vangadaro vakaona nhoroondo idzi pavainyora nezvedzinza raJesu. (Mateu 1:1-16; Ruka 3:23-38) Uye zvechokwadi panyaya inokosha kudaro, vakawanda vakararama panguva iyoyo vangadai vaida kuzvionera dzinza raJesu.

Kuzadzika Kwazvakaita Muna Jesu Kwakangoitikawo Here?

Kunyange zvakadaro, zvinoita here kuti kuzadzika kwakaita Jesu uprofita hwaiva nechokuita naMesiya kwakangoitikawo? Payakabvunzurudzwa, imwe nyanzvi yakapindura kuti: “Hazviiti. Mukana wacho muduku zvikuru zvokuti hazviiti kuti titi zvakangoitikawo. Pane mumwe munhu akaita zvemasvomhu akaona kuti mukana wokungoti uprofita husere huzadzikiswewo zvahwo mumwe chete pazana rimwe remamiriyoni emabhiriyoni.” Kuti aenzanisire mukana wokuti izvi zvingaitika, akati: “Kana mukatora nhamba iyi ari masirivha, angafukidza Texas [nharaunda ine makiromita 690 000] uye akaturikidzana mamita 0,6. Kana mukaisa chiratidzo padhora rimwe chete resirivha moita kuti munhu akasungwa kumeso ambeye munharaunda yacho yose uye ozokotama onhonga mari imwe chete, mukana wokuti anganhonga dhora riya rine chiratidzo wakakura zvakadini?” Akabva ati ndiko “kuoma kwazvakaita kuti chero munhu upiwo zvake angave akazadzikisa uprofita husere chete” hune chokuita naMesiya.

Asi mumakore matatu nehafu oushumiri hwake, Jesu haana kungozadzikisa uprofita hweBhaibheri husere asi akazadzikisa hwakatowanda. Ichifunga nezvouchapupu hwakawanda kudaro, nyanzvi iyoyo yakagumisa kuti: “Jesu—uye Jesu chete munhoroondo yose yevanhu—ndiye oga akakwanisa kuzviita.”

“Kuuya” kwaMesiya

Zviri pachena kuti Mesiya akauya muna 29 C.E. ari munhu ainzi Jesu wokuNazareta. Ndiwo mauyiro aakaita soMununuri anozvininipisa, aitambura. Haana kuuya saMambo anokunda vose kuti azopwanya joko rairema revaRoma, sezvaitarisirwa nevaJudha vakawanda kunyange vateveri vake. (Isaya chitsauko 53; Zekariya 9:9; Mabasa 1:6-8) Zvisinei, zvakafanotaurwa kuti paachauya mune ramangwana achange aine simba nechiremera chikuru.—Dhanieri 2:44; 7:13, 14.

Kunyatsoongorora uprofita hweBhaibheri kwakaita kuti vanhu vanofunga munyika yose vave nechokwadi kuti Mesiya akauya muzana rokutanga remakore, uye kuti aizodzokazve. Uchapupu hunoratidza kuti kudzoka kwake kwakafanotaurwa, kutanga kwo“kuvapo,” kwake, kwakaitika muna 1914. * (Mateu 24:3-14) Mugore iroro, Jesu akagadzwa pachigaro kumatenga saMambo woUmambo hwaMwari asingaoneki. Munguva pfupi, ane zvaachaita kuti abvise migumisiro yokupanduka kwomuEdheni pasi pano. Kutonga kwaachazoita kweMakore Ane Chiuru kuchakomborera vose vari kuratidza kutenda maari soMwana akapikirwa, Mesiya, a“nobvisa chivi chenyika!”—Johani 1:29; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe uchapupu ihwohwo uye kukuratidza muBhaibheri kuti kutonga kwaMesiya kungarevei kwauri uye kune vaunoda.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 17 Kana uchida mamwe mashoko pamusoro paDhanieri 9:25, ona Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 2, mapeji 899-904, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 27 Kana uchida mamwe mashoko, ona zvitsauko 10 ne11 zvebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Dhaigiramu/Mifananidzo iri papeji 6, 7]

455 B.C.E., 29 C.E., 1914, Munguva pfupi Mesiya

“shoko Mesiya Mesiya achagumisa uipi uye

rokudzorera . . . anosvika anogadzwa achaita kuti nyika ive

Jerusarema” pachigaro paradhiso

kudenga

Makore 483 (vhiki

69 dzouprofita)

Dhanieri 9:25