Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinoda Mesiya Here?

Tinoda Mesiya Here?

Tinoda Mesiya Here?

UNGABVUNZA mubvunzo iwoyo wokuti, “Tinoda Mesiya Here?” Chokwadi, zvingava nomusoro kubvunza kana Mesiya aine zvaangambochinja pauri.

Vamwe vane maonero aungave uchiremekedza vangakuvimbisa kuti mhinduro yacho iri pachena uye yakajeka, yokuti: Zvechokwadi unotoda Mesiya, sezvinongoita munhu wose. Imwe nyanzvi yomutemo wechiJudha yomuzana rokutanga remakore yakanyora nezvaMesiya ichiti: “Zvisinei nokuti zvipikirwa zvaMwari zvizhinji sei, zvakava Hungu pachishandiswa iye.” Nemashoko iwayo akataura basa rinokosha rinoitwa naMesiya pachinangwa choMusiki wedu chokukomborera marudzi ose ari pasi pano. (2 VaKorinde 1:20) Basa raMesiya rinokosha chaizvo zvokuti kuuya kwake pasi pano uye mararamiro aakaita ndizvo zvinonyanya kutaurwa muuprofita hweBhaibheri. Mubhuku rave richishandiswa nemamiriyoni kwemakore 70 apfuura, Henry H. Halley akati: “Testamende Yekare yakanyorerwa kuti vanhu vade kuziva uye kuti vagadzirire Kuuya kwa[Mesiya].” Asi anofanira kuuya here? Nei uchifanira kuva nehanya nazvo?

Shoko rokuti “Mesiya” chaizvoizvo rinoreva kuti “Akazodzwa” uye rakafanana neshoko rinozivikanwa zvikuru rokuti “Kristu.” Uyu, anotaurwa nezvake neEncyclopædia Britannica ya1970 achinzi “mununuri mukuru zvikuru,” aifanira kuuya nemhaka yokusateerera kwevanhu vaviri vokutanga, Adhamu naEvha. Vakasikwa vakakwana, vaine tarisiro inofadza youpenyu husingagumi muParadhiso, asi vakarasa tarisiro iyoyo. Ngirozi isingateereri, yakazozivikanwa saSatani Dhiyabhorosi, yakati Musiki wavo ainyanyovaomesera uye kuti zvaizovafambira zvakanaka kana vaizozvisarudzira zvakanga zvakanaka nezvakanga zvakaipa.—Genesisi 3:1-5.

Evha akanyengerwa uye akabvuma nhema idzodzo. Zviri pachena kuti Adhamu akakoshesa ushamwari nomudzimai wake kupfuura kuva akavimbika kuna Mwari, ndokutsigirawo kupandukira ikoko kwakatangwa naDhiyabhorosi. (Genesisi 3:6; 1 Timoti 2:14) Nezviito zvavo, vakaita zvinopfuura kungorasa tarisiro yavo youpenyu husingagumi muparadhiso. Vakapa vana vavo vakanga vasati vaberekwa nhaka yechivi nomugumisiro wacho, rufu.—VaRoma 5:12.

Musiki wedu Jehovha, akabva asarudza nzira yokuchinja nayo migumisiro yakaipa yezviitiko zvinotevedzana zvakatangwa nokupandukira. Aizoyanana nevanhu achishandisa pfungwa yakazonyorwa muMutemo waMosesi—yokutsiva chinhu nechakaenzana nacho. (Dheuteronomio 19:21; 1 Johani 3:8) Kana vazukuru vaAdhamu naEvha, avo vakanga vasingakwanisi kuzvibatsira, vaizowana upenyu husingagumi muparadhiso pasi pano, iyi pfungwa yomutemo yaifanira kutevedzerwa, sezvakanga zvagara zvichidiwa noMusiki wemhuri yevanhu. Apa ndipo panopinda Mesiya.

Paakatonga Dhiyabhorosi, Jehovha Mwari akazivisa uprofita hwokutanga huri muBhaibheri achiti: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi nepakati pevana vako nomwana wake. Iye achakupwanya musoro uye iwe uchamupwanya chitsitsinho.” (Genesisi 3:15) Imwe nyanzvi yeBhaibheri yakati “nyaya yezvipikirwa zvaMesiya semataurirwo azvinoitwa muMagwaro inotanga nemashoko” iwaya. Imwewo yakati Mesiya ndiye achashandiswa naMwari ku“chinja matambudziko ose akakonzerwa nokutadza kwevaviri vokutanga,” panguva imwe chete achikomborera vanhu.—VaHebheru 2:14, 15.

Zvisinei, ungava uchiziva kuti iye zvino vanhu havana kumbokomborerwa. Pane kudaro, vanhu havana kana tariro uye vakaora mwoyo zvikuru. Saka, The World Book Encyclopedia inoti “vaJudha vakawanda vachiri kutarisira kuti Mesiya auye” ndoku“gadzirisa zvakaipa okunda vavengi vevanhu.” Zvisinei, Bhaibheri rinoti Mesiya akatouya. Pane chikonzero chokudavira zvinotaurwa neBhaibheri here? Nyaya inotevera ichapindura.