Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Triangle Yepepuru Inorevei?”

“Triangle Yepepuru Inorevei?”

Triangle Yepepuru Inorevei?”

“MAZUVA mashomanana apfuura, ndakagamuchira Nharireyomurindi kubva kune mumwe weZvapupu zvaJehovha,” akanyora kudaro mushandi wehurumende anoshandira bazi rinoona nezvemitemo muSeoul, Republic of Korea. Akaenderera mberi achiti: “Pandakaiverenga, ndakadzidza zvimwe zvinhu nezvokutambudzwa kweZvapupu zvaJehovha paitonga Nazi neChikomonisiti. Asi ndine mubvunzo. Mufananidzo uri pabutiro uri kuratidza Zvapupu zvaJehovha zvakaiswa triangle yepepuru yakasunama kuruboshwe rwehembe dzavo. Triangle repepuru inorevei?”

Paitonga Nazi muGerma- ny, Zvapupu zvaJehovha zvakaramba kurumbidza Hitler, uye zvakaramba zvisina kwazvakarerekera mune zvematongerwo enyika uye munyaya dzehondo. Saka vaNazi va- kazvitambudza zvine utsinye, vachiisa Zvapupu zvinenge 12 000 mumajeri uye mumisasa yevasungwa kwenguva dzakasiyana-siyana. Zvinenge 2 000 zvazvo zvakafa, mazana azvo achiurayiwa.

Triangle yepepuru yaiva payunifomu yavo yomujeri yairevei? Bhuku rinonzi Anatomy of the SS State rinotsanangura kuti, “Mapoka akasiyana-siyana evasungwa vaiva mumu- sasa we[Nazi] aiva nezviratidzo zvaivasiyanisa. Nzira yokusiyanisa vasungwa yakanga yatangwa hondo isati yatanga, pachisonererwa kachira kakaita triangle payunifomu yomusungwa mumwe nomumwe, ruvara rwacho rwaienderana neboka raari: vasungwa vezvematongerwo enyika, rutsvuku; Zvapupu zvaJehovha, rwepepuru; mhandu, rute- ma; matsotsi, rwegirini; ngochani, rwepingi; vanhu vanobva kune dzimwe nyika, rwebhuruu. Kuwedzera kutriangle ine ruvara yaipfekwa nevasungwa vechiJudha, triangle yeyero yaisonererwa patriangle ine ruvara kuti pave nemativi matanhatu eNyeredzi yaDhavhidhi.”

Mubhuku rake rinonzi Holocaust Politics, Purofesa John K. Roth akanyora kuti, “Kana zvairehwa netriangle yepepuru zvichiyeukwa chaizvo, zvinogona kubatsirazve kudzivirira ngozi, kudzivirira kunoita kuti tishingairire zvinhu zvakanaka zvakakodzera kuremekedzwa nevanhu.” Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa vhidhiyo yakawana mubayiro inonzi Jehovah’s Witnesses Stand Firm Against Nazi Assault. Wadii kukumbira mumwe weZvapupu zvaJehovha kuti uzoona vhidhiyo iyi?