Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Ane Hanya Nevanozvininipisa

Jehovha Ane Hanya Nevanozvininipisa

Jehovha Ane Hanya Nevanozvininipisa

KUZVININIPISA kunokosha zvikuru mukuona kwaJehovha. Kunyange zvazvo Mwari asina chikwereti nevanhu, nokuti ane mutsa usina kukodzera kuwanwa, akagadzirira kunzwira ngoni nenyasha vaya vanozvininipisa pamberi pake. Vakadaro vanoratidza kuti havasi kuzvivimba kana kuti kuzvitutumadza asi kuti vanotarira kwaari uye vanoda kuita zvaanoda. Munyori akafuridzirwa wechiKristu Jakobho akanyora kuti: “Mwari anoshora vanozvikudza, asi anoratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa kune vanozvininipisa.”—Jakobho 4:6.

Kunyange vanhu vaimboita zvinhu zvakaipisisa vanogona kuzvininipisa pamberi paJehovha vomuteterera kuti avanzwire ngoni, uye achavanzwa. Somuenzaniso, Mambo Manase akanyengedza vanhu vaigara muJudha neJerusarema “kuti vaite zvakaipa kwazvo kupfuura marudzi akanga atsakatiswa naJehovha pamberi pevanakomana vaIsraeri.” Asi, pashure pokunge Jehovha amurega achitapwa namambo weAsiriya, Manase “akaramba achizvininipisa kwazvo nokuda kwaMwari wemadzitateguru ake. Akaramba achinyengetera kwaari, zvokuti Iye akabvuma kutetererwa naye, uye Iye akanzwa chikumbiro chake chokuti anzwirwe nyasha, akamudzorera kuJerusarema paumambo hwake; uye Manase akaziva kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi.” Saka, Manase akadzidza kuzvininipisa.—2 Makoronike 33:9, 12, 13.

Zvakanakira Kuzvininipisa

Munhu anozvininipisa pamberi paMwari anogona kutarisira kutungamirirwa naMwari. Muprofita Dhanieri, paakanga akatapwa ari kuBhabhironi, akanzwirwa nyasha zvikuru pakauya ngirozi nezvayaida kumuratidza zvaibva kuna Mwari, nokuti Dhanieri aizvininipisa pamberi paMwari pakutsvaka kwake kutungamirirwa uye kunzwisisa.—Dhanieri 10:12.

Asi munhu anozvikudza anotsvaka kukudzwa achakundikana, sezvakaitwa naMambo Uziya weJudha, uyo akazvikudza ndokuita mabasa evapristi zvisiri pamutemo: “Paakangova nesimba, mwoyo wake wakazvikudza kusvikira pakuita zvakashata, zvokuti akava asina kutendeka pamberi paJehovha Mwari wake, akapinda mutemberi yaJehovha kuti apisire rusenzi paatari yerusenzi.” Paakatsamwira vapristi kuti vakanga vamururamisa, akarohwa nemaperembudzi.—2 Makoronike 26:16-21.

Kuzvininipisa kunogona kubatsira zvikuru munhu paanenge ari padambudziko. Kana njodzi ikauya, kuzvininipisa kunoita kuti munhu atsungirire uye arambe achishumira Mwari. Mambo Dhavhidhi akasangana nematambudziko akawanda. Akavhimwa setsotsi naMambo Sauro. Asi haana kumbonyunyutira Mwari kana kuti kuzvikwidziridza pamusoro pomuzodziwa waJehovha. (1 Samueri 26:9, 11, 23) Paakatadzira Jehovha nokuti akanga arara naBhatishebha achibva atsiurwa zvakasimba nomuprofita waMwari Natani, akazvininipisa pamberi paMwari.—2 Samueri 12:9-23.

Unhu hwaMwari

Jehovha Mwari pachake anoratidza kuzvininipisa mukunzwira ngoni netsitsi huru vatadzi vakaderera. Chinoratidza kuti anozvininipisa zvinhu zvaanoitira vatadzi uye kupa kwaakaita Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chezvivi zvevanhu. Nomutsa wake usina kukodzera kuwanwa, akanzwira ngoni vana vaAdhamu, achivapa mukana wokuwana upenyu husingaperi.—VaRoma 8:20, 21.

Mambo Dhavhidhi akaona unhu hwaMwari uhwu uye akahuonga. Jehovha amununura paruoko rwevavengi vake vose, akaimba kuti: “Muchandipa nhoo yenyu yoruponeso, kuzvininipisa kwenyu ndiko kunoita kuti ndive mukuru.” (2 Samueri 22:36) Kunyange zvazvo mukukudzwa kwake kukuru achigara munzvimbo yake yakakwirira kumusorosoro kumatenga, zvinogona hazvo kubvunzwa nezvaJehovha kuti: “Ndiani akaita saJehovha Mwari wedu, Iye anogara pakakwirira? Anozvideredza kuti atarire denga nenyika, achisimudza munhu akaderera kubva muguruva; anokwidziridza murombo kubva mugomba remadota, kuti aite kuti agare nevanokudzwa, nevanokudzwa vevanhu vake.”—Pisarema 113:5-8.

Kuzvininipisa kwaJesu Kristu

Paaiva pasi pano, Jesu Kristu akaratidza muenzaniso mukuru kupfuura yose womushumiri waMwari anozvininipisa. Mamwe manheru asati afa, Jesu akazvisunga chiuno nejira ndokugeza uye kuomesa tsoka dzevaapostora vake vose 12, basa raiwanzoitwa nevanhu vakaderera uye varanda. (Johani 13:2-5, 12-17) Akanga audza vadzidzi vake kuti: “Munhu wose anozvikwidziridza achaninipiswa, uye munhu wose anozvininipisa achakwidziridzwa.” (Mateu 23:12) Muapostora Petro, uyo aivapo usiku ihwohwo, akayeuka muenzaniso waJesu wakanaka uye gare gare akarayira vaainamata navo kuti: “Imi mose zvenyu zvisungei nepfungwa dzinozvininipisa kune mumwe nomumwe . . . Naizvozvo, zvininipisei pasi poruoko rwaMwari rune simba, kuti iye akukwidziridzei munguva yakakodzera.”—1 Petro 5:5, 6.

Muapostora Pauro anokurudzira vaKristu kuti vave nemafungiro akafanana neaiva naJesu Kristu; anotaura nezvechinzvimbo chakakwirira choMwanakomana waMwari paaiva kumatenga aina Baba vake Jehovha, asati auya somunhu pasi pano, kuda kwake kuzvidurura, kuva somuranda, uye kuva akafanana nevanhu. Pauro anowedzera kuti: “Kupfuura izvozvo, [Jesu] paakazviwana ava somunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, chokwadi, rufu padanda rokutambudzikira.” Mashoko aJesu nezvomubayiro wokuzvininipisa anoratidza zvakasimba kuti ndeechokwadi kune zvakaitika kwaari, sezvo muapostora wacho anoenderera mberi achiti: “Nokuda kwechikonzero ichochiwo Mwari akamukwidziridza kunzvimbo yepamusoro, akamupa nomutsa zita rinopfuura mamwe mazita ose.”—VaFiripi 2:5-11.

Zvakatonyanya kunaka ndezvokuti, kunyange ari pachinzvimbo chakakwidziridzwa kudaro, paanoshandisa “simba rose kudenga nepanyika” kuti aite zvinodiwa naMwari pamusoro pepasi rino, Kristu achange achiri kungozvininipisa panopera Kutonga kwake Kwemakore Ane Chiuru. (Mateu 28:18; 6:10) Saka, Magwaro anotiudza kuti: “Zvinhu zvose pazvinenge zvaiswa pasi pake, Mwanakomana achabva azviisawo pasi poUyo akaisa zvinhu zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvinhu zvose kuvanhu vose.”—1 VaKorinde 15:28.

VaKristu Vanofanira Kuzvininipisa

Achipa vaKristu zano rokuti vapfeke unhu “huri kuitwa hutsva maererano nomufananidzo woUya akahusika,” muapostora Pauro anoti: “Naizvozvo, sevanhu vaMwari vakasarudzwa, vatsvene uye vanodiwa, pfekai rudo rukuru rwokunzwira vamwe tsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvininipisa, unyoro, nomwoyo murefu.” (VaKorose 3:10, 12) Anokumbirazve kuti: “Fungaiwo nezvevamwe semafungiro amunozviita; musafunga zvinhu zvakakwirira, asi tungamirirwai nezvinhu zvakaderera. Musazviti makangwara.”—VaRoma 12:16.

Kuzvininipisa kunosimudzira rugare. Munhu anozvininipisa haarwisani nehama dzake dzechiKristu kuitira kuti aratidze dzaanoti “kodzero” dzake. Muapostora wacho anoti, kunyange zvazvo aiva norusununguko rwokuita zvinhu zvose, aizoita bedzi zvinhu zvinovaka, uye kana hana yeimwe hama yainetseka nezviito zvake, aizorega kuita zvinhu zvakadaro.—VaRoma 14:19-21.

Zvinodawo kuzvininipisa kuita kuti rugare rurambe ruripo nokushandisa zano raJesu rokukanganwira vamwe pavanotitadzira. (Mateu 6:12-15) Uye kana mumwe munhu akagumbura mumwe, zvinoedza kuzvininipisa kwake kuti ateerere murayiro wokuenda kune mumwe wacho ndokubvuma kukanganisa kwacho, achikumbira ruregerero. (Mateu 5:23, 24) Kana kuti munhu anenge agumburwa akauya kwaari, rudo pamwe chete nokuzvininipisa zvichaita kuti munhu wacho abvume chikanganiso okurumidza kugadzirisa zvinhu. (Mateu 18:15) Asi rugare runozova nomunhu wacho uyewo runozova nesangano pamusana pokuzvininipisa haruzomboenzani nokuzvidzwa kwaakaitwa; uyewo, kuzvininipisa kwake kunowedzera uye kunosimbisa unhu hwakanaka hwokuzvininipisa mumunhu wacho.

Kuzvininipisa kuchabatsira muKristu kuti agutsikane nezvinhu zvaainazvo, uye kuchamubatsira kuramba aine mufaro uye ari pakati nepakati. Vanhu vanozvininipisa vanogona kufara, kunyange kana vakambogumburwa uye vasina kubatwa zvakanaka nevaya vanodada nevanozvikudza. Vanogona kunyaradzwa nemashoko anoti: “Tsvakai Jehovha, imi vanyoro vose vepanyika, imi makaita zvaakatonga. Tsvakai kururama, tsvakai unyoro. Zvimwe mungavanzwa pazuva rokutsamwa kwaJehovha.”—Zefaniya 2:3.