Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuziva Zvakanaka Uye Kuzviita

Kuziva Zvakanaka Uye Kuzviita

Nyaya Youpenyu

Kuziva Zvakanaka Uye Kuzviita

YAKATAURWA NAHADYN SANDERSON

Jesu akamboudza vaapostora vake kuti: “Kana muchiziva zvinhu izvi, munofara kana muchizviita.” (Johani 13:17) Chokwadi, tingaziva zvakanaka, asi dzimwe nguva, zvingaoma kuzviita! Zvisinei, pashure pokurarama makore anodarika 80, 40 acho ndiri mubasa roumishinari, hapana mubvunzo kuti mashoko aJesu ndeechokwadi. Kuita zvinotaurwa naMwari zvechokwadi kunounza mufaro. Regai nditsanangure.

MUNA 1925, pandaiva nemakore matatu, vabereki vangu vaivapo paipiwa imwe hurukuro yeBhaibheri mutaundi rokumusha kwedu reNewcastle, kuAustralia. Hurukuro yacho yaiva nomusoro unoti, “Mamiriyoni Ari Kurarama Iye Zvino Haazombofi,” yakaita kuti amai vangu vabvume kuti vakanga vawana chokwadi, uye vakatanga kupinda misangano yechiKristu nguva dzose. Zvisinei, kufarira kwababa vangu kwakakurumidza kuderera. Vaishora chitendero chaAmai chavakanga vachangowana uye vaivatyisidzira kuti vaizovasiya kana vaizorega kusiya chitendero chavo. Amai vaida baba vangu uye vaida kuti mhuri irambe yakabatana. Kunyange zvakadaro, vaiziva kuti kuteerera Mwari kwainyanya kukosha, uye vaiva vakatsunga kuita zvakanga zvakanaka mukuona kwake. (Mateu 10:34-39) Baba vangu vakabva pamba, uye pashure pacho ndaingovaona pano neapo.

Ndichifunga zvakaitika, ndinoyemura kuvimbika kwaamai vangu kuna Mwari. Zvavakasarudza zvakaita kuti ini nasisi vangu vakuru, Beulah, tikomborerwe mune zvokunamata. Zvakatidzidzisawo chidzidzo chinokosha—patinoziva zvakanaka, tinofanira kuedza kuzviita.

Miedzo Yokutenda

Vadzidzi veBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo, vakaedza zvose zvavaigona kuti vabatsire mhuri yedu. Ambuya vangu vakauya kuzogara nesu uye vakagamuchirawo chokwadi cheBhaibheri. Ivo naAmai vakanga vasingaparadzani mubasa rokuparidza, unhu hwavo hwaikudzwa uye ushamwari hwavaiva nahwo zvakaita kuti vanhu vavaremekedze.

Panguva iyi, hama dzechiKristu dzakura dzainditarisira zvakanaka chaizvo uye dzaindidzidzisa zvinhu zvinokosha. Nenguva isipi, ndakadzidza kushandisa kadhi rouchapupu kuti ndiparidzire vanhu mumisha yavo ndichishandisa mharidzo iri nyore. Ndairidzawo hurukuro dzeBhaibheri dzakarekodhwa pagiramafomu raitakurika uye ndaiforawo ndakapfeka chikwangwani nomumugwagwa mukuru wetaundi racho. Izvi zvakanga zvakaoma, sezvo ndaitya vanhu. Zvisinei, ndaiziva zvakanga zvakanaka uye ndakanga ndakatsunga kuzviita.

Ndapedza chikoro, ndakatanga kushandira rimwe bhengi, zvaisanganisira kuenda kumapazi akasiyana-siyana ebhengi racho muruwa rwose rweNew South Wales. Kunyange zvazvo Zvapupu zvaiva zvishomanana kudivi iroro renyika, kurovedzwa kwandakaitwa kwakandibatsira kuti kutenda kwangu kurambe kwakasimba. Amai vainyora tsamba dzinokurudzira dzaindisimbisa pakunamata.

Tsamba idzodzo dzaindibatsira panguva yakakodzera. Hondo Yenyika II yakanga yatanga, uye ndakamanikidzwa kuti ndipinde basa rechiuto. Maneja webhengi aiva munhu aiva akasimba pakuenda kuchechi uye aiva mukuru wechiuto womunharaunda. Pandakatsanangura kusapindira kwangu mune zvematongerwo enyika somuKristu, maneja wacho akabva andiudza zvandaifanira kusarudza—kusiya chitendero changu kana kuti kubuda basa kubhengi! Zvinhu zvakaoma zvikuru pandakaenda kunzvimbo inopinzirwa basa rechiuto munharaunda yacho. Maneja uya aivako uye akatarira nechido chikuru pandakasvika patafura yainyoreserwa. Pandakaramba kusaina mapepa okupinda basa, vakuru vakuru vacho vakagumbuka. Zvinhu zvakanga zvaoma, asi ndakanga ndakatsunga kuita zvakanaka. Jehovha akandibatsira kuti ndirambe ndakadzikama uye ndakatsunga. Pandakazoziva kuti pane dzimwe nhubu dzainditsvaka, ndakabva ndarongedza zvinhu zvangu ndokukurumidza kukwira chitima chaibuda mutaundi!

Ndadzoka kuNewcastle, ndakamira pamberi pedare pamwe chete nedzimwe hama nomwe dzakanga dzaramba basa rechiuto. Mutongi wacho akatitongera kugara mujeri kwemwedzi mitatu tichishanda zvakaoma. Kunyange zvazvo kugara mujeri kwakanga kwakaoma, kuita zvakanga zvakanaka kwakaunza zvikomborero. Tasunungurwa, mumwe wandaigara naye muchitokisi chimwe chete, Chapupu chainzi Hilton Wilkinson, akandikumbira kuti ndimushandire mushopu yake yokutora mapikicha. Ikoko ndakasangana neakazova mudzimai wangu, Melody, aishandawo pashopu yacho panzvimbo inosvikira vaeni. Nguva pfupi ndasunungurwa, ndakabhabhatidzwa kuratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha.

Kuvavarira Kuita Basa Renguva Yakazara

Taroorana, ini naMelody takavhura shopu yedu yokutora mapikicha muNewcastle. Pasina nguva, takanga tava nebasa rakawandisa zvokuti utano hwedu nokunamata kwedu zvakatanga kukanganiswa. Panenge panguva iyoyo, Ted Jaracz, panguva iyi akanga achishanda pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha kuAustralia uye iye zvino ari nhengo yeDare Rinodzora, akataura nesu nezvezvinangwa zvedu mune zvokunamata. Tapedza kukurukurirana, takasarudza kutengesa shopu yedu tichibva taita kuti upenyu hwedu hureruke. Muna 1954 takatenga turera duku, tichibva tatamira kuguta reBallarat kuruwa rweVictoria, ndokutanga kushumira semapiyona, kana kuti vaevhangeri venguva yakazara.

Zvataishanda pamwe chete neungano duku muBallarat, Jehovha akakomborera basa redu. Mumwedzi 18, nhamba yevanhu vaipinda misangano yakawedzera kubva pa17 kusvika ku70. Takabva tazokumbirwa kuti tiite ushumiri hwokufambira, kana kuti basa redunhu, muruwa rweSouth Australia. Kwemakore matatu akatevera, takanakidzwa nokushanyira ungano muguta reAdelaide uye munzvimbo dzinogadzirwa waini uye munzvimbo dzine miti yemichero yorudzi rwemaorenji inotevedza Rwizi rwaMurray. Upenyu hwedu hwakanga hwachinja zvikuru! Taifara kushumira tiine hama nehanzvadzi dzine rudo. Zvechokwadi chaiva chikomborero chikuru nokuti takaita zvataiziva kuti zvakanga zvakanaka!

Basa Roumishinari

Muna 1958 takazivisa hofisi yebazi reAustralia nezvechido chedu chokupinda Gungano Remarudzi Akawanda raiva nomusoro unoti “Kuda kwaMwari,” muNew York City gare gare gore iroro. Vakapindura nokutitumira mafomu okuenda kuchikoro choumishinari cheGiriyedhi kuUnited States. Sezvo taiva nemakore epakati pema30, takafunga kuti takanga tanyanya kukura zvokutadza kupinda chikoro cheGiriyedhi. Kunyange zvakadaro, takatumira mafomu edu uye takanzi tiuye kuzopinda kirasi yechi32. Tava pakati nepakati pokupedza chikoro, takaudzwa kwataizoenda kunoita basa redu roumishinari—kuIndia! Pasinei nekakuzeza kataiva nako pakutanga, taida kuita zvakanga zvakanaka saka takabvuma basa redu tichifara.

Takasvika kuBombay (zvino yava kunzi Mumbai) mamwe mangwanani-ngwanani muna 1959, tichifamba nengarava. Mazana evashandi akanga akazvambarara panze pachiteshi chengarava. Mhepo yataifema yainhuwa zvokuti. Zuva parakabuda, zvakaita kuti tizive zvaiva mberi. Takanga tisati tambotsva zvakadaro! Mamwe mamishinari maviri akaroorana, Lynton naJenny Dower, vatakanga tambopayona navo muBallarat, ndivo vakatigamuchira. Vakaenda nesu kuhofisi yebazi reIndia uye kuMusha weBheteri, waiva nezvivako zvenhurikidzwa zvaiva pedyo nepakati peguta uye zviine makamuri akazara zvinhu. Mumusha macho maigara vashandi vatanhatu vakazvipira kushanda paBheteri. Hama Edwin Skinner, vaiva mumishinari muIndia kubvira muna 1926, vakatiudza kuti titenge mabhegi maviri mahombe etende tisati taenda kubasa redu. Munhu wose aingova nawo muzvitima zvokuIndia uye akatibatsira zvikuru pakufamba kwatakazoita.

Pashure pokufamba kwemazuva maviri nechitima, takasvika kwataienda kuTiruchchirappalli, guta riri kuruwa rwokumaodzanyemba kweMadras (zvino yava kunzi Tamil Nadu). Ikoko, takabatana nemapiyona chaiwo matatu okuIndia akanga achiparidzira nharaunda yaiva nevanhu 250 000. Magariro acho akanga akatisarirei shure. Pane imwe nguva, taiva tasarirwa nemari isingasviki US$4 (Z$260 000). Asi mari iyoyo payakapera, Jehovha haana kutisiya. Mumwe munhu akanga achidzidza Bhaibheri akatikweretesa mari yokuti tirende pakakodzera pokupindira misangano. Pane imwe nguva zvokudya zvedu zvapera, mumwe muvakidzani wedu nomutsa akativigira zvokudya zvaakanga abika zvaiva nekari. Ndakazvifarira, asi zvaivava chaizvo zvokuti zvakaita kuti ndiite munhikwi!

Mubasa Romumunda

Kunyange zvazvo vamwe vanhu vokuTiruchchirappalli vaitaura Chirungu, ruzhinji rwaitaura Tamil. Saka, takashanda nesimba kuti tidzidze mharidzo iri nyore yebasa romumunda mumutauro iwoyo. Izvozvo zvakaita kuti vanhu vakawanda vomunharaunda yacho vatiremekedze.

Tainakidzwa chaizvo noushumiri hwepaimba neimba. Vanhu vokuIndia vagara vaine mutsa, uye vakawanda vaitikoka kuti timbonyevenutsa pahuro. Sezvo tembiricha yaiwanzoramba iri pa40°C, taionga zvikuru mutsa wavo. Tisati tataura shoko redu, zvairatidza kuva nounhu kumbotaura dzimwewo nyaya. Vanasaimba vaiwanzobvunza ini nomudzimai wangu kuti: “Munobva kupi? Mune vana here? Nei musina vana?” Panyaya iyi yevana, vaiwanzotiudza kuti tiende kunoona mumwe chiremba aigona kurapa vanhu vane zvinetso zvakadaro! Zvisinei, kukurukurirana ikoko kwaiita kuti tizvisume totsanangura kukosha kwebasa redu rokudzidzisa vanhu Bhaibheri.

Vanhu vakawanda vataiparidzira vaiva vechitendero chechiHindu—chitendero chakasiyana zvikuru nechiKristu. Pane kukurukura kusanzwisisika kwezvitendero zvechiHindu, taingoparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari—uye taibudirira zvikuru. Mumwedzi mitanhatu, vanhu vanoda kusvika 20 vakatanga kupinda misangano pamusha wedu wemamishinari. Mumwe wevanhu ava aiva injiniya ainzi Nallathambi. Iye nomwanakomana wake, Vijayalayan, vakazobatsira vanhu vanenge 50 kuva vashumiri vaJehovha. Vijayalayan akashandawo kwenguva yakati pabazi reIndia.

Basa Rokufambira

Takanga tiri muIndia kwemwedzi isingasviki mitanhatu pandakakumbirwa kuti ndishande somutariri weruwa wechigarire wokutanga munyika yacho. Izvi zvaisanganisira kufamba muIndia yose, ndichironga magungano uye ndichishanda nemapoka mapfumbamwe emitauro yakasiyana-siyana. Raiva basa rakaoma. Kwemwedzi mitanhatu, tairongedzera mbatya uye zvimwe zvinhu mumatirangi matatu uye mumabhegi edu mahombe etende tofamba nechitima kubva kuguta reMadras (zvino rava kunzi Chennai). Sezvo ruwa rwacho rwaiva rwakakura anenge makiromita 6 500 kurutenderera, taigara tichingotama. Pane imwe nguva, takapedza gungano kumaodzanyemba kweguta reBangalore musi weSvondo. Zvadaro takaenda kuchamhembe kuDarjeeling mujinga memakomo eHimalaya kunoitisa rimwe gungano vhiki yaitevera. Rwendo rwokuenda kuDarjeeling rwaisanganisira kufamba anenge makiromita 2 700 uye kuchinja chitima kashanu.

Panzendo dzedu dzokutanga, tainakidzwa nokuratidza vanhu firimu rinonzi The New World Society in Action. Firimu iri raiita kuti vanhu vazive kukura kwebasa rinoitwa nesangano raJehovha pasi pano. Kazhinji, mazana evanhu aiuya kumafirimu aya. Pane imwe nguva, takaratidza firimu racho boka revanhu vakanga vakaungana pedyo nomugwagwa. Firimu racho riri pakati, makore emvura akaungana kukabva kwatoita sokwaida kunaya. Sezvo pane imwe nguva boka revanhu rakaita mhirizhonga firimu parakadimburirwa panzira, ndakasarudza kuramba ndichivaratidza asi nokukurumidza. Tinoonga kuti firimu racho rakapera pasina chakavhiringidza sezvo madonhwe emvura okutanga akatanga kudonha-donha.

Mumakore akatevera, ini naMelody takaenda kunzvimbo zhinji dzeIndia. Sezvo nzvimbo imwe neimwe yaiva yakasiyana iine zvokudya zvayo, zvokupfeka, mutauro uye zvayainge yakaita, zvaiita sokuti taifamba kubva kune imwe nyika tichienda kune imwe. Chokwadi Jehovha akasika mhatsa yezvinhu zvakaisvonaka! Izvi ndizvowo nezvemhuka dzomusango dzokuIndia. Pane imwe nguva, pataiva takadzika musasa musango rokuNepal, takanyatsoona zvakanaka imwe tiger hombe. Yaiva mhuka yaishamisa chaizvo. Kuiona kwakasimbisa chido chedu chokuzova muParadhiso, apo vanhu nemhuka pakupedzisira vachava norugare.

Kunatsiridzwa Kwesangano

Mumazuva iwayo ekare, hama dzomuIndia dzaifanira kunyatsotevera urongwa hwesangano raJehovha. Mune dzimwe ungano, varume vaigara kwavo vakadzi kwavo pamisangano. Kazhinji misangano yakanga isingatangi nenguva. Mune imwe nzvimbo, bhero rairidzwa zvine ruzha kudana vaparidzi voUmambo kuti vauye kumisangano. Mune dzimwe nzvimbo, vaparidzi vaizosvika kana zuva rava pavaifunga kuti ndiyo nguva inofanira kutanga misangano. Magungano akanga asingaitwi nguva dzose uye vatariri vanofambira vakanga vasingashanyi nguva dzose. Hama dzaida kuita zvakanga zvakanaka, asi dzaida kudzidziswa.

Muna 1959, sangano raJehovha rakatanga Chikoro choUshumiri hwoUmambo. Purogiramu iyi yokudzidzisa yomunyika yose yakabatsira vatariri vematunhu, mapiyona chaiwo, mamishinari, uye vakuru veungano kuti vaite mabasa avo epaMagwaro zvinobudirira zvikuru. Chikoro chacho pachakatanga muIndia muna December 1961, ndaiva murayiridzi. Zvishoma nezvishoma, kudzidza kwacho kwakabatsira ungano dzomunyika yacho yose, dzakakurumidza kufambira mberi. Hama padzakangoziva zvakanga zvakanaka, mudzimu waMwari wakadzikurudzira kuzviita.

Magungano makuru akakurudzirawo hama uye akaita kuti dzibatane. Rinonyanya kuyeukwa iGungano reMarudzi Akawanda raiva nomusoro unoti “Mashoko Akanaka Asingaperi” rakaitirwa muNew Delhi muna 1963. Zvapupu zvokune mamwe mativi eIndia zvakafamba zviuru zvemakiromita kuti zvinopinda gungano iroro, vakawanda vachitoshandisa mari yavo yose yavakanga vachengeta. Sezvo paivawo nevanhu 583 vaibva kunyika 27, kaiva kokutanga kuti Zvapupu zvomunyika umu zviungane ndokuwadzana nehama dzakawanda dzaiva dzashanya.

Muna 1961, ini naMelody takakumbirwa kuti tive nhengo dzemhuri yeBheteri muBombay, kwandakazoshumira senhengo yeDare reBazi. Ndakazova nedzimwe ropafadzo. Kwemakore akawanda, ndakashumira somutariri wenyika muAsia neMiddle East yose. Sezvo basa rokuparidza rairambidzwa mune dzakawanda dzenyika idzi, vaparidzi vemo vaifanira kuva ‘vakachenjera senyoka asi vasina mhosva senjiva.’—Mateu 10:16.

Kuwedzera uye Kuchinja

Muna 1959 patakatanga kusvika muIndia, munyika yacho maiva nevaparidzi 1 514 vaishingaira. Nhasi, nhamba iyoyo yawedzera kudarika 24-000. Kuti tikwanise kutarisira kuwedzera uku, takatamira muzvivako zvitsva zveBheteri kaviri muBombay kana kuti pedyo nayo. Zvadaro, muna March 2002, mhuri yeBheteri yakatamazve—panguva ino yakatamira kuzvivako zvitsva zvakavakirwa pedyo neBangalore, kumaodzanyemba kweIndia. Chivako ichi chemazuva ano iye zvino chinogara nhengo dzeBheteri 240, vamwe vavo vanoshandurira mabhuku eBhaibheri mumitauro 20.

Kunyange zvazvo ini naMelody taitarisira nomwoyo wose kutamira kuBangalore, utano husina kunaka hwakaita kuti tidzokere kuAustralia muna 1999. Iye zvino tinoshanda senhengo dzemhuri yeBheteri kuSydney. Kunyange zvazvo takabva kuIndia, kuda kwatinoita shamwari dzedu nevana vedu mune zvokunamata munyika iyoyo kuchakasimba. Zvinofadza chaizvo kutambira tsamba dzinobva kwavari!

Tichifunga makore anodarika 50 tiri mubasa renguva yakazara, ini naMelody tinonzwa kuti takakomborerwa zvikuru. Pakutanga taimboita basa rokuisa mifananidzo yevanhu papepa kuti ichengeteke, asi kuita kuti vanhu vachengeteke mupfungwa dzaMwari kwainge kuri nani chaizvo. Takava nezvinoitika zvinokosha zvikuru pamusana pokusarudza kwatakaita kuisa kuda kwaMwari pakutanga muupenyu! Chokwadi, kuita zvinonzi naMwari zvakanaka zvechokwadi kunounza mufaro!

[Mepu dziri papeji 15]

(For fully formatted text, see publication)

INDIA

New Delhi

Darjeeling

Bombay (Mumbai)

Bangalore

Madras (Chennai)

Tiruchchirappalli

[Mifananidzo iri papeji 13]

Hadyn naMelody muna 1942

[Mufananidzo uri papeji 16]

Mhuri yeBheteri kuIndia, muna 1975