Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Muapostora Pauro airevei paakataura kuti vakadzi vanofanira ‘kuramba vakanyarara muungano’?

Pauro akanyorera ungano yechiKristu muKorinde kuti: “Sezvazvakaita muungano dzose dzevatsvene, vakadzi ngavarambe vakanyarara muungano, nokuti hazvibvumirwi kuti vataure.” (1 VaKorinde 14:33, 34) Kuti tinzwisise izvi zvakarurama, zvinobatsira kuti tifunge nezvezvaitaurwa naPauro paakazopa zano iri.

Muchitsauko 14 cha1 VaKorinde, Pauro akataura nezvezvinhu zvine chokuita nemisangano yeungano yechiKristu. Akatsanangura zvinofanira kukurukurwa pamisangano yakadaro uye akataura kuti inofanira kuitwa sei. (1 VaKorinde 14:1-6, 26-34) Zvakare, akasimbisa chinangwa chemisangano yechiKristu—“kuti ungano ivakwe.”—1 VaKorinde 14:4, 5, 12, 26.

Murayiro waPauro wokuti ‘kuramba vakanyarara’ unoonekwa katatu muchitsauko 14 cha1 VaKorinde. Nguva nenguva, unotaurwa kuboka rakasiyana riri muungano, asi mumamiriro acho ezvinhu ose, unopiwa nechikonzero chimwe chete—kuti ‘zvinhu zvose zviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.’—1 VaKorinde 14:40.

Kutanga, Pauro akati: “Mumwe akataura nendimi, ngazvive zvevaviri kana vatatu chete, vachichinjana; uye mumwe ngaaturikire. Asi kana pasina muturikiri, ngaarambe akanyarara muungano, ataure oga uye ataure naMwari.” (1 VaKorinde 14:27, 28) Izvi zvakanga zvisingarevi kuti munhu akadaro akanga asingambofaniri kutaura pamisangano asi kuti paiva nenguva yaaifanira kunyarara. Chokwadi chinangwa chemisangano—kunova kuvakana—chaisazobudirira kana aizotaura nomutauro usingazivikanwi nevamwe.

Kechipiri, Pauro akati: “Vaprofita vaviri kana vatatu ngavataure, uye vamwe ngavanzwisise zvazvinoreva. Asi kana zvikazarurirwa mumwe akagara ipapo, wokutanga ngaarambe akanyarara.” Izvi zvaisareva kuti muprofita wokutanga aisafanira kutaura pamisangano, asi kuti aifanira kunyarara pane dzimwe nguva. Zvadaro uya ainge azarurirwa zvinhu zvinoshamisa aigona kutaura neungano, uye chinangwa chomusangano wacho—chokuti “vose vakurudzirwe”—chainge chabudirira.—1 VaKorinde 14:26, 29-31.

Kechitatu, Pauro akataurira vakadzi vechiKristu chete, achiti: “Vakadzi ngavarambe vakanyarara muungano, nokuti hazvibvumirwi kuti vataure, asi ngavazviise pasi.” (1 VaKorinde 14:34) Nei Pauro akapa murayiro uyu kuhanzvadzi? Kuti muungano muve norugare. Anoti: “Zvino, kana vachida kudzidza chimwe chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba, nokuti zvinonyadzisa kuti mukadzi ataure muungano.”—1 VaKorinde 14:35.

Zvichida dzimwe hanzvadzi dzakanga dzichipokana nezvainge zvataurwa muungano. Zano raPauro rakabatsira hanzvadzi kuti dzisiye pfungwa iyoyo isina kunaka dzobvuma nokuzvininipisa nzvimbo yadzo muurongwa hwaJehovha hwomusoro zvikurukuru kana tichitaura nezvevarume vadzo. (1 VaKorinde 11:3) Uyezve, nokuramba dzakanyarara, hanzvadzi dzaizoratidza kuti dzakanga dzisingatsvaki kuti dzidzidzise muungano. Paakanyorera Timoti, Pauro akaratidza kuti hazvina kukodzera kuti mukadzi adzidzise muungano, achiti: “Handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamurume, asi kuti anyarare.”—1 Timoti 2:12.

Izvi zvinoreva here kuti mukadzi wechiKristu haambofaniri kutaura pamusangano weungano? Aiwa. Muzuva raPauro, paiva nenguva apo vakadzi vechiKristu vainyengetera kana kuprofita muungano, zvichida vakurudzirwa nomudzimu mutsvene. Panguva dzakadaro, vairatidza kuti vanoziva nzvimbo yavo nokufukidza musoro. * (1 VaKorinde 11:5) Uyezve, muzuva raPauro uye nhasi, hanzvadzi pamwe chete nehama vanokurudzirwa kuti vazivise pachena tariro yavo. (VaHebheru 10:23-25) Pane kuita izvi muushumiri chete, hanzvadzi dzinozivisa tariro yadzo uye dzinokurudzira vamwe pamisangano yeungano nokutsinhira nemashoko akanyatsofungwa kana vakumbirwa kuita kudaro uye nokubvuma kuita mienzaniso uye kupa hurukuro dzepachikoro dzevadzidzi.

Saka, vakadzi vechiKristu ‘vanoramba vakanyarara’ nokusaedza kutora nzvimbo yomunhurume ndokudzidzisa ungano. Havabvunzi mibvunzo yenharo yokupikisa chiremera chevaya vanodzidzisa. Nokuita mabasa adzo chaiwo akakodzera muungano, hanzvadzi dzechiKristu dzinobatsira zvikuru kuti pave norugare urwo ruchaita kuti ‘zvinhu zvose [pamisangano yeungano] zviitike nokuda kwokuvaka.’—1 VaKorinde 14:26, 33.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Mazuva ano, hanzvadzi dzakasimba mune zvokunamata dzinoita izvozvo nemhaka yemamiriro ezvinhu, padzinofanira kumiririra hama yakabhabhatidzwa muungano.—Ona Nharireyomurindi, yaJuly 15, 2002, peji 26.