Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndivanaani Vanoshandisa Dzidziso dzaKristu Nhasi?

Ndivanaani Vanoshandisa Dzidziso dzaKristu Nhasi?

Ndivanaani Vanoshandisa Dzidziso dzaKristu Nhasi?

JESU KRISTU anoonekwa nevakawanda somumwe wevanhu vakuru vakamborarama. Vakawanda vanoti anopfuura vamwe vanhu vose. Kwemakore anenge zviuru zviviri, dzidziso dzake dzakachinja zvikuru upenyu hwevakawanda—“upenyu hwevanhu vane mutsa uye vakanaka uyewo hwevaya vanoita mabasa makuru okuyamura vanhu,” anonyora kudaro Melvyn Bragg, mumwe munyori wokuEngland.

Zvakadini nechiKristu?

Zvakadini nechiKristu? Chave chichirondedzerwa so“kumwe kufambira mberi kwevanhu kukuru mune zvokunamata.” Imwe pfungwa yakataurwawo naDavid Kelso wokuGlasgow Caledonian University, kuScotland. Akanyora kuti: “Zviuru zviviri zvemakore enhoroondo yechiKristu zvakazara nokubudirira kusina kunoenzana nako muunyanzvi, kugadzira zvinhu uye kuvaka, ruzivo, mimhanzi uye kugarisana kwevanhu munzanga.”

Zvisinei, vamwe vakawanda vanoona zvinhu nenzira yakasiyana. Dambudziko ravo harisi rokuti havafariri chiKristu sokurondedzerwa kwachinoitwa mune rimwe duramazwi kuti: “Chitendero chesvondo dzinodaira kuti kuna Jesu Kristu mwanakomana womusiki anonzi Mwari.” (Duramazwi Guru rechiShona) Asi, vanosemburwa nezvinoitwa nemasangano ezvitendero anoti anomiririra chiKristu.

Somuenzaniso, Friedrich Nietzsche, imwe nyanzvi yokuGermany yomuzana remakore rechi19 akatsanangura chiKristu mupfungwa yapedzisira kutaurwa se“gwapa risingaperi pavanhu.” Akanyora kuti ndiko “kutukwa kukuru, kutsauka kwakakura kwazvo, . . . zvokuti hapana kumwe kunowanikwa utsinye, kusatendeseka, ruchiva, uye mwoyo wakaipa sezvinoitwa muchiKristu.” Chokwadi, Nietzsche akazoti nyanyisei zvake pane zvaakataura, asi vanhu vanoverengeka vanonzwisisa vakagumisawo vachidaro. Nei? Nokuti kwemazana emakore mufambiro wevaya vanozviti vaKristu wave uchibudiswa pachena, kwete nounhu hwaJesu Kristu, asi “nouori, utsotsi hwakaipisisa uye kumhura” zviri kwose kwose.

Dzidziso dzaKristu Dziri muchiKristu Here?

Saka, zvine musoro kubvunza kuti, “Dzidziso dzaKristu dzichiri muchiKristu here?” “Chokwadi dzirimo!” vamwe vangakurumidza kutaura kudaro. “Haana here kuvimbisa vateveri vake kuti aizova navo kunyange ‘kusvikira pakuguma kwenyika’?” (Mateu 28:20, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Hungu, Jesu akataura izvozvo. Asi aireva kuti aizova nomunhu wose aizviti muteveri wake, pasinei nomufambiro womunhu wacho here?

Yeuka kuti vamwe vatungamiriri vechitendero vomuzuva raJesu vaifunga kuti vaiva naMwari zvechokwadi. Sezvo Mwari akanga asarudza Israeri nokuda kwebasa raikosha, vamwe vatungamiriri vechitendero vakafunga kuti Mwari aisazombovasiya—pasinei nezvavaiita. (Mika 3:11) Zvisinei, pakupedzisira vakanyanyisa pakuramba kwavaiita mitemo yaMwari uye zvaaida. Saka, Jesu Kristu akavaudza pachena kuti: “Tarirai! Maramwirwa imba yenyu.” (Mateu 23:38) Mwari akaramba manamatiro avo ose. Akaaramba achibva aita kuti mauto eRoma aparadze guta racho guru, Jerusarema, netemberi yaro muna 70 C.E.

Chimwe chinhu chakadaro chingaitika kuchiKristu here? Ngationei kuti zvinhu zvipi zvakabatanidzwa naJesu pavimbiso yake yokuva nevateveri vake kusvikira “pakuguma kwenyika.”

[Mifananidzo iri papeji 2, 3]

Dzidziso dzaJesu Kristu dzinochinja zvikuru upenyu hwemamiriyoni evanhu pasi pose