Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Tiudze Zvimwe!”

“Tiudze Zvimwe!”

“Tiudze Zvimwe!”

MUNEZLOBNAYA, kuRussia, imwe kirasi yepachikoro chesekondari yakanga ichidzidza mabhuku akanyorwa naMikhail Bulgakov. Pamabhuku acho paiva nerimwe raitaura nezvaJesu Kristu nenzira inozvidza, uku richitaura kuti Satani igamba. Kirasi yacho yakurukurirana, mudzidzisi wacho akaipa bvunzo yokuti inyore yaibva mubhuku racho. Zvisinei, mumwe mudzidzi anonzi Andrey, Chapupu chaiva nemakore 16, akakumbira zvine ruremekedzo kuti arege kunyora bvunzo yacho nokuti hana yake yakanga isingamubvumiri kudzidza mabhuku akadaro. Asi akakumbira kuti anyore rondedzero yaizotsanangura maonero aanoita Jesu Kristu. Mudzidzisi wacho akabvuma.

Murondedzero yake akatsanangura kuti kunyange zvazvo achiremekedza zvinofungwa nevamwe, akaona kuti nzira yakanakisisa yokudzidza nezvaJesu ndeyokuverenga imwe yenhoroondo ina dzeEvhangeri. Ukadaro, “unodzidza nezvoupenyu hwaJesu nedzidziso dzake zvinobva munhoroondo dzevakaona.” Andrey akatizve: “Imwe nyaya ndeyemaonerwe anoitwa Satani. Vamwe vanganakidzwa nokuverenga bhuku rinotaura kuti Satani igamba asi kwete ini.” Akatsanangura kuti Satani atori chisikwa chomudzimu chakaipa chakapandukira Mwari, chakaunza uipi, kushungurudzika uye kutambura kumhuri yevanhu. Andrey akagumisa rondedzero yake achiti: “Handifungi kuti kuverenga bhuku iri kunondibatsira. Chokwadi, handivengi Bulgakov. Asi ini zvangu, ndingasva ndaverenga Bhaibheri kuti ndidzidze nhoroondo yechokwadi nezvaJesu Kristu.”

Mudzidzisi waAndrey akafadzwa chaizvo nerondedzero yacho zvokuti akamukumbira kuti agadzirire kuzokurukura nezvaJesu Kristu. Andrey akabva angobvuma. Pachidzidzo chakatevera chekirasi yacho, Andrey akaverengera kirasi yose zvaakanga agadzirira. Akatsanangura chikonzero nei aifunga kuti Jesu ndiye munhu mukuru kwazvo pane vakamborarama. Zvadaro akaverenga chitsauko chinotaura nezvokufa kwaJesu mubhuku reBhaibheri raMateu. Sezvo akanga ava kupererwa nenguva yaakanga apiwa, Andrey aida kugumisa, asi vomukirasi yake vakamukurudzira vachiti: “Tiudze zvimwe! Chii chakazoitika?” Saka akaramba achiverenga nhoroondo yokumutswa kwaJesu iri muna Mateu.

Andrey paakapedza, vomukirasi yake vakamubvunza mibvunzo yakawanda pamusoro paJesu naJehovha. “Ndakanga ndanyengetera kuna Jehovha ndichikumbira uchenjeri, uye akapindura munyengetero wangu,” anodaro Andrey. “Ndakagona kupindura mibvunzo yavo yose!” Vapedza kudzidza, Andrey akapa mudzidzisi wake bhuku rinonzi Munhu Mukurusa Ati Amborarama, * iro raakatora nomufaro. Andrey akati: “Akandipa mamakisi akawanda pane zvandakataura uye akandirumbidza nokuda kwezvandinotenda ini pachangu uye zvandisinganyari nazvo. Akatiwo anobvuma zvimwe zvandinodavira.”

Andrey anofara kuti akasarudza kuteerera hana yake yakarovedzwa neBhaibheri nokurega kuverenga zvinhu zvinoshora Jehovha noMwanakomana wake, Jesu Kristu. Maonero akadaro haana kungomuchengetedza pamafungiro asiri epamagwaro asiwo akazarura mukana wokukurukura nevamwe chokwadi cheBhaibheri.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.