Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

VaKristu Vechokwadi Ndivanaani?

VaKristu Vechokwadi Ndivanaani?

VaKristu Vechokwadi Ndivanaani?

“CHIKRISTU chinongoshanda kune vaya vanoziva Jesu Kristu vachiita zvaanodzidzisa.” (Bhuku rinonzi On Being a Christian) Nemashoko iwayo, nyanzvi yezvechitendero yokuGermany inonzi Hans Küng inotaura chokwadi chiri pachena chokuti: ChiKristu chechokwadi chinongowanika bedzi pavanhu vane mwoyo yakatendeseka vanoshandisa dzidziso dzaJesu.

Saka, zvakadini kana vanhu kana kuti masangano vachitaura kuti vateveri vaKristu asi vasingamboiti zvakadzidziswa naJesu? Jesu pachake akataura kuti vakawanda vaizozviti vaKristu. Vaizotaura nezvemabasa akasiyana-siyana kuti varatidze kuti vanomushumira, vachiti: “Hatina kuprofita muzita renyu, nokudzinga madhimoni muzita renyu, nokuita mabasa mazhinji esimba muzita renyu here?” Zvisinei, Jesu aizoita sei? Mashoko ake anoshamisa anojekesa kutonga kwake, anoti: “Handina kumbokuzivai! Ibvai kwandiri, imi vasingateereri mutemo.”—Mateu 7:22, 23.

Chokwadi inyevero yakasimba kune “vasingateereri mutemo” avo vanozviti vanotevera Jesu! Chimbofunga zvinhu zviviri zvinokosha zvinotaurwa naJesu kana achizoona vanhu sevaKristu vechokwadi pane kuti avarambe sevanhu vasingateereri mutemo.

“Kana Muine Rudo Pakati Penyu”

Chimwe chinhu chinotaurwa naJesu ndeichi: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sokuda kwandakakuitai, kuti nemiwo mudanane. Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”Johani 13:34, 35.

Jesu anoda kuti vateveri vake vadanane zvechokwadi uye kuti vade vamwe vanhu vose. Vamwe vaKristu vakawanda vakaita izvozvo mumazana emakore akatevera kubva zvakauya Jesu pasi pano. Asi zvakadini nemasangano akawanda ezvitendero ave achizviti anomiririra Kristu? Nhoroondo yawo yave ichizivikanwa norudo here? Kwete. Asi, ndiwo ave ari pamberi muhondo dzakawanda uye kurwisana kwakakonzera kuteura ropa risina mhaka.—Zvakazarurwa 18:24.

Izvozvo ndizvo zvave zvichiitika kusvikira munguva ino. Marudzi anozviti vaKristu ndiwo aiva pamberi pakuurayiwa kwevanhu kwakaita kuti hondo mbiri dzenyika dzikurumbire muzana remakore rechi20. Munguva ichangopfuura, nhengo dzemachechi anozviti ndeechiKristu ndidzo dzaiva pamberi pakuita utsinye hwakaipisisa uye pakuedza kuparadza rudzi kwakaitika muRwanda muna 1994. “Vaya vakanga vachirwisana muhondo idzi dzaiva nechisimba,” anonyora kudaro aimbova bhishopi mukuru Desmond Tutu, “vaiva vechitendero chimwe chete. Vakawanda vaiva vaKristu.”

“Kana Mukaramba Muri muShoko Rangu”

Chinhu chechipiri chinokosha chinofanira kuitwa nevaKristu vechokwadi chakatsanangurwa naJesu paakati: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, chokwadi muri vadzidzi vangu, muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.”—Johani 8:31, 32.

Jesu anotarisira vateveri vake kuti varambe vari mushoko rake—kureva kuti, vaomerere padzidziso dzake. Asi, vafundisi vanozviti vanotevera Kristu vaka“wedzera kugamuchira pfungwa dzechiGiriki,” inodaro nyanzvi yezvechitendero inonzi Küng. Pakati pezvimwe zvinhu, vakatsiva dzidziso dzaJesu nepfungwa dzakadai sokusafa kwomweya, kudavira purigatori, kunamata Mariya, uye kuva neboka revafundisi—pfungwa dzakatorwa pazvitendero zvechihedheni uye kuvazivi vechihedheni.—1 VaKorinde 1:19-21; 3:18-20.

Vafundisi vakatangawo dzidziso isinganzwisisiki yoUtatu, vachikwidziridza Jesu panzvimbo yaasina kumbotaura kuti anoida. Nedzidziso iyoyo, vakatsausa vanhu pakunamata Uyo aigara achinzi naJesu anamatwe—Baba vake, Jehovha. (Mateu 5:16; 6:9; Johani 14:28; 20:17) Hans Küng anonyora kuti, “Jesu paanotaura nezvaMwari, anenge achireva Mwari wekare wemisoro yemhuri inoti Abrahamu, Isaka naJakobho: Yahweh . . . Kwaari uyu ndiye Mwari oga bedzi.” Nhasi vanhu vangani vanobvuma pakarepo kuti Mwari waJesu uye Baba vake ndiYahweh—kana kuti, Jehovha, sokududzwa kunowanzoitwa zita rake mumutauro wechiShona?

Vatungamiriri vezvitendero vakatsauka zvachose pamurayiro waJesu wokuramba vasina kwavakarerekera munyaya dzezvematongerwo enyika. Muzuva raJesu, Garireya “ndiyo yaiva musimboti wourudzi,” anodaro munyori Trevor Morrow. VaJudha vakawanda vaitsigira nyika yavo vakapinda muhondo kuti vawane rusununguko mune zvematongerwo enyika uye zvechitendero. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vabatanidzwe mukurwisana kwakadaro here? Aiwa. Asi, akavaudza kuti: “Hamusi venyika.” (Johani 15:19; 17:14) Zvisinei, pane kuramba vasina kwavakarerekera, vafundisi “vakatanga dzidziso dzechisimba uye kubatanidza zvechitendero nezvematongerwo enyika” sezvakazorondedzerwa nomunyori wokuIreland Hubert Butler. Anonyora kuti, “ChiKristu chezvematongerwo enyika chinowanzova chiKristu chinoshingaira kutsigira pfungwa dzechiuto uye kana vakuru vakuru vehurumende nevafundisi vakabvumirana, Chechi inobva yakomborera mauto ehurumende kuti ibatsirwe.”

Vadzidzisi Venhema Vanoramba Jesu

Muapostora Pauro akanyevera nezvokutsauka pachiKristu chechokwadi. Akati pashure pokunge afa, “mhumhi dzinodzvinyirira” pakati pevaizviti vaKristu ‘dzaizotaura zvinhu zvisina kururama kuti dzitsause vadzidzi vadzitevere.’ (Mabasa 20:29, 30) ‘Dzaizotaura pachena kuti dzinoziva Mwari,’ asi chaizvoizvo ‘dzaizomuramba nemabasa adzo.’ (Tito 1:16) Muapostora Petro akanyeverawo kuti vadzidzisi venhema vaizo“pinza chinyararire tumapoka tunoparadza uye va[izo]ramba kunyange tenzi akavatenga.” Akati mufambiro wavo wakaipa waizoita kuti vanhu ‘vatuke nzira yechokwadi.’ (2 Petro 2:1, 2) Nyanzvi yechiGiriki W. E. Vine inoti vanhu vanoramba Kristu sezvataurwa izvi zvinoreva kuti “vari kuramba Baba noMwanakomana, vobva vava vanhu vakaramba kutenda nokuparadzira kwavanoita dzidziso dzinokuvadza.”

Jesu aizoita sei kudai vanhu vaizviti vadzidzi vaizokundikana nemaune ‘kuramba vari mushoko rake’ uye kuita zvimwe zvinhu zvaakataura? Akanyevera kuti: “Munhu wose anondiramba pamberi pevanhu, iniwo ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kumatenga.” (Mateu 10:33) Chokwadi, Jesu haarambi munhu anokanganisa pasinei nechido chake chomwoyo wose kuti ave akatendeka. Somuenzaniso, kunyange zvazvo muapostora Petro akaramba Jesu katatu, akapfidza uye akakanganwirwa. (Mateu 26:69-75) Zvisinei, Jesu anoramba vanhu kana kuti masangano ayo chaizvoizvo ari mhumhi dzakapfeka nguo dzemakwai—vanonyepedzera kutevera Kristu asi vanoramba dzidziso dzake nemaune. Nezvevadzidzisi venhema vakadaro, Jesu akati: “Muchavaziva vanhu ivavo nezvibereko zvavo.”—Mateu 7:15-20.

Vaapostora Vanofa, uye Kuramba Kutenda Kunotanga

VaKristu venhema vakatanga rini kuramba Kristu? Jesu achangofa. Iye pachake akanyevera kuti Satani Dhiyabhorosi aizokurumidza kudyara “masora,” kana kuti vaKristu venhema, pakati pe“mbeu yakanaka,” kana kuti vaKristu vechokwadi, vakadyarwa naJesu paaiita ushumiri hwake. (Mateu 13:24, 25, 37-39) Muapostora Pauro akanyevera kuti vadzidzisi vanonyengera vakanga vava kutoita basa muzuva rake. Akati, chikonzero chikuru chokutsauka kwavo padzidziso dzaJesu Kristu chaiva chokuti vakanga ‘vasingadi chokwadi’ chaizvoizvo.—2 VaTesaronika 2:10.

Nguva yose iyo vaapostora vaJesu vaivapo vakatadzisa kufambira mberi kwouku kuramba kutenda. Zvisinei, vaapostora vafa, vatungamiriri vezvitendero vachishandisa “basa rose rine simba nezviratidzo zvenhema nezvishamiso uye . . . kunyengera kwose kusina kururama” kuti vatsause vanhu vakawanda, vakaramba vachitsausa vanhu vazhinji pachokwadi chakanga chadzidziswa naJesu nevaapostora vake. (2 VaTesaronika 2:3, 6-12) Nyanzvi yokuEngland Bertrand Russell inonyora kuti, nokufamba kwenguva, ungano yepakutanga chaiyo yakachinjwa kuva sangano rechitendero “raitozokatyamadza Jesu, kunyange Pauro.”

ChiKristu Chechokwadi Chinotangwazve

Izvi zviri pachena. Kubvira pakafa vaapostora, dzidziso dzaKristu dzave dzisinganyanyi kuratidzwa mune zvave zvichiitika muzita rechiKristu. Zvisinei, zvinofadza kuti izvozvo hazvirevi kuti Jesu akakundikana kuchengeta zvaakavimbisa zvokuti aizova nevateveri vake “mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mateu 28:20) Tinogona kuva nechokwadi chokuti kubvira paakataura mashoko iwayo, pave paine vanhu vakatendeka avo vave “vachishandisa zvavanoziva nezvaJesu Kristu vachiita zvaanodzidzisa.” Jesu Kristu ave achiita zvaakavimbisa zvokutsigira vakadaro sezvavave vachiedza kuratidza rudo runozivisa vaKristu vechokwadi uye kuramba vakavimbika kuchokwadi chaakadzidzisa.

Uyezve, Jesu akavimbisa kuti mumazuva okupedzisira emamiriro ezvinhu epanguva ino, aizounganidza vadzidzi vake vakatendeka muungano inonyatsooneka yechiKristu yaaizoshandisa kuita zvaanoda. (Mateu 24:14, 45-47) Iye zvino ari kushandisa ungano iyoyo kuunganidza pamwe chete “boka guru” revarume, vakadzi, nevana “vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi” achivabatanidza kuti avatungamirire kuti vave “boka rimwe chete” pasi “pomufudzi mumwe chete.”—Zvakazarurwa 7:9, 14-17; Johani 10:16; VaEfeso 4:11-16.

Saka, buda musangano chero ripi zvaro rakasvibisa zita raKristu uye rakazvidzisa chiKristu mumakore zviuru zviviri zvadarika. Kana ukasadaro, sezvakaudzwa muapostora Johani naJesu Kristu, unga“wana mamwe matambudziko” emasangano aya paachatongwa naMwari munguva yemberi iri pedyo. (Zvakazarurwa 1:1; 18:4, 5) Tsunga kuva pakati pevaya vakataurwa nezvavo nomuprofita Mika paakati “nemazuva okupedzisira,” vanamati vechokwadi—nhengo dzechiKristu chechokwadi—vaizoteerera mirayiridzo yaMwari vo“famba mumakwara ake” okunamata kwakachena kwakatangwazve. (Mika 4:1-4) Vanobudisa magazini ino vachafara kukubatsira kuti uzive vanamati vechokwadi ivavo.

[Mifananidzo iri papeji 5]

Nei vaKristu vechokwadi vasingapindiri mune zvehondo?

[Kwazvakatorwa]

Masoja, kuruboshwe: U.S. National Archives photo; Flamethrower, kurudyi: U.S. Army Photo

[Mifananidzo iri papeji 7]

‘Ivai norudo pakati penyu’ uye ‘rambai muri mushoko rangu’ ndizvo zvinhu zvinokosha izvo Jesu akataurira vaKristu vechokwadi