Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Mumwe Nomumwe Achatakura Mutoro Wake”

“Mumwe Nomumwe Achatakura Mutoro Wake”

“Mumwe Nomumwe Achatakura Mutoro Wake”

“Mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.”—VAROMA 14:12.

1. VaHebheru vatatu vakatakura mutoro wei?

VAHEBHERU vechiduku vatatu vanogara muBhabhironi vanofanira kuita chisarudzo chichazoguma chaita kuti vaurayiwe kana kuti varambe vari vapenyu. Vanofanira kukotamira chifananidzo chakakura, sezvinodiwa nomutemo wenyika yacho here? Kana kuti vanofanira kuramba kuchinamata vokandirwa muvira romoto unopfuta kwazvo here? Shadreki, Misheki naAbhedhinego havana nguva yokumbobvunza mumwe munhu; uye havafaniri havo kubvunza. Vasingazezi, vanozivisa kuti: “Haiwa imi mambo, zivai kuti hatisi kuzoshumira vanamwari venyu, uye hatisi kuzonamata chifananidzo chendarama chamakamisa.” (Dhanieri 3:1-18) VaHebheru vatatu vakazvitakurira mutoro wavo.

2. Kutaura zvazviri, ndiani akasarudzira Pirato zvokuita naJesu Kristu, asi izvozvo zvakaita kuti gavhuna weRoma asazvidavirira here?

2 Kwapera mazana emakore matanhatu, gavhuna anzwa zviri kupomerwa murume wacho. Paanoongorora nyaya yacho, anogutsikana kuti murume ari kupomerwa haana mhosva. Zvisinei, boka revanhu rinoti anofanira kuurayiwa. Amboedza kuramba, gavhuna anoratidza kuti haadi kutakura mutoro wake uye anoita zvavataura. Achigeza maoko ake, anoti: “Handina mhosva yeropa romunhu uyu.” Zvadaro anopa mvumo yokuti murume wacho arovererwe. Chokwadi, pane kuti atakure mutoro wake wokusarudza zvokuita naJesu Kristu, Pondiyo Pirato anorega vamwe vachimusarudzira. Pasinei nokuti akageza maoko ake zvakadini, Pirato aifanira kuzvidavirira nokuti akatonga Jesu zvisina kururama.—Mateu 27:11-26; Ruka 23:13-25.

3. Nei tisingafaniri kurega vamwe vachitisarudzira zvokuita?

3 Zvakadini newe? Kana paine zvaunenge uchifanira kusarudza, unoita sevaHebheru vatatu here, kana kuti unorega vamwe vachikusarudzira? Kusarudza hakusi nyore. Unofanira kunge uine ruzivo kuti usarudze zvakanaka. Somuenzaniso, vabereki vanofanira kusarudzira vana vavo vaduku zvinhu zvakanaka. Chokwadi, kusarudza kwakaoma zvikuru kana mamiriro acho ezvinhu achinetsa uye kana paine zvinhu zvakawanda zvinoda kufungwa nezvazvo. Zvisinei, mutoro wokusarudza zvokuita haunyanyi kurema zvokuti unganzi ndoumwe wezvinhu “zvinorema” zvatingatakurirwa nevaya vane “zvinodiwa zvomudzimu.” (VaGaratiya 6:1, 2) Kusiyana naizvozvo, iwo mutoro wokuti “mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.” (VaRoma 14:12) “Mumwe nomumwe achatakura mutoro wake,” rinodaro Bhaibheri. (VaGaratiya 6:5) Saka, tingasarudza sei nokuchenjera muupenyu hwedu? Chokutanga, tinofanira kuziva zvatisingakwanisi kuita sevanhu toziva zvinodiwa kuti tiite zvinoenderana nazvo.

Chinhu Chinokosha Chatinofanira Kuita

4. Chidzidzo chipi chinokosha pakusarudza chatinofanira kudzidza kubva pakusateerera kwakaitwa nevanhu vaviri vokutanga?

4 Kare pakatanga vanhu kuvapo, vanhu vaviri vokutanga vakasarudza zvinhu zvakazoguma nenjodzi. Vakasarudza kudya muchero womuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa. (Genesisi 2:16, 17) Chii chakaita kuti vasarudze izvozvo? “Mukadzi akaona kuti muti wacho wakanga wakanakira kudya uye kuti wakanga uri chimwe chinhu chinoyevedza, chokwadi, muti wacho waifadza kutarira,” rinodaro Bhaibheri. “Naizvozvo akatanga kutora michero yawo achidya. Akazopawo murume wake paakanga ava naye, akatanga kuudya.” (Genesisi 3:6) Zvakasarudzwa naEvha zvakakonzerwa noudyire. Zvaakaita zvakaita kuti Adhamu aitewo zvakafanana. Somugumisiro, chivi uye rufu zva“kapararira kuvanhu vose.” (VaRoma 5:12) Kusateerera kwaAdhamu naEvha kunofanira kutidzidzisa chidzidzo chinokosha pamusoro pezvisingakwanisi kuitwa nomunhu: Kana asingatungamirirwi naMwari, munhu agara achida kusarudza zvinhu zvisina kunaka.

5. Jehovha ave achititungamirira sei, uye tinofanira kuitei kuti tibatsirwe nokutungamirira kwacho?

5 Tinofara chaizvo kuti Jehovha Mwari haana kungotisiya tisina chinotitungamirira! Magwaro anotiudza kuti: “Nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu richiti: ‘Iyi ndiyo nzira. Fambai nayo,’ kana muchida kutsaukira kurudyi kana kuti muchida kutsaukira kuruboshwe.” (Isaya 30:21) Jehovha anotaura nesu achishandisa Shoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri. Tinofanira kudzidza Magwaro toaziva zvakarurama. Kuti tisarudze zvakarurama, tinofanira kudya ‘zvokudya zvikukutu zvevanhu vakuru.’ “Nokurishandisa,” tinoitawo kuti ‘simba redu rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.’ (VaHebheru 5:14) Tinogona kurovedza simba redu nokuita zvatinodzidza muShoko raMwari.

6. Chii chinodiwa kuti hana yedu ishande zvakanaka?

6 Simba rehana yedu ratakaita zvokugara nhaka rinokosha pakusarudza. Hana inokwanisa kusarudza, uye tinogona “kupiwa mhosva kana kuti kunyange kupembedzwa” nayo. (VaRoma 2:14, 15) Zvisinei, kuti hana yedu ishande zvakanaka, inofanira kuvhenekerwa nezivo yakarurama yeShoko raMwari yoitwa kuti irove nokushandisa Shoko iroro. Hana isina kurovedzwa inokanganiswa nyore nyore netsika dzedu uye zvatinoita. Zvakatipoteredza nemafungiro evamwe vanhu zvinogonawo kutitsausa. Chii chinoitika kana tikaramba tichiita setisinganzwi hana yedu painenge ichirova uye patinotyora mitemo yaMwari? Nokufamba kwenguva inogona kuva nevanga “sokunge [re]simbi inoisa mucherechedzo,” yoita seganda rakatsva rine mavanga—inenge isingacharovi. (1 Timoti 4:2) Asiwo, hana yakarovedzwa neShoko raMwari inotungamirira zvakanaka.

7. Chii chinonyanya kukosha pakusarudza nokuchenjera?

7 Saka, kuziva Magwaro zvakarurama uye kukwanisa kuita zvaanotaura kunokosha kana tichizotakura mutoro wokusarudza nouchenjeri. Pane kungomhanyira kusarudza, tinofanira kuwana nguva yakawanda yokuongorora zvinotaurwa neBhaibheri toshandisa mano edu okufunga patinenge tava kuda kuzvishandisa. Kunyange kana tikangoerekana tanzi tisarudze—sezvakaitwa Shadreki, Misheki naAbhedhinego—kana tichiziva Shoko raMwari zvakarurama uye hana yedu yakarovedzwa naro, tinenge takanyatsogadzirira. Kuti tinzwisise kuti kushanda nesimba kuva vakuru kungavandudza sei mano edu okusarudza, ngatikurukurei zvinhu zviviri zvatinofanira kusarudza muupenyu.

Tichashamwaridzana Navanaani?

8, 9. (a) Ipfungwa dzipi dzinoratidza kuti hatifaniri kushamwaridzana nevakaipa? (b) Kuva neshamwari dzakaipa kunongoreva kushamwaridzana zvakananga nevanhu vasina kunaka here? Tsanangura.

8 “Musatsauswa,” muapostora Pauro akanyora kudaro. “Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.” (1 VaKorinde 15:33) Jesu Kristu akaudza vadzidzi vake kuti: “Hamusi venyika.” (Johani 15:19) Patinodzidza pfungwa idzi, zvinotiitira nyore kuona kuti nei tisingafaniri kushamwaridzana nezvifeve, mhombwe, mbavha, zvidhakwa, nevanhu vakaita seava. (1 VaKorinde 6:9, 10) Zvisinei, sezvatinowedzera kuziva chokwadi cheBhaibheri, tinoziva kuti kupedza nguva yakawanda nevanhu vakadaro patinovaona mumabhaisikopu, paterevhizheni, kana kuti pamakombiyuta kana kuti kuverenga nezvavo mumabhuku kunotikuvadzawo. Zvakangofanana nokushamwaridzana “nevaya vanovanza zvavari” panzvimbo dzokukurukurirana dzeIndaneti.—Pisarema 26:4.

9 Zvakadini nokunyanya kushamwaridzana nevaya vangave vaine tsika dzakanaka asi vasingatendi muna Mwari wechokwadi? Magwaro anotiudza kuti: “Nyika yose iri musimba reakaipa.” (1 Johani 5:19) Tava kunzwisisa kuti vanhu vanongoita madiro kana kuti vane tsika dzakaipa handivo voga shamwari dzakaipa. Saka, tinenge takachenjera kana tikanyanya kuwirirana nevaya vanoda Jehovha chete.

10. Chii chinotibatsira kusarudza zvakanaka panyaya ine chokuita nokushamwaridzana kwedu nevanhu vasinganamati Jehovha?

10 Hazviiti kuti tisatombotaura nevaya vari munyika uye hatifaniri hedu kudaro. (Johani 17:15) Kuita ushumiri hwechiKristu, kuenda kuchikoro, kuenda kubasa zvose zvinosanganisira kutaura nevanhu vasinganamati Jehovha. MuKristu akaroorana nomunhu asingatendi angatofanira kushamwaridzana nomunhu asinganamati Jehovha kupfuura zvinoita vamwe. Zvisinei, kana simba redu rokunzwisisa rakarovedzwa, tichanzwisisa kuti kuva noushamwari hune pahunogumira nevanhu vasinganamati Jehovha nokuva noushamwari hwapedyo navo zvinhu zvakasiyana. (Jakobho 4:4) Saka, tinokwanisa kusarudza zvakanaka kana tichizoitawo zvinoitwa kana chikoro chapera, zvakadai semitambo uye kutamba mimhanzi, uye kuti tichaenda here kumapati nokuenda kunodya zvinenge zvarongwa nevatinoshanda navo.

Kusarudza Basa

11. Chii chatinofanira kutanga kufunga patinenge tichisarudza basa ratingashanda?

11 Kuita zvinotaurwa neBhaibheri nenzira inoratidza kuti tine ruzivo rwezvokunamata kunotibatsira pakusarudza kuti ‘tichagovera sei nhengo dzeimba yedu.’ (1 Timoti 5:8) Tinofanira kutanga kufunga nezvorudzi rwebasa racho—zvatinenge tichifanira kuita pabasa racho. Chokwadi hazvina kunaka kusarudza basa rinotsigira zvinoshorwa zvakananga neBhaibheri. Saka vaKristu vechokwadi havashandi mabasa angasanganisira kunamata zvidhori, kuba, kushandisa ropa zvisina kukodzera, kana kuti mimwe miitiro isiri yomumagwaro. Hatizoreviwo nhema kana kuti kunyengedza, kunyange kana watinoshandira akatiudza kuti tidaro.—Mabasa 15:29; Zvakazarurwa 21:8.

12, 13. Kunze kwebasa racho pacharo, ndezvipi zvimwe zvinokosha pakusarudza zvinhu zvine chokuita nebasa ratichashanda?

12 Zvakadini kana basa racho risingakanganisi haro zvakananga zvinodiwa naMwari? Sezvatinowedzera kuziva chokwadi uye simba redu rokunzwisisa zvarinovandudzika, tinosvika pakunzwisisa zvimwe zvinhu zvinofanira kufungwa nezvazvo. Zvakadini kana basa racho richizoita kuti tiite muitiro usiri womumagwaro, wakadai sokudavira nhare panzvimbo inoitwa zvokubhejera? Tinofanirawo kufunga nezvokuri kubva mari yatinotambira uye nzvimbo yacho. Somuenzaniso, muKristu ane kambani yezvokuvaka angabvuma here kuita basa rinosanganisira kupenda imwe yechechi dzechiKristudhomu, achitsigira chitendero chenhema?—2 VaKorinde 6:14-16.

13 Zvakadini kana pane imwe nguva watinoshandira akabvuma kuita basa rokupenda nzvimbo yokunamata kwenhema? Kana zvakadaro, tinofanira kufunga nezvezvinhu zvakadai sokuti tine simba rakadini pane zviri kuitwa uye kuti tichazviita kusvika pamwero upi. Zvakadini nokuita basa risingapesani nezvinotaurwa neBhaibheri, rakadai sokuendesa tsamba kwose kwose munharaunda, kusanganisira kunzvimbo dzinokurudzira miitiro yakaipa? Pfungwa iri pana Mateu 5:45 haingashandi here? Hatifaniri kukanganwa kuti kuita basa rakadaro zuva nezuva kungakanganisa sei hana yedu. (VaHebheru 13:18) Zvechokwadi, kutakura mutoro wedu pakusarudza zvinhu zvine chokuita nebasa redu nenzira inoratidza kuti tine ruzivo rwezvokunamata zvinoda kuti tirodze masimba edu okunzwisisa uye kurovedza simba redu rehana ratakapiwa naMwari.

“Funga Nezvake Munzira Dzako Dzose”

14. Patinenge tichifanira kusarudza, zvii zvatinofanira kugara tichifunga nezvazvo?

14 Zvakadini nezvatinofanira kusarudza zvine chokuita nedzimwe nyaya, dzakadai sokutsvaka dzidzo yenyika uye kubvuma kana kuramba mamwe marapirwo? Patinenge tichifanira kusarudza chero chinhu chipi zvacho, tinofanira kunzwisisa zvinhu zvinokosha zvinotaurwa neBhaibheri toshandisa simba redu rokunzwisisa kuti tizviite. “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako,” akadaro Mambo akachenjera Soromoni weIsraeri yekare. “Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.”—Zvirevo 3:5, 6.

15. Tinodzidzei kuvaKristu vomuzana remakore rokutanga nezvokusarudza?

15 Kazhinji zvatinosarudza zvine zvazvinoita kune vamwe, uye tinofanirawo kufunga nezveizvi. Somuenzaniso, vaKristu vomuzana rokutanga remakore vakanga vasingachafaniri havo kurega kudya zvakawanda zvairambidzwa muMutemo waMosesi. Vaikwanisa kusarudza kudya zvimwe zvainzi zvakanga zvisina kuchena muMutemo uye zvakanga zvisingarambidzwi. Zvisinei, muapostora Pauro akanyora nezvenyama yemhuka ingangodaro yaiva nechokuita netemberi yezvidhori, achiti: “Kana zvokudya zvichiita kuti hama yangu igumbuke, handichazombodyizve nyama, kuti ndirege kuita kuti hama yangu igumbuke.” (1 VaKorinde 8:11-13) VaKristu vokutanga vakakurudzirwa kuti varatidze kuti vaifungawo nezvehana dzevamwe kuitira kuti vasavagumbura. Hatifaniri kusarudza “zvinhu zvinogumbura.”—1 VaKorinde 10:29, 32.

Tsvaka Uchenjeri hwaMwari

16. Munyengetero unotibatsira sei pakusarudza?

16 Munyengetero unoyamura zvikuru pakusarudza. “Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri,” anodaro mudzidzi Jakobho, “ngaarambe achikumbira Mwari, uye iye achahupiwa; nokuti iye ane rupo kuna vose uye haazvidzi.” (Jakobho 1:5) Tinogona kunyengetera kuna Mwari nechivimbo tokumbira uchenjeri hwatinoda kuti tisarudze zvakarurama. Patinoudza Mwari wechokwadi zvinotinetsa tomukumbira kuti atitungamirire, mudzimu mutsvene ungatibatsira kunzwisisa zviri nani magwaro atinenge tichiverenga wotiyeuchidza aya atingave takanganwa.

17. Vamwe vangatibatsira sei pakusarudza zvokuita?

17 Vamwe vangatibatsira here pakusarudza? Hungu, Jehovha akaita kuti muungano muve nevanhu vakawanda vane ruzivo mune zvokunamata. (VaEfeso 4:11, 12) Vanogona kubvunzwa, kunyanya kana zvatinofanira kusarudza zvakakomba. Vanhu vanonyatsonzwisisa zvokunamata zvakadzama uye vava noruzivo muupenyu vanogona kutibatsira kuona zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri zvingava zvichikosha pane zvatinenge tichisarudza votibatsira kuti ti“ve nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.” (VaFiripi 1:9, 10) Zvisinei, tinoyambirwa kuti: Tinofanira kungwarira kuti tisarega vamwe vachitisarudzira zvokuita. Isu ndisu tinofanira kutakura mutoro wacho.

Mugumisiro Wacho—Uchange Wakanaka Nguva Dzose Here?

18. Chii chingataurwa nezvomugumisiro wokusarudza zvinhu nenzira yakanaka?

18 Kana tikasarudza tichitungamirirwa neBhaibheri uye nehana dzedu zvichaguma zvakanaka nguva dzose here? Hungu, pakupedzisira zvinozoguma zvakanaka. Zvisinei, dzimwe nguva zvingaguma nedambudziko renguva pfupi. Shadreki, Misheki naAbhedhinego vaiziva kuti vangangoguma vafa nemhaka yezvavakanga vasarudza zvokusanamata chifananidzo chikuru. (Dhanieri 3:16-19) Saizvozvowo, pashure pokunge vaapostora vaudza Sanihedrini yechiJudha kuti vaifanira kuteerera Mwari somutongi kupfuura vanhu, vakarohwa vasati vasunungurwa. (Mabasa 5:27-29, 40) Uyezve, “nguva nezviitiko zvisingafanoonekwi” zvingakanganisa mugumisiro wechisarudzo chero chipi zvacho. (Muparidzi 9:11) Kana tikatambura neimwe nzira pasinei nokuti tasarudza kuita zvakarurama, tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achatibatsira kutsungirira uye achatikomborera pakupedzisira.—2 VaKorinde 4:7.

19. Tingatakura sei mutoro wedu noushingi patinenge tichisarudza zvokuita?

19 Saka, patinenge tichisarudza, tinofanira kutanga taona zvinotaurwa neMagwaro toshandisa mano edu okufunga kuti tizviite. Tinoonga zvikuru kuti Jehovha anotibatsira achishandisa mudzimu wake mutsvene nevamwe vane ruzivo rwezvokunamata vari muungano! Tichitungamirirwa saizvozvo uye tichishandisa zvose zvaanotipa, ngatitakurei mutoro wedu noushingi patinenge tichisarudza zvokuita nouchenjeri.

Wadzidzei?

• Kuti tisarudze zvakanaka, chii chinokosha chinodiwa?

• Kuwedzera kwedu ruzivo rwezvokunamata kungatibatsira sei pakusarudza kwatinoita shamwari?

• Zvii zvimwe zvinokosha zvatinofanira kufunga patinenge tichisarudza zvine chokuita nebasa ratichaita?

• Zvii zvingatibatsira pakusarudza zvokuita?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 22]

Kusateerera kwaAdhamu naEvha kunotidzidzisa chidzidzo chinokosha

[Mufananidzo uri papeji 24]

Usati wasarudza kuita chimwe chinhu chinokosha, tanga waona kuti Bhaibheri rinotii