Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Takanunurwa “Neropa Rinokosha”

Takanunurwa “Neropa Rinokosha”

“Tinofanira Kuteerera Mwari Somutongi Panzvimbo Pevanhu”

Takanunurwa “Neropa Rinokosha”

JEHOVHA akaratidza kuti ane rudo zvikuru paakatumira Mwanakomana wake akabe- rekwa ari mumwe bedzi kuti ape upenyu hwake hwakakwana sorudzikinuro. Sevanhu vanotadza, tinoda chaizvo kununurwa kwakadaro, sezvo pasina munhu asina kukwana “anogona kudzikinura kunyange hama yake, kana kupa Mwari rudzikinuro nokuda kwake . . . kuti arambe achirarama nokusingaperi.” (Pisarema 49:6-9) Tinofara kwazvo kuti Mwari “akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi”!—Johani 3:16.

Rudzikinuro runotinunura sei? Ngationei nzira ina dzatinowana nadzo rusununguko somugumisiro wokuratidza rudo zvikuru kwakaita Jehovha Mwari.

Kusunungurwa Norudzikinuro

Kutanga, chibayiro chaJesu chinogona kutinunura pachivi chatakagara nhaka. Tose zvedu tinozvarwa tiine chivi. Chokwadi, tinenge tiine chivi kunyange patinenge tisati tava kukwanisa kutyora mutemo waJehovha. Sei? VaRoma 5:12 inoti: ‘Chivi chakapinda munyika nomunhu mumwe chete Adhamu uye rufu rwakapinda nechivi.’ Sevana vanotadza vaAdhamu, takagara nhaka kusakwana. Zvisinei, mubhadharo worudzikinuro unoita kuti tikwanise kusunungurwa pachivi chatakagara nhaka. (VaRoma 5:16) Jesu ‘akaravira rufu nokuda kwevanhu vose,’ achitakurira vana vaAdhamu migumisiro yechivi.—VaHebheru 2:9; 2 VaKorinde 5:21; 1 Petro 2:24.

Chechipiri, rudzikinuro runogona kutisunu- ngura pamigumisiro inouraya yechivi. “Mubayiro wechivi ndi- rwo rufu.” (VaRoma 6:23) Mu- tongo wechivi rufu. Norufu rwa- ke rwechibayiro, Mwanakomana waMwari akaita kuti vanhu vanoteerera vakwanise kuzowana upenyu husingaperi. Zvechokwadi, “anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi; asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu.”—Johani 3:36.

Ona kuti tinogona kununurwa pamigumisiro yechivi kana bedzi tichitenda muMwanakomana waMwari. Izvi zvinosanganisira kuchinja upenyu hwedu uye kurarama maererano nokuda kwaMwari. Tinofanira kurega mararamiro api neapi akaipa atingadaro tichiita uye tinofanira kuita zvinofadza Mwari. Muapostora Petro akataura kuti tinofanira ‘kupfidza uye kutendeuka kuti zvivi zvedu zvidzimwe.’—Mabasa 3:19.

Chechitatu, chibayiro chakapiwa naJesu chinotisunungura pahana ine mhosva. Vose vanozvitsaurira kuna Jehovha vova vadzidzi voMwanakomana wake vakabhabhatidzwa vanonyaradzwa. (Mateu 11:28-30) Pasinei nokusakwana kwedu, tinowana mufaro mukuru mukushumira Mwari nehana yakachena. (1 Timoti 3:9; 1 Petro 3:21) Kana tikareurura zvivi zvedu torega kuzviitazve, tinonzwirwa ngoni uye hana yedu inenge ichinetseka inosununguka.—Zvirevo 28:13.

Kupa Rubatsiro Netariro

Pakupedzisira, kana tikatenda murudzikinuro, tinonunurwa pakutya zvine chokuita noukama hwedu naMwari. Muapostora Johani akanyora kuti: “Kana munhu akatadza, tine mubatsiri ari kuna Baba, iye Jesu Kristu.” (1 Johani 2:1) Nezvebasa raJesu somubatsiri, muapostora Pauro akanyora kuti: “Anokwanisawo kuponesa zvakakwana vaya vanosvika kuna Mwari vachishandisa iye, nokuti anogara ari mupenyu kuti ateterere nokuda kwavo.” (VaHebheru 7:25) Chero bedzi tine chivi, tinoda kubatsirwa noMupristi Mukuru Jesu Kristu kuti tive noukama hwakanaka naMwari. Jesu akatiitirei somupristi mukuru?

Mazuva makumi maviri amutswa muna 33 C.E., Jesu akakwira kudenga, kwaakaratidza Mwari kushanda ‘kweropa rake rinokosha.’ Somugumisiro, Jesu achakurumidza kusunungura vanhu vanoteerera kubva muchivi norufu. * (1 Petro 1:18, 19) Saka, haubvumi here kuti zvakakodzera kuti tide uye titeerere Jesu?

Uyezve, zvakakodzera kuti tide uye titeerere Jehovha Mwari. Norudo akaita kuti tikwanise ‘kusunungurwa norudzikinuro.’ (1 VaKorinde 1:30) Tine chikwereti kwaari kwete bedzi choupenyu hwatinahwo iye zvino asiwo tariro ipi neipi yatinayo yokurarama upenyu husingaperi. Saka tine zvikonzero zvo“kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:29.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 12 Ona Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2006, yaMarch/April.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 9]

WAIZVIZIVA HERE?

• Jesu akakwira kudenga ari paGomo reMiorivhi.—Mabasa 1:9, 12.

• Vaapostora vaJesu vakanga vakatendeka ndivo chete vakaona achikwira kudenga.—Mabasa 1:2, 11-13.