Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Endai Munoita Vadzidzi, Muchivabhabhatidza’

‘Endai Munoita Vadzidzi, Muchivabhabhatidza’

‘Endai Munoita Vadzidzi, Muchivabhabhatidza’

“Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza . . . , muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”—MATEU 28:19, 20.

1. Rudzi rwaIsraeri rwakasarudzei mujinga meGomo reSinai?

MAKORE anenge 3 500 akapfuura, vanhu vorumwe rudzi rwose vakapika mhiko kuna Mwari. Vakaungana mujinga meGomo reSinai, vaIsraeri vakazivisa pachena kuti: “Tinoda kuita zvose zvataurwa naJehovha.” Kubvira panguva iyoyo, vaIsraeri vakava rudzi rwakazvitsaurira kuna Mwari, “pfuma ya[ke] chaiyo.” (Eksodho 19:5, 8; 24:3) Vaitarisira kudzivirirwa naye uye kugara kwezvizvarwa nezvizvarwa munyika “inoyerera mukaka nouchi.”—Revhitiko 20:24.

2. Nhasi vanhu vanogona kuva noukama hwakadini naMwari?

2 Zvisinei, sokutaura kwakaita munyori wepisarema Asafi, vaIsraeri “havana kuchengeta sungano yaMwari, uye vakaramba kufamba mumutemo wake.” (Pisarema 78:10) Vakatadza kuchengeta mhiko yakanga yapikwa nemadzibaba avo kuna Jehovha. Rudzi rwacho rwakaguma rusisina ukama ihwohwo hunokosha naMwari. (Muparidzi 5:4; Mateu 23:37, 38) Naizvozvo, Mwari “akafunga nezvemamwe marudzi kuti atore maari vanhu vezita rake.” (Mabasa 15:14) Uye mumazuva ano okupedzisira, ari kuunganidza “boka guru revanhu, . . . vasingakwanisi kuverengwa nomunhu, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi,” vanobvuma nomufaro kuti: “Tinowana ruponeso kuna Mwari wedu, agere pachigaro choumambo, uye kuGwayana.”—Zvakazarurwa 7:9, 10.

3. Munhu anofanira kutora matanho api kuti ave noukama naMwari?

3 Kuti munhu ave mumwe wevaya vane ukama ihwohwo hunokosha naMwari, anofanira kuzvitsaurira kuna Jehovha okuratidza pachena nokubhabhatidzwa mumvura. Kuzvitsaurira nokubhabhatidzwa kunoratidza kuteerera murayiro wakananga waJesu waakapa vadzidzi vake wokuti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) VaIsraeri vaiteerera paiverengwa “bhuku resungano.” (Eksodho 24:3, 7, 8) Saka, vainzwisisa zvavaifanira kuitira Jehovha. Saizvozvowo nhasi, zvinokosha kuti munhu ave nezivo yakarurama yezvinodiwa naMwari zvinowanikwa muShoko rake, Bhaibheri, asati atora danho rokubhabhatidzwa.

4. Munhu anofanira kuitei kuti anzi akakodzera kubhabhatidzwa? (Taurawo mashoko omubhokisi riri pamusoro apa.)

4 Zviri pachena kuti Jesu aida kuti vadzidzi vake vave nokutenda kune hwaro hwakasimba vasati vabhabhatidzwa. Haana kungorayiridza vateveri vake kuti vaende kunoita vadzidzi asiwo kuti vavadzidzise ‘kuchengeta zvinhu zvose zvaakanga arayira.’ (Mateu 7:24, 25; VaEfeso 3:17-19) Naizvozvo, vaya vanozonzi vakakodzera kubhabhatidzwa kazhinji vanenge vadzidza Bhaibheri kwemwedzi yakawanda kana kuti kunyange kwegore kana kuti makore maviri, kuitira kuti vasangokurumidza kusarudza kubhabhatidzwa vasingazivi zvavari kuita. Musi wavanobhabhatidzwa, vanenge vachida kubhabhatidzwa vanopindura kuti hungu mibvunzo miviri inokosha. Sezvo Jesu akati ‘Hungu wedu ngaangova Hungu, Aiwa wedu Aiwa,’ zvingatibatsira tose kana tikanyatsoongorora kukosha kunoita mibvunzo miviri iyi inobvunzwa vanenge vachida kubhabhatidzwa.—Mateu 5:37.

Kupfidza uye Kuzvitsaurira

5. Matanho api maviri anokosha anosimbiswa nomubvunzo wokutanga unobvunzwa vanoda kubhabhatidzwa?

5 Mubvunzo wokutanga unobvunzwa vanoda kubhabhatidzwa ndewokuti anoda kubhabhatidzwa wacho akapfidza here mararamiro ake ekare uye akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha kuti aite zvaanoda here. Mubvunzo uyu unosimbisa matanho maviri anokosha anofanira kutorwa munhu wacho asati abhabhatidzwa, okupfidza uye kuzvitsaurira.

6, 7. (a) Nei vose vanoda kubhabhatidzwa vachifanira kupfidza? (b) Kana munhu apfidza ndezvipi zvaanofanira kuchinja?

6 Nei munhu achifanira kupfidza asati abhabhatidzwa? Muapostora Pauro anotsanangura kuti: “Pane imwe nguva isu tose takambozvibata maererano nokuchiva kwenyama yedu.” (VaEfeso 2:3) Tisati taziva zvinodiwa naMwari zvakarurama, tairarama maererano nenyika, maererano netsika dzayo uye zvainoda. Mararamiro edu aidzorwa naMwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino, Satani. (2 VaKorinde 4:4) Zvisinei, zvatava kuziva zvinodiwa naMwari, takatsunga kurega kuraramira “kuchiva kwevanhu, asi kuda kwaMwari.”—1 Petro 4:2.

7 Mararamiro matsva aya ane zvakawanda zvaanobatsira. Zvinokosha zvikuru, anoita kuti munhu ave noukama hunokosha naJehovha, uhwo Dhavhidhi akaenzanisa nokukokwa kuti upinde “mutende” raMwari uye ‘mugomo dzvene’—ropafadzo yakakura chaizvo. (Pisarema 15:1) Zvine musoro kuti Jehovha haangokoki munhu wose wose asi vaya bedzi ‘vanofamba vasina mhosva uye vanoita zvakarurama uye vanotaura chokwadi mumwoyo yavo.’ (Pisarema 15:2) Zvichienderana nemamiriro aiva akaita zvinhu zvedu tisati tadzidza chokwadi, kuita zvinotaurwa murugwaro urwu kungareva kuti pane zvatinofanira kuchinja—mufambiro wedu uye unhu hwedu. (1 VaKorinde 6:9-11; VaKorose 3:5-10) Chinokurudzira munhu kuti achinje zvakadaro kupfidza—kuzvidemba zvakadzama nezvemararamiro ataimboita uye kutsunga zvakasimba kufadza Jehovha. Izvi zvinoita kuti munhu atendeuke zvachose—achisiya mararamiro oudyire, enyika, ova nemararamiro anofadza Mwari.—Mabasa 3:19.

8. Tinozvitsaurira sei, uye kuzvitsaurira kunei chokuita nokubhabhatidzwa?

8 Chikamu chechipiri chomubvunzo wokutanga unobvunzwa vanoda kubhabhatidzwa ndechokuti vanoda kubhabhatidzwa vacho vakazvitsaurira kuna Jehovha here kuti vaite zvaanoda. Kuzvitsaurira idanho rinokosha rinofanira kutanga ratorwa munhu asati abhabhatidzwa. Kunoitwa nokunyengetera, patinotaura chido chedu chomwoyo wose chokupa Jehovha upenyu hwedu nokuna Kristu. (VaRoma 14:7, 8; 2 VaKorinde 5:15) Jehovha anobva ava Tenzi wedu uye Muridzi wedu, uye kufanana naJesu tinofara kuita zvinodiwa naMwari. (Pisarema 40:8; VaEfeso 6:6) Vimbiso iyi yokuti wazvitsaurira kuna Jehovha inongoitwa kamwe chete bedzi. Zvisinei, sezvo tichizvitsaurira tiri toga, kuzivisa pachena kwatinozoita musi wokubhabhatidzwa kunoita kuti munhu wose azive kuti takazvitsaurira kuna Baba vedu vokudenga.—VaRoma 10:10.

9, 10. (a) Kuita zvinodiwa naMwari kunosanganisirei? (b) Kunyange vakuru vakuru vevaNazi vakanzwisisa sei kukosha kwokuzvitsaurira kwedu?

9 Kutevera muenzaniso waJesu wokuita zvinodiwa naMwari kunosanganisirei? Jesu akati kuvadzidzi vake: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rokutambudzikira, arambe achinditevera.” (Mateu 16:24) Pano akataura zvinhu zvitatu zvatinofanira kuita. Chokutanga, ‘tinozviramba.’ Nemamwe mashoko, tinoramba mafungiro edu oudyire, asina kukwana, tobvuma zvinotaurwa naMwari uye kutitungamirira kwaanoita. Chechipiri, ‘tinotora danda redu rokutambudzikira.’ Mumazuva aJesu danda rokutambudzikira rairatidza kuti munhu anyadziswa uye atambura. SevaKristu, tinobvuma kuti dzimwe nguva tingatambudzirwa mashoko akanaka. (2 Timoti 1:8) Kunyange zvazvo nyika ingatiseka kana kutizvidza, kufanana naKristu hatina ‘hanya nokunyadziswa,’ tichifara kuziva kuti tiri kufadza Mwari. (VaHebheru 12:2) Chokupedzisira, ‘tinoramba’ tichitevera Jesu.—Pisarema 73:26; 119:44; 145:2.

10 Zvinofadza kuti kunyange vamwe vanhu vanoshora vanonzwisisa kukosha kwokuzvitsaurira kwakaita Zvapupu zvaJehovha kuna Mwari kuti zvimushumire iye oga. Somuenzaniso, mumusasa wevasungwa weBuchenwald weNazi kuGermany, Zvapupu zvakaramba kusiya zvazvaitenda zvaifanira kusayina gwaro rinotevera rakadhindwa kuti: “Ndichiri Mudzidzi weBhaibheri akazvipira uye handizomboputsi mhiko yandakapika kuna Jehovha.” Chokwadi izvi zvinonyatsoratidza maonero evashumiri vaMwari vose vakazvitsaurira, vakatendeka!—Mabasa 5:32.

Kuzivikanwa Somumwe weZvapupu zvaJehovha

11. Munhu anobhabhatidzwa anowana ropafadzo yei?

11 Mubvunzo wechipiri ndewokuti, chokutanga anoda kubhabhatidzwa anonzwisisa here kuti kubhabhatidzwa kwake kunoita kuti azivikanwe pachena kuti ava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Pashure pokunge abhabhatidzwa, anova mushumiri akagadzwa anoshevedzwa nezita raJehovha. Iyi iropafadzo yakakura uye mutoro wakakomba. Zvinoitawo kuti abhabhatidzwa wacho ave netariro yokuponeswa nokusingaperi, kana akaramba akatendeka kuna Jehovha.—Mateu 24:13.

12. Zvii zvaunofanira kuita kuti urambe uine ropafadzo yokushevedzwa nezita raJehovha?

12 Zvechokwadi, iropafadzo inoshamisa kushevedzwa nezita raMwari wemasimbaose, Jehovha. Muprofita Mika akati: “Marudzi ose, achafamba rumwe norumwe nezita ramwari warwo; asi isu, tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingagumi, kunyange nokusingaperi.” (Mika 4:5) Zvisinei, pane zvatinofanira kuita kuti tirambe tiine ropafadzo iyi. Tinofanira kuedza kurarama nenzira ichakudza zita ratinoshevedzwa naro. Sezvakayeuchidzwa vaKristu vaiva muRoma naPauro, kana munhu asingaiti zvaanoparidza, zita raMwari rino“mhurwa,” kana kuti kuzvidzwa.—VaRoma 2:21-24.

13. Nei vashumiri vaJehovha vakazvitsaurira vaine basa rokupupurira nezvaMwari wavo?

13 Munhu paanova mumwe weZvapupu zvaJehovha, anobvumawo basa rokupupurira nezvaMwari wake. Jehovha akakumbira rudzi rwaIsraeri rwakanga rwakazvitsaurira kuti ruve zvapupu zvake kuitira kuti rupupurire kuti ndiye akakodzera kuva Mwari nokusingagumi. (Isaya 43:10-12, 21) Asi rudzi rwacho rwakatadza kuita izvi, uye rwakapedzisira rwarambwa naJehovha zvachose. Nhasi, vaKristu vechokwadi vanodada kuti vane ropafadzo yokupupurira nezvaJehovha. Tinodaro nokuti tinomuda uye tinoshuva kuti dai zita rake ratsveneswa. Tinganyarara sei isu tichiziva chokwadi nezvaBaba vedu vokudenga uye nezvechinangwa chavo? Tinonzwa semanzwiro aiita muapostora Pauro paakati: “Ndinofanira kuzviita. Chokwadi, ndine nhamo kana ndikasazivisa mashoko akanaka!”—1 VaKorinde 9:16.

14, 15. (a) Sangano raJehovha rinobatsira sei kuti tifambire mberi pakunamata? (b) Zvinhu zvipi zviripo zvinotibatsira pakunamata?

14 Mubvunzo wechipiri unoyeuchidzawo anoda kubhabhatidzwa nezvomutoro wake wokushanda pamwe nesangano raJehovha rinotungamirirwa nomudzimu. Hatikwanisi kushumira Mwari tiri toga, uye tinoda kubatsirwa, kutsigirwa, uye kukurudzirwa ne“sangano rose rehama.” (1 Petro 2:17; 1 VaKorinde 12:12, 13) Sangano raMwari rinoita basa rinokosha kuti tifambire mberi pakunamata. Rinotipa mabhuku eBhaibheri akawanda anotibatsira kuwedzera zivo yakarurama, kuita nokuchenjera patinotarisana nezvinetso, uye kuva noukama hwepedyo naMwari. Sezvinoita amai vanova nechokwadi chokuti mwana wavo anowana zvokudya zvakanaka uye anonyatsotarisirwa, “muranda akatendeka, akangwara” anotipa zvokudya zvine chokuita nokunamata zvakawanda chaizvo panguva yakakodzera kuitira kuti tifambire mberi pakunamata.—Mateu 24:45-47; 1 VaTesaronika 2:7, 8.

15 Pamisangano yevhiki nevhiki, vanhu vaJehovha vanorovedzwa uye vanokurudzirwa kuti vave Zvapupu zvaJehovha zvakatendeka. (VaHebheru 10:24, 25) Chikoro chaMwari Choushumiri chinotidzidzisa kutaura pane vanhu vakawanda, uye Musangano Webasa unotirovedza kutaura shoko redu zvinobudirira. Pamisangano yedu uye nokudzidza mabhuku eBhaibheri tiri toga, tinogona kuona mudzimu waJehovha uchishanda, uchitungamirira sangano rake. Achishandisa urongwa uhwu hwenguva dzose, Mwari anotinyevera kuti tingwarire ngozi, anotirovedza kuva vashumiri vanobudirira, uye anotibatsira kuti tirambe takamuka pakunamata.—Pisarema 19:7, 8, 11; 1 VaTesaronika 5:6, 11; 1 Timoti 4:13.

Chinoita Kuti Munhu Ade Kubhabhatidzwa

16. Chii chinoita kuti tizvitsaurire kuna Jehovha?

16 Nokudaro mibvunzo miviri inobvunzwa vanoda kubhabhatidzwa inovayeuchidza nezvokukosha kwokubhabhatidzwa mumvura uye zvavanofanira kuita kana vabhabhatidzwa. Saka, chii chinofanira kuita kuti vasarudze kubhabhatidzwa? Tinova vadzidzi vakabhabhatidzwa, kwete nokuti pane ari kutimanikidza, asi nokuti Jehovha ‘anoita kuti tiuye.’ (Johani 6:44) Sezvo “Mwari [ari] rudo,” anotonga zvinhu zvose norudo, haaiti zvokumanikidza. (1 Johani 4:8) Unhu hwaJehovha hwomutsa nenzira yaanotibata nayo ndizvo zvinoita kuti tiuye kwaari. Jehovha akatipa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga uye anoti achatipa ramangwana rakanaka kwazvo. (Johani 3:16) Isuwo tinokurudzirwa kumupa upenyu hwedu—kuzvitsaurira kwaari.—Zvirevo 3:9; 2 VaKorinde 5:14, 15.

17. Hatina kuzvitsaurira kuchii?

17 Hatizvitsauriri kune chimwe chinhu kana kuti kune rimwe basa, asi kuna Jehovha pachake. Basa iro Mwari anoda kuti vanhu vake vaite richachinja, asi kuzvitsaurira kwavo kwaari kunoramba kwakadaro. Somuenzaniso, zvaakaudza Abrahamu kuti aite zvakanga zvakasiyana chaizvo nezvaakaudza Jeremiya. (Genesisi 13:17, 18; Jeremiya 1:6, 7) Asi, vose vari vaviri vakaita mabasa avakapiwa naMwari nokuti vaida Jehovha uye vaishuva kuita zvaanoda vakatendeka. Munguva ino yomugumo, vateveri vaKristu vose vakabhabhatidzwa vanoedza kuita murayiro waKristu wokuparidza mashoko akanaka oUmambo uye wokuita vadzidzi. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Kuita basa iroro nomwoyo wose inzira yakanaka kwazvo yokuratidza nayo kuti tinoda Baba vedu vokudenga uye kuti zvechokwadi takazvitsaurira kwavari.—1 Johani 5:3.

18, 19. (a) Patinobhabhatidzwa, tinotaura pachena kutii? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

18 Pasina mubvunzo, kubhabhatidzwa kunotivhurira mukana wokuwana zvikomborero zvakawanda, asi harisi danho rinongotorwa munhu asina kufungisisa. (Ruka 14:26-33) Kunoratidza kuti tatsunga kuita chinhu chinokosha kudarika zvimwe zvose zvatingave tichifanira kuita. (Ruka 9:62) Patinobhabhatidzwa, kutaura zvazviri tiri kutaura pachena kuti: “Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingagumi, kunyange nokusingaperi. Iye achatitungamirira kusvikira tafa.”—Pisarema 48:14.

19 Nyaya inotevera ichaongorora mimwe mibvunzo ingamuka ine chokuita nokubhabhatidzwa mumvura. Pangava nezvikonzero zvakanaka here zvokuti munhu arege kubhabhatidzwa? Zera rinofanira kutariswa here? Vanhu vose vangabatsira sei kuti chiitiko chokubhabhatidzwa chikudzwe?

Ungatsanangura Here?

• Nei muKristu mumwe nomumwe achifanira kupfidza asati abhabhatidzwa?

• Kuzvitsaurira kuna Mwari kunosanganisirei?

• Zvii zvatinofanira kuita kuti tirambe tiine ropafadzo yokushevedzwa nezita raJehovha?

• Chii chinofanira kuita kuti tisarudze kubhabhatidzwa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 22]

MIBVUNZO MIVIRI INOBVUNZWA VANODA KUBHABHATIDZWA

Nokuda kwechibayiro chaJesu Kristu, wakapfidza zvivi zvako ndokuzvitsaurira kuna Jehovha kuti uite zvaanoda here?

Unonzwisisa here kuti kuzvitsaurira kwako uye kubhabhatidzwa zvinoita kuti uve mumwe weZvapupu zvaJehovha wakabatana nesangano raMwari rinotungamirirwa nomudzimu?

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kuzvitsaurira ivimbiso inoitwa kuna Jehovha uchinyengetera

[Mufananidzo uri papeji 25]

Basa rokuparidza ratinoita rinoratidza kuti takazvitsaurira kuna Mwari