Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuita Zvinodiwa Kuti Ukwanise Kubhabhatidzwa somuKristu

Kuita Zvinodiwa Kuti Ukwanise Kubhabhatidzwa somuKristu

Kuita Zvinodiwa Kuti Ukwanise Kubhabhatidzwa somuKristu

“Chii chinonditadzisa kubhabhatidzwa?”—MABASA 8:36.

1, 2. Firipi akatanga sei kukurukura nomukuru mukuru wokuItiopiya, uye chii chinoratidza kuti murume uyu aifarira zvokunamata?

JESU ava negore kana kuti maviri afa, mumwe mukuru mukuru wehurumende akanga achienda kumaodzanyemba ari mumugwagwa waibva kuJerusarema uchienda kuGaza. Akanga achiri kufanira kufamba nengoro rwendo runonetesa rwemakiromita anenge 1 500. Murume uyu akazvipira akanga afamba kubva kure kure kuItiopiya achienda kuJerusarema kuti anonamata Jehovha. Parwendo rwake rurefu rwokudzokera, akanga ari kushandisa nguva yake nokuchenjera achiverenga Shoko raMwari—kuratidza kuti aiva nokutenda zvikuru. Jehovha akaona kuti murume uyu aimuda nomwoyo wose, uye achishandisa ngirozi, Akarayira mudzidzi Firipi kuti amuparidzire.—Mabasa 8:26-28.

2 Firipi akaona zviri nyore kutanga kukurukura naye, nokuti mukuru mukuru wacho wokuItiopiya akanga ari kuverenga zvinonzwika, tsika yakanga yakajairika mazuva iwayo. Nokudaro Firipi akakwanisa kunzwa kuti akanga ari kuverenga mupumburu waIsaya. Mubvunzo mumwe chete uri nyore wakabvunzwa naFiripi wakaita kuti murume wacho ade kuziva: “Unonyatsoziva zvauri kuverenga here?” Izvi zvakaita kuti vatange kukurukura Isaya 53:7, 8. Pakupedzisira, Firipi “akamuzivisa mashoko akanaka pamusoro paJesu.”—Mabasa 8:29-35.

3, 4. (a) Nei Firipi asina kunonoka kubhabhatidza muItiopiya? (b) Iye zvino tichakurukura mibvunzo ipi?

3 Munguva pfupi, muItiopiya wacho akanzwisisa basa raJesu muchinangwa chaMwari, uyewo kuti iye aifanira kuva mudzidzi waKristu akabhabhatidzwa. “Chii chinonditadzisa kubhabhatidzwa?” akabvunza Firipi paakaona mvura zhinji yaiva pedyo. Chokwadi, izvi hazviitiki nguva dzose. Mukuru mukuru uyu akanga ari murume aiva nokutenda aitonamata Mwari ari mutendeuki wechiJudha. Pamwe zvaizotora nguva refu asati awana mumwe mukana wokubhabhatidzwa. Zvinotokosha zvikuru, murume uyu ainzwisisa zvaidiwa naMwari kwaari, uye aida kuzviita nomwoyo wose. Firipi akabvuma kumubhabhatidza achifara, uye muItiopiya wacho abhabhatidzwa, “akaramba achienda zvake achifara.” Hapana mubvunzo kuti akanova muparidzi anoshingaira wemashoko akanaka kumusha kwake.—Mabasa 8:36-39.

4 Kunyange zvazvo matanho okuzvitsaurira nokubhabhatidzwa asingafaniri kungotorwa munhu asina kufungisisa kana kuti kungokurumidza kutorwa, muenzaniso womukuru mukuru wokuItiopiya unoratidza kuti pane dzimwe nguva vanhu vakabhabhatidzwa vaine nguva pfupi vanzwa chokwadi cheShoko raMwari. * Saka zvakakodzera kufunga nezvemibvunzo inotevera: Munhu anofanira kugadzirira chii asati abhabhatidzwa? Zera rinofanira kutariswa kusvika papi? Munhu anofanira kuratidza kuti afambira mberi mune zvokunamata kusvika papi asati abhabhatidzwa? Chinotonyanya kukosha, nei Jehovha achida kuti vashumiri vake vatore danho iri?

Vimbiso Yokumushumira

5, 6. (a) Munguva yakapfuura vanhu vaMwari vakagamuchira sei rudo rwaJehovha? (b) Kana tangobhabhatidzwa chete, ukama hupi hwapedyo hwatinogona kuva nahwo naMwari?

5 Anunura vaIsraeri muIjipiti, Jehovha aida kuvagamuchira ‘sepfuma yake chaiyo,’ kuti avade uye avadzivirire uye kuti aite kuti vave “rudzi rutsvene.” Zvisinei, kuti vanhu vawane zvikomborero zvakadaro, vaifanira kugamuchira rudo rwaMwari zvakananga. Vanhu vakaita izvi nokubvuma kuita ‘zvose zvakanga zvataurwa naJehovha’ uye kuita sungano naye. (Eksodho 19:4-9) Muzana remakore rokutanga, Jesu akarayira vateveri vake kuti vaite kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, uye vaya vakabvuma zvaaidzidzisa vakabhabhatidzwa. Kuti vave noukama hwakanaka naMwari vaifanira kutenda muna Jesu Kristu vozobhabhatidzwa.—Mateu 28:19, 20; Mabasa 2:38, 41.

6 Nhoroondo idzi dzomuMagwaro dzinoratidza kuti Jehovha anokomborera vaya vanovimbisa nomwoyo wose kuti vachamushumira voramba vachimushumira. KuvaKristu, kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa matanho anodiwa anoita kuti tikomborerwe naJehovha. Takatsunga kutevera nzira dzake uye kutsvaka kutungamirirwa naye. (Pisarema 48:14) Somugumisiro, Jehovha anoita seanotibata ruoko otitungamirira munzira yatinofanira kufamba nayo.—Pisarema 73:23; Isaya 30:21; 41:10, 13.

7. Nei tichifanira kuzvisarudzira panyaya yokuzvitsaurira nokubhabhatidzwa?

7 Kuda Jehovha uye chido chokumushumira ndizvo zvinofanira kuita kuti titore matanho aya. Hapana munhu anofanira kungobhabhatidzwa nokuti mumwe munhu anomuudza kuti nguva yaadzidza yareba kana kuti nokuti shamwari dzake dziri kubhabhatidzwa. Zvinhu zvinongoitika kuti vabereki nevamwe vaKristu vakasimba pakunamata vangakurudzira munhu kuti afunge nezvokuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa. Muapostora Petro akakurudzira vaya vaimunzwa paPendekosti kuti va“bhabhatidzwe.” (Mabasa 2:38) Kunyange zvakadaro, nyaya yokuzvitsaurira ndeyokuzvisarudzira, uye hapana mumwe angazvitsaurira nokuda kwedu. Tinofanira kuzvisarudzira kuita zvinoda Mwari.—Pisarema 40:8.

Kugadzirira Zvakakwana Kuti Ubhabhatidzwe

8, 9. (a) Nei kubhabhatidza mucheche kusingaenderani neMagwaro? (b) Vaduku vanofanira kunge vava kunzwisisa chii vasati vabhabhatidzwa?

8 Vana vanokwanisa kusarudza kuti vanoda kuzvitsaurira here? Magwaro haatauri kuti munhu anofanira kubhabhatidzwa ava nemakore mangani. Kunyange zvakadaro, hazviiti kuti vacheche vave vatendi, vaite zvisarudzo zvokutenda, kana kuti vazvitsaurire kuna Mwari. (Mabasa 8:12) NezvevaKristu vomuzana remakore rokutanga, munyori wenhau Augustus Neander anoti mubhuku rake rinonzi General History of the Christian Religion and Church: “Pakutanga vanhu vakuru chete ndivo vaibhabhatidzwa, nokuti vanhu vakanga vakajaira kuti kubhabhatidzwa kunofambirana nokutenda.”

9 Dzimwe pwere dzinokwanisa kunzwisisa zvinhu zvinokosha nezvaMwari nezvinangwa zvake dzova nechido chokuita zvaanoda dzichiri duku zvikuru, asi dzimwe dzinozozvinzwisisa dzakura. Zvisinei, muduku asati abhabhatidzwa, iye pachake anofanira kuva noukama naJehovha, anofanira kunzwisisa zvakarurama Magwaro anokosha, uye kunyatsonzwisisa kuti kuzvitsaurira kunosanganisirei, sezvinongotarisirwawo kuvanhu vakuru.

10. Matanho api anofanira kutorwa nomunhu asati azvitsaurira uye kubhabhatidzwa?

10 Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vadzidzise vatsva zvinhu zvose zvaakanga arayira. (Mateu 28:20) Saka chokutanga, vatsva vanofanira kuwana zivo yakarurama yechokwadi, inozoita kuti vave nokutenda muna Jehovha uye muShoko rake. (VaRoma 10:17; 1 Timoti 2:4; VaHebheru 11:6) Zvadaro, chokwadi chomuMagwaro pachinobaya mwoyo womunhu, chinoita kuti apfidze uye achinje mararamiro aaimboita. (Mabasa 3:19) Pakupedzisira, munhu wacho anosvika pakuti anoshuva kuzvitsaurira kuna Jehovha uye kubhabhatidzwa, sezvakarayirwa naJesu.

11. Nei zvichikosha kuti tiite basa rokuparidza nguva dzose tisati tabhabhatidzwa?

11 Rimwe danho rinokosha pakufambira mberi kuti ubhabhatidzwe nderokuita basa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo. Iri ndiro basa rinonyanya kukosha rakanzi naJehovha vanhu vake vaite mumazuva ano okupedzisira. (Mateu 24:14) Saka vaparidzi vasina kubhabhatidzwa vanogona kuwana mufaro wokuudza vamwe zvavanotenda. Kuita basa iri kunoitawo kuti vagadzirire kuita ushumiri hwomumunda nguva dzose uye vachishingaira kana vazobhabhatidzwa.—VaRoma 10:9, 10, 14, 15.

Pane Chiri Kukutadzisa Kubhabhatidzwa Here?

12. Chii chingatadzisa vamwe kubhabhatidzwa?

12 Vamwe vangatadza kubhabhatidzwa nokuti havadi kuita zvavanofanira kuzoita kana vabhabhatidzwa. Vanoziva kuti vachafanira kuchinja zvinhu zvakawanda muupenyu hwavo kuti vaite zvinodiwa naJehovha. Kana kuti vangatya kuti vachaomerwa nokurarama maererano nezvinodiwa naMwari kana vabhabhatidzwa. Vamwe vangatofunga kuti, “Pamwe rimwe zuva ndichakanganisa ndodzingwa muungano.”

13. Jesu paaiva pasi pano, chii chakaita kuti vamwe varege kuva vateveri vake?

13 Jesu paaiva pasi pano, vamwe vakarega zvinhu zvavo pachavo zvichivavhiringidza uye vomumhuri vachivavhiringidza kuva vadzidzi vake. Mumwe munyori akazivisa kuti aizotevera Jesu kwose kwaaienda. Asi Jesu akati akanga asina kana pokurara kakawanda. Jesu paakakoka mumwe akanga akateerera kuti ave muteveri wake, murume uyu akapindura kuti aizofanira kutanga ano“viga” baba vake. Angangodaro aida kugara kumba omirira kusvikira baba vake vafa pane kuti atevere Jesu ozotarisira mutoro iwoyo kana vafa. Pakupedzisira, mumwe wechitatu akati aida kuno“oneka” veimba yake asati atevera Jesu. Jesu akarondedzera kuverengera kwakadaro achiti ku“tarira zvinhu zviri shure.” Saka, zvinoita sokuti vaya vanoda kuverengera vachagara vachingowana zvikonzero zvokusaita basa ravo rechiKristu.—Ruka 9:57-62.

14. (a) Petro, Andreya, Jakobho uye Johani vakaita sei pavakakokwa naJesu kuti vave vabati vevanhu? (b) Nei tisingafaniri kuzeza kugamuchira joko raJesu?

14 Muenzaniso waPetro, Andreya, Jakobho uye Johani wakasiyana chaizvo. Jesu paakavakoka kuti vamutevere uye vave vabati vevanhu, Bhaibheri rinoti: “Vakabva vangosiya mambure acho, vakamutevera.” (Mateu 4:19-22) Pavakabva vangosarudza kumutevera, vakazvionera zvavakazoudzwa naJesu pave paya, zvokuti: “Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.” (Mateu 11:29, 30) Kunyange zvazvo kubhabhatidzwa kuchiunza joko romutoro, Jesu anotivimbisa kuti joko racho nderomutsa uye kuti rinotakurika uye richatizorodza zvikuru.

15. Muenzaniso waMosesi nowaJeremiya unoratidza sei kuti tinogona kuvimba kuti Mwari achatitsigira?

15 Chokwadi, munhu wose anombonzwawo sokuti angasakwanisa kuzoita zvaanofanira kuita. Pakutanga Mosesi naJeremiya vainzwa sokuti vakanga vasingakwanisi kuita mabasa avakapiwa naJehovha. (Eksodho 3:11; Jeremiya 1:6) Mwari akavasimbisa sei? Akaudza Mosesi kuti, “Ndichava newe.” Akavimbisa Jeremiya kuti, “Ini ndinewe kuti ndikununure.” (Eksodho 3:12; Jeremiya 1:8) Isuwo tinogona kuva nechivimbo chokuti tichatsigirwa naMwari. Kuda Mwari uye kuvimba naye kungatibatsira kukurira kusava nechokwadi nezvokuti tichakwanisa here kurarama zvinoenderana nokuzvitsaurira kwedu. “Murudo hamuna kutya,” akanyora kudaro muapostora Johani, “asi rudo rwakakwana runodzingira kutya kunze.” (1 Johani 4:18) Kakomana kangatya kufamba koga, asi kanova nechivimbo kana kachifamba kakabatwa ruoko nababa vako. Saizvozvowo, kana tichivimba naJehovha nemwoyo wedu wose, anovimbisa kuti “acharuramisa makwara” edu kana tikafamba pedyo naye.—Zvirevo 3:5, 6.

Chiitiko Chinokudzwa

16. Nei kubhabhatidzwa kuchireva kunyudzwa mumvura zvakakwana?

16 Vanhu vasati vabhabhatidzwa, panowanzotanga papiwa hurukuro yomuMagwaro inotsanangura zvinorehwa nokubhabhatidzwa somuKristu. Panopera hurukuro iyi, vanoda kubhabhatidzwa vanokumbirwa kuti vazivise pachena kutenda kwavo nokupindura mibvunzo miviri yavanobvunzwa. (VaRoma 10:10; ona bhokisi riri papeji 22.) Zvadaro vanoda kubhabhatidzwa vanonyudzwa mumvura, maererano nomuenzaniso wakagadzwa naJesu pachake. Bhaibheri rinoratidza kuti abhabhatidzwa, Jesu “akabuda mumvura.” (Mateu 3:16; Mako 1:10) Zviri pachena kuti Johani Mubhabhatidzi akanga anyudza Jesu mumvura zvakakwana. * Kunyudzwa zvakakwana kunoratidza zvakakodzera kuchinja kunoshamisa kwatinenge taita muupenyu hwedu—tinoita sokuti tafa mumararamiro ataimboita totanga mararamiro matsva mubasa raMwari.

17. Vanoda kubhabhatidzwa uye vanenge vachiona vangabatsira sei kuti chiitiko chacho chikudzwe?

17 Kubhabhatidzwa chiitiko chinokosha uye chinofadza. Bhaibheri rinoratidza kuti Jesu akanga achinyengetera paakanyudzwa muRwizi rwaJodhani naJohani. (Ruka 3:21, 22) Maererano nomuenzaniso uyu, vanoda kubhabhatidzwa mazuva ano vanofanira kuzvibata zvakakodzera. Uye sezvo Bhaibheri richitikurudzira kuti tipfeke zvine mwero mazuva ose, tinotofanira kuteerera zano iri chaizvo musi watinenge tichibhabhatidzwa! (1 Timoti 2:9) Vanenge vachiona vanogonawo kuratidza ruremekedzo rwakakodzera nokunyatsoteerera hurukuro yorubhabhatidzo uye nokutarira chiitiko chacho nenzira yakarongeka.—1 VaKorinde 14:40.

Zvikomborero Zvinowanikwa Nevadzidzi Vakabhabhatidzwa

18, 19. Kubhabhatidzwa kunounza ropafadzo nezvikomborero zvipi?

18 Kana tangozvitsaurira kuna Mwari tikabhabhatidzwa, tinova nhengo dzemhuri yakasiyana nedzimwe dzose. Kutanga, Jehovha anova Baba vedu uye Shamwari yedu. Tisati tabhabhatidzwa, taiva takaparadzaniswa naMwari; iye zvino tinoyananiswa naye. (2 VaKorinde 5:19; VaKorose 1:20) Nechibayiro chaKristu, tinoswedera pedyo naMwari uye iye anoswedera pedyo nesu. (Jakobho 4:8) Muprofita Maraki anorondedzera kuti Jehovha anoteerera sei uye anonzwa vaya vanoshandisa zita rake uye vanoshevedzwa naro, uye anoisa mazita avo mubhuku rokuyeuchidza. “Vachava vangu,” Mwari anodaro, “ndichavanzwira tsitsi, sezvinoita murume anonzwira nyasha mwanakomana wake anomushandira.”—Maraki 3:16-18.

19 Kubhabhatidzwa kunoitawo kuti tive mumwe wehama dzomunyika yose. Muapostora Petro paakabvunza vadzidzi vaKristu kuti vaizowana zvikomborero zvei nokuda kwokuzvibayira kwavakanga vaita, Jesu akavimbisa kuti: “Munhu wose akasiya dzimba kana vanun’una kana hanzvadzi kana baba kana amai kana vana kana minda nokuda kwezita rangu achagamuchira zvakapetwa kazhinji uye achagara nhaka youpenyu husingaperi.” (Mateu 19:29) Kwapera makore, Petro akanyora nezve“sangano rose rehama” rakanga ratanga “munyika.” Petro akanga azvionera rutsigiro uye zvikomborero zvokuva nehama dzine rudo, uye isu tinogonawo kuzviona.—1 Petro 2:17; 5:9.

20. Itariro ipi yakanaka zvikuru yatinova nayo kana tabhabhatidzwa?

20 Uyezve, Jesu akataura kuti vaya vanomutevera vacha“gara nhaka youpenyu husingaperi.” Chokwadi, kuzvitsaurira nokubhabhatidzwa kunoita kuti tive netariro ‘yokubatisisa upenyu chaihwo’—upenyu husingaperi munyika itsva yaMwari. (1 Timoti 6:19) Pane here hwaro hweramangwana hwatingazvivakira isu nemhuri dzedu hunopfuura uhwu? Iyi tariro yakanaka zvikuru ichaita kuti tikwanise ku“famba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingagumi, kunyange nokusingaperi.”—Mika 4:5.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 VaJudha nevatendeuki zviuru zvitatu vakateerera zvakataurwa naPetro paPendekosti vakakurumidzawo kubhabhatidzwa. Chokwadi, kufanana nomukuru mukuru wokuItiopiya, vakanga vachitoziva dzidziso dzinokosha uye zvinotaurwa neShoko raMwari.—Mabasa 2:37-41.

^ ndima 16 Shoko rechiGiriki rokuti baʹpti·sma (kubhabhatidzwa) rinoreva “kunyudzwa, kufukidzwa nemvura, uye kubuda,” maererano neExpository Dictionary of New Testament Words rakanyorwa naVine.

Ungatsanangura Here?

• Tinobvuma rudo rwaJehovha sei, uye nei tichifanira kudaro?

• Munhu anofanira kufambira mberi pakunamata kusvikira papi asati abhabhatidzwa?

• Nei tisingafaniri kubvumira kuti kutya kukundikana kana kuti kusada kugamuchira mitoro kutitadzise kubhabhatidzwa?

• Zvikomborero zvipi zvakasiyana nezvimwe zvingawanwa nevadzidzi vaJesu Kristu vakabhabhatidzwa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

“Chii chinonditadzisa kubhabhatidzwa?”

[Mifananidzo iri papeji 29]

Kubhabhatidzwa chiitiko chinokosha uye chinofadza