Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunzwisisa Bhaibheri—Chii Chichakubatsira?

Kunzwisisa Bhaibheri—Chii Chichakubatsira?

Kunzwisisa Bhaibheri—Chii Chichakubatsira?

“MAKANYATSOVANZIRA vakachenjera nevakangwara zvinhu izvi, mukazvizarurira vacheche.” (Ruka 10:21) Mashoko aya akataurwa naJesu kuna Baba vake vokudenga anoratidza kuti tinofanira kuva nemaonero akanaka kuti tinzwisise Bhaibheri. Uchenjeri hwaJehovha hunooneka pakuti akaita kuti pave nebhuku rinongogona kunyatsonzwisiswa nevanhu vanozvininipisa, vanobvuma kudzidziswa.

Kuzvininipisa hakusi nyore kune vakawanda vedu. Tose takaberekwa tichida kudada. Kuwedzera kune izvozvo, tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira,” pamwe chete nevanhu “vanozvida, . . . vakaoma musoro, vanozvitutumadza nokuda kwokudada.” (2 Timoti 3:1-4) Aya maonero angativhiringidza kunzwisisa Shoko raMwari. Zvinosuruvarisa kuti kusvika pamwero wakati, zvatinoita tose zvedu zvinokonzerwa nemaonero evanhu vanenge vakatipoteredza. Saka, ungava sei nemaonero anodiwa kuti unzwisise Bhaibheri?

Kugadzirira Mwoyo Nepfungwa

Ezra, mutungamiriri wekare wevanhu vaMwari, aka“gadzirira mwoyo wake kuti aone kuti mutemo waJehovha unotii.” (Ezra 7:10) Pane here nzira yatingagadzirira nayo mwoyo yedu? Iripo. Tinogona kutanga nokuona Magwaro zvakanaka. Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vaainamata navo kuti: “Pamakagamuchira shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko revanhu, asi, sezvariri chaizvo, seshoko raMwari.” (1 VaTesaronika 2:13) Kunyange zvazvo vanhu varivo vakashandiswa kuti vanyore Magwaro, zvavakanyora zvaibva kuna Jehovha. Kuziva pfungwa iyoyo inokosha kuchaita kuti tinyanye kuda kuita zvatinoverenga.—2 Timoti 3:16.

Imwe nzira yatingagadzirira nayo mwoyo yedu ndeyokunyengetera. Sezvo Bhaibheri rakafuridzirwa nomudzimu mutsvene, tichanzwisisa mashoko ari mariri kana tichibatsirwa nomudzimu iwoyo. Tinofanira kunyengeterera kuti Mwari atibatsire nomudzimu mutsvene. Ona kuti munyori wepisarema aiva nehanya nazvo sei paakanyora kuti: “Itai kuti ndinzwisise, kuti ndichengete mutemo wenyu uye kuti ndiuchengete nomwoyo wose.” (Pisarema 119:34) Hatifaniri kungonyengeterera kuti tive nemano okunzwisisa zvakanyorwa asiwo kunyengeterera kuti mwoyo yedu ibvume kuzviita. Kuti tinzwisise Bhaibheri, tinofanira kubvuma zvarinotaura.

Sezvaunofungisisa kuti uve nemaonero akanaka, funga nezvokuti kudzidza Bhaibheri kungakubatsira sei. Tine zvikonzero zvakawanda zvakanaka chaizvo zvokuti tiverenge Shoko raMwari, asi chinonyanya kukosha ndechokuti rinotibatsira kuswedera pedyo naMwari. (Jakobho 4:8) Sezvatinoverenga kuti Jehovha anoita sei mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, kuti anokoshesa chaizvo vaya vanomuda, uye kuti anoita sei kune vaya vanomusiya, tinonzwisisa kuti munhu akaita sei. Nguva dzose vavariro yedu huru yokuverenga Bhaibheri inofanira kuva yokunyatsoziva Mwari uye kusimbisa ukama hwedu naye.

Zvipingamupinyi Pakuva Nemaonero Akanaka

Chii chingativhiringidza kunzwisisa Shoko raMwari? Chimwe chipingamupinyi ndechokuvimba zvisina kukodzera nezvinodavirwa nomumwe munhu. Somuenzaniso, ungakoshesa zvikuru zvinodavirwa uye zvinotaurwa nevamwe vanhu. Asi, zvakadini kana vanhu ava vasingatsigiri chaizvoizvo kana kukoshesa chokwadi cheShoko raMwari? Mumamiriro ezvinhu akadaro, zvingava zvakaoma kuti unzwisise zvinonyatsodzidziswa neBhaibheri. Saka, Bhaibheri rinotikurudzira kunyatsoongorora zvatave tichidzidziswa.—1 VaTesaronika 5:21.

Mariya, amai vaJesu, akatarisana nedambudziko rakadaro. Akarerwa maererano netsika dzechiJudha. Ainyatsochengeta Mutemo waMosesi uye hapana mubvunzo kuti aienda kusinagogi. Pave paya akaziva kuti manamatiro aakanga adzidziswa nevabereki vake akanga asingachagamuchirwi naMwari. Somugumisiro, Mariya akagamuchira dzidziso dzaJesu uye akanga ari imwe yenhengo dzokutanga dzeungano yechiKristu. (Mabasa 1:13, 14) Izvi hazvirevi kuti akanga asingacharemekedzi vabereki vake kana kuti tsika dzavo; asi zvairatidza kuda kwaaiita Mwari. Kuti tibatsirwe neBhaibheri, saMariya tinofanira kuva vakavimbika kuna Mwari tisati tavimbika kuna ani naani zvake.

Zvinosuruvarisa kuti vanhu vakawanda havakoshesi chokwadi cheBhaibheri. Vamwe vanogutsikana nokutevera tsika dzechitendero dzisiri dzechokwadi. Vamwe vanoratidza kuti havakoshesi chokwadi nezvavanotaura uye nemararamiro avo. Naizvozvo, kugamuchira chokwadi cheBhaibheri kunoda kuzvibayira: Kungaita kuti usawirirana neshamwari dzako, vavakidzani, vaunoshanda navo, kunyange vomumhuri mako chaivo. (Johani 17:14) Kunyange zvakadaro, murume akachenjera akanyora kuti: “Tenga chokwadi urege kuchitengesa.” (Zvirevo 23:23) Kana uchinyatsokoshesa chokwadi, Jehovha achakubatsira kunzwisisa Bhaibheri.

Chimwezve chipingamupinyi chokunzwisisa shoko reBhaibheri kusada kuita zvarinotaura. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Imi makapiwa kunzwisisa zvakavanzika zvitsvene zvoumambo hwokumatenga, asi vanhu ivavo havana kubvumirwa kuzvinzwisisa. Nokuti mwoyo yevanhu ava yava mikukutu, uye vakanzwa nenzeve dzavo vasingadavidzi.” (Mateu 13:11, 15) Vakawanda vevakaparidzirwa naJesu havana kuteerera, vakanga vasingadi kuchinja. Vakanga vakasiyana chaizvo nomunhu aifamba achitengesa akataurwa naJesu mumufananidzo! Paakawana parera rimwe raikosha kwazvo, munhu wacho aifamba achitengesa akabva angotengesa zvinhu zvose zvaaiva nazvo kuti aritenge. Tinofanira kunge tichikoshesa kunzwisisa chokwadi cheBhaibheri zvakafanana.—Mateu 13:45, 46.

Dambudziko Rokuva Munhu Anoda Kudzidziswa

Dambudziko guru pakunzwisisa Bhaibheri nderokuva munhu anoda kudzidziswa. Munhu angaomerwa nokubvuma pfungwa itsva dzinotaurwa nomumwe anoita seakaderera. Asi, vaapostora vaJesu Kristu vakanga “vari vanhuwo zvavo, vasina kudzidza.” (Mabasa 4:13) Achitsanangura chikonzero chacho, Pauro akanyora kuti: “Munoona kukudanai kwaakaita, hama, kuti havasi vazhinji vevakachenjera panyama vakadanwa, havasi vane simba vazhinji, havasi vazhinji veimba huru; asi Mwari akasarudza zvinhu zvoupenzi zvenyika, kuti anyadzise vanhu vakachenjera.” (1 VaKorinde 1:26, 27) Kana ukaona zvichikuomera kuzvininipisa paunenge uchidzidziswa nomunhu akaderera, yeuka kuti iye ari kungoshandiswa naMwari kuti akudzidzise. Ndokupi kumwe kukudzwa kungapfuura kudzidziswa naJehovha, “Murayiridzi we[d]u Mukuru”?—Isaya 30:20; 54:13.

Mutungamiriri weuto rokuSiriya Naamani aiva munhu aiomerwa nokuudzwa zvokuita nomunhu akaderera. Paaida kurapwa maperembudzi ake, akaenda kunoona Erisha muprofita waJehovha. Asi Naamani akaudzwa nomushandi mirayiridzo yaMwari yezvaaifanira kuita kuti apore. Mashoko acho nenzira yaakataurwa nayo zvakaomera Naamani kuti aagamuchire nokuzvininipisa, zvokuti pakutanga akaramba kuteerera shoko romuprofita waMwari. Pave paya, Naamani akachinja maonero ake uye akaporeswa. (2 Madzimambo 5:9-14) Patinodzidza Bhaibheri, tinowana dambudziko rakafanana. Tingadzidza kuti tinofanira kutevera mararamiro matsva kuti tirapwe mune zvokunamata uye mutsika. Tichazvininipisa tobvuma kuti mumwe munhu atidzidzise zvatinofanira kuita here? Vaya bedzi vanoda kudzidziswa ndivo vanogona kunzwisisa Bhaibheri.

Mumwe murume aiva nechinzvimbo aiva pasi paKandase mambokadzi wevaItiopiya, akaratidza kuti aiva nemaonero akanaka chaizvo. Akanga ari kudzoka kuAfrica ari mungoro yake mudzidzi Firipi paakamhanya ari padivi pake akatanga kutaura naye. Firipi akabvunza murume wacho kana ainzwisisa zvaakanga ari kuverenga. Mukuru mukuru wacho akazvininipisa uye akapindura kuti: “Chokwadi, ndingadaro sei kana mumwe asingandirayiridzi?” Paakanzwisisa Shoko raMwari, murume iyeye akabhabhatidzwa. Pashure paizvozvo, “akaramba achienda zvake achifara.”—Mabasa 8:27-39.

Zvapupu zvaJehovha zvakawanda vanongova vanhuwo zvavo. Vhiki nevhiki vanodzidzisa Bhaibheri mumisha yevanhu vanopfuura mamiriyoni matanhatu. Sezvo Bhaibheri richidzidzisa mararamiro akanaka kupfuura mamwe ose, richitsanangura tariro yechokwadi bedzi ine vanhu, uye richitaura kuti tingaziva sei Mwari zviri nani, mamiriyoni akaona kuti kudzidza Bhaibheri uye kunzwisisa zvarinotaura kunofadza zvikuru. Iwewo unogona kunakidzwa nokuridzidza.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Naamani akaomerwa nokugamuchira mirayiridzo yaibva kumushandi akaderera

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kunzwisisa Bhaibheri kunofadza mwoyo yedu