Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunzwisisa Bhaibheri—Chinhu Chaunogona Kuita Uchinakidzwa

Kunzwisisa Bhaibheri—Chinhu Chaunogona Kuita Uchinakidzwa

Kunzwisisa Bhaibheri—Chinhu Chaunogona Kuita Uchinakidzwa

BHAIBHERI rine chokwadi chinokosha chinobva kuna Mwari. Rinotiudza chinangwa choupenyu, zvinoita kuti vanhu vatambure, uye ramangwana revanhu. Rinotidzidzisa kuti tingawana sei mufaro, kuti tingava sei neshamwari, uye kuti tingabudirira sei kugadzirisa zvinetso. Chinotokosha zvikuru, rinotidzidzisa nezvoMusiki wedu Jehovha, anova Baba vedu vokudenga. Kuziva izvozvo kunotifadza uye kunoita kuti upenyu hwedu huve nechinangwa.

MuBhaibheri kuwana zivo yaMwari kunofananidzwa nokudya. Jesu akati: “Munhu haangararami nechingwa chete, asi nemashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.” (Mateu 4:4; VaHebheru 5:12-14) Sezvo tichifanira kudya zvokudya zvinovaka muviri zuva nezuva kuti tirambe tichirarama, saka tinofanirawo kuverenga Shoko raMwari nguva dzose kuti tibatsirwe nechipikirwa chaMwari choupenyu husingaperi.

Masikirwo atakaitwa anoita kuti tinakirwe nezvokudya uye tinozvifarira nokuti zvinogutsa zvatinoda zvinokosha. Zvisinei, kana tichida kufara pane chimwe chinhu chinokosha chatinofanira kugutsa. Jesu akati: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateu 5:3) Tinogona kufara kana tikagutsa chinodiwa ichocho chomudzimu nokunzwisisa Shoko raMwari.

Chokwadi, vamwe vanoomerwa nokunzwisisa Bhaibheri. Somuenzaniso, ungada kubatsirwa kunzwisisa magwaro anotaura nezvetsika dzausina kujaira kana kuti anoshandisa mashoko okufananidzira. Uyewo, kune uprofita hwakanyorwa nomutauro wokufananidzira hwaunongogona kunzwisisa kana waverenga mamwe magwaro omuBhaibheri anotaura nezvenyaya iyoyo. (Dhanieri 7:1-7; Zvakazarurwa 13:1, 2) Kunyange zvakadaro, unogona kunyatsonzwisisa Bhaibheri. Ungava sei nechokwadi chokuti unogona kurinzwisisa?

Vanhu Vose Vanogona Kunakidzwa Naro

Bhaibheri iShoko raMwari. Mariri Mwari anotaura zvaanoda kwatiri. Mwari aizotipa bhuku risinganzwisisiki kana kuti rinongonzwisiswa nevanhu vakadzidza chaizvo here? Aiwa, Jehovha aisazoita utsinye hwakadaro. Kristu Jesu akati: “Ndibaba vapi pakati penyu, vanoti kana mwanakomana wavo akakumbira hove, vangamutambidza nyoka panzvimbo pehove? Kana kuti akakumbirawo zai, vangamugamuchidza chinyavada here? Naizvozvo, kana imi muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, kunyange zvazvo makaipa, Baba vari kudenga vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene zvikuru sei!” (Ruka 11:11-13) Saka, ungava nechokwadi chokuti unogona kunzwisisa Bhaibheri uye kuti kana ukakumbira Mwari nomwoyo wose, achakupa rubatsiro rwaunoda kuti unzwisise Shoko rake. Kutaura zvazviri, dzidziso dzinokosha dzeBhaibheri dzinogona kunzwisiswa kunyange nevana!—2 Timoti 3:15.

Kunyange zvazvo zvichida kushanda nesimba kuti tinzwisise Bhaibheri, kuita izvozvo kunogona kutisimbisa uye kutikurudzira. Amutswa, Jesu akazviratidza kuvadzidzi vake vaviri uye akataura navo nezvouprofita hweBhaibheri. Nhoroondo yaRuka inoti: “Achitangira pane Zvakanyorwa naMosesi nezvose Zvakanyorwa nevaprofita, akavadudzira zvinhu zvaiva necho- kuita naye muMagwaro ose.” Zvakaguma nei? Manheru iwayo, pavaifunga nezvezvavakanga vaudzwa, vadzidzi vacho vakataurirana vachiti: “Mwoyo yedu yanga isingatsvi here zvaanga achitaura nesu mumugwagwa, zvaanga achitivhurira kwazvo Magwaro?” (Ruka 24:13-32) Kunzwisisa Shoko raMwari kwakavafadza nokuti kwakasimbisa kutenda kwavo muzvipikirwa zvaMwari uye kwakaita kuti vave netariro yeramangwana.

Pane kuva chinhu chakaoma, kunzwisisa Shoko raMwari kunonakidza uye kunobatsira, sezvinoita kudya zvokudya zvinovaka muviri. Unofanira kuitei kuti unzwisise shoko raMwari saizvozvo? Nyaya inotevera inoratidza kuti ungawana sei “zivo pamusoro paMwari.”—Zvirevo 2:1-5.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Sezvinoita baba vane rudo, Jehovha anotipa mudzimu mutsvene kuti utibatsire kunzwisisa Bhaibheri