Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Tingadzidzei pamurayiro wokurambidza watinowana pana Eksodho 23:19, wokuti: “Usabika mbudzana nomukaka waamai vayo”?

Murayiro uyu woMutemo waMosesi unowanikwa katatu muBhaibheri, ungatibatsira kunzwisisa maonero anoita Jehovha zvinhu zvakakodzera, tsitsi dzake, uye unyoro hwake. Unosimbisawo kuvenga kwaanoita kunamata kwenhema.—Eksodho 34:26; Dheuteronomio 14:21.

Kubika mbudzana kana kuti imwe mhuka mumukaka waamai vayo kwaizopesana nemasikiro akaita Jehovha zvinhu. Mwari akapa mukaka waamai kuti uvake muviri wembudzana uye kuti ikure. Maererano nezvakataurwa neimwe nyanzvi, kubika mbudzana mumukaka waamai vayo kwairatidza “kusaremekedza ukama hwakasimbiswa uye hwakatsveneswa naMwari hwomubereki nomwana.”

Uyezve, vamwe vanotaura kuti kubika mbudzana mumukaka waamai vayo ingangove yaiva tsika yechihedheni yaiitirwa kuti mvura inaye. Kana yakanga iri tsika yechihedheni, kurambidza kwacho kwaizodzivirira vaIsraeri patsika dzechitendero dzoupenzi uye dzoutsinye dzemarudzi akanga akavapoteredza. Mutemo waMosesi wairambidza zvakananga vaIsraeri kufamba mumirau yemarudzi iwayo.—Revhitiko 20:23.

Pakupedzisira, mutemo uyu unoratidza tsitsi huru dzaJehovha. Zvechokwadi, Mutemo waiva nemirayiro yakawanda yakafanana yairambidza kuitira mhuka utsinye uye yaiita kuti vasaite zvaipesana nemasikirwo ezvinhu. Somuenzaniso, Mutemo waisanganisira mirayiro yairambidza kubayira mhuka kutoti yagara naamai vayo kweanenge mazuva manomwe, kuuraya mhuka pamwe nevana vayo pazuva rimwe chete, uye kutora zvose amai nemazai acho kana kuti vana vacho mudendere.—Revhitiko 22:27, 28; Dheuteronomio 22:6, 7.

Sezviri pachena, Mutemo wakanga usingori muunganidzwa wemirayiro nezvirambidzo zvakaoma. Chimwe chaibatsira paMutemo uyu ndechokuti zvaunotaura zvinobatsira kusimudzira tsika dzedu dzinoratidza zvechokwadi unhu hwaJehovha hunoshamisa.—Pisarema 19:7-11.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]

© Timothy O’Keefe/Index Stock Imagery